RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 11/1 p. 30
  • “Achaita Kuti Umuwane”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Achaita Kuti Umuwane”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Kunzwisisa Jesu—Dhavhidhi Mukuru Uye Soromoni Mukuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Soromoni Anotonga Nouchenjeri
    Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei?
  • Muenzaniso Wakanaka Kwauri Here Kana Kuti Inyevero?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • “Ndidzidzisei Kuita Kuda Kwenyu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 11/1 p. 30

Swedera Pedyo naMwari

“Achaita Kuti Umuwane”

1 MAKORONIKE 28:9

MWARI unomuziva here? Mubvunzo uyu ungaita sokuti hauna kuoma kupindura. Zvechokwadi kuziva Mwari kunosanganisira kunyatsoziva zvaanoda uye nzira dzake. Tikadaro zvichaita kuti tive pedyo-pedyo naye uye mararamiro edu achachinja. Zvingaita here kuti tiswedere pedyo naye zvakadaro? Kana zvichiita, tingazviita sei? Mhinduro dzacho tinogona kudziwana muzano rakapiwa Soromoni nababa vake Mambo Dhavhidhi riri pana1 Makoronike 28:9.

Chimbofungidzira uripo zvichiitika. Dhavhidhi atonga vaIsraeri kwemakore anoda kusvika 40, uye rudzi rwacho rwabudirira chaizvo paruri kutongwa naye. Soromoni mukomana wechiduku chaizvo, ndiye achamutsiva pachigaro. (1 Makoronike 29:1) Zvavava kuonekana, Dhavhidhi achapa mwanakomana wake zano rei?

Achitaura zvazvakanakira kushumira Mwari, Dhavhidhi anotanga nokuti: “Mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako.” Dhavhidhi haasi kungoreva kuziva nezvaMwari. Soromoni agara anotonamata Jehovha, Mwari anonamatwa naDhavhidhi. Magwaro echiHebheru anenge 11 akatopera kunyorwa uye zviri pachena kuti Soromoni anoziva zvinotaurwa nemanyoro matsvene aya nezvaMwari. Imwe nyanzvi yeBhaibheri inoti shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “ziva” rinogona kureva “munhu waunonyatsoziva.” Saka Dhavhidhi anoda kuti mwanakomana wake anyatsova noukama hwepedyo naMwari sezvaakanga aitawo.

Ukama ihwohwo hunofanira kuchinja mafungiro aSoromoni nemararamiro ake. Dhavhidhi anorayira mwanakomana wake kuti: ‘Shumira Mwari nomwoyo wakakwana uye nomweya unofara.’a Cherechedza kuti anotanga arayirwa kuziva Mwari asati arayirwa kuti amushumire. Kunyatsoziva Mwari kunoita kuti tide kumushumira. Asi haadi kuti timushumire nemwoyo miviri, tichizeza kana kuti tichiita zvokunyengedzera. (Pisarema 12:2; 119:113) Dhavhidhi anoteterera mwanakomana wake kuti ashumire Mwari nomwoyo wose asingaiti zvokumanikidzwa.

Nei Dhavhidhi achikurudzira mwanakomana wake kuti anamate Mwari nevavariro yakanaka nepfungwa dzakanaka? Dhavhidhi anotsanangura kuti: “Nokuti Jehovha anoongorora mwoyo yose, uye anonzwisisa zvose zvinodiwa nepfungwa.” Soromoni haafaniri kushumira Mwari kuitira kungofadza baba vake Dhavhidhi. Mwari ari kutsvaka vaya vanomuda nemwoyo wose.

Soromoni achatevedzera zvakanaka zvaiitwa nababa vake obva aswedera pedyo naJehovha here? Zviri kwaari kufuga kana kuwarira. Dhavhidhi anoudza mwanakomana wake kuti:“Kana ukamutsvaka, achaita kuti umuwane; asi kana ukamusiya, achakurasa nokusingaperi.” Kuti ave munamati ari pedyo naMwari, Soromoni anofanira kushanda nesimba kuti anyatsoziva Jehovha.b

Zano rakaita seringapiwa nababa rakabva kuna Dhavhidhi rinotivimbisa kuti Jehovha anoda kuti tiswedere pedyo naye. Asi kuti tive noukama hwakadaro, tinofanira ‘kumutsvaka,’ tichichera muMagwaro nechinangwa chokuda kunyatsomuziva. Kumuziva kunofanira kuita kuti tide kumushumira nomwoyo wose tisingamanikidzwi. Ndiwo manamatiro anodiwa naJehovha kuvanamati vake uye zvakakodzera kuti vadaro.​—Mateu 22:37.

[Mashoko Omuzasi]

a Dzimwe shanduro parugwaro urwu dzinoti: “Umushandire nomwoyo wose usingatsutsumwi.”

b Soromoni akambotanga kushumira Mwari nomwoyo wose, asi zvinosuwisa kuti haana kuzoramba akatendeka.​—1 Madzimambo 11:4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe