RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w14 11/1 p. 3
  • Satani Ariko Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Satani Ariko Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Satani
    Mukai!—2013
  • Ngwarira—Satani Anoda Kukudya!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Ziva Muvengi Wako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Vatongi Munzvimbo Yomudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
w14 11/1 p. 3

NYAYA IRI PAKAVHA | SATANI ARIKO HERE?

Satani Ariko Here?

Chivezwa chengirozi yakapanduka inonzi Satani

Chivezwa chiri kuMadrid, muSpain, chiri kuratidza Satani sengirozi yakapanduka uye yakaipa

“Ndakakurira munyika yeEl Salvador. Pandaiita misikanzwa, amai vangu vaiti, ‘Satani ari kuuya kuzokutora!’ Ini ndaibva ndati, ‘Ngaauye!’ Ndinotenda muna Mwari kwete muna Satani.”​—ROGELIO.

Unobvumirana nemafungiro aiva naRogelio achiri mudiki here? Ipfungwa ipi inoita seine musoro kwauri pane dzinotevera?

  • Satani haako asi hunongova uipi huri muvanhu.

  • Satani ariko asi haanyanyi kufunga nezvevanhu.

  • Satani chisikwa chine simba chisingaoneki chiri kufurira vanhu zvakanyanya.

Imwe neimwe yepfungwa idzi ine vanhu vangatosvika mamiriyoni vanoitsigira. Asi zvine basa here kuona kuti ndeipi yakarurama? Kana kusina chinonzi Satani, vose vanoti ariko vakarasika. Kana Satani ariko asi asina basa nevanhu, vakawanda vanozvinetsa kana kuti vanongotya pasina. Asi kana Satani ariko uye achifurira vanhu, zvinoreva kuti ane ngozi kupfuura zvinofungwa nevakawanda.

Ngationgororei kuti Magwaro Matsvene anopindura sei mibvunzo iyi: Satani chii kana kuti ndiani? Hunongovawo uipi here kana kuti chisikwa chisingaoneki? Kana Satani ari chisikwa, angava nengozi here kwauri? Kana aine ngozi, ungazvidzivirira sei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe