RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 7/1 p. 15
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Mashoko Akafanana
  • Zvigayo Zvinotiwanisa Zvokudya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 7/1 p. 15

WAIZVIZIVA HERE?

Guyo raishandiswa sei kare?

Guyo raishandiswa pakukuya tsanga dzezvirimwa kuita furawa yekubikisa chingwa. Mudzimba dzakawanda, guyo raishandiswa nevakadzi kana kuti varanda zuva rimwe nerimwe. Kurira kweguyo kwainzwika zuva roga roga munguva dzekare.—Eksodho 11:5; Jeremiya 25:10.

Chivezwa chekuEgypt chemunhu ari kukuya

Mifananidzo nezvivezwa zvekare zvekuEgypt zvinoratidza kuti vanhu vaikuya sei. Tsanga dzezvirimwa dzaiiswa padombo rakati dzikirei nechepakati rinonzi guyo. Munhu aikuya aipfugama pamberi peguyo akabata dombo diki rinonzi huyo nemaoko ese, okuya achirishandisa. Rimwe bhuku rakati, huyo dzacho dzaiwanzorema 2kg kusvika ku4kg. Huyo yakadaro payaishandiswa sechombo yaigona kuuraya munhu.—Vatongi 9:50-54.

Kukuya tsanga dzezvirimwa kwaikosha chaizvo kuti mhuri irarame zvekuti Bhaibheri rairambidza kuti munhu abatire mumwe wake guyo kana aine chikwereti naye. Dheuteronomio 24:6 inoti: “Hapana anofanira kutora guyo kana huyo yaro sechokumbofanobata, nokuti zvakafanana nokutora mweya kuti uve chokumbofanobata.”

Mashoko okuti “nzvimbo yepachipfuva” anorevei?

Muapostora Johani ari panzvimbo yepachipfuva chaJesu paPaseka yekupedzisira

Bhaibheri rinoti Jesu “ari panzvimbo yepachipfuva chaBaba.” (Johani 1:​18) Mashoko aya anoratidza kuti Jesu ari pedyo naMwari uye kuti anofarirwa naye. Anoenderana nezvaiitwa nevaJudha pavaigara kuti vadye.

Munguva yaJesu, vaJudha vaigara pazvigaro zvaiva zvakapoteredza tafura yavaidyira. Musoro wemumwe nemumwe wainge uri pedyo netafura, ruoko rwake rweruboshwe rwakatsenhamira piro uye tsoka dzake dziri nechekure netafura. Izvi zvaiita kuti munhu akwanise kushandisa ruoko rwake rwerudyi. Sezvo vose vaitsenhama nekuruboshwe, mumwe ari pamberi pemumwe, “musoro wemumwe nemumwe wainge uri pedyo nechipfuva cheari pamashure pake, saka ainzi ‘akazendamira pachipfuva’ chemumwe,” rinodaro rimwe bhuku.

Kuzendama pachipfuva chasamusha kana kuti chemunhu anenge akukoka kumabiko kwaiva kuremekedzwa chaiko. Saka paPaseka yaJesu yekupedzisira, “mudzidzi aidiwa naJesu,” muapostora Johani, ndiye aiva pedyo nepachipfuva chaJesu. Ndokusaka aikwanisa ‘kuzendamira pachipfuva chaJesu’ kuti amubvunze mubvunzo.​—Johani 13:​23-​25; 21:​20.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe