RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 9/1 pp. 13-18
  • Pwere—Rovedzai Masimba Enyu Okunzwisisa!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pwere—Rovedzai Masimba Enyu Okunzwisisa!
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kurovedza Masimba ako Okunzwisisa
  • Kuratidza Kunzwisisa Munhandaro
  • Kunzwisisa Pakuronga Dzidzo Yako
  • Kuita Kuti Kudanana Kurambe Kuchikudzwa
  • Kudzidziswa “Kubva Paujaya”
  • Kudziridza Masimba Ako Okunzwisisa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Unogona “Kusiyanisa Zvakanaka Nezvakaipa” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ramba Uchirovedza Simba Rako Rokunzwisisa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • “Rambai Muchiedza Zvamuri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 9/1 pp. 13-18

Pwere—Rovedzai Masimba Enyu Okunzwisisa!

“Zvokudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru, zveavo vane masimba avo okunzwisisa akarovedzwa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa nokushandiswa.”—VAHEBHERU 5:14, NW.

1, 2. (a) Mamiriro edu ezvinhu mazuva ano anofanana sei neevaKristu vekare vaiva muEfeso? (b) Mano api anogona kukudzivirira pangozi, uye ungava sei nawo?

“CHENJERAI kwazvo pakufamba kwenyu, kuti murege kufamba savasina kuchenjera asi savakachenjera; mungwarire nguva yenyu, nokuti mazuva akaipa.” (VaEfeso 5:15, 16) Kubva zvakanyora Pauro mashoko iwayo makore ane zviuru zviviri akapfuura, ‘vanhu vakaipa navanyengeri vanyanyisa kuipa.’ Tinorarama mu“nguva dzokutambudzika,” kana kuti semashandurire anoita imwe shanduro, nguva dzaka“zara nengozi.”—2 Timotio 3:1-5, 13; Phillips.

2 Zvisinei, unogona kudzivisa kukuvadzwa nengozi dzingavandira munzira yako nokuva no“kungwara, . . . zivo nokuchenjera.” (Zvirevo 1:4) Zvirevo 2:10-12 inoti: “Uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, zivo ichafadza mweya wako; kungwara kuchakurindira, njere dzichakuchengeta; zvikurwire panzira yezvakaipa, napavanhu vanotaura zvisakarurama.” Asi chaizvo ungava sei nemano iwayo? VaHebheru 5:14 inoti: “Zvokudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru, zveavo vane masimba avo okunzwisisa akarovedzwa kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa nokushandiswa.” Sezvinongoitwa nounyanzvi chero hupi zvahwo, kukwanisa kwomunhu kushandisa mano okunzwisisa kunoda kurovedza. Shoko rechiGiriki rakashandiswa naPauro chaizvoizvo rinoreva ‘kuva akarovedzwa senyanzvi yekusimbisa muviri.’ Unotanga sei kurovedza kwakadaro?

Kurovedza Masimba ako Okunzwisisa

3. Ungashandisa sei masimba ako okunzwisisa paunofanira kusarudza?

3 Cherekedza kuti masimba ako okunzwisisa—mano ako okunzwisisa zvakarurama nezvisina kururama—anorovedzwa “nokushandiswa.” Paunofanira kusarudza, kufungidzira, kuita chinhu usina kufunga, kana kuti kungotevedzera vakawanda hazviwanzoguma nokuita chisarudzo chokuchenjera. Kuti uite zvisarudzo zvokuchenjera, unofanira kushandisa masimba ako okunzwisisa. Sei? Chokutanga, nokunyatsoongorora mamiriro akaita zvinhu zvacho ndokuwana zvose zvinodiwa. Bvunza mibvunzo kana zvakafanira. Sarudza kuti zvaunofunga kuti zviitwe ndezvipi. Zvirevo 13:16 inoti: “Mumwe nomumwe, wakangwara, unoita nokuchenjera.” Chechipiri, edza kuona kuti mitemo ipi nenheyo zveBhaibheri zvine chokuita nenhau yacho. (Zvirevo 3:5) Ichokwadi kuti, kuti uite izvi, unofanira kuziva Bhaibheri. Ndicho chikonzero nei Pauro akatikurudzira kudya “zvokudya zvikukutu”—kudzidza “kufara, nokureba, nokukwirira, nokudzika” kwechokwadi.—VaEfeso 3:18.

4. Nei zivo yenheyo dzaMwari ichikosha?

4 Kudaro kunokosha, sezvo tisina kukwana, tichigara tichida kutadza. (Genesi 8:21; VaRoma 5:12) “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose,” inodaro Jeremia 17:9. Kana tisina nheyo dzaMwari dzokutitungamirira, tinogona kuzvinyengera kuti tifunge kuti chimwe chinhu chakashata chakanaka—nemhosva chete yokuti nyama yedu inochida. (Enzanisa naIsaya 5:20.) Munyori wepisarema akanyora kuti: “Jaya ringaramba richinatsa nzira yaro neiko? Kana richiichenjerera sezvinorayira shoko renyu. Pazvirevo zvenyu ndinowana njere; saka ndinovenga nzira dzose dzenhema.”—Pisarema 119:9, 104.

5. (a) Nei dzimwe pwere dzichitevera nzira dzenhema? (b) Imwe pwere yakaita sei kuti chokwadi chive chayo?

5 Nei dzimwe pwere dzakarererwa mumhuri dzevaKristu dzakatevera nzira dzenhema? Zvingadaro kuti vakadaro havana kumbo‘zviwanira chiri kuda kwaMwari kwakanaka uye kunogamuchirika uye kwakakwana’ here? (VaRoma 12:2) Vamwe vangapinda misangano nevabereki vavo ndokukwanisa kudzokorora dzimwe dzidziso dzinokosha dzeBhaibheri. Asi pavanonzi vapupurire zvavanodavira kana kutsanangura zvimwe zvinhu zvakadzika zveShoko raMwari, zvinosuruvarisa kuti zivo yavo inenge isina kudzika. Pwere dzakadaro dzinogona kutsauswa nyore nyore. (VaEfeso 4:14) Kana izvi zvirizvo zvauri, wadii watsunga kuchinja? Imwe hanzvadzi yechiduku inoyeuka kuti: “Ndakanzvera. Ndakazvibvunza kuti, ‘Ndinoziva sei kuti ichi ndicho chitendero chechokwadi? Ndinoziva sei kuti kuna Mwari anonzi Jehovha?’”a Kunyatsoongorora Magwaro kwakaiita kuti ive nechokwadi chokuti zvinhu zvayakanga yadzidziswa nevabereki vayo zvakanga zvirizvo chaizvo!—Enzanisa naMabasa 17:11.

6. Unga‘idza kuti uzive zvinofadza Ishe,’ Jehovha sei?

6 Une zivo yenheyo dzaJehovha, nenzira iri nyore ucha‘idza kuti uzive zvinofadza Ishe.’ (VaEfeso 5:10) Asi zvakadini kana usina chokwadi chokuti wotora nzira ipi pane chinhu chakati? Nyengetera kuna Jehovha kuti akutungamirire. (Pisarema 119:144) Edza kutaurirana nevabereki vako kana nemuKristu akakura mumudzimu. (Zvirevo 15:22; 27:17) Nhungamiro inoshanda inogona kuwanikwawo nokunzvera muBhaibheri nemumabhuku eWatch Tower. (Zvirevo 2:3-5) Paunoshandisa masimba ako okunzwisisa zvakanyanya, ndipo paanonyanyawo kupinza.

Kuratidza Kunzwisisa Munhandaro

7, 8. (a) Ungashandisa sei masimba ako okunzwisisa pakusarudza kana uchifanira kupinda kuungana kana kwete? (b) Bhaibheri rinotii nezvenhandaro?

7 Zvino ngatitarirei kuti ungashandisa sei masimba ako okunzwisisa muzvinhu zvakananga chaizvo. Somuenzaniso, ngatitii wakokwa kune kumwe kuungana. Ungadaro wakagamuchira kadhi rakadhindwa rinozivisa nezvekuungana kwacho. Unoudzwa kuti pwere dzakawanda dziri Zvapupu dzichava dziripo. Asi pachabhadharwa mari yokuripira zvichashandiswa. Unofanira kupinda here?

8 Zvakanaka, shandisa masimba ako okunzwisisa. Chokutanga, tsvaka zvinobatanidzwa. Boka iri richava rakakura sei? Ndiani achave aripo? Zvichatanga nguvai? Zvichapera nguvai? Zvii zvakarongwa kuitwa? Zvichatarisirwa sei? Chechipiri, nzvera, uchitarira misoro inoti “Social Gatherings,” ne“Entertainment” muWatch Tower Publications Index.b Ungawanei mukunzvera kwako? Chimwe chauchatoti uwane ndechokuti, Jehovha haarambidzi kuungana kuti munakidzwe. Muparidzi 8:15 inototaura kuti pamwe nokushanda nesimba, “munhu haana chinhu chinopfuura ichi kuti adye, anwe, afare.” Inga Jesu Kristu pachake akamboenda kundodya zvokudya zvaakanga akokerwa uye akatombopindawo muchato mumwe. (Ruka 5:27-29; Johane 2:1-10) Kuwadzana kunogona kubatsira, kana kukaitwa panguva yakunofanira kuitwa.

9, 10. (a) Kumwe kuungana kungava nengozi dzipi? (b) Ungazvibvunza mibvunzo ipi usati wasarudza kana uchifanira kupinda kuungana kana kwete?

9 Zvisinei, kuungana kusina kurongwa zvakanaka kungakonzera dambudziko. Pana 1 VaKorinte 10:8, tinorava kuti kushamwaridzana kusiri kwokuchenjera kwakakonzera sei ufeve nokuurayiwa “nezuva rimwe kwe[vaIsraeri vakanga vasina kutendeka] vane zviuru zvine makumi maviri nezvitatu.” Imwezve nyevero yokufungisisa nezvayo inowanikwa pana VaRoma 13:13 inoti: “Ngatifambe nenzira yakafanira sapamasikati; tisingafambi nokutamba kwakaipa, nokubatwa, kana noupombwe, noutere, kana negakava, negodo.” (Enzanisa na1 Petro 4:3.) Chokwadi, hapana nhamba inonzi ndiyo inogona kuungana. Asi zvakamboitika zvinoratidza kuti boka parinokura, zvinobva zvaomawo kuritarisira. Kuungana kuduku, kunotungamirirwa zvakanaka kashoma kuti kupedzisire kwava “mapati akaipa.”—VaGaratia 5:21, Byington.

10 Pasina mubvunzo kunzvera kwako kuchamutsa mimwe mibvunzo, yakadai seyokuti: VaKristu vakuru vakakura mumudzimu vachava varipo here? Chokwadi, ndiani ari kukuronga? Chinangwa chokuungana kwacho ndechokukurudzira kushamwaridzana kwakachena here kana kuti chokuti mumwe munhu abatsirwe? Pane vanorambidzwa kupinda here? Kana kuungana kwacho kuchiitwa pakupera kwevhiki, kuchapera panguva yakanaka zvokuti vanopinda vanogona kuita ushumiri hwechiKristu zuva rinotevera racho here? Kana pachizova nemimhanzi nokutamba, zvichaenderana nezvinodiwa zvechiKristu here? (2 VaKorinte 6:3) Kubvunza mibvunzo yakadaro kungasava nyore. Asi Zvirevo 22:3 inonyevera kuti: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.” Hungu, unogona kudzivisa zvinhu zvine ngozi nokushandisa masimba ako okunzwisisa.

Kunzwisisa Pakuronga Dzidzo Yako

11. Pwere dzingashandisa sei masimba adzo okunzwisisa pakuronga ramangwana radzo?

11 Bhaibheri rinoti kurongera ramangwana kuchenjera. (Zvirevo 21:5) Iwe nemhuri yako makataura nezveramangwana rako here? Zvimwe unoronga kupinda muushumiri hwenguva yakazara sapiyona. Chaizvoizvo, hapana basa ringasarudzwa rinogona kugutsa zvikuru kupfuura iri. Kana uri kuedza kuva nemiitiro yakanaka yokudzidza nokutanga unyanzvi muushumiri, uri kugadzirira basa iri rinonakidza. Wakafunga kuti uchazvitsigira sei muushumiri hwacho here? Kana ukasarudza kuva nemhuri mune ramangwana, unozokwanisa kutarisira mutoro unenge wawedzerwa iwowo here? Kuita zvisarudzo zvine musoro, chaizvoizvo pamusoro pezvinhu zvakadai kunoda kushandisa masimba okunzwisisa.

12. (a) Dzimwe mhuri dzakasarudza sei kukodzerana nemamiriro ezvemari ari kuchinja? (b) Kuwana dzidzo yokuwedzera kunopesana chaizvoizvo nokuva nevavariro yokupayona here? Tsanangura.

12 Mune dzimwe nzvimbo zvichiri kuita kurovedzerwa pabasa unyanzvi hunoshanda kana basa. Kune pwere dzinodzidza bhizimisi remhuri kana kuti kurovedzwa neshamwari dzakura dzine mabhizimisi. Vamwe vanoita makosi kuchikoro achavabatsira kurarama gare gare. Kunenge kusina mikana yakadaro, pashure pokufunga nokungwarira vabereki vangaronga kuti vana vavo vawane dzidzo yokuwedzera kana vapedza kusekondari. Kufanoronga nenzira iyi kuitira kuti uzotarisire mitoro wakura uye zvikurukuru kuitira kuti uzokwanisa kuita basa roupiyona kwenguva yakareba hakupesani nokuisa Umambo hwaMwari pakutanga. (Mateo 6:33) Uye dzidzo yokuwedzera hairambidzi kupayona. Somuenzaniso, chimwe Chapupu chiduku kwenguva yakareba chaida zvokupayona. Chapedza kudzidza kusekondari, vabereki vacho—vari mapiyona enguva dzose pachavo—vakachirongera kuti chive nedzidzo yokuwedzera. Chakakwanisa kupayona pachakanga chichidzidza, uye zvino chava neunyanzvi hwachinoshandisa kuzvitsigira pachinopfuurira kupayona.

13. Mhuri dzinofanira kuverenga sei zvinodiwa padzidzo yokuwedzera?

13 Panhau yedzidzo yokuwedzera, mhuri yoga yoga ine kodzero nemutoro wokuzvisarudzira zvainoda. Dzidzo yakadaro painosarudzwa zvakanaka, inogona kubatsira. Zvisinei, inogona kuva musungo. Kana uri kufunga nezvedzidzo yakadaro, vavariro yako ndeyei? Ndeyokuti uzvigadzirire kuti utakure mitoro yomunhu akura nenzira inokudzwa here? Kana kuti uri ku“zvitsvakira zvinhu zvikuru” here? (Jeremia 45:5; 2 VaTesaronika 3:10; 1 Timotio 5:8; 6:9) Zvakadini nokuronda dzidzo yokuwedzera usiri pamba, zvimwe uchigara pakoreji? Kungava kuchenjera here tichifunga nezvenyevero yaPauro yokuti “ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka”? (1 VaKorinte 15:33; 2 Timotio 2:22) Yeukawo kuti “nguva ipfupi.” (1 VaKorinte 7:29) Uchatsaurira nguva yakawanda sei kudzidzo yakadaro? Ichatora makore akawanda ouduku hwako here? Kana zvakadaro, uchashandisa sei kukurudzira kweBhaibheri kwokuti “rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako”? (Muparidzi 12:1) Uyezve, makosi auchaita achakupa nguva yemabasa echiKristu anokosha akadai sekupinda misangano, basa romumunda, nefundo yomunhu oga here? (Mateo 24:14; VaHebheru 10:24, 25) Kana masimba ako okunzwisisa akanaka, hauzomborasikirwi nevavariro dzomudzimu sezvo iwe nevabereki vako munoronga ramangwana rako.

Kuita Kuti Kudanana Kurambe Kuchikudzwa

14. (a) Inheyo dzipi dzinofanira kutungamirira vanodanana zvavanoratidza kuti vanodanana? (b) Vamwe vanodanana vakaratidza sei kusafunga zvakanaka panhau iyi?

14 Imwe nhau inoda masimba ako okunzwisisa ndeyekudanana. Zvagara ndezvemuzvarirwo kuti ude kuratidza munhu waune hanya naye kuti unomuda. Vaviri vaiva norucheno vanodudzwa muRwiyo rwaSoromoni sezviri pachena vaiitirana zvimwe zvinhu zvairatidza kuti vaidanana vasati varoorana. (Rwiyo rwaSoromoni 1:2; 2:6; 8:5) Nhasi, vamwe vari kudanana vangafungawo kuti kubatana maoko, kutsvodana, nokumbundirana zvakanaka, kunyanya pazvinoratidza kuti vave pedyo nokuroorana. Asi yeuka: “Unotenda mwoyo wake, ibenzi.” (Zvirevo 28:26) Zvinosuruvarisa kuti vanhu vanodanana vanoverengeka vakatadza kufunga zvakanaka kuburikidza nokuzviisa mumamiriro ezvinhu akaoma. Kuratidza kuti vanodanana kwakava kwakanyanyisa uye kusingadzorwi; miitiro isina kuchena yakaguma yaitika uye yakatozopedzisira yaita kuti vaite unzenza.

15, 16. Zvinhui zvine musoro zvinofanira kungwarirwa nevanodanana kuti vave nechokwadi chokuti kudanana kwavo kucharamba kuchikudzwa?

15 Kana une waunodanana naye, wakangwara kana ukadzivisa kuti muve muri moga newauchazoda kuroorana naye mumamiriro ezvinhu asina kukodzera. Saka zvingava zvakanakisisa kuti mushamwaridzane mune vamwe kana kuti munzvimbo dzine vanhu vakawanda. Vamwe vanodanana vanoronga kuva neanovaperekedza. Uyewo, funga nezvemashoko aHosea 4:11 anoti: “Waini newaini itsva zvinobvisa njere.” Doro rinogona kuita kuti vanhu vasafunga zvakanaka uye rinoita kuti vanodanana vaite nenzira yavanozozvidemba nokuda kwayo pave paya.

16 Zvirevo 13:10 inoti: “Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara; asi uchenjeri huri kune vanotenda kurayirirwa.” Hungu, ‘rayiriranai’ uye kurukurai kuti muchazvibata sei. Isai miganhu pakuratidza kuti munodanana, mumwe nomumwe achiremekedza manzwire anoita mumwe nehana yake. (1 VaKorinte 13:5; 1 VaTesaronika 4:3-7; 1 Petro 3:16) Kutaura nezvenhau inonetsa iyi kungava kwakaoma pakutanga, asi kunogona kudzivisa matambudziko akakomba kuti asazotanga.

Kudzidziswa “Kubva Paujaya”

17. Dhavhidhi akaita sei Jehovha ‘waanovimba naye kubva pauduku hwake,’ uye chidzidzo chipi chiri apa nokuda kwepwere nhasi?

17 Kudzivisa misungo yaSatani kuchada kuti ugare wakangwarira—uye dzimwe nguva kushinga zvikuru. Chokwadi, dzimwe nguva ungazviwana usingabvumirani, kwete nevezera rako chete, asi nenyika yose. Munyori wepisarema Dhavhidhi akanyengetera kuti: “Imi, Ishe Jehovha, muri tariro yangu; ndimi wandinovimba naye kubva pauduku hwangu. Mwari, makandidzidzisa kubva paujaya hwangu; kusvikira zvino ndadudzira mabasa enyu anoshamisa.” (Pisarema 71:5, 17)c Dhavhidhi anozivikanwa nokuda kwoushingi hwake. Asi akatanga rini kuva nahwo? Ari jaya! Nyange asati asangana naGoriati zvinozivikanwa nevakawanda, Dhavhidhi akanga aratidza ushingi husina kujairika pakudzivirira makwai ababa vake—achiuraya shumba nebere. (1 Samueri 17:34-37) Zvisinei, Dhavhidhi akarumbidza Jehovha nokuda kwoushingi hwose hwaakaratidza, achimudana kuti “wandinovimba naye kubva pauduku hwangu.” Kukwanisa kwaDhavhidhi kutsamira pana Jehovha kwakamuita kuti asakurirwe nomuedzo chero upi zvawo waakasangana nawo. Iwewo uchaona kuti kana ukatsamira pana Jehovha, achakupa ushingi nesimba zvoku“kunda nyika.”—1 Johane 5:4.

18. Pwere dzinoita zvinodiwa naMwari dzinokurudzirwa kuitei nhasi?

18 Zviuru zvevechiduku vakafanana newe zvakashinga uye zvino zvinoshumira sevaparidzi vakabhabhatidzwa vemashoko akanaka. Tinoonga Mwari nokuda kwokutenda noushingi zvenyu imi vaduku! Rambai makatsunga kupukunyuka kuora kwenyika. (2 Petro 1:4) Rambai muchishandisa masimba enyu okunzwisisa akarovedzwa neBhaibheri. Kuita kudaro kuchakudzivirirai panhamo iye zvino uye kuchapedzisira kwaita kuti kuponeswa kwenyu kuve kwechokwadi. Chokwadi, sezvicharatidzwa nenyaya yedu yokupedzisira, muchaita kuti upenyu hwenyu hubudirire.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ndingaita Sei Kuti Chokwadi Chive Changu?” iri mumagazini yeMukai! yaNovember 8, 1998.

b Nyaya inoti “Nhandaro—Farikanya Betsero, Dzivisa Misungo” iri mumagazini yeNharireyomurindi yaAugust 15, 1992, ine mashoko akawanda panhau iyi.

c Pisarema 71 rinoita sokuti kupfuudzirwa kwePisarema 70, rinozivikanwa nemanyorerwo aro sepisarema raDhavhidhi.

Mibvunzo Yokuhwirudzura

◻ Pwere inorovedza sei masimba ayo okunzwisisa?

◻ Pwere ingashandisa sei masimba ayo okunzwisisa kana totaura nezvekupinda kuungana kwechiKristu?

◻ Zvinhu zvipi zvingafungwa nezvazvo pakuronga dzidzo yako?

◻ Vari kudanana vangadzivisa sei musungo wounzenza?

[Mufananidzo uri papeji 15]

Kudzidza kunzvera kuchakubatsira kurovedza masimba ako okunzwisisa

[Mufananidzo uri papeji 16]

Kuungana kuduku kuri nyore kutarisira uye kashoma kuti kupedzisire kwava mitambo yakaipa isingadzoreki

[Mufananidzo uri papeji 16]

Vabereki vanofanira kubatsira vana vavo kuronga dzidzo yavo

[Mufananidzo uri papeji 17]

Kuva newaunodanana naye pane vakawanda kunodzivirira

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe