RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 12/15 pp. 3-4
  • Evhangeri Maererano Nenyanzvi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Evhangeri Maererano Nenyanzvi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kurangarirwa kwaJesu “Kwounyanzvi”
  • Zvinopfuura Dzidzo Yakakwirira
  • Evhangeri—Gakava Racho Rinoenderera Mberi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Jesu Chaiye
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Mabhuku eEvhangeri Akavimbika Zvakadini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Chokwadi Pamusoro paJesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 12/15 pp. 3-4

Evhangeri Maererano Nenyanzvi

“VANHU vazhinji vanoti ndini aniko?” (Ruka 9:18) Jesu akabvunza izvozvi kuvadzidzi vake zvinodokuva zviuru zviviri zvamakore zvapfuura. Mubvunzo wacho wakanga uchimutsa nharo panguva iyoyo. Unoratidzika kuva unotodaro zvikuru kwazvo zvino, zvikurukuru pedyo nemwaka weKirisimasi, uyo unofungidzirwa kuva unonangidzira ngwariro pana Jesu. Vazhinji vanodavira kuti Jesu akatumwa kubva kudenga kuti adzikinure rudzi rwomunhu. Ndizvo zvaunofunga here?

Dzimwe nyanzvi dzinokarakadza mumwe murangariro. “Kufunga Jesu seuyo akadzidzisa kuti akanga ari Mwanakomana waMwari uyo aifanira kufira zvivi zvenyika hakusi kwechokwadi mune zvenhau,” anodaro Marcus J. Borg, purofesa werudzidziso netsika.

Dzimwe nyanzvi dzinotaura kuti Jesu chaiyeiye akanga akasiyana neuyo watinorava nezvake muBhaibheri. Dzimwe dzinodavira kuti Evhangeri dzose dzakanyorwa makore makumi mana kana kuti kupfuura pashure porufu rwaJesu uye kuti pakasvika nguva iyoyo kuzivikanwa kwechokwadi kwaJesu kwakanga kwanatswa. Chinetso chakanga chisina chokuita nokuyeuka kwevanyori veEvhangeri, dzinodaro nyanzvi, asi nokududzira kwavo. Pashure porufu rwaJesu vadzidzi vakasvika pakumurangarira zvakasiyana—seMwanakomana waMwari, Muponesi, uye Mesiya. Dzimwe dzinotaura noushingi kuti Jesu aingovawo zvake muchenjeri aidzungaira, muchinji wenzanga. Ichocho, dzinodaro nyanzvi, ndicho chokwadi cheevhangeri.

Kurangarirwa kwaJesu “Kwounyanzvi”

Kuti vadzivirire kurangarira kwavo “kwounyanzvi,” vatsoropodzi vanoratidzika kuva vanodisa kubvisa chinhu chipi nechipi pamusoro paJesu chinoratidzika kuva chinopfuura chomuzvarirwo. Somuenzaniso, vamwe vanotaura kuti kuberekwa nemhandara kwakanga kuri kufukidza kusaberekwa nenzira yapamutemo kwaJesu. Vamwe vanoramba uporofita hwaJesu pamusoro pekuparadzwa kweJerusarema, vachitaura kuti ihwohwu hwakapinzwa muEvhangeri pashure pe“kuzadzikwa” kwahwo. Vamwe vanototaura kuti kuporesa kwaJesu kwakanga kuri kwokuchinja mafungiro avanhu chose chose—ndangariro pamusoro pemuviri. Unowana kutaura kwakadaro kwakarurama kana kuti kusina mufungo here?

Dzimwe nyanzvi dzinototaura kuti vadzidzi vaJesu vakanyepa pamusoro perumuko kuti vadzivirire sangano ravo pakuparara. Pashure pezvose, nyanzvi dzinorangarira kuti, vateveri vaJesu vakanga vasina simba vasinaye, naizvozvo vakadzorera Tenzi wavo mumanyoro avo. Chaizvoizvo, chakanga chiri chiKristu, kwete Kristu, icho chakamutswa. Kana ikoko kuchiratidzika kuva kunyanyisa kwenyanzvi, zvakadini nekutaura kwemufundisi Barbara Thiering kwokuti Jesu haana kutongourawa? Anodavira kuti Jesu akapukunyuka kurovererwa kwake uye akapfuurira kuroora kaviri ndokubereka vana vatatu.

Kutaura kwose ikoku kunoderedza Jesu kusvikira kunzvimbo bedzi iyo nyanzvi zhinji dzichamugamuchira: iya yemurume akachenjera, muJudha akaderera, muchinji wenzanga—chinhu chipi nechipi kunze kwokuva Mwanakomana waMwari, uyo akauya kuzo“pa upenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.”—Mateo 20:28.

Zvichida panenge panguva ino yegore, wakarava mativi eEvhangeri, akadai serutivi pamusoro pekuberekwa kwaJesu muchidyiro. Kana kuti ungave wakanzwa akadaro muchechi. Wakagamuchira nhoroondo dzeEvhangeri sedzinokosha uye dzinodavirika here? Ipapo cherekedza aya mamiriro ezvinhu anokatyamadza. Mune inonzi Kirasi Yavadzidzi yaJesu, boka renyanzvi rakasangana kaviri pagore kubvira muna 1985 kuti riwane uchokwadi hwemashoko aJesu. Jesu chaizvoizvo akataura izvo Bhaibheri rinoti ndiye akataura here? Mitezo yekirasi yacho yakatsigira kutaura kumwe nokumwe nezvuma zvine mavara. Chuma chitsvuku chaireva kuti kutaura kwakati zvirokwazvo kwakataurwa naJesu; chuma chepingi chaireva kuti Jesu zvimwe akakutaura; chuma chegireyi chairatidzira kusava nechokwadi; uye chuma chitema chairatidzira kuva kwenhema.

Ungakangaidzwa kuziva kuti Kirasi Yevadzidzi yaJesu yakazivisa kuti 82 muzana yemashoko anonzi akataurwa naJesu zvimwe haana kutaurwa naye. Kunokorwa mashoko kumwe bedzi muEvhangeri yaMarko kwakanzi kunovimbika. Evhangeri yaRuka yakanzi yakazara kwazvo nemashoko anoparadzirwa zvokuva “isingabviri kuziva yapakuvamba.” Evhangeri yose yaJohane kunze kwemitsara mitatu yakatsigirwa nechuma chitema, kuratidzira kuva yenhema, uye shomanene yakasara yakapiwa chuma chegireyi chekusava nechokwadi.

Zvinopfuura Dzidzo Yakakwirira

Unobvumirana nenyanzvi here? Dziri kutipa kuratidzirwa kwakarurama zvikuru kwaJesu kunopfuura kuya kunowanwa muBhaibheri here? Mibvunzo yose iyoyi inopfuura nhau yekurukurirano yeunyanzvi. Panguva ino yegore, ungayeuchidzwa kuti, maererano neBhaibheri, Mwari akatuma Jesu “kuti ani naani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.”—Johane 3:16.

Kana Jesu akanga ariwo zvake muchenjeri aidzungaira watinoziva zvishoma nezvake, kungasava nomufungo ku‘shandisa kutenda’ maari. Pane rumwe rutivi, kana kuratidzira Jesu kweBhaibheri kuri kwechokwadi, kuponeswa kwedu kusingagumi kunobatanidzwa. Naizvozvo, tinofanira kuziva—Bhaibheri rine chokwadi pamusoro paJesu here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe