RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 4/1 p. 21
  • “Vanhu Vako Vachazviisa Nomwoyo Wose”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Vanhu Vako Vachazviisa Nomwoyo Wose”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Mukuru Wemasoja Nemusikana Mudiki
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Aida Kubatsira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Akanga Akaoma Musoro Asi Akazoguma Ava Kuteerera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Musikana Anobetsera Gamba
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 4/1 p. 21

Mushumo Wavazivisi voUmambo

“Vanhu Vako Vachazviisa Nomwoyo Wose”

MUKURU ane simba weuto reSiria Naamani ane maperembudzi. Kana ikasarapwa, iyi hosha inosemesa inogona kuguma nokuremara nokufa. Naamani anofanira kuitei? Pakati paavo vemhuri yaNaamani pane musikana muduku, “wavakanga vatapa panyika yaIsraeri.” Anotaura noushingi uye anozivisa muporofita Erisha seuyo anogona kurapa Naamani.—2 Madzimambo 5:1-3.

Nemhaka yechimiro chake chokushinga, Naamani anotsvaka Erisha uye anorapwa. Uyezve, Naamani anova munamati waJehovha! Chiitiko ichi, chakanyorwa muBhaibheri, chakaitika muzana ramakore rechigumi B.C.E. (2 Madzimambo 5:4-15) Nhasi, pwere dzakawanda dzinoratidza ushingi hwakafanana mukutaura noushingi fariro dzoUmambo. Chiitiko chinotevera chinobva muMozambique chinosimbisa izvi.

Nuno ane makore matanhatu okukura muparidzi asina kubhabhatidzwa wemashoko akanaka. Kunyange asati ava muparidzi asina kubhabhatidzwa, Nuno aiunganidza vana vomunharaunda make, ainyengetera, uye aivadzidzisa Bhaibheri, achishandisa chinyorwa chaBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri.

Kakawanda Nuno anokurumidza kumuka mangwanani eMugovera ndokuyeuchidza mhuri yake kuti: “Nhasi tinoenda muushumiri hwomumunda.” Kushingairira kwake ushumiri kunoratidzirwa mudzimwe nzira. Paanenge achiperekedza vabereki vake muushumiri hwomumugwagwa muMaputo, Nuno kazhinji kazhinji anosvika vanhu ari oga. Pane imwe nhambo yakadaro, mumwe muzvinabhizimisi akauya kwaari ndokubvunza kuti: “Uri kutengeserei magazini aya?” Nuno akati: “Handisi kutengesa magazini, asi ndinogamuchira mipiro yokubetsera kuwanira mari basa rokuparidza.” Muzvinabhizimisi wacho akapindura achiti: “Kunyange zvazvo ndisingafariri, ndaororwa nemurangariro wako namano. Ndingada kupa mupiro kubasa iri.”

Pane imwe nhambo, Nuno akasvika mumwe murume ari mumugwagwa ndokumugovera bhuku raRugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei? Murume wacho akabvunza kuti: “Haupindi chikoro chiri apo icho here?” “Hungu,” Nuno akapindura, “ndinopinda chikoro ichocho, asi nhasi ndiri kugovera shoko rinokosha rinobva mubhuku iri. Rinokuratidzai kuti munogona kurarama munyika itsva iyo Mwari achaunza, sezvinoratidzwa mumufananidzo uri mubhuku rino.” Nuno haana kumboziva kuti murume waakanga ari kutaura naye akanga ari mudzidzisi pachikoro chake. Mudzidzisi wacho haana kungogamuchira bedzi bhuku racho asi zvino anogamuchirawo nguva dzose magazini eNharireyomurindi neMukai! kuna Nuno.

Apo Nuno anobvunzwa kuti chikonzero nei achida kupinda mubasa rokuparidza, anoti: “Ndinoda kutaura navanhu ndokuvadzidzisa pamusoro paJehovha noMwanakomana wake, Jesu Kristu.” Anowedzera kuti: “Uye kana vanhu vasingadi kuteerera, hapana chikonzero chokutsamwa.”

Munyika yose, zviuru zvepwere dzakafanana naNuno dzino“zviisa nomwoyo wose” kuti dzidzidzise uye kuparidza pamusoro poUmambo hwaMwari. (Pisarema 110:3) Asi izvi hazviitiki netsaona. Vabereki vanodzidzisa vana vavo pamusoro paJehovha kubvira paucheche, vanogadza muenzaniso wakanaka muushumiri, uye vanoronda nokushingaira fariro dzoUmambo vachapiwa mubayiro mukuru.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe