RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 8/15 pp. 4-7
  • Rutyo Ruchaguma Rini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rutyo Ruchaguma Rini?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chengeteko Munyika Itsva yaMwari
  • Nyika Isina Mbavha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Kugonana Noutsotsi Munyika Yakanyongana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mugumo Woutsotsi Zvino Wava Pedyo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
    Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 8/15 pp. 4-7

Rutyo Ruchaguma Rini?

KWAIZOKUSHAMISA here kuziva kuti chengeteko chaiyo ine chokuita nomurume akararama makore 2 000 akapfuura? Achiratidza dikanwo yorudo, Jesu Kristu akataura mufananidzo unokatyamadza, wokuti: “Mumwe munhu wakabva Jerusarema, akaburukira Jeriko; akawirwa namakororo, akamupamba nguvo, akamurova, akaenda, ndokumusiya oda kufa.” Kunyange zvazvo vafambi vaviri vakafuratira nyajambwa, muSamaria ane mutsa akaratidza ngoni. Ndiani, zvisinei, anotarisira vananyajambwa voutsotsi nhasi? Kusunungurwai kubva pautsotsi kwatinogona kukarira?—Ruka 10:30-37.

Nepo vachitaura kuva vanodavira Mwari, vakawanda vanofunga kuti mutemo nenhevedzano zvinofanira kutarisirwa nomunhu. Asi zvirango zvakaoma zvikuru zvomutorongo kana kuti mapurisa akawanda neanobhadharwa zviri nani achagumisa utsotsi hwamasimba masimba here? Unodavira chaizvoizvo kuti vanotarisira kuchengetedzwa kwomutemo, pasinei zvapo nenhamburiko dzapachokwadi dzokugovera mwero wakati wechengeteko, vachapedza zvinhu zvakadai sokushandiswa zvisina kufanira kwemirimo, utsotsi hwakarongwa, uye urombo here? Bva, kuva kwedu nenzara nenyota nokuda kwokururama hakufaniri kuva kusina maturo.—Mateo 5:6.

Pisarema 46:1 inoti: “Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu, ndiye mubatsiri uri pedyo pedyo panguva dzokumanikidzwa.” Tichaona kuti aya mashoko haasati achingova zvawo nhetembo yakaisvonaka.

Sezvaunoziva, zvinobudisa mashoko zuva nezuva zvinoshuma kuuraya kusingadzorwi muhondo dzavagari vemo uye kudenha kwemagandanga. Mune mamwe mativi enyika, dzave nzvimbo dzinozivikanwa dzokuparadza pwere dzisingadiwi kana kuti zvapupu zvakaona namaziso. Neiko upenyu hwazova hwakaderera kudaro? Kunyange zvazvo kungava nezvisakiso zvakasiyana-siyana zvamasimba masimba akadaro, kune chikonzero chimwe chatisingafaniri kufuratira.

Mukuwirirana neShoko raMwari, Bhaibheri, “nyika yose igere muna iye wakaipa.” (1 Johane 5:19) Kutaura idi, Jesu Kristu akazivisa Satani Dhiyabhorosi kwete bedzi somurevi wenhema asi so“muurayi.” (Johane 8:44) Chichipesvedzera rudzi rwomunhu munzira dzakasiyana-siyana, ichi chisikwa chomudzimu chine simba chiri kusimudzira kuwedzera kwanhasi kwamasimba masimba. “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku,” inodaro Zvakazarurwa 12:12. Nenzira inofadza, zvisinei, iyi tsika yakaipa ichatsiviwa ne“denga idzva nenyika itsva, . . . munogara kururama mazviri.”—2 Petro 3:13.

Mukuwedzera kune iyi tariro inoshamisa yenyika itsva, ibetseroi yatinayo zvino chaiye?

Tisati tarangarira mhinduro yakanaka kuna ikoko, kwakanaka kuyeuka kuti kunyange vaKristu vechokwadi havana vimbiso yokuti vachadzivirirwa muutsotsi. Muapostora Pauro akarondedzera dzimwe ngozi idzo iye pachake akatarisana nadzo. Akanga ave ari mu“njodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzovorudzi rwa[ke], panjodzi dzavahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa.” (2 VaKorinte 11:26) Bva Pauro akapukunyuka idzi ngozi. Ndizvimwe chetezvo nhasi; kupfurikidza nokuva vakangwarira, tichiri vanogona kuita mabasa edu senguva dzose sezvinobvira. Ngatirangarirei zvimwe zvinhu zvichabetsera.

Kana mumwe ari kugara munharaunda ine ngozi, mufambiro wakanaka unogona kuva dziviriro, sezvo vanhu vachisanocherekedza vamwe. Kunyange zvazvo makororo achironga ndokuita utsotsi, vakawanda vanozvirangarira vamene kuva vanhuwo zvavo. Dzivisa kutsoropodza zvavanoita, uye usaedze kuwana zvavari kubatanidzwa mazviri. Nokudaro, unogona kuderedza bviro yokuva kwako nyajambwa wokutsiva. Yeuka kuti mbavha dzinoedza kuwana kuti ndivanani vakatenga chimwe chinhu chitsva kana kuti ndivanani vari kuenda kuzororo uye naizvozvo vachave vasipo pamisha yavo, naizvozvo iva anongwarira mune zvaunozivisa vamwe.

Zvakawanda zveZvapupu zvaJehovha zvakawana kuti mufambiro wazvo savashumiri wakazvigovera dziviriro yakati inocherekedzwa. Matsotsi kazhinji kazhinji akaratidzira kuti anoremekedza vaKristu vakadaro, avo pasina kusarura vanozvipa vamene mukubetsera vanhu munzanga. Zvapupu zvimene hazvisi mhondi kana kuti mbavha, uyewo ‘hazvidi kuziva zvinhu zvavamwe,’ nokudaro hazvisi tyisidziro.—1 Petro 4:15.

Chengeteko Munyika Itsva yaMwari

Tine urombo no“kusarurama ku[no]wanda” kwakafanotaurwa naJesu Kristu, asi panzvimbo pokuva vanonyanyofunganya, tinogona kuva nechivimbo chokuti Mwari nokukurumidza achabvisa iyi tsika yakaipa. Kunze kwokungofanotaura kuparidzwa kwomunyika yose kwe“evhangeri iyi youshe,” Jesu akayeuchidza vateveri vake, kuti: “Unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.”—Mateo 24:12-14.

Tinogona kuva nechokwadi chokuti avo vanoita vamwe vananyajambwa, padzimwe nguva noutsinye husingadaviriki, vachabviswa. Zvirevo 22:22, 23 inoti: “Usatorera murombo, nokuti murombo; usamanikidza unotambudzika pasuo; nokuti Jehovha uchavarwira pamhaka dzavo, nokutadzira upenyu hwavanovatadzira.” Jehovha achabvisa vakaipa, vakadai semakororo, mhondi, uye vanoshandisa vatano zvisina kufanira. Kupfuurirazve, haasati achizofuratira vananyajambwa voutsotsi hwakadaro. Achatsiva kurasikirwa kwavo ndokudzorera zvizere utano hwavo.

Zvirokwazvo, avo vano“bva pane zvakaipa, [vachiita] zvakanaka” vachawana upenyu husingaperi zvimwe kupfurikidza nokupukunyuka dambudziko guru riri kuuya kana kuti kupfurikidza nokumutswa kuvakafa. “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” (Pisarema 37:27-29) Betsero dzakadaro dzichawanikwa nemhaka yechibayiro chorudzikinuro chaJesu. (Johane 3:16) Asi upenyu huchave hwakadini muParadhiso yakadzorerwa?

Upenyu muUmambo hwaMwari huchava mufaro chaiwo. Jehovha anofanotaura, kuti: “Vanhu vangu vachagara paugaro hune rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.” (Isaya 32:18) Vose vanowana upenyu husingaperi vachave vagadziridza unhu hwavo. Hapana achave akaipa kana kuti asina kururama, uyewo hapana munhu upi noupi achazova nyajambwa anobvira womunhu akadaro. Muporofita Mika anoti: “Mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa.” (Mika 4:4; Ezekieri 34:28) Kupesana kwakadini nemhoteredzo dzanhasi dzine ngozi!

[Bhokisi riri papeji 6]

NGWARIRA

Matsotsi akawanda anoshanda nguva yakazara, achiita utsotsi basa. Angashanda mumapoka evaviri kana kuti vatatu, kunyange kana mumwe bedzi akanongedzera pfuti kwauri. Kuri kuva kwakajeka nenzira inowedzera kuti kana tsotsi riri duku rine ngozi zvikuru. Chii chaunogona kuita kana ukava nyajambwa?

Ramba wakaterama kuitira kuti usaite kuti mbavha yacho inyanduke—kushaya ruzivo rwokuzviwanira kwake kunogona kukuuraya. Kana uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, zvizivise umene seakadaro. Bva, iva akagadzirira kupa izvo mbavha inoda. Kana ukanonoka, ngozi inowedzera. Gare gare, unganzwa kuti kwakakotsekana kuti mapepa ezivikanwo kana kuti mari yebhazi zvidzorerwe.

Kazhinji kazhinji haugoni kuziva kuti ndiani ari tsotsi. Dzimwe mbavha dzakapindwa muropa nemirimo kana kuti inyanzvi, dzimwe dzinongoda kudya bedzi. Muchinoitika chipi nechipi, usatakure chitsama chikuru chemari. Dzivisa kuratidza zvishongo zvinodhura, mhete dzendarama, kana kuti wachi dzinodhura. Famba uye enda nomutoo wenguva dzose, usingaratidzi kutya. Usadzvokora vanhu vamwe navamwe sokuenge kuti unovanyumwira. Muchinoitika chokupfura kwomumugwagwa, zviwisire pasi; mbatya dzinogona kucheneswa pashure.—Aichimbova mupurisa muRio de Janeiro.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Ramba wakaterama ndokutambidza icho mbavha inoda. Kana ukanonoka, ngozi inowedzera

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe