Uri Kutsvaka Jehovha Nomwoyo Wose Here?
MUMWE murume wechiKristu aida kwazvo kuudza vamwe vaaifamba navo muchitima mashoko akanaka anobva muBhaibheri. (Mako 13:10) Asi, aitadziswa nokutya. Akarega here? Aiwa, akatonyengeterera nyaya iyoyo zvakanyanya akashandira pakudzidzira nzira yokutanga nayo kukurukura nevanhu. Jehovha Mwari akapindura chikumbiro chomurume uyu ndokumupa simba rokupupura.
Kuita zvinhu nomwoyo wose kudaro kunokosha patinotsvaka Jehovha nechikomborero chake. Muapostora Pauro akati: “Iye anosvika Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anova anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Kungotsvaka Jehovha chete hakuna kukwana. Shoko rechiito rechiGiriki rakashandurwa kuti “tsvaka nemwoyo wose” riri muchimiro chinoreva kuita chinhu zvakanyanya uye wakaisa pfungwa dzose pachiri. Izvi zvinosanganisira mwoyo, pfungwa, mweya, uye simba rose romunhu. Kana tichitsvaka Jehovha nomwoyo wose, hatizvibati nenzira yokusakendenga, yokuregeredza, kana kuti yousimbe. Pane kudaro, tinomutsvaka nokushingaira kwechokwadi.—Mabasa 15:17.
Vaya Vakatsvaka Jehovha Nomwoyo Wose
Magwaro azere nemienzaniso yevaya vakaisa pfungwa dzose pakutsvaka Jehovha. Mumwe munhu akadaro aiva Jakobho, uyo akaita mutsimba nengirozi yaMwari yakanga yakapfeka muviri wenyama kusvikira mambakwedza. Izvi zvakaita kuti Jakobho apiwe zita rokuti Israeri (Anorwa naMwari) nokuti “akarwa,” kana kuti akashingirira, akazvishandisa nesimba, akatsungirira, achirwa naMwari. Ngirozi yakamukomborera nokuda kwokushingairira kwake.—Genesi 32:24-30.
Kwozotiwo mumwe mukadzi wokuGarireya asina kutaurwa zita rake uyo kwemakore 12 akatambura nokuyerera kweropa, zvichimukonzera “marwadzo akawanda.” Mumamiriro ezvinhu aya, aisafanira kubata vamwe vanhu. Asi, akashinga kuti anosangana naJesu. Akaramba achiti: “Kana ndikangobata nguo yake yokunze ndichanaya.” Funga nezvake achipinda nomukati me‘boka guru revanhu rakanga richitevera [Jesu] richimumomotera.’ Paakabata nguvo yokunze yaJesu, akanzwa kuti “tsime rake reropa rakabva rangooma”—chirwere chake chakanga chisingaperi chakarapwa! Jesu paakabvunza kuti, “Ndiani abata nguo dzangu dzokunze?” akatya. Asi Jesu akamutaurira zvinokurudzira kuti: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda murugare, uve noutano hwakanaka pachirwere chako chinotambudza.” Akakomborerwa nokuda kwezvaakaita.—Mako 5:24-34; Revhitiko 15:25-27.
Pane chimwezve chiitiko, mumwe mukadzi wokuFenikiya akateterera Jesu nomwoyo wose kuti arape mwanasikana wake. Jesu akapindura kuti zvakanga zvisina kukodzera kupa zvokudya zvevana kumbwanana. Aireva kuti aisagona kutarisira vakanga vasiri vaIsraeri achisiya vaJudha vaiva vakafanira. Achinzwisisa zvairehwa nomuenzaniso wake, mukadzi wacho zvisinei akakumbira kuti: “Hungu, Ishe; asi chaizvoizvo imbwa duku dzinodya mafufu anowa patafura ravatenzi vadzo.” Kutenda kwake kwakasimba nokuva wepachokwadi zvakaita kuti Jesu ati: “Haiwa mukadzi iwe, kutenda kwako kukuru; ngazviitike kwauri sezvaunoda.”—Mateu 15:22-28.
Chii chingadai chakaitika kuvanhu ava kudai vasina kutsungirira pane zvavakaita? Vangadai vakakomborerwa here kudai vakanga varega pavakatarisana nechipingamupinyi chokutanga, kana kuti kurambwa? Kwete! Mienzaniso iyi inonyatsoratidza chinhu chakadzidziswa naJesu, chokuti ‘kupfuurira noushingi’ kwakafanira, kunyange kukosha, pakutsvaka Jehovha.—Ruka 11:5-13.
Maererano Nokuda Kwake
Munhoroondo dzabva kurondedzerwa dzevaya vakaporeswa nechishamiso, kuita nomwoyo wose ndiko chete kwaingodiwa kuti varapwe here? Aiwa, zvikumbiro zvavo zvaifanira kuenderana nokuda kwaMwari. Jesu akapiwa masimba anoshamisa kuti anyatsoratidza zvisina mubvunzo kuti aiva Mwanakomana waMwari, Mesiya akapikirwa. (Johani 6:14; 9:33; Mabasa 2:22) Uyezve, zvishamiso zvakaitwa naJesu zvakafanoratidza zvikomborero zvinoshamisa zvepasi pano zvichapiwa vanhu naJehovha panguva yoKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu.—Zvakazarurwa 21:4; 22:2.
Hakusisiri kuda kwaMwari kuti vaya vari muchitendero chechokwadi vave nemasimba ezvishamiso, akadai sokukwanisa kurapa uye kutaura nendimi. (1 VaKorinde 13:8, 13) Kuda kwake muzuva redu kunosanganisira kuita kuti mashoko akanaka oUmambo aziviswe pasi pose kuitira kuti ‘vanhu vose vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.’ (1 Timoti 2:4; Mateu 24:14; 28:19, 20) Zvakakodzera kuti vashumiri vaMwari vatarisire kuti minyengetero yavo yomwoyo wose ichanzwiwa kana vaita zvinhu nomwoyo wose maererano nokuda kwake.
Vamwe vanganetseka kuti, ‘Tingazvishandisirei nesimba kana chinangwa chaMwari chichizongoitwa?’ Kunyange chiri chokwadi kuti Jehovha achaita chinangwa chake pasinei nezvinoitwa nevanhu, anofara kuona vamwe vanhu vachiita kuda kwake. Jehovha angafananidzwa nomurume ari kuvaka imba. Muvaki wacho ane purani yakakwana yechivako chacho, asi anosarudza zvokuvakisa pane zvinowanikwa munzvimbo iyoyo. Saizvozvowo, Jehovha ane chirongwa chokuita nhasi uye anofara kushandisa vashumiri vake, vanozvipa nokuzvidira.—Pisarema 110:3; 1 VaKorinde 9:16, 17.
Funga nezvenyaya yaToshio muduku. Paakaenda kuchikoro chesekondari, aida kupupurira zvikuru sezvaaigona mundima yorudzi rwayo yoga. Aigarova neBhaibheri rake pedyo uye achinyatsoedza kuva muKristu ane muenzaniso kwawo. Gore rake rokutanga pachikoro rava kuda kunopera, akawana mukana wokutaura hurukuro kukirasi. Toshio akanyengetera kuna Jehovha kuti amubatsire uye akafadzwa kuona kirasi yose ichinyatsoteera kuhurukuro yake yaiva nomusoro unoti “Vavariro Yangu Yokuita Basa Rokupayona.” Akatsanangura kuti aida kuva mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha. Mumwe wevadzidzi akabvuma kudzidziswa naye Bhaibheri akafambira mberi kusvika abhabhatidzwa. Kuita kwaToshio maererano neminyengetero yake nomwoyo wose kwakakomborerwa zvikuru.
Unoita Nomwoyo Wose Zvakadini?
Unogona kuratidza nenzira dzakasiyana-siyana kuti uri kutsvaka Jehovha nezvikomborero zvake nomwoyo wose. Chokutanga, pane zvinhu zvikuru zvaunogona kuita, zvakadai sokunyatsogadzirira misangano yechiKristu. Unogona kuratidza kuti uri kutsvaka Jehovha zvakasimba sei nemhinduro dzakanyatsogadzirirwa, hurukuro dzinokurudzira, uye mienzaniso inoshanda. Unogonawo kuratidza kuti uri kuita nomwoyo wose nokuvandudza kunaka kwoushumiri hwako. Zvakadini nokuedza kuva ane ushamwari zvikuru pakutaura kwako nomunhu pasuo uye kushandisa sumo dzinobudirira dzinokodzerana nendima yako? (VaKorose 3:23) Nokuzvishandisa nomwoyo wose, murume wechiKristu angakwanisa kugamuchira mabasa muungano, akadai sokushanda somushumiri anoshumira kana kuti mukuru. (1 Timoti 3:1, 2, 12, 13) Nokubvuma kushandiswa, unogona kuvawo nomufaro wokupa. Ungakwanisa kunyorera kushanda muchirongwa chebazi chokuvaka kana kuti pahofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha. Kana uri murume asina kuroora akakodzera, ungada kupinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri, chinoshongedzera varume vakakura mumudzimu kuva vafudzi vakanaka. Kana wakaroora, basa roumishinari ringava nzira yokuratidza chido chako chomwoyo wose chokushumira Jehovha zvakawedzerwa. Zvichida ungava nomukana wokutamira kunodiwa vaparidzi voUmambo zvikuru.—1 VaKorinde 16:9.
Chinokosha chaizvo inzira yaunoita nayo basa. Chero mutoro waunopiwa, uite zvepachokwadi, nesimba, uye “nemwoyo wose.” (Mabasa 2:46; VaRoma 12:8) Zvakanaka kuti uone basa rimwe nerimwe somukana wokuratidza kuda kwako nomwoyo wose kurumbidza Jehovha. Gara uchinyengeterera kubatsirwa naJehovha, uye ita zvakanakisisa zvaunogona. Ipapo uchakohwa mubayiro mukuru.
Kana Uchiita Nomwoyo Wose Uchapiwa Mubayiro
Uchiri kurangarira murume wechiKristu uya akanyengeterera kuti akunde kutya kwake zvokuti agone kuparidzira vamwe vaaifamba navo muchitima here? Jehovha akakomborera chido chake chepachokwadi. Hama iyi yakashandira kuti ive nesumo dzinonakidza, ichisarudza nyaya dzokutanga nadzo kurukurirano. Akakwanisa kushandisa Bhaibheri zvinobudirira kuti apupurire kune mumwe murume ainetseka nokusawirirana kwevanhu. Kutaurazve kanoverengeka nomurume iyeye pavaikwira chitima kwakatungamirira kuchidzidzo cheBhaibheri chepamusha. Zvechokwadi Jehovha akamukomborera nokuda kwokuita kwake nomwoyo wose!
Unogona kuva nemigumisiro yakafanana kana ukaramba uchitsvaka Jehovha nomwoyo wose. Kana ukatsungirira nokuzvininipisa woisa mwoyo wako wose pane basa ripi zvaro raunenge uchiitira Mwari, Jehovha achakushandisa maererano nezvinangwa zvake okudururira chikomborero chakakura.
[Mufananidzo uri papeji 26]
Chii chingadai chakaitika kumukadzi uyu kudai asina kutsungirira?
[Mufananidzo uri papeji 27]
Unotsungirira pakukumbira chikomborero chaJehovha here?
[Mifananidzo iri papeji 28]
Ungaratidza sei kuti uri kutsvaka Jehovha nomwoyo wose?