RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 1/1 pp. 3-4
  • Chii Chaunoti Kubudirira Kwechokwadi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chaunoti Kubudirira Kwechokwadi?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Unganyatsobudirira Sei Muupenyu?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Budiriro—Pasinei Zvapo Nemiuyo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Zvaungaita Kuti Ubudirire
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mawaniro Aungaita Mufaro Wechokwadi
    Mukai!—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 1/1 pp. 3-4

Chii Chaunoti Kubudirira Kwechokwadi?

ZVAAIONEKWA nevamwe somutengesi akabudirira kupfuura vamwe vose mumugwagwa unoitirwa zvebhizimisi kuNew York unonzi Wall Street, Jesse Livermore aizivikanwa nokuti aigona kusarudza nouchenjeri zvinhu zvine chokuita nebhizimisi. Somugumisiro, akava nepfuma yakawanda. Aipfeka sutu dzaaiita zvokusonerwa dzakanga dzakanaka chaizvo, aigara muimba youmbozha yaiva nedzimba 29, uye aiva nemotokari nhema yainzi Rolls-Royce yaaiita zvokudhiraivhirwa.

Davida akanga akatsungawo kupfuma. Zvaaiva mutevedzeri wapurezidhendi uye maneja mukuru weimwe kambani yakakura yokudhirowa, aigona kuzova purezidhendi wechimwe chikamu chekambani yacho. Aikwezvwa nepfuma uye kuda chinzvimbo. Zvisinei, David akasarudza kurega basa racho. “Ndinoziva kuti handichazombofi ndakawanazve chimwe chinzvimbo chakakwirira kudai,” akadaro David. Unofunga kuti David akakanganisa here?

Vakawanda vanofunga kuti kubudirira kunosanganisira kuva nepfuma, mukurumbira, kana kuti chinzvimbo. Zvisinei, vaya vakapfuma vangave vachiri kunzwa vasingafari mumwoyo uye vasina chinangwa muupenyu hwavo. Zviri pachena kuti ndizvo zvakaitika kuna VaLivermore. Pasinei noupfumi hwavo, vaigara vachirwadziwa mwoyo, vachiwirwa nenjodzi, uye vakasuruvara muupenyu. Vaiva vakaora mwoyo, vairambana nevavairoorana navo, uye vakanga vasinganyatsowirirani nevanakomana vavo. Pakupedzisira, varasikirwa nepfuma yavo yakawanda, rimwe zuva VaLivermore vakagara mubhawa rehotera inoendwa nembozha vakatanga kuchema vachifunga zvavakanga varasikirwa nazvo. Vakatenga chokunwa, vakabudisa kabhuku kavo kaiva nebutiro reganda, vakanyorera mudzimai wavo katsamba kokumuoneka. Vapedza kunwa, vakapinda mune kamwe kamba kaichengeterwa zvinhu kaiva kasina chiedza chakakwana vachibva vazviuraya.

Kunyange zvazvo tichibvuma kuti zvikonzero zvinoita kuti munhu azviuraye zvakaoma kunzwisisa, zvakaitika izvi zvinopupurira kuti mashoko eBhaibheri ndeechokwadi, okuti: “Vaya vakatsunga kupfuma . . . vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kuzhinji.”—1 Timoti 6:9, 10.

Zvingava here kuti vaya vanoona pfuma, chinzvimbo, kana kuti mukurumbira sokubudirira vari kuona nenzira isina kururama? Unozviona sokuti wakabudirira here? Nei? Chii chinoita kuti utaure izvozvo? Chii chinoita kuti uone kubudirira semaonero aunoita? Nyaya inotevera ichaongorora zano rinoshanda rakaita kuti mamiriyoni evanhu akwanise kubudirira. Ngationei kuti iwewo ungabudirira sei.

[Mashoko Omuzasi]

a Zita rakachinjwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe