RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w11 6/1 p. 18
  • Waizviziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Waizviziva Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mashoko Akafanana
  • MuPristi Mukuru Akawanira Jesu Mhosva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Jesu Anoendeswa Kuna Anasi, Ozoendeswa Kuna Kayafasi
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • “Unofanira Kufa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Petro Anoramba Jesu
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
w11 6/1 p. 18

Waizviziva Here?

Kugara kwakaita muapostora Petro nomusukuti wematehwe asati audzwa kuti aende kuna Koneriyasi kune zvakunotidzidzisa here?

▪ Nhoroondo iri muna Mabasa inoti Petro akagara “kwemazuva mazhinji . . . muJopa nomumwe munhu ainzi Simoni, musukuti wematehwe,” aiva ane “imba iri pedyo negungwa.” (Mabasa 9:43; 10:6) VaJudha vaiona basa rokusukuta matehwe serisina kuchena uye vairizvidza. Bhuku rechitendero chechiJudha rinonzi Talmud rinoti vainhonga ndove vaitonzi vari nani pane vasukuti vematehwe. Basa raSimoni raiita kuti agare achibata zvitunha zvemhuka, zvichimuita kuti agare asina kuchena. (Revhitiko 5:2; 11:39) Maererano nemabhuku akasiyana-siyana anotaura nezvenyaya yacho, Simoni angangodaro aishandisa mvura yomugungwa pakuita basa rake, uye angangodaro aishandira nechokunze kwetaundi racho nokuti kusukuta matehwe “kwaiita kuti pave nomunhuhwi wakaipa.”

Pasinei nezvose izvi, zviri pachena kuti Petro haana kuramba kunogara naSimoni. Izvi zvinoratidza sokuti Petro akatevedzera Jesu pakuramba mafungiro evaJudha okushora vamwe vanhu vachivati havana kuchena.—Mateu 9:11; Ruka 7:36-50.

Mashoko aJesu okuti “iwe ndiwe wazvitaura” anorevei?

▪ Jesu paakanzi nomupristi mukuru wechiJudha Kayafasi ataure zvinonzwika kana aiva Kristu Mwanakomana waMwari, akapindura kuti: “Iwe ndiwe wazvitaura.” (Mateu 26:63, 64) Airevei?

Jesu akanga asiri kuedza kunzvenga mubvunzo waKayafasi. Mashoko okuti “iwe ndiwe wazvitaura” idimikira rechiJudha rairatidza kuti mashoko ataurwa ndeechokwadi. Somuenzaniso, bhuku rechitendero chechiJudha rinonzi Jerusalem Talmud rakanyorwa muzana remakore rechina C.E., rinotaura nezvemumwe murume wechiJudha akabvunzwa kana rabhi akanga afa, achibva apindura kuti: “Ndiwe wazvitaura.” Matauriro aya aisimbisa kuti rabhi akanga afa zvechokwadi.

Jesu aiziva kuti mupristi mukuru aiva nemasimba okuita kuti apike kuti aizotaura chokwadi. Uyewo, kudai Jesu akaramba akangonyarara, zvaizoita sokuti ari kuramba kuti ndiye Kristu. Saka mhinduro yaJesu yokuti: “Iwe ndiwe wazvitaura” yaitosimbisa kuti zvaiva zvataurwa nomupristi mukuru ichokwadi. Munhoroondo iri muna Mako yakafanana neiyi, Jesu paakabvunzwa naKayafasi kuti ndizvo here kuti aiva Mesiya, akapindura kuti: “Ndini.”—Mako 14:62; onawo Mateu 26:25 uye Mako 15:2.

[Mufananidzo uri papeji 18]

Nzvimbo yokusukutira matehwe kuFez, Morocco

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe