RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 3/1 p. 23
  • Mudzoreri Woupenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mudzoreri Woupenyu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • “Hakugoni Kuva Kwechokwadi!”
    Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa
  • Jesu Anomutsa Mwanakomana Weimwe Chirikadzi
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Tariro Yokumuka Ndeyechokwadi!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Kuziva “Rudo rwaKristu”
    Swedera Pedyo naJehovha
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 3/1 p. 23

Swedera Pedyo naMwari

Mudzoreri Woupenyu

Ruka 7:11-15

WAKAFIRWA nomumwe munhu waunoda zvikuru here? Kana zvakadaro, wakasangana nechinhu chinorwadza zvikuru muupenyu. Musiki wedu anonzwisisa kurwadziwa kwako. Kupfuura izvozvo, anogona kubvisa zvinokonzerwa norufu. MuBhaibheri, akatinyorera nezvevamwe vanhu vakambomutswa achiratidza kuti haasi Mupi woupenyu chete asiwo Mudzoreri woupenyu. Ngatimbokurukura nezvepamwe paakapa Mwanakomana wake, Jesu Kristu, simba rokuti amutse vakafa. Nhoroondo yechishamiso ichi yakanyorwa pana Ruka 7:11-15.

Gore racho raiva 31 C.E. Jesu akanga aenda kuguta rokuGarireya reNaini. (Ndima 11) Kunofanira kunge kwakanga kwava kudoka paakasvika nechokunze kweguta racho. Bhaibheri rinoti: “Zvaakasvika pedyo negedhi reguta, chokwadi, tarira! kwaiva nomunhu akafa akanga akatakurwa achibudiswa kunze, mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga waamai vake. Uyewo, ivo vaiva chirikadzi. Boka guru revanhu rakabva muguta raivawo navo.” (Ndima 12) Ungafungidzira here shungu dzaiva naamai ava vaiva chirikadzi? Zvavakanga vafirwa nezai ravo regondo, vakanga vasisinazve aizovatarisira uye aizovadzivirira.

Jesu akaramba akatarira amai ava vaichema, vangadaro vaiva pedyo nehwanyanza hwaiva hwakatakurirwa chitunha chomwanakomana wavo. Nhoroondo yacho inoti: “Ishe paakavaona, akasiririswa navo, akati kwavari: ‘Rega kusvimha misodzi.’” (Ndima 13) Jesu akasiririswa chaizvo nedambudziko rechirikadzi iyi. Zvichida aifunga nezvaamai vakewo, vangadaro vakanga vava chirikadzi panguva iyoyo, avo vaizomuchemawo munguva pfupi yaitevera.

Jesu akasvika pedyo, asi kwete kuti abatane nomudungwe wacho. “Akabata hwanyanza” hwacho zvairatidza kuti ane chiremera uye akaudza boka racho kuti rimire. Zvadaro nenzwi romunhu akanga apiwa simba parufu, akati: “‘Jaya, ndinoti kwauri, Muka!’ Munhu wacho akanga akafa akagara, akatanga kutaura, uye iye akamupa kuna amai vake.” (Ndima 14, 15) Jaya iroro rakanga raparadzaniswa naamai varo parakafa. Saka Jesu pa“akamupa kuna amai vake,” vakavazve mhuri. Hapana mubvunzo kuti shungu dzaiva mumwoyo wechirikadzi iyoyo dzakatsiviwa nomufaro mukuru zvikuru.

Mwoyo wako unoshuva kufara zvakadaro here, kuonanazve nomudiwa wako akafa? Iva nechokwadi chokuti Mwari anokunzwira tsitsi. Kunzwira tsitsi kwaJesu chirikadzi iyoyo yaichema kwakaratidza kunzwira tsitsi kunoita Mwari, nokuti Jesu ainyatsotevedzera unhu hwaBaba vake. (Johani 14:9) Bhaibheri rinotidzidzisa kuti Mwari anoshuva kumutsa vakafa vaanoyeuka. (Jobho 14:14, 15) Shoko rake Bhaibheri rinotipa tariro yakanaka kwazvo, tarisiro yokurarama muparadhiso pasi pano uye yokuona vadiwa vedu vakafa vachimutswa. (Ruka 23:43; Johani 5:28, 29) Wadii kudzidza zvakawanda nezvoMudzoreri woupenyu uye kuti iwe pachako ungava sei netariro iyoyo?

[Mufananidzo uri papeji 23]

“Munhu wacho akanga akafa akagara, akatanga kutaura, uye iye akamupa kuna amai vake”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe