RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 12/1 p. 8
  • Patafura yaKaputeni

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Patafura yaKaputeni
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Kuzivisa Kudzoka Kwashe (1870-1914)
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kukurukura Nemuvakidzani—Vanhu Vose Vakanaka Vanoenda Kudenga Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Kuedza Nokusefa Kunotangira Mukati
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Nguva Yokuedza (1914-1918)
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 12/1 p. 8

Patafura yaKaputeni

VANHU vanonakidza, zvokudya zvakanaka, uye hurukuro dzinonakidza zvinoita kuti zvokudya patafura yakaputeni mungarava zvifadze. Asi kukurukurirana patafura yaKaputeni Robert G. Smith, weWhite Star Line, kwakazivisa madyo ezvokunamata.—Isaya 25:6.

Muna 1894, aine makore 24, Robert akatungamirira ngarava yeKinclune of Dundee kuita rwendo rwake rwokutanga rwokutenderera pasi pose. Gare gare akatungamirira ngarava dzeWhite Star, dzakadai seCedric, Cevic, uye Runic.a Paaiyambuka Atlantic achibva kuNew York achienda kuLiverpool, England, ari mune imwe yengarava idzi, Robert akagamuchira Charles Taze Russell patafura yakaputeni. Kukurukurirana naRussell kwakaita kuti Robert afarire shoko reBhaibheri, uye kuti abatsirwe kudzidza zvakawanda, akafara kuwana mabhuku eStudies in the Scriptures kubva kuna Russell.

Russell akaramba achinyorerana naye tsamba, uye somugumisiro, kufarira shoko reBhaibheri kwaRobert kwakawedzera. Robert akapawo mudzimai wake zivo yaakanga achangowana. Hapana kumbotora nguva vose vasati vava Vadzidzi veBhaibheri vanoshingaira, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Gare gare Robert akava neropafadzo yokupa hurukuro dzeBhaibheri. Somuenzaniso, muBrisbane, Australia, akataura nezve“Bhasami yeGireadhi” ndokuratidza kuti muShoko raMwari mune shoko riri “mushonga wokutambura kwose kwenyika.” Vadzokera kuEngland, mudzimai wake nevana vake vaduku vakabatsira kuratidza “Photo-Drama of Creation,” vachiridza marekodzi etsananguro dzaRussell pairatidzwa masiraidhi.

Robert akapfuudza nhaka yechokwadi choUmambo chaakanga awana kuvana vake. Nhasi, zvizvarwa zvishanu kubva ipapo, nhengo 18 dzemhuri yake dzinoshingaira kuzivisa mashoko oumambo kune vamwe, dzichionga zvakagoverwa patafura yakaputeni.

Zvapupu zvaJehovha zviri kubatsira vanhu pasi pose kudzidza shoko reBhaibheri iro rakaorora Kaputeni Smith, zvichishandisa mabhuku azvo uye basa razvo rokudzidzisa Bhaibheri. Iwewo unogona kuona chakanakidza zvikuru patafura yakaputeni.

[Mashoko Omuzasi]

a Imwe ngarava yakaita seiyi, Titanic, yakanga ichitungamirirwa naKaputeni E. J. Smith (havana ukama) parwendo rwayo rwokutanga rwakaita njodzi.

[Mufananidzo uri papeji 8]

Robert G. Smith

[Mufananidzo uri papeji 8]

Charles T. Russell

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe