‘Ini Ndinokosha Kuna Mwari Here?’
“INI Ndinokosha Here? Mwari Anoitira Hanya Here?” Wakarava kudaro musoro wenyaya iri muChristianity Today. “Rakawanda rebasa rangu somunyori raiva nechokuita nechinetso chokurwadziwa,” anotaura kudaro Philip Yancey, munyori wenyaya yacho. “Ndinodzokera ndadzokerazve kumibvunzo mimwe cheteyo, sokunge kubata neminwe ronda rekare risingatongopori chaizvoizvo. Ndinonzwa kubva kuvaravi vamabhuku angu, uye nhau dzavo dzenhamo dzinosimbisa panikiro dzangu.”
Zvichida iwewo wakashamisika pamusoro pokufarira kwaMwari upenyu hwako. Haiwa, ungave wakarovedzana naJohane 3:16 (NW), iyo inotaura kuti “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi.” Kana kuti ungave wakarava Mateo 20:28 (NW), iyo inotaura kuti Jesu akauya “kuti ape mweya wake sorudzikinuro mutsinhano navazhinji.” Ungabvunzazve kuti, ‘Mwari anondicherekedza here? Anondiitira hanya somunhu here?’ Pane chikonzero chakanaka chokudavira kuti anodaro, sezvatichaona.