RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 12/15 pp. 3-4
  • Kirisimasi Haisisina Basa naKristu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kirisimasi Haisisina Basa naKristu Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Kwakabva Krisimasi Yazvino Uno
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Tsika dzepaKrisimasi—NdedzechiKristu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Nguva yeKrisimasi—Chinangwa Chayo Ndechei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Krisimisi Inorevei Kwauri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 12/15 pp. 3-4

Kirisimasi Haisisina Basa naKristu Here?

“Handina kumbokwanisa kuzviita kuti ndibvumirane nemhemberero dzezororo reKirisimasi. Kwandiri dzakaita sedzisingambowirirani noupenyu nokudzidzisa zvaJesu.”—Mohandas K. Gandhi.

VAKAWANDA havangambobvumirani naGandhi. Vangafunga kuti, ‘mutungamiriri wehurumende wechiHindu angambonyatsozivei nezvezororo rechiKristu?’ Zvisinei, zvinofanira kubvumwa kuti Kirisimasi yapararira nenyika yose, ichitapura tsika dzose. Muna December oga oga, zororo racho rinoita serapararira kwose kwose.

Somuenzaniso, vaAsia vangasvika mamiriyoni 145 vanopemberera Kirisimasi, vakawanda nemamiriyoni 40 kupfuura makore gumi apfuura. Uye kana Gandhi paakati “mhemberero” aireva Kirisimasi yemazuva ano isinei nechitendero, kutenga kusina kutsiga kwatinoona tose, zvakaoma kuramba kuti rutivi urwu rwemhemberero ndirwo rwunowanzozivikanwa. Magazini inonzi Asiaweek inotsinhira kuti: “Kirisimasi muAsia—kubva kumwenje yemhemberero muHong Kong kusvikira kumiti mikuru yeKirisimasi iri mumahotera muBeijing kusvikira kumifananidzo yokuberekwa kwaJesu iri nechokunze kwetaundi reSingapore—yangova hayo chiitiko chenyika” kunyanyanyanya chokutengeserana.

Kupembererwa kweKirisimasi yamazuva ano hakusisina basa naKristu here? Musi wa25 December wave uchichengetwa zviri pamutemo kuvambira mumakore ezana rechina C.E., Chechi yeRoma Katurike payakasarudza zuva iroro nokuda kwokupemberera kwechitendero zuva rokuzvarwa kwaJesu. Asi maererano nokubvunzurudza kuchangobva kuitwa muUnited States, i33 muzana chete yevakabvunzurudzwa vaifunga kuti kuzvarwa kwaKristu ndirwo rutivi rukuru rweKirisimasi.

Unofungei? Pane dzimwe nguva unombofunga kuti mukushambadzira kwose kwokunyengerera, kutenga zvipo kwokukurumidzira, kushongedzwa kwemiti, kurongwa nokupindwa kwemapati, kutumirwa kwemakadhi—Jesu anenge ati kanganwikei here?

Vamwe vanoita sevanofunga kuti imwe nzira yokudzorera nayo Kristu muKirisimasi ndeyokuita Mufananidzo Wokuzvarwa kwaKristu, kana kuti zvidhori zvinomirira kuberekwa kwaJesu. Ungadaro wakaona zvidhori zvakadaro zvakabatanidzwa zvinomirira mwana Jesu ari muchidyiro akakombwa naMaria, Josefa, vafudzi, “vachenjeri vatatu,” kana kuti “madzimambo matatu,” mhuka dzinogara mudanga, uye vanhu vakatarira. Zvinowanzofungwa kuti zvidhori zvinomirira kuberekwa kwaJesu izvi zvinoyeuchidza vanhu zvinorehwa neKirisimasi chaizvoizvo. Maererano neU.S. Catholic, “chidhori chinomirira kuberekwa kwaJesu chinoratidza mufananidzo utori nani zvikuru kupfuura ungapiwa neevhangeri imwe chero ipi zvayo, kunyange zvazvo ichisimbisawo rutivi rwusiri rwenhau rwenhoroondo idzi.”

Kunyange zvakadaro, Mufananidzo Wokuzvarwa kwaKristu unoratidza sei kuti nhoroondo dziri muEvhangeri dzeBhaibheri hadzina kuvakirwa panhau? Zvakanaka, zvinofanira kubvumwa kuti zvivezwa zvakapendwa nounyanzvi zvinoita kuti kuzvarwa kwaKristu kunzwike sengano kana kuti nyaya yenhema. Mufananidzo Wokuzvarwa kwaJesu wakatanga kuitwa kuti ukurumbire nomumongi womumakore ezana rechi13, waimbova nhau chaiyoiyo. Nhasi, kufanana nezvimwe zvinhu zvakawanda zvikuru zvine chokuita nezororo iri, Mifananidzo Yokuzvarwa kwaKristu yava bhizimisi guru. MuNaples, Italy, zvitoro zvakatevedzana zvinotengesa zvidhori zveMifananidzo Yokuzvarwa kwaKristu, kana kuti presepi, gore rose. Zvimwe zvezvifananidzo zvakakurumbira zvikuru zvinomirira vakakurumbira mazuva ano, vakadai saPrincess Diana, Mother Teresa, uye mugadziri wembatya Gianni Versace, kwete vanhu vomunhau dzeEvhangeri. Kune dzimwe nzvimbo, presepi dzinogadzirwa nechocolate, pasta, kunyange maseashell. Unogona kunzwisisa kuti nei zvakaoma kuona mashoko ezvakaitika muzvinoratidzwa zvakadaro.

Ipapo, mitambo yokuzvarwa kwaKristu yakadaro ingapa sei “mufananidzo utori nani zvikuru kupfuura ungapiwa neevhangeri imwe chero ipi zvayo”? Nhoroondo dzeEvhangeri hadzina kuvakirwa panhau zvechokwadi here? Kunyange vanopanikira vakaoma mwoyo vanofanira kubvuma kuti Jesu akanga ari munhu wechokwadi, wenhau. Saka anofanira kuve akambova mwana chaiyeiye, akazvarwa panzvimbo chaiyoiyo. Panofanira kuva nenzira iri nani yokuwana nayo mufananidzo uri nani wezviitiko zvaibatanidza kuzvarwa kwake kupfuura kungotarisawo Mifananidzo yokuzvarwa kwake!

Inotovapo. Vanyori vaviri vezvakaitika kare vakanyora nhoroondo dzakazvimirira dzokuzvarwa kwaJesu. Kana pane dzimwe nguva uchifunga kuti Kristu anowanzokanganwika panguva yeKirisimasi, unorega nei kuzviongororera wega nhoroondo idzodzi? Madziri uchawana nyaya inofadza zvikuru, kwete ngano—nyaya chaiyoiyo yokuzvarwa kwaKristu.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Border on pages 3-6, 8, and 9: Fifty Years of Soviet Art

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe