RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 11/1 p. 27
  • “Chipo Chakaisvonaka Chakabva Kuna Jehovha”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Chipo Chakaisvonaka Chakabva Kuna Jehovha”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mashoko Akafanana
  • “Machinja Maonero Andinoita Zvapupu zvaJehovha”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Chembere Inoonga
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Nei Tichiratidza Kuonga?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kubatira Pasi Poruoko rwaJehovha Rune Rudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 11/1 p. 27

“Chipo Chakaisvonaka Chakabva Kuna Jehovha”

CHINYORWA chaMay 1, 1996, cheNharireyomurindi chakanga chine kukurukurwa kune udzame kwokusatora rutivi kwechiKristu uye nzira yokudzikamisa nayo mabasa edu kuna Jehovha uye kuna “Kesari.” (Mateo 22:21) Kutaura kwakawanda kwokuonga kwave kuchinzwiwa nokuda kwamashoko matsva akagoverwa. Pakati pawo pane tsamba inotevera, yakanyorwa neChapupu chiri muGreece uye yakanyorerwa Mutumbi Unodzora weZvapupu zvaJehovha:

“Ndinoda kutaura kuonga kwangu kukurusa kwamuri mose hama dzinodiwa nokuda kwokutitarisira zvakanaka kudaro mumudzimu. Ndichiva ndapedza makore mapfumbamwe mutorongo nemhaka yokutenda kwangu kwechiKristu, ndinoonga zvirokwazvo mifungo yakaisvonaka iri muchinyorwa chaMay 1, 1996, cheNharireyomurindi. (Isaya 2:4) Ichi chakanga chiri chipo chakaisvonaka chakabva kuna Jehovha.—Jakobho 1:17.

“Apo ndakanga ndichifarikanya idzi nyaya, ndakayeuka tsinhiro yaiva muNharireyomurindi yapakuvamba zvikuru (August 1, 1994, peji 14): ‘Nenzira yakajeka, kuva nomufungo ivara rinokosha, iro rinotisunda kuda Jehovha zvikuru.’ Hungu, hama, ndinoonga Jehovha kuti ndiri rutivi rwesangano rake rine mutsa uye rine rudo, iro rinoratidzira nenzira yakajeka uchenjeri hwake.—Jakobho 3:17.

“Chiedza chakawedzerwa chiri muNharireyomurindi yaMay 1 chakagamuchirwa zvakanaka zvikuru muno muGreece, zvikurukuru naavo vakapedza makore anoverengeka vari mutorongo kana kuti vachiri mutorongo nemhaka yokutenda kwavo. Ndinokuongai zvakare. Jehovha ngaakusimbisei nomudzimu wake kuti mupfuurire kutigovera zvokudya zvomudzimu zvinokosha nokuda kweidzi nguva dzinotambudza.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe