Vati Vawana Areka yaNoa Here?
ZVINOITA sokuti pane mashoko akawanda anongotaurwa nezvawo okutsvaka areka yaNoa. Izvi zvinonzwisisika. Chokwadi chinenge chiri chinhu chikuru chaicho kana vanochera matongo vakawana ngarava huru yakaponesa Noa nemhuri yake paMafashamo akaitika kare kare muna 2370-2369 B.C.E. Pasinei nezvakawanda zvakaitwa, vanhu vachiri kungotsvaka areka yaNoa. Pamashoko ose anotaurwa nezvawo mamwe acho ari okufungidzira uye achishamisa, chii chaicho chinozivikanwa nezveareka iyi?
Bhaibheri rinotiudza kuti areka yaNoa “yakagara pamusoro pemakomo eArarati.” (Genesisi 8:4) Dunhu reArarati rinosanganisira nzvimbo ine gomo rine mukurumbira rava kunzi Mount Ararat riri kumabvazuva kweTurkey, pedyo nemiganhu yeArmenia neIran.
Tsvakurudzo dzakawanda dzakaitwa munzvimbo iyi nechinangwa chokutsvaka areka yaNoa dzakaita kuti vanhu vataure mashoko anonakidza asi asingatorwi zvawo souchapupu hwokupedzisira. Mifananidzo yakanaka yakatorwa nomudenga iyo yakawanisa zvidimbu zvemapuranga zvakanamwa netara uye vamwe vanhu vanoti vakaona areka zvakaita kuti pade kutsvakwa uchapupu hunogutsa. Zvisinei, zvave zvakaoma kutsvaka areka iyi. Imwe nzvimbo inowanzotaurwa nezvayo nezvepangangove paive neareka iyi inzvimbo yakakwirira nemamita 4 600 pamativi egomo rinonzi Mount Ararat. Uyezve, pamusana pokusagadzikana kwezvematongerwo enyika, vanobva kune dzimwe nyika havawanzobvumirwi nomutemo kuenda pagomo racho nechinangwa chokutsvakurudza.
Kunyange zvakadaro, vakawanda vanofarira areka iyi vanoda chaizvo kuti nzvimbo iyi iongororwe nechinangwa chokutsvaka areka iyi. Vanofunga kuti mamwe mapuranga eareka iyi achiripo pagomo iri reMount Ararat, ari pasi pesinou nechando zvinenge zviri ipapa munguva yose yegore. Vanoti vanotarisira kuzoona areka iyi mumakore akunenge kuchidziya chete.
Tarisiro idzi dzakawedzerwa nemashoko akawanda anotaurwa. Mumwe munyori wenhau dzechiJudha anonzi Josephus womuzana remakore rokutanga C.E., anotaura nezvevamwe vanyori venhau vakawanda vakamutangira vakataura nezveareka vaiti areka yakanga ichiri kuoneka pagomo reArarati. Zvakatonzi vanhu vaigona kutora nokuchengeta zvidimbu zvemapuranga aiva netara eareka yacho kuti vazoiyeuka. Pavamwe varume vane mashoko akataurwa naJosephus pana Berossus munyori wokuBhabhironi womuzana remakore rechitatu B.C.E.
Muzana remakore rapfuura, mamwe mashoko anofadza akabva kune mumwe murume wokuArmenia, ainzi George Hagopian. Akati akaenda kunoona areka achiri kakomana nababamukuru vake pakutanga kwema1900 uye akatombofamba-famba paareka yacho. Hagopian akafa muna 1972, asi uchapupu hwake hunongoita kuti vakawanda vade kuziva nezvayo uye vasare vaine mibvunzo.
Ndizvo Zvichaita Kuti Tive Nokutenda Here?
Pane chikonzero here chokudavira kuti vatsvakurudzi ava vakawana areka iyi kana kuti vachazoiwana? Zvichida, asi zvinoita sokuti hazvina chokwadi. Chokutanga, yeuka kuti Bhaibheri haritauri nzvimbo chaiyo yakazogara areka mvura yemafashamo payakaserera. Rinongotaura nezve“makomo eArarati.”
Zvinhu zvinongotarisirwa hazvo kuti vatsvakurudzi nevaya vanofungidzira vasarudze gomo rakareba kupfuura ose ari munzvimbo yacho. Zvisinei, Magwaro haatauri zvakananga kuti Mwari akaronga here kuti areka yacho igare pamusoro chaipo pegomo reArarati, gomo rine chando mazuva ano rakareba makiromita anenge mashanu.a Yeuka kuti Noa nemhuri yake vakambogara muareka kwemwedzi inoverengeka yagara pasi. (Genesisi 8:4, 5) Zvinoita sokuti zvakanga zvisingaiti kuti pashure pokunge vabuda muareka, ivo nemhuka dzaiva muareka iyi vaburuke mugomo rakareba kudaro sezvinoitwa nevaya vanokwira makomo. Zvichida pagomo pakazogara areka paiva nyore kuburuka kupfuura zvinofungwa nevamwe vatsvakurudzi vemazuva ano, asi pakareba zvinoenderana nezvinotsanangurwa pana Genesisi 8:4, 5. Uye pasinei nepakagara areka yacho mudunhu reArarati, ingave isina kutsakatika mazana emakore akapfuura pamusana pokuora kana kuti nokupazwa nevanhu here?
Uyezve, pane zvimwe zvinoratidza kuti hapana chokwadi pamashoko anotaurwa nevanhu nezvekukosha kwezvechitendero pane vaya vanotsvakurudza nezveareka iyi. Mumwe akaronga chimwe chirongwa chokutsvakurudza uku akati areka iyi ikawanika “zvichasimbisa kutenda kwemamiriyoni evanhu . . . uye vakawanda vachatanga kutenda.” Pane mumwe musangano wokubudisa nhau wakaitwa muna 2004, akati areka iyi ikawanika “chichava chinhu chikuru zvikuru kubvira pakamutswa Kristu.” Chirongwa chake chokutsvakurudza chakazonzi chichiregwa.
Kuwana areka yaNoa kunombosimbisa kutenda uye kunyange kutoita kuti pave nokutenda here? Bhaibheri rinoratidza kuti kutenda kwechokwadi hakukonzerwi nezvinhu zvatinoona kana kubata. (2 VaKorinde 5:7) Vamwe vanhu vasina kutenda vanoomerera pakuti uchapupu hwezvinhu zvavanoona ndihwo chete huchaita kuti vatende dzimwe nhoroondo dziri muBhaibheri. Zvisinei, chokwadi ndechokuti kuvanhu vakadaro havambovi nokutenda kunyange vakawana uchapupu hwakawanda sei. Jesu pachake akati vamwe vanhu havambofi vakatenda chokwadi kunyange vakaona munhu achimutswa kune vakafa!—Ruka 16:31.
Ukuwo, kutenda kwechokwadi hakusi kungotendawo zvakwo; asi kutenda kunobva pauchapupu hwakasimba. (VaHebheru 11:1) Pane uchapupu hwakasimba here hungabatsira vanhu vanonzwisisa mazuva ano kuti vave nokutenda panyaya yomuBhaibheri yeMafashamo? Chokwadi huripo. Jesu Kristu akataura pachena kuti: ‘Noa akapinda muareka, uye mafashamo akasvika.’ (Ruka 17:26, 27) Uhwu ndihwo uchapupu hwakanakisisa hwatingawana. Nei?
Jesu akanga ari kudenga asati auya pasi. (Johani 8:58) Akaona kuvakwa kwakaitwa areka, uye akaona Mafashamo. Saka, uchapupu hupi hungakugutsa? Uchapupu hwaJesu here uyo akaona Mafashamo achiitika uye watinogona kunyatsovimba naye uye akaratidza kuti Mwanakomana waMwari? Kana kuti unogutsikana here nomukana muduku wokuti vanotsvakurudza vanowana zvidimbu zvemapuranga pamusoro pegomo panenge paine chando? Tikafunga saizvozvo, tinoona kuti uchapupu hunoratidza kuti areka yaNoa ndeyechokwadi hwakasimba zvikuru.
[Mashoko Omuzasi]
a Gomo rava kunzi Mount Ararat mazuva ano igomo rinoputika asi rakapedzisira kuputika muna 1840. Rakareba mamita 5 165 uye rinogara riine sinou gore rose.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 13]
Pane uchapupu hwakasimba here hunotsigira kuti nyaya yomuBhaibheri yeMafashamo ndeyechokwadi?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]
Jesu Kristu akataura pachena kuti: ‘Noa akapinda muareka, uye mafashamo akasvika’