RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 6/1 pp. 3-4
  • Nguva Nokusaguma—Tinonyatsozivei Pamusoro Pazvo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nguva Nokusaguma—Tinonyatsozivei Pamusoro Pazvo?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Bhaibheri Rinotii Nezvenguva
  • Upenyu Husingaperi—Zvine Pfungwa Here?
  • Tinogona Kurarama Nekusingaperi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Nei Nguva Iri Shoma Kwazvo?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Rumbidzai Mambo Asingagumi!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Upenyu Husingaperi Hunobvira Chaizvoizvo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 6/1 pp. 3-4

Nguva Nokusaguma—Tinonyatsozivei Pamusoro Pazvo?

“NGUVA inoratidza kuva chimwe chezvinhu zvakavanzika zvezviitiko zvavanhu,” inodaro imwe enisaikoropidhiya. Hungu, kurondedzera nguva namashoko akapfava kunodokuva kusingabviri. Tingataura kuti nguva “inopfuura,” “inoenda,” “inobhururuka,” uye kunyange kuti isu pachedu tiri kufamba “mukufamba kwenguva.” Asi hatinyatsozivi zvatiri kutaura nezvazvo.

Nguva yakatsanangurwa se“chinhambwe pakati pezviitiko zviviri.” Asi, zviitiko zvedu zvinoratidza kuti nguva hainei nezviitiko; inoratidzika seinopfuurira kunyangwe chimwe chinhu chikaitika kana kuti kwete. Mumwe muzivi anotaura kuti nguva chaizvoizvo haipo asi inongova chimwe chinhu chinofungidzirwa. Inogona kuvawo chimwe chinhu chokufungidzira here sezvo zviitiko zvedu zvakawanda zvakavakirwa pairi?

Bhaibheri Rinotii Nezvenguva

Bhaibheri harimborondedzeri nguva, zvichikarakadza kuti zvichida iri kunze kwemano emunhu kuinzwisisa zvizere. Inoita senzvimbo iri pakati pepasi nokudenga isina magumo, iyo isuwo tinowana yakatiomera kunzwisisa. Sezviri pachena, nguva, ndeimwe yezvinhu izvo Mwari bedzi anogona kunzwisisa zvizere, nokuti iye oga ano“bva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi.”—Pisarema 90:2.

Kunyange zvazvo Bhaibheri risingarondedzeri nguva, rinotaura nezvenguva sechinhu chaicho. Kutanga, Bhaibheri rinotiudza kuti Mwari akasika “zviedza”—zuva, mwedzi, nenyeredzi—sezviratidzo zvenguva, “kuti zvive zviratidzo, nenguva, namazuva, namakore.” Zvinoitika zvakawanda zvakanyorwa muBhaibheri zvakaiswa mukufamba kwenguva. (Genesi 1:14; 5:3-32; 7:11, 12; 11:10-32; Eksodho 12:40, 41) Bhaibheri rinotaurawo nezvenguva sechimwe chinhu chatinofanira kushandisa nokuchenjera kuitira kuti tigova mumutsara wechikomborero chaMwari chokusaguma kwenguva—kutarisira kurarama nokusingaperi.—VaEfeso 5:15, 16.

Upenyu Husingaperi—Zvine Pfungwa Here?

Vakangaidzwa nokuedza kuda kunzwisisa kuti chaizvo nguva chii, kune vakawanda pfungwa youpenyu husingaperi, kana kuti kurarama nokusingaperi, inovhiringidza zvikuru. Chimwe chikonzero cheizvi chingava chokuti kuziva kwedu nguva kwakagara kwakabatanidzwa nematanho okuzvarwa, kukura, kukwegura, uye rufu. Saka, takasvika pakuziva mafambire enguva nenzira yokukwegura pachayo. Nokuda kwevakawanda, kufunga neimwe nzira kungaratidza kuva kuputsa icho chinorehwa nenguva. ‘Nei vanhu vachifanira kusiyiwa pane izvo zvimwe zvisikwa zvose zvipenyu zvinoratidza kuti zvinobatanidzwa?’ vangabvunza kudaro.

Chisingawanzofungwi mukufunga nenzira iyi ndicho chokuti vanhu vanotova vakasiyana nezvimwe zvisikwa zvose munharaunda dzakawanda. Somuenzaniso, mhuka hadzina mano ayo vanhu vanawo. Pasinei zvapo nezvinotaurwa, hadzimbogoni kuva nounyanzvi hunopfuura zvadzinoita zvomuzvarirwo. Hadzina zvipo zvounyanzvi kana mano okuratidza rudo nekuonga izvo vanhu vanazvo. Kana vanhu vakapiwa zvakawanda muzvinhu izvi uye mano anoita kuti upenyu hureve chimwe chinhu, nei zvisingabviri kuti vapiwe nguva yakawanda kana toreva nezveupenyu pachahwo?

Neimwe nzira, hazvishamisi here kuti miti, isingagoni kufunga, inorarama kwezviuru zvamakore pane dzimwe nguva, nepo vanhu vakachenjera vangararama kwemakore 70 kusvikira ku80 chete paavhareji? Hazvishamisi here kuti kamba, dzisina mano kana unyanzvi hwokuzvarwa nahwo, dzinogona kurarama kweanopfuura makore 200, nepo vanhu, vakapiwa mano aya zvikuru, vachingorarama makore asingasviki hafu yeadzinorarama?

Kunyange zvazvo nguva nokusaguma zvisingagoni kunyatsonzwisiswa nevanhu, upenyu husingaperi hwakapikirwa ichiri tariro yakasimba kwazvo muBhaibheri. Mariri, shoko rokuti “upenyu husingaperi” rinowanikwa kanodakusvika 40. Asi kana chinangwa chaMwari chiri chokuti vanhu vanofanira kurarama nokusingaperi, nei zvisati zvaitika? Mubvunzo uyu uchapindurwa munyaya inotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe