“Takawisirwa Pasi, asi Hatina Kuparadzwa”
YAKATAURWA NAULF HELGESSON
Muna July 1983, vanachiremba vakanga vakakotamira pandiri vakati: “Amuka!” Bundu rakareba macentimetre 12 rakanga rabviswa pamuzongoza wangu mukuvhiya kwakaoma kwamaawa 15. Ndakasiyiwa ndaremara zvachose.
MAZUVA mashomanene gare gare, ndakatamisirwa kune chimwe chipatara chaiva makiromita anodokusvika 60 kubva kutaundi rokumusha kwangu reHälsingborg, kumaodzanyemba kweSweden. Ikoko ndakapinda purogiramu yokudzorerwa kumugariro wakanaka. Nyanzvi yezvokutwasanudza muviri yakati kwaizova kunorayira zvikuru, bva ndaidisa kuti nditange. Ndaida zvikuru kufamba zvakare. Kupfurikidza nokuronda nokushingaira purogiramu yokurovedza yamaawa mashanu pazuva, ndakaita fambiro mberi nokukurumidza.
Mwedzi mumwe gare gare apo mutariri anofambira akabatira ungano yedu, iye navamwe varume vakuru vechiKristu vakaita rwendo rwurefu kuti vazoita musangano wavakuru weungano mukamuri rangu rechipatara. Mwoyo wangu wakafara sei pauhwu ufakazi hwerudo rwouhama! Vakoti vaiva muchikamu chacho vakagovera boka racho rose tii namasangweji pashure pomusangano wacho.
Pakutanga vanachiremba vakashamiswa nefambiro mberi yangu. Pashure pemwedzi mitatu ndainge ndogona kugara muwiricheya yangu uye kunyange kumira kwenguva shomanene. Ndaifara uye ndakatsunga zvizere kufambazve. Mhuri yangu navaKristu biyangu vakandipa kurudziro yakawanda zvikuru mukati meshanyo dzavo. Ndakatokwanisa kuenda kumba kwenhambo pfupi.
Dzongonyedzo Chaiyoiyo
Pashure paizvozvo, zvisinei, handina kuita imwe fambiro mberi zvakare. Nokukurumidza nyanzvi yezvokutwasanudza muviri yakandipa mashoko anorwadza, okuti: “Hausati uchizoita nani kupfuura izvi!” Nharidzano zvino yakanga iri yokundisimbisa kuti ndifambe fambe ndiri ndoga muwiricheya. Ndakafunga kuti chii chaizoitika kwandiri. Mudzimai wangu aizokwanisa sei? Akanga aitwa kuvhiyiwa kukuru amene uye akanga ave achida betsero yangu. Ndaizoda kutarisirwa nesangano rakati kwechigarire here?
Ndakava akaora mwoyo zvikuru. Kusimba kwangu, ushingi, uye simba zvakapera zvishoma nezvishoma. Mazuva akapfuura, uye ndakaramba ndisingafambi. Ndakanga ndisina kuremara mumuviri chete asiwo ndakabatwa nechiveve mundangariro nomumudzimu. Ndakanga nda“wisirwa pasi.” Nguva dzose ndaive ndazvirangarira ndimene sendakasimba mumudzimu. Ndaiva nokutenda kwakasimba zvikuru muUmambo hwaMwari. (Dhanieri 2:44; Mateo 6:10) Ndaipwiswa nechipikirwa cheBhaibheri chokuti hosha dzose nezvirwere zvaizorapwa munyika itsva yaMwari yakarurama uye kuti rudzi rwose rwomunhu rwaizodzorerwa kuupenyu hwakakwana imomo. (Isaya 25:8; 33:24; 2 Petro 3:13) Zvino ndakanzwa ndaremara kwete mumuviri chete asi mumudzimuwo. Ndakanzwa nda“paradzwa.”—2 VaKorinte 4:9.
Ndisati ndapfuurira, regai ndikuudzei zvishoma pamusoro poupenyu hwangu hwapashure.
Mhuri Inofara
Ndakaberekwa muna 1934, uye utano hwangu hwakanga hwave huri hwakanaka nguva dzose. Mukuvamba kwama1950, ndakaonana naIngrid, uye takaroorana muna 1958 ndokugara mutaundi reÖstersund, pakati peSweden. Chinjo huru muupenyu hwedu yakauya muna 1963 apo takavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Panguva iyeyo takanga tave netuvana tutatu—Ewa, Björn, uye Lena. Nokukurumidza mhuri yedu yose yakanga yave kufunda uye ichisanofambira mberi muzivo yezvokwadi yeBhaibheri.
Nokukurumidza pashure pokunge tavamba kufunda, takatamira kuHälsingborg. Ikoko, mudzimai wangu neni takazvitsaurira timene kuna Jehovha uye takabhapatidzwa muna 1964. Mufaro wedu wakakura apo mwanasikana wedu mukuru, Ewa, akabhapatidzwa muna 1968. Makore manomwe gare gare, muna 1975, Björn naLena vakabhapatidzwawo, uye gore rakatevera ndakagadzwa kuva mukuru muungano yechiKristu.
Basa rangu rokunyika raindigonesa kugovera zvakanaka zvinodikanwa zvokunyama zvemhuri yangu. Uye mufaro wedu wakawedzera apo Björn naLena vakapinda mubasa roushumiri renguva yakazara. Björn nokukurumidza akakokwa kuti abatire pabazu rehofisi yeZvapupu zvaJehovha muArboga. Upenyu, sokunge zvakadaro, hwaitifambira zvakanaka. Ipapo, mukuvamba kwa1980, ndakavamba kunzwa tapuro yomuviri yebundu iro pakupedzisira rakabviswa mukuvhiya kwakakomba ikoko muna 1983.
Kukurira Kuremara Kwomudzimu
Apo ndakaudzwa kuti ndaisazogona kufambazve, upenyu hwakaratidzika sohusina tariro kwandiri. Ndakawanazve simba romudzimu sei? Kwakanga kuri nyore kupfuura zvandaifunga. Ndakangononga Bhaibheri rangu ndokuvamba kurava. Kurava zvikuru kwandaiita, kwaindiwanisa simba romudzimu rakawanda. Chikurusa chezvose ndakasvika pakukoshesa Mharidzo yaJesu yepaGomo. Ndakairava ndairavazve ndokufungisisa pairi.
Murangariro wangu wokufarira upenyu wakadzorerwa. Kupfurikidza nokurava uye kufungisisa, ndakavamba kuona mikana panzvimbo pemhinganidzo. Ndakawanazve chishuvo changu chokugoverana zvokwadi dzeBhaibheri navamwe, uye ndakagutsa chishuvo ichi kupfurikidza nokupupurira kuvashandi vapachipatara navamwe vandakasangana navo. Mhuri yangu yakanditsigira zvizere uye yakagamuchira rovedzo munzira yokunditarisira nayo. Pakupedzisira ndakakwanisa kubuda muchipatara.
Pakupedzisira ndakanga ndava pamusha. Rakanga riri zuva rinofadza zvakadini nokuda kwedu tose! Mhuri yangu yakagadzira ndaza yakabatanidza kutarisirwa kwangu. Mwanakomana wangu, Björn, akasarudza kurega basa pahofisi yebazu reZvapupu zvaJehovha, uye akauya kumusha kuti abetsere nokunditarisira. Kwakanga kuchinyaradza zvikuru kuva chinhu chokudiwa zvikuru uye kuitirwa hanya nemhuri yangu.
Kugonana Neimwe Dzongonyedzo
Zvisinei, sezvo nguva yakafambira mberi, utano hwangu hwakaipa, uye kwakanga kwakandiomera kuti ndifambe. Pakupedzisira, pasinei zvapo nenhamburiko dzokuzvipira dzemhuri yangu, vakanga vasisakwanise kunditarisira pamusha. Naizvozvo ndakafunga kuti kwaizova kwakanakisisa nokuda kwangu kuti ndipinde mumusha wokutarisira. Zvakare, kwakareva chinjo uye muitiro mutsva. Asi handina kubvumira ikoku kuti kuve kuodza mwoyo kwomudzimu.
Handina kumborega kurava Bhaibheri nokunzvera. Ndakaramba ndichirangarira zvandaigona kuita, kwete zvandaisagona kuita. Ndakafungisisa pazvikomborero zvomudzimu izvo Zvapupu zvaJehovha zvose zvinazvo. Ndakaramba ndiri pedyo naJehovha mumunyengetero uye ndakashandisa mukana uri wose kuparidzira vamwe.
Zvino ndinopedza usiku hwangu uye zvikamu zvamasikati angu ndiri kumusha wokurerera. Masikati nemanheru ndinoapedza zvimwe ndiri pamusha kana kuti kumisangano yedu yechiKristu. Mubato wenzanga unorongwa nokuda kwokutakurwa kwenguva dzose kuenda nokudzoka kumisangano uye kuenda nokudzoka kumusha wangu. Mhuri yangu yakazvipira, hama dziri muungano, uye vashandi vepamusha unotarisira vanonditarisira nenzira yakaisvonaka.
Kuita Zvandinogona
Handizvirangariri ndimene sechirema, uye handibatwi seakadaro nemhuri yangu, kana kuti nehama dzangu dzechiKristu. Ndinotarisirwa nenzira yorudo, zvichindigonesa kupfuurira kubatira nenzira inobudirira somukuru. Ndinoitisa Fundo yeBhuku yeUngano vhiki imwe neimwe, pamwe chete nefundo yevhiki nevhiki yeNharireyomurindi paHoro yoUmambo. Kwakandiomera kuzarura mapeji ari muBhaibheri, naizvozvo mumwe munhu anogoverwa kundibetsera kuita izvozvo pamisangano. Ndinoitisa misangano nokupa hurukuro ndiri muwiricheya yangu.
Nokudaro ndichiri kugona kuita zvakawanda zvezvinhu zvandaifarikanya kuita kare, kubatanidza kuita shanyo dzokufudza. (1 Petro 5:2) Ndinoita izvozvi apo hama nehanzvadzi dzinouya kwandiri nokuda kwebetsero kana kuti zano. Ndinoshandisawo runhare, ndichizvivambira kupfurikidza nokufonera vamwe. Kurudziro inova mugumisiro ndeyavose vari vaviri. (VaRoma 1:11, 12) Imwe shamwari misi ichangobva kupfuura iyi yakati: “Pandinenge ndakaora mwoyo chaipo, unofona kuti undifadze.” Asi iniwo ndinokurudzirwawo, ndichiziva kuti Jehovha ari kukomborera nhamburiko dzangu.
Misangano isati yatanga uye yapera, ndinova nesonganiro yakaisvonaka navana vari muungano. Sezvo ndinenge ndakagara muwiricheya yangu, tinotaurirana takatarisana. Ndinoonga uchokwadi hwavo nokuva vakananga. Mumwe mukomana muduku akamboti kwandiri: “Muri chirema chakasiyana chakaisvonaka!”
Kupfurikidza nokunangidzira ngwariro pane zvandinogona kuita panzvimbo pokunetseka pamusoro pezvandisingagoni kuita, ndave ndichifarikanya kubatira Jehovha. Ndakadzidza zvakawanda kubva kune zvakaitika kwandiri. Ndakaziva kuti tinorovedzwa nokusimbiswa nemiedzo yatinotambura.—1 Petro 5:10.
Vanhu vakawanda vakagwinya, vandakacherekedza, vanokundikana kunzwisisa kuti tinofanira nguva dzose kurangarira zvakakomba kunamatwa kwaBaba vedu vokudenga. Kana tikasadaro, rudungwe rwedu rwokufunda, misangano, uye ushumiri hwomumunda zvinogona kuva muitirowo zvawo. Ndinorangarira idzi yamuro kuva dzinokosha kukuponeswa mumugumo wenyika ino ndokupinda muParadhiso yapasi yakapikirwa naMwari.—Pisarema 37:9-11, 29; 1 Johane 2:17.
Nguva dzose tinofanira kuchengeta tariro youpenyu munyika itsva yaMwari iri kuuya iri mhenyu mumwoyo yedu. (1 VaTesaronika 5:8) Ndakadzidzawo kusatera mukurwisa chimiro chendangariro chipi nechipi chokuva anoodzwa mwoyo. Ndakadzidza kurangarira Jehovha saBaba vangu uye sangano rake saAmai vangu. Ndakasvika pakuziva kuti kana tikaita nhamburiko yacho, Jehovha anogona kushandisa upi noupi wedu kuva mushandi wake anobudirira.
Kunyange zvazvo pane dzimwe nguva ndakanzwa kuti ndakanga, sokunge zvakadaro, nda“wisirwa pasi,” handi‘na kuparadzwa.’ Handina kutongosiyiwa naJehovha uye sangano rake, uyewo nemhuri yangu nehama dzangu dzechiKristu. Nemhaka yokutora kwangu Bhaibheri ndokutanga kurirava, ndakawanazve simba romudzimu. Ndinoonga Jehovha Mwari, anopa “simba rinopfuura renguva dzose” apo tinovimba naye.—2 VaKorinte 4:7, NW.
Nechivimbo chizere uye kuvimba naJehovha zvakakwana, ndiri kukarira nokudisa nguva yemberi. Ndinovimba kuti nokukurumidza zvikuru Jehovha Mwari achazadzika chipikirwa chake pamusoro peparadhiso yakadzorerwa pasi pano pamwe chete nezvikomborero zvakaisvonaka zvaichaunza.—Zvakazarurwa 21:3, 4.