RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 7/15 pp. 3-4
  • Dzidziso Dzechokwadi—Ungadziwana Kupi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzidziso Dzechokwadi—Ungadziwana Kupi?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Kunamata Kunobvumirwa naMwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chitendero
    Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro
  • Rudzidziso Rwupi Norwupi Rwakanaka Zvakakwana Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Wakawana Rudzidziso Rwakarurama Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 7/15 pp. 3-4

Dzidziso Dzechokwadi—Ungadziwana Kupi?

MUMWE murume wokuTibet anotenderedza vhiri reminyengetero, dhiramu rine minyengetero yakanyorwa. Anodavira kuti minyengetero yake inodzokororwa pose panotenderera vhiri racho. Mune mumwe musha mukuru kuIndia, kamuri duku rinotsaurwa kuti riitirwe puja—kunamata kungasanganisira kupa zvibayiro zvinonhuhwira, maruva, nezvimwe zvinhu kuzvidhori zvavanamwari navanamwarikadzi vakasiyana-siyana. Zviuru zvemakiromita kubva kuItaly, mumwe mukadzi ari muchechi yemaoresa anopfugamira chidhori chaMariya, amai vaJesu, onyengetera uku akabata rusariro.

Zvichida wakazvionera kuchinja kunoitwa upenyu hwevanhu nechitendero. “Chitendero . . . chave chichikosha zvikuru uye chichiri kukosha munzanga pasi pose,” rinodaro bhuku rinonzi The World’s Religions—Understanding the Living Faiths. Mubhuku rinonzi God—A Brief History, munyori John Bowker anoti: “Vanhu vose zvavo vanobvuma kuti kuna Mwari anovadzora uye akavasika. Izvi zvinosanganisirawo vanhu vanoramba nemaune kudavira kuti kuna Mwari.”

Zvechokwadi, chitendero chachinja upenyu hwemamiriyoni evanhu. Izvi hazvipupuriri zvakasimba kuti munhu anoda uye anopanga zvinhu zvine chokuita nokunamata here? Mubhuku rake rinonzi The Undiscovered Self, mumwe muongorori akakurumbira wokushanda kwepfungwa, Dr. Carl G. Jung anotaura kuti tinoda kunamata simba guru uye anobva ati izvozvo “zvinogona kuonekwa munhoroondo yose yevanhu.”

Asi vanhu vakawanda havatauri kuti vanotenda muna Mwari uye havatombofariri chitendero. Vamwe vasina chokwadi kana kuti vanoramba kuti Mwari ariko vanodaro nokuti zvitendero zvavanoziva zvakakundikana kuzadzika zvavanoda pakunamata. Asi anenge munhu wose, kusanganisira vasingatendi kuti Mwari ariko, vanozvipira kune zvavanodavira, sokunge kuti izvozvo ndizvo zvavanotenda. Izvozvo zvinotosanganisira vaya vasingatendi kuti Mwari ariko.

Mukati mezviuru zvemakore enhoroondo yevanhu, kuedza kwevanhu kugutsa zvavanoda pakunamata kwakaita kuti vaedze nzira dzakawanda dzokunamata. Izvi zvakaguma nokuti pasi pose vanhu vakaona chitendero nenzira dzakasiyana-siyana zvikuru. Somuenzaniso, kunyange zvazvo zvinenge zvitendero zvose zvichitsigira kutenda musimba guru, zvine mafungiro akasiyana-siyana okuti simba iroro ndiani kana kuti chii. Zvitendero zvakawanda zvinosimbisawo kukosha kwokuponeswa kana kuti kusunungurwa. Asi dzidziso dzezvitendero izvi dzinosiyana nezvinoreva kuponeswa uye kuti kunowanikwa sei. Sezvo paine zvitendero zvakasiyana-siyana kudaro, tingaziva sei dzidziso dzechokwadi dzinofadza Mwari?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe