RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 10/15 pp. 3-4
  • Mufaro—Unonetsa Kuwana Zvikuru

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mufaro—Unonetsa Kuwana Zvikuru
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinokonzera Kusafara
  • Vavariro Isingawaniki
  • Kutsvaka Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Pfuma Inogona Kukuita Kuti Ufare Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Utano Uye Mufarwa—Unogona Sei Kuzviwana?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mufaro Wechokwadi Unogona Kuwanwa Kupi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 10/15 pp. 3-4

Mufaro—Unonetsa Kuwana Zvikuru

HASHA, kufunganya, uye kuora mwoyo zvanguve zvichinzverwa nemasaindisiti. Mumakore mashomanene apfuura, zvisinei, masayendisiti makuru ave achinyanyonzvera rutivi rwomunhu rwakanaka uye rwunodiwa—mufaro.

Chii chingaite kuti vanhu vafare zvikuru? Kana vari vaduku, vapfumi, vane utano hwakanaka, varefu, kana kuti vatete here? Mufaro wechokwadi unobva kupi? Vanhu vakawanda zvikurusa vanozviwana zvakaoma, ndokunge vachitombogona, kupindura mubvunzo iwoyo. Vachirangarira kukundikana kuwana mufaro kwakapararira, zvichida vamwe vaizozviwana zviri nyore kwazvo kupindura zvinobvisa mufaro.

Kwenguva refu, vanonzvera ndangariro vakarumbidza ruzivo rwokuda zvinhu zvomunhu oga serwunounza mufaro. Vakakurudzira vanhu vasingafari kufungisisa zvikuru nezvekugutsa zvavanoda. Kutaura kunobata ngwariro kwakadai sokuti “iva zvauri,” “zvizive,” uye kuti “ziva unhu hwako” kwakashandiswa mukurapa pfungwa. Bva, dzimwe nyanzvi dzacho chaidzo dzakatsigira uku kufunga pari zvino dzinobvuma kuti chimiro chendangariro chakadaro chokuda zvomunhu oga hachiunzi mufaro wenguva refu. Kuda kuzvifadza kuchaunza marwadzo nokusafara nenzira isingadzivisiki. Udyire hauunzi mufaro.

Chinokonzera Kusafara

Avo vanotsvaka kufara kupfurikidza nokuronda mafaro vari kutsvaka munzvimbo isiriyo. Rangarira muenzaniso waMambo Soromoni akachenjera waIsraeri wakare. Mubhuku reBhaibheri raMuparidzi, anotsanangura kuti: “Zvose zvakadikanwa nameso angu handina kuanyima izvozvo; handina kutongodzora mwoyo wangu pamufaro upi noupi; nokuti mwoyo wangu wakanga uchifara nokubata kwangu kwose; ndiwo wakanga uri mugove wangu wakabva pakubata kwangu kwose.” (Muparidzi 2:10) Soromoni akazvivakira dzimba, akasima mizambiringa, uye akazviitira mapindu, mapaka, uye madziva emvura. (Muparidzi 2:4-6) Pane imwe nguva akambobvunza kuti: “Ndiani anodya nokunwa zvakanaka kupfuura zvandinoita?” (Muparidzi 2:25, NW) Aifadzwa nevaimbi nenyanzvi dzenziyo, uye aifarikanya ushamwari nevakadzi vakaisvonaka zvikurusa venyika yacho.—Muparidzi 2:8.

Chokwadi ndechekuti, Soromoni aisazvidzora kana touya kumafaro. Akagumisa achitii pashure pokufara zvakadaro muupenyu? Akati: “Zvino ndakacherekedza mabasa ose akanga aitwa namaoko angu, nokubata kwose kwandakatambura kubata—tarira zvose zvakanga zvisina maturo, kwaiva kudzingana nemhepo bedzi, kwakanga kusina chinhu chinobatsira pasi pezuva.”—Muparidzi 2:11.

Zvakawanwa namambo akachenjera zvinoramba zvakarurama kusvikira nhasi. Rangarira somuenzaniso nyika yakapfuma seUnited States. Mukati memakore 30 apfuura, vagari vomuAmerica vakatoda kuwedzera nekaviri uwandu hwezvinhu zvavo zvokunyama, zvakadai semotokari nematerevhizheni. Bva, maererano nenyanzvi dzeutano hwepfungwa, vagari vomuAmerica havambofari. Maererano neimwe magazini, “munhambo imwe cheteyo, kuora mwoyo kwakakwirira. Kuzviuraya kwevechiduku kwakapetwa katatu. Kurambana kwakapetwa kaviri.” Vanzveri vakagumisa zvakafanana pashure pokufunda ukama huripo pakati pemari nomufaro pakati pevagari vomunyika 50 dzakasiyana-siyana. Zvichitaurwa zvakapfava, haugoni kutenga mufaro.

Mukupesana, kuronda pfuma kunogona kunzi ndiko kunokonzera kusafara nenzira yakafanira. Muapostora Pauro akanyevera kuti: “Vanotsvaka kupfuma, vanowira mukuidzwa nomumusungo, nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nokurashwa. Nokuti kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose; vamwe vakati vachiida zvikuru vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya neshungu zhinji.”—1 Timotio 6:9, 10.

Pfuma, utano, upwere, runako, simba, uyewo musanganiswa weizvi hazvigoni kuvimbisa mufaro unogara. Nei? Nokuti hatikwanisi kuita kuti zvinhu zvakaipa zvisaitike. Mambo Soromoni akati: “Nokuti nomunhuwo haazivi nguva yake; sehove, dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri, dzinobatwa murugombe, saizvozvo vanakomana vavanhu vanoteyiwa nenguva yakaipa, kana yavawira kamwe kamwe.”—Muparidzi 9:12.

Vavariro Isingawaniki

Hapana kunzvera kwesayenzi kunogona kuunza mushonga wakaitwa navanhu kana kuti mutoo womufaro. Soromoni akatiwo: “Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti unomhanyisa haazi iye unokunda, une simba haazi iye unokunda pakurwa, wakachenjera haazi iye une zvokudya, vanhu vane njere havazi ivo vane pfuma, vanhu vane umhizha havasi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.”—Muparidzi 9:11.

Vakawanda vanobvumirana nemashoko ari pamusoro apa vakagumisa kuti kuva neupenyu hwokufara chaihwoihwo hakubviri. Mumwe mudzidzisi ane mukurumbira akati “mufaro mugariro wokufungidzira.” Vamwe vanodavira kuti mufaro unowanwa nechakavanzika, kuti mano okuratidza chakavanzika chacho angave akaganhurirwa kuvashomanene vakapiwa uchenjeri.

Zvisinei, mukutsvaka kwavo mufaro, vanhu vanopfuurira kuedza mararamire akasiyana-siyana. Pasinei zvapo nokukundikana kwevakavatangira, vakawanda nhasi vachiri kuronda pfuma, simba, utano, kana kuti mufaro semushonga wokusafara kwavo. Kutsvaka kwacho kunopfuurira nemhaka yokuti mukati chaimo, vanhu vakawanda vanodavira kuti mufaro wechokwadi hausi mugariro wokufungidzira. Vanokarira kuti mufaro hausi chiroto chisingawaniki. Ipapo ungabvunza kuti, ‘Ndinogona kuuwana sei?’

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe