RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 10/1 pp. 28-31
  • Kutenda Kwakandibatsira Kutsungirira Nhamo—Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutenda Kwakandibatsira Kutsungirira Nhamo—Sei?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ndaimbofara Muupenyu Zvinetso Zviri Zvishoma
  • Kurera Mwana Wedu Kuti Ade Jehovha
  • Kutambura Neleukemia
  • Kutenda kwaSaúl Kunobaya Mwoyo Yevamwe
  • “Ndakachengeta Kutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Kutarisana Nemamiriro Ezvinhu Anoda Kurumidziro Ezvokurapa
    Mukai!—1996
  • “Pose Pamunonyengetera, Itii, ‘Baba’”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Hatisati Tiri Vezvamashiripiti Kana Kuti vaMwari
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 10/1 pp. 28-31

Kutenda Kwakandibatsira Kutsungirira Nhamo—Sei?

YAKATAURWA NASOLEDAD CASTILLO

Ndingadai ndakaodzwa mwoyo kakawanda muupenyu hwangu pamusana pokusurukirwa, asi handina. Pandaiva nemakore 34 murume wangu akashaya. Kwapera makore matanhatu, baba vangu vakashayawo. Mwedzi misere baba vashaya, ndakaudzwa kuti mwanakomana wangu zai rangu regondo aiva nechirwere chaisarapika.

NDINONZI Soledad, zvichireva kuti “Kusurikirwa.” Kunyange zvazvo zvingashamisa, handina kumbobvira ndasurikirwa zvachose. Pandaitarisana nenhamo, ndaidavira kuti Jehovha Mwari aiva neni, ‘achindibata ruoko rwangu uye achindibatsira kuitira kuti ndisatya.’ (Isaya 41:13) Regai ndimbokutsanangurirai kutsungirira kwandakaita nhamo dzandakasangana nadzo uye kuti dzakandibatsira sei kuswedera pedyo naJehovha.

Ndaimbofara Muupenyu Zvinetso Zviri Zvishoma

Ndakaberekerwa kuBarcelona, muSpain, musi waMay 3, 1961, ndiri zai regondo raJosé naSoledad. Amai vangu vakadzidza chokwadi cheShoko raMwari pandaiva nemakore mapfumbamwe. Vakanga vatsvaka mhinduro dzemibvunzo yavo yezvokunamata asi vakanga vasina kunyatsopindurwa kuchechi kwavo. Rimwe zuva, Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakavashanyira kumba uye zvakapindura mibvunzo yavo yose zvichishandisa Magwaro. Vakabvuma nomwoyo wose kudzidza Bhaibheri.

Munguva pfupi, vakabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha, uye makore mashoma pave paya baba vangu vakabhabhatidzwawo. Eliana, uyo aidzidzisa amai vangu Bhaibheri, akakurumidza kuona kuti ndaifarira zvikuru Shoko raMwari. Kunyange zvazvo ndakanga ndichiri musikana muduku, Eliana akasarudza kudzidza neni ndiri ndoga. Ndinotenda nokundibatsira kwaakaita uye amai vangu vaindikurudzirawo, ndakabva ndabhabhatidzwa ndiine makore 13.

Pandaiyaruka, ndainyengetera kuna Jehovha kakawanda, kunyanya pandaifanira kusarudza zvokuita. Kutaura chokwadi, hapana zvakawanda zvakandinetsa pazera iri. Ndaiva neshamwari dzakawanda muungano uye ndainyatsowirirana nevabereki vangu. Muna 1982, ndakaroorwa naFelipe, Chapupu chaida kufambira mberi pakushumira Jehovha sezvandaiita.

Kurera Mwana Wedu Kuti Ade Jehovha

Papera makore mashanu, ndakasununguka mwanakomana akanaka ainzi Saúl. Ini naFelipe takafara zvikuru kuva nomwana. Taitarisira kuti Saúl aizokura aine utano hwakanaka uye ari mwana aida Mwari. Taipedza nguva yakawanda naye, tichimuudza nezvaJehovha, tichidya pamwe chete, tichienda naye kumapaki uye tichitamba naye mimwe mitambo. Saúl aida kuenda naFelipe kunoparidzira vamwe chokwadi cheBhaibheri, uye Felipe akamubatsira kuita ushumiri achiri muduku, achimudzidzisa kuridza bhero repamusuo uye kugovera vanhu maturakiti.

Saúl akabatsirwa zvikuru nokumuda uye kumurovedza kwataiita. Ava nemakore matanhatu, akanga ava kugara achiparidzira nesu. Aifarira kuteerera nyaya dzomuBhaibheri, uye aida chaizvo kudzidza kwataiita Bhaibheri semhuri. Achangotanga kuenda kuchikoro, akatanga kusarudza zvinhu zvaienderana nezera rake achishandisa ruzivo rwake rweBhaibheri.

Zvisinei, Saúl ava nemakore manomwe, upenyu hwemhuri yedu hwakangoerekana hwachinja. Felipe akabatwa nechirwere chaikonzerwa noutachiona hwomumapapu. Akatambura nechirwere ichi kwemwedzi gumi nomumwe asingagoni kushanda uye asingakwanisi kumuka. Murume wangu akashaya aine makore 36.

Ndinochema kana ndikayeuka gore iroro raive rakaoma. Ndaiva ndakatarira murume wangu achikurirwa nourwere, uye hapana zvandaikwanisa kuita. Panguva yose iyi, ndaiedza kukurudzira Felipe, kunyange zvazvo mumwoyo mangu ndaiziva kuti zvandaitarisira uye zvandaironga zvaisazobudirira. Ndaimuverengera nyaya dzomuMagwaro, uye dzakatisimbisa pataitadza kuenda kumisangano yechiKristu. Paakafa, ndakasurukirwa zvikuru.

Asi Jehovha akanditsigira. Ndaigara ndichikumbira mudzimu mutsvene wake. Ndakamutenda kuti ndakanga ndamborarama naFelipe ndichifara uye ndinomutendawo kuti ndine tariro yokuzomuonazve kana amutswa. Ndakakumbira Mwari kuti andibatsire kuti ndifare pandinoyeuka nezvenguva yakanaka yatakambova nayo uye kuti andipe uchenjeri hwokuti ndirere mwana wedu kuti ave muKristu chaiye. Pasinei nokurwadziwa zvikuru, izvi zvaindinyaradza.

Ndakatsigirwa zvikuru nevabereki vangu pamwe chete nehama dzomuungano. Kunyange zvakadaro, ndini ndaitofanira kudzidzisa Saúl Bhaibheri uye kuti ashumire Jehovha. Mumwe murume wandakamboshandira aida kundipinza basa raibhadhara romuhofisi asi ndakasarudza rokuchenesa kuitira kuti ndiwane nguva yakawanda ndiina Saúl uye kuti ndive naye paainge abva kuchikoro.

Pane rugwaro rwakandibatsira kuona kukosha kwokudzidzisa Saúl zvinhu zvokunamata, runoti: “Rovedza mukomana maererano nenzira yakamukodzera; kunyange paanokwegura haazotsauki pairi.” (Zvirevo 22:6) Rugwaro urwu rwakandipa tariro yokuti Jehovha aizondikomborera kudai ndaizoedza nepandaigona napo kudzidzisa Saúl mafungire aMwari. Zvechokwadi ndaitofanira kushandisa mari shoma asi ndaifanirawo kupedza nguva yakawanda ndiine mwanakomana wangu, nokuti izvi zvainyanya kukosha kupfuura zvimwe zvinhu zvandaigona kutenga nemari.

Baba vangu vakashaya Saúl paaiva nemakore 14. Saúl akarwadziwa zvikuru, nokuti kufa kwakaita sekuru vake kwakamuyeuchidza kurwadziwa kwaakanga aita pakashaya baba vake. Baba vangu vakanga varatidzawo muenzaniso wakanaka wokuda Jehovha. Pashure penhamo iyi, Saúl akaona kuti sezvo akanga ava jaya, uye pakanga pasisina mumwe murume, ndiye akanga ava nebasa rokutarisira mhuri, kureva ambuya naamai vake.

Kutambura Neleukemia

Mwedzi misere baba vangu vashaya, chiremba wemhuri yedu akandiudza kuti ndiendese Saúl kuchipatara chekwataigara, sezvo akanga achingonzwa kuneta zvikuru. Pashure pokunge vanachiremba vanyatsomuongorora, ndakaudzwa kuti aiva nechirwere chinonzi leukemia.a

Mumakore maviri nehafu akatevera, Saúl akagara muchipatara kanoverengeka paaitambura nekenza uye achirwadziwa nemishonga yaaipiwa navanachiremba. Kurapwa kwaakamboitwa kwemwedzi 6 kwakaita kuti ambonzwa zviri nani kwemwedzi 18 chete. Asi kenza iya yakaramba kupora uye Saúl akapiwa mimwe mishonga kwenguva pfupi iyo yakaita kuti apere simba zvikuru. Akamboita zviri nani zvakare kwenguva pfupi, asi mishonga yaakazopiwa kechitatu haina kumubatsira. Saúl akanga atsaurira upenyu hwake kuna Mwari uye akanga ataura kuti aida kubhabhatidzwa kuti ave mumwe weZvapupu zvaJehovha, asi akafa achangosvitsa makore 17.

Vanachiremba vanowanzokurudzira kuti munhu aisirwe ropa kuti zvimubatsire nokuti mishonga yacho inopedza simba. Chokwadi, munhu haapori nokuisirwa ropa. Vanachiremba pavakatanga kuzviziva kuti Saúl aiva neleukemia, ini naye taifanira kutaura zvakajeka kuti taisazobvuma kuti aisirwe ropa sezvo taida kuteerera murayiro waJehovha ‘wokurega ropa.’ (Mabasa 15:19, 20) Kakawanda Saúl aifanira kuita kuti vanachiremba vabvume ndisipo kuti akanga azvisarudzira oga. (Ona bhokisi riri papeji 31.)

Pakupedzisira vanachiremba vakagumisa kuti Saúl akanga akura zvokunyatsonzwisisa chirwere chaaive nacho. Vakabvuma kuremekedza zvatakanga tasarudza ndokumurapa vasingashandisi ropa, kunyange zvazvo vaigara vachiti taifanira kuchinja mwoyo. Ndainzwa kudada pandaiteerera Saúl achitsanangurira vanachiremba kuti akanga asingadi kuisirwa ropa. Zviri pachena kuti aive ava noukama hwakasimba naJehovha.

Patakatanga kuziva nezvechirwere chaSaúl muri muchirimo, ndipo pakabudiswa bhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha pagungano redu reruwa muBarcelona. Bhuku iroro rinokosha rakatisimbisa pataitarisana neremangwana raityisa uye rataisava nechokwadi naro. Panguva dzatainge tiri tose muchipatara, taiverenga zvikamu zvaro pamwe chete. Taiwanzoyeuka zviri mubhuku iri pataifanira kutsungirira nguva dzakaoma dzatakazotarisana nadzo. Panguva iyoyo ndipo pandakatanga kuona zvinoreva mashoko aIsaya 41:13, ari kwokutanga kwebhuku iri. Anoti: “Ini, Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rworudyi, Ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya. Ini ndichakubatsira.’”

Kutenda kwaSaúl Kunobaya Mwoyo Yevamwe

Kuchenjera uye tariro zvaiva naSaúl zvakabaya mwoyo yavanachiremba navanamukoti vepaChipatara cheVall d’Hebrón. Akafarirwa zvikuru nevomuchipatara vaimutarisira. Chiremba mukuru wezvirwere zvinowanikwa muropa airapa varwere vekenza akarapawo vamwe vana vari Zvapupu vaiva neleukemia, uye anovaremekedza zvikuru. Anoyeuka kuti Saúl haana kuchinja zvaaiva asarudza zvaibva pane zvaaitenda, kushinga kwaaiva akaita ave pedyo norufu uye kukoshesa kwaaiita upenyu. Vanamukoti vakaudza Saúl kuti ndiye wavainyanya kufarira pane vamwe varwere vose vakambova muwadhi iyoyo. Vakati aisambonyunyuta uye aisetsa vanhu, kunyange paakanga ava pedyo nokufa.

Chiremba wezvokushanda kwepfungwa akandiudza kuti vana vakawanda vezera iri vanoita chirwere chisingarapiki vanowanzonetsana navanachiremba uye nevabereki pamusana pokusagadzikana nokushungurudzika. Asi izvi handizvo zvaakaona pana Saúl. Akatoshamisika kuona Saúl akadzikama uye aine mafungiro akanaka. Izvi zvakatipa mukana wokuti ini naSaúl timuudze nezvokutenda kwedu.

Ndinoyeukawo kuti zvakaitwa naSaúl zvakabatsira mumwe murume watainamata naye muungano. Akanga achitambudzika nokuora mwoyo kweanenge makore matanhatu, uye hapana chakanga chamubatsira. Kakawanda, murume uyu aipedza usiku hwose ari muchipatara achitarisira Saúl. Akanditaurira kuti kutsungirira kwakaita Saúl paairwara neleukemia kwakamubaya mwoyo. Akacherechedza kuti pasinei nokupera simba kwaaiva aita, Saúl aiedza kukurudzira munhu wose aimushanyira. Chapupu ichi chinoti: “Zvakaitwa naSaúl zvakandibatsira kuti ndikunde kuora mwoyo kwandaiva nako.”

Ava makore matatu Saúl ashaya. Chokwadi, ndichiri kurwadziwa. Handina kusimba, asi Mwari akandipa “simba rinopfuura renguva dzose.” (2 VaKorinde 4:7) Ndakadzidza kuti kunyange matambudziko akaoma uye zviitiko zvinorwadza zvinogona kubatsira. Kutsungirira kufirwa nomurume wangu, baba vangu, uye mwanakomana wangu kwakandibatsira kuti ndive munhu asina udyire neanonzwisisa vamwe vanenge vachitambudzika. Chakatonyanya kunaka ndechokuti ndakabatsirwa kuswedera pedyo naJehovha. Handityi remangwana nokuti Baba vangu vokudenga vachiri kundibatsira. Vachiri kundibata ruoko.

[Mashoko Omuzasi]

a Saúl aiva nelymphoblastic leukemia, chirwere chakaipa chekenza yomuropa inouraya masero eropa machena.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 31]

WAKAMBOZVIBVUNZA HERE?

Zvimwe wakambonzwa kuti Zvapupu zvaJehovha hazvibvumi kuisirwa ropa. Wakambozvibvunza here kuti nei?

Izvi zvinobva muBhaibheri, asi vanhu vanowanzotadza kuzvinzwisisa. Dzimwe nguva vanhu vanofunga kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoramba mishonga yose kana kuti hazvikoshesi upenyu. Idzi inhema. Zvapupu zvaJehovha nemhuri dzazvo vanhu vanoda kurapwa nemishonga inobatsira inenge iripo. Zvisinei, Zvapupu zvinoda kurapwa pasingashandiswi ropa. Nei?

Zvazvinosarudza zvinobva paMutemo mukuru wazvakapiwa naMwari. Pashure peMafashamo omuzuva raNoa, Mwari akabvumira Noa nemhuri yake kudya nyama yemhuka. Asi Mwari akavarambidza chinhu chimwe chete: Vakanga vasingafaniri kudya ropa. (Genesisi 9:3, 4) Marudzi ose evanhu akabva kuna Noa, saka mutemo uyu unoshanda kuvanhu vose. Mutemo uyu hauna kubviswa. Papera mazana masere emakore, Mwari akadzokorora mutemo iwoyo kurudzi rwaIsraeri, achitsanangura kuti ropa rinoyera, rinomiririra mweya kana kuti upenyu. (Revhitiko 17:14) Kwapera makore anopfuura 1 500, vaapostora vechiKristu vakarayira vaKristu vose kuti ‘varege ropa.’—Mabasa 15:29.

KuZvapupu zvaJehovha, zviri pachena kuti hazviiti kuti munhu arege ropa asi iye achiriisa mumuviri wake nokuriwedzerwa paanenge achirapwa. Saka zvinoomerera pane kumwe kurapwa kusingashandisi ropa. Kutsigira kwazvinoita Bhaibheri kunoguma kwaita kuti zvirapwe nenzira dzemhando yepamusoro zvikuru. Ndokusaka vanhu vakawanda vasiri Zvapupu zvaJehovha vachizokumbirawo kurapwa pasingashandiswi ropa.

[Mufananidzo uri papeji 29]

Nomurume wangu Felipe, nomwanakomana wedu, Saúl

[Mufananidzo uri papeji 29]

Vabereki vangu, José naSoledad

[Mufananidzo uri papeji 30]

Saúl aine mwedzi mumwe chete asati ashaya

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe