“VaIsraeri vaMwari” Ne“boka Guru”
“Ndakaona, uye, tarira! boka guru, risina munhu akakwanisa kuverenga.”—ZVAKAZARURWA 7:9, NW.
1-3. (a) VaKristu vakazodzwa vane kariroi ine mbiri yokudenga? (b) Satani akaedza sei kuita kuti ungano yomuzana rokutanga ramakore irambe kutenda? (c) Chii chakaitika muna 1919 icho chakaratidza kuti nhamburiko dzaSatani dzokushatisa ungano yavaKristu vakazodzwa dzakanga dzakundikana?
KUWANWA kwa“vaIsraeri vaMwari” muna 33 C.E. kwakanga kuri chiito chikuru mukupedzwa kwezvinangwa zvaJehovha. (VaGaratia 6:16) Mitezo yake yakazodzwa ine tariro yokuva zvisikwa zvomudzimu zvisingafi uye ichitonga naKristu muUmambo hwaMwari hwokudenga. (1 VaKorinte 15:50, 53, 54) Munzvimbo iyoyo vane rutivi rukuru mukutsvenesa zita raJehovha nokupwanya musoro woMuvengi mukuru, Satani Dhiyabhorosi. (Genesi 3:15; VaRoma 16:20) Hakushamisi kuti Satani akaita zvose zvaaigona kuparadza iyi ungano itsva, zvose zviri zviviri kupfurikidza nokuitambudza uye kupfurikidza nokuedza kuishatisa!—2 Timotio 2:18; Judhasi 4; Zvakazarurwa 2:10.
2 Apo vaapostora vaiva vapenyu, Satani aisagona kubudirira. Pashure perufu rwavo, zvisinei, kuramba kutenda kwakapararira pasina kudziviswa. Pakupedzisira, mukurangarira kwavanhu, ungano yechiKristu yakachena yakatangwa naJesu yakaratidzika kuve yakashatiswa apo Satani akaunza kumonyaniswa kworudzidziso kwokuramba kutenda nhasi kunozivikanwa sechiKristudhomu. (2 VaTesaronika 2:3-8) Zvisinei, chiKristu chechokwadi chakapfuurira.—Mateo 28:20.
3 Jesu, mumuenzaniso wake wegorosi namashawi, akafanotaura kuti vaKristu vechokwadi vaizokura kwenguva yakati pamwe chete ne“mashawi,” kana kuti vaKristu venhema; uye ikoku kwakaitika. Asi akataurawo kuti mukati memazuva okupedzisira, “vanakomana voushe” zvakare vaizova vakaparadzana zvinooneka ne“mashawi.” (Mateo 13:36-43) Ikokuwo kwakabvumikisa kuva chokwadi. Muna 1919 vaKristu vechokwadi vakazodzwa vakabuda muutapwa hwechiBhabhironi. Vakazivikanwa nenzira youmwari se“muranda wakatendeka, wakangwara,” uye noushingi vakatanga kuparidza mashoko akanaka oUmambo. (Mateo 24:14, 45-47; Zvakazarurwa 18:4) Voruzhinji vavo vakanga vari Vamarudzi; asi nemhaka yokuti vaiva nokutenda kwaAbrahama, chaizvoizvo vaiva ‘vana vaAbrahama.’ Vakanga vari mitezo ya“vaIsraeri vaMwari.”—VaGaratia 3:7, 26-29.
“Boka Guru”
4. Ibokai ravaKristu rakava rinocherekedzwa, zvikurukuru muma 1930?
4 Pakutanga, avo vakagamuchira kuparidza kwaava vaKristu vakazodzwa vakavawo vaIsraeri vomudzimu, vakasarira ve 144 000, vane tariro yokudenga. (Zvakazarurwa 12:17) Zvisinei, zvikurukuru muma 1930, rimwe boka rakava rinocherekedzwa. Ivava vakaziviswa na“mamwe makwai” omuenzaniso wamatanga amakwai. (Johane 10:16) Vaiva vadzidzi vaKristu vane tariro youpenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Vaiva vana vomudzimu, sokunge zvakadaro, vevaKristu vakazodzwa. (Isaya 59:21; 66:22; enzanisa na 1 VaKorinte 4:15, 16.) Vakaziva ungano yavaKristu vakazodzwa somuranda wakatendeka nowakachenjera, uye kufanana nehama dzavo dzakazodzwa, vaida Jehovha zvikuru, kutenda chibayiro chaJesu, kushingairira kurumbidza Mwari, uye kudisa kutambura nokuda kwokururama.
5. Nzvimbo yamamwe makwai yave ichinzwisiswa sei zviri nani nenzira inofambira mberi?
5 Kutanga nzvimbo yaaya mamwe makwai yakanga isina kusanonzwisiswa, asi nokupfuura kwenguva, zvinhu zvakava zvakajeka zvikuru. Muna 1932 vaKristu vakazodzwa vakakurudzirwa kukurudzira mamwe makwai kuti agoverane mubasa rokuparidza—chimwe chinhu icho mamwe makwai akawanda akanga achitoita. Muna 1934 mamwe makwai akakurudzirwa kuzvipa kurubhapatidzo rwemumvura. Muna 1935 vakazivikanwa pamwe ne“boka guru” raZvakazarurwa ganhuro 7. Muna 1938 vakakokwa kuti vapinde Chirangaridzo chorufu rwaJesu Kristu savacherekedzi. Muna 1950 varume vakakura mumudzimu vakanga vari pakati pavo vakanzwisiswa kuva pakati pe“machinda” anobatira so“utiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura.” (Pisarema 45:16; Isaya 32:1, 2) Muna 1953, sangano raMwari rapasi—rutivi rukuru urwo kusvikira panguva iyeyo rwakanga rwaumbwa namamwe makwai—rwakaonekwa semusimboti wenzanga yapasi yaizovapo munyika itsva. Muna 1985 kwakanzwisiswa kuti pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro chaJesu, mamwe makwai anoruramiswa seshamwari dzaMwari uye nekariro yokupukunyuka Armagedhoni.
6. Ndedzipi dziri nzvimbo dzine mwero dzavakazodzwa namamwe makwai nhasi, dzichitungamirira kumubvunzoi?
6 Kusvikira zvino, murutivi rwuno rwapashure rwe“mazuva okupedzisira,” vazhinji zvikuru ve 144 000 vakafa ndokugamuchira tuso yavo yokudenga. (2 Timotio 3:1; Zvakazarurwa 6:9-11; 14:13) VaKristu vane tariro yapasi zvino vanoita kwakawanda zvikurusa kwekuparidza mashoko akanaka, uye vanokurangarira seropafadzo kutsigira hama dzaJesu dzakazodzwa muna ikoku. (Mateo 25:40) Zvisinei, ava vakazodzwa ndivo muranda akatendeka uye akachenjera kupfurikidza naye zvokudya zvomudzimu zvakagoverwa muano ose mazuva okupedzisira. Chii chichava mamiriro ezvinhu amamwe makwai apo vose vakazodzwa vanenge vagamuchira tuso yavo yokudenga? Igadziriroi dzichaitwa panguva iyeyo nokuda kwamamwe makwai? Kurangarira kupfupi pana Israeri wekare kuchatibetsera kupindura mibvunzo iyoyo.
“Ushe Hwavaprista” Hwokufananidzira
7, 8. Israeri wekare akanga ari umambo hwavaprista uye rudzi rutsvene pasi pesungano yoMutemo kusvikira kuukuru hwakadini?
7 Apo Jehovha akasarudza Israeri sorudzi rwake chairwo, akaita sungano navo, achiti: “Kana mukateerera inzwi rangu nomwoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava fuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyangu; muchava kwandiri ushe hwavaprista, norudzi rutsvene.” (Eksodho 19:5, 6) Israeri akanga ari vanhu chaivo vaJehovha pahwaro hwesungano yoMutemo. Kunyange zvakadaro, chipikirwa chinobatanidza umambo hwavaprista nerudzi rutsvene chaizozadzikwa sei?
8 Israeri, apo akanga akatendeka, akabvuma uchangamire hwaJehovha ndokumugamuchira saMambo wavo. (Isaya 33:22) Nokudaro, vakanga vari umambo. Asi, sezvakaziviswa gare gare, chipikirwa pamusoro pe“ushe” chaizoreva zvinotopfuura izvozvo. Uyezve, apo vakateerera Mutemo waJehovha, vakanga vakachena, vakaparadzaniswa nendudzi dzakanga dzakavapoteredza. Vakanga vari rudzi rutsvene. (Dheuteronomio 7:5, 6) Vakanga vari umambo hwavaprista here? Eya, muna Israeri rudzi rwaRevhi rwakatsaurwa nokuda kwebasa rapatemberi, uye mukati merudzi irworwo makanga mune uprista hwavaRevhi. Apo Mutemo waMosesi wakagadzwa, vanhurume vavaRevhi vakatorwa mukutsinhana namatangwe emhuri iri yose yakanga isiri yavaRevhi.a (Eksodho 22:29; Numeri 3:11-16, 40-51) Nokudaro, mhuri yose muna Israeri yakanga, sokunge zvakadaro, yakamirirwa mubasa repatemberi. Ikoku ndiko kwaiva pedyosa rudzi rwacho rwakasvika kukuva uprista. Zvisinei, vakamirira Jehovha pamberi pendudzi. Munhu upi noupi wokumwe aida kunamata Mwari wechokwadi aifanira kuita kudaro mukusonganira naIsraeri.—2 Makoronike 6:32, 33; Isaya 60:10.
9. Chii chakaparira Jehovha kuramba umambo hwokuchamhembe hwaIsraeri kuti ‘hurege kubatira somuprista kwaari’?
9 Pashure perufu rwaSoromoni, vanhu vaMwari vakakamuka kuva rudzi rwokuchamhembe rwaIsraeri muudzori hwaMambo Jerebhoami uye rudzi rwokumaodzanyemba rwaJudha muudzori hwaMambo Rehobhoami. Tembere, nzvimbo yapakati yokunamata kwakachena, yakanga iri mundima yaJudha. Jerebhoami akatanga chimiro chokunamata kwenhema chisiri pamutemo kupfurikidza nokugadza zvifananidzo zvemhuru mundima yerudzi rwake amene. Uyezve, “akavakawo dzimba pamatunhu akakwirira, akatora vamwe pakati pavanhu akavaita vaprista, vasati vari vavana vaRevhi.” (1 Madzimambo 12:31) Rudzi rwokuchamhembe rwakanyura zvikuru mukunamata kwenhema apo Mambo Ahabhi akabvumira mudzimai wake wokumwe, Jezebheri, kutanga kunamatwa kwaBhaari munyika yacho. Pakupedzisira, Jehovha akazivisa rutongeso paumambo hunopandukira. Kupfurikidza naHosea, akati: “Vanhu vangu vaparadzwa nokushayiwa zivo; zvawaramba zivo, neni ndichakurambawo, kuti urege kuva muprista wangu.” (Hosea 4:6) Nokukurumidza pashure pacho, vaAsiria vakaparadza umambo hwokuchamhembe hwaIsraeri.
10. Umambo hwokumaodzanyemba hwaJudha, apo hwaiva hwakatendeka, hwakamirira sei Jehovha pamberi pamarudzi?
10 Zvakadiniko noumambo hwokumaodzanyemba, Judha? Mumazuva aHezekia, Jehovha akati kwavari kupfurikidza naIsaya: “Ndimi Zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura; . . . ivo vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu.” (Isaya 43:10, 21; 44:21) Apo hwakanga hwakatendeka, umambo hwokumaodzanyemba hwakabatira kuzivisa kumarudzi mbiri yaJehovha uye kukwezva vane mwoyo yakarurama kuti vamunamate patembere yake ndokushumirwa nouprista hwapamutemo hwavaRevhi.
Vokumwe Muna Israeri
11, 12. Dudza vokumwe vakauya kuzobatira Jehovha mukusonganirana navaIsraeri.
11 Kana vari vokumwe vakagamuchira uhwu uchapupu hwerudzi, gadziriro yakaitwa nokuda kwavo muMutemo wakapiwa kupfurikidza naMosesi—ane mudzimai, Zipora, akanga ari muMidhiani. “Vanhu vazhinji” vakanga vasiri vaIsraeri vakabva muEgipita naIsraeri uye vakanga varipo apo Mutemo wakapiwa. (Eksodho 2:16-22; 12:38; Numeri 11:4) Rakabhi nemhuri yake vakaponeswa muJeriko uye gare gare vakagamuchirwa muungano yechiJudha. (Joshua 6:23-25) Nokukurumidza pashure pacho, vaGibhioni vakayanana navaIsraeri uye vakagoverwa mabasa ane chokuita netabhernakeri.—Joshua 9:3-27; onawo 1 Madzimambo 8:41-43; Estere 8:17.
12 Pakupedzisira, vokumwe vakabatira munzvimbo dzakakwirira. Uria muHiti, murume waBhati-shebha, akaverengwa pakati pe“mhare” dzaDhavhidhi, sezvakanga zvakaita Zereki muAmoni. (1 Makoronike 11:26, 39, 41; 2 Samueri 11:3, 4) Ebhedhi-mereki, muEtiopia, akabatira mudzimbahwe, uye aigona kusvika kuna mambo. (Jeremia 38:7-9) Pashure pokunge Israeri adzoka kubva kuutapwa muBhabhironi, vaNetinimi vaisava vaIsraeri vakapiwa basa rakawedzerwa mukubatsira vaprista. (Ezra 7:24) Sezvo vakati vaava vokumwe vakatendeka, kana kuti vagari vokumwe, vachirangarirwa sevanofanofananidzira boka guru nhasi, mamiriro avo ezvinhu ndeefariro kwatiri.
13, 14. (a) Ndedzipi dzaiva ropafadzo namabasa zvavaproserite muna Israeri? (b) VaIsraeri vaifanira kurangarira sei vaproserite vakatendeka?
13 Vakadaro vaiva vaproserite, vanamati vaJehovha vakazvitsaurira muMutemo waMosesi vakanga vakaparadzaniswa namarudzi pamwe chete navaIsraeri. (Revhitiko 24:22) Vakabayira zvibayiro, vakadzivisa kunamata kwenhema, uye vakarega ropa, seizvo chaizvo vaIsraeri vakaita. (Revhitiko 17:10-14; 20:2) Vakabatsira mukuvakwa kwetembere yaSoromoni uye vakakumbanira mukudzorerwa kwokunamata kwechokwadi muudzori hwaMambo Asa naMambo Hezekia. (1 Makoronike 22:2; 2 Makoronike 15:8-14; 30:25) Apo Petro akashandisa kiyi yokutanga yoUmambo paPentekosta ya 33 C.E., mashoko ake akanzwiwa na“vaJudha, navaproserite” vakanga vasiri vaJudha. Sezvinobvira, vamwe vemazana matatu akabhapatidzwa zuva iroro vakanga vari vaproserite. (Mabasa 2:10, 41) Nokukurumidza pashure pacho, mumwe muproserite weEtiopia akabhapatidzwa naFiripo—Petro asati ashandisira kiyi yokupedzisira yoUmambo kuna Kornerio nemhuri yake. (Mateo 16:19; Mabasa 8:26-40; 10:30-48) Sezviri pachena, vaproserite vakanga vasingarangarirwi saVamarudzi.
14 Zvisinei, nzvimbo yavaproserite munyika yakanga isina kufanana neyaavo vakaberekwa vari vaIsraeri. Vaproserite vaisabatira savaprista, uye matangwe avo aisamirirwa muuprista hwavaRevhi.b Uye vaproserite vaisagara nhaka yenyika muna Israeri. Zvisinei, vaIsraeri vakarayirwa kuitira hanya vaproserite vakatendeka ndokuvarangarira sehama.—Revhitiko 19:33, 34.
Rudzi Rwomudzimu
15. Chii chakaitika apo Israeri wokunyama akaramba kugamuchira Mesiya?
15 Mutemo wakaitirwa kuchengeta Israeri akachena, vakaparadzana namarudzi akavapoteredza. Asi wakabatira chimwe chinangwa. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Murayiro wakanga uri muperekedzi wedu, kutiisa kuna Kristu kuti tiruramiswe nokutenda.” (VaGaratia 3:24) Nenzira isingafadzi, vaIsraeri vakawanda vakakundikana kutungamirirwa kuna Kristu noMutemo. (Mateo 23:15; Johane 1:11) Naizvozvo Jehovha Mwari akaramba rudzi irworwo ndokuparira “vaIsraeri vaMwari” kuberekwa. Uyezve, akatambanudzira kuvaisava vaJudha kokero yokuva vagari vakakwana mune uyu Israeri mutsva. (VaGaratia 3:28; 6:16) Parudzi urwu rutsva ndipo apo chipikirwa chaJehovha chiri pana Eksodho 19:5, 6 pamusoro peuprista hwoumambo chine zadziko yacho, inoshamisa. Sei?
16, 17. Mupfungwai umo vaKristu vakazodzwa vari pasi pano vari “ushe”? “uprista”?
16 Petro akanokora mashoko pana Eksodho 19:6 apo akanyorera vaKristu vakazodzwa vomuzuva rake, kuti: “Muri rudzi rwakasanangurwa, uprista hwamambo, rudzi rutsvene, vanhu vaakazviwanira.” (1 Petro 2:9) Ikoku kunorevei? VaKristu vakazodzwa vari pasi pano madzimambo here? Aiwa, umambo hwavo huchiri munguva yemberi. (1 VaKorinte 4:8) Zvisinei, ivo ndeve“umambo” mupfungwa yokuti vakasarudzwa nokuda kweropafadzo dzoumambo munguva yemberi. Kunyange zvino ivo rudzi rwuri muudzori hwamambo, Jesu, akagadzwa naChangamire Mukuru, Jehovha Mwari. Pauro akanyora, kuti: “[Jehovha] vakatisunungura pasimba rerima, vakatiisa muushe hwoMwanakomana worudo rwavo.”—VaKorose 1:13.
17 VaKristu vakazodzwa vari pasi pano uprista here? Mupfungwa yakati hungu. Seungano vanobatira basa rouprista risingapokanwi. Petro akatsanangura izvozvi apo akati: “Nemiwo . . . muvakwe muve imba yoMweya, muve uprista utsvene.” (1 Petro 2:5; 1 VaKorinte 3:16) Nhasi, vakasarira vevaKristu vakazodzwa somutumbi ndivo “muranda wakatendeka, wakangwara,” mukoto wokuparadzira zvokudya zvomudzimu. (Mateo 24:45-47) Sezvazvakanga zvakaita muna Israeri wekare, upi noupi anoda kunamata Jehovha anofanira kuita kudaro mukusonganirana naava vaKristu vakazodzwa.
18. Souprista, ungano yavaKristu vakazodzwa pasi pano ine basai guru?
18 Uyezve, vaKristu vakazodzwa vakatora ropafadzo yaIsraeri yokupupurira ukuru hwaJehovha pakati pamarudzi. Apo Petro akadana vaKristu vakazodzwa kuti uprista hwoumambo, mashoko akapoteredza anoratidza kuti akanga achirangarira basa rokuparidza. Zvirokwazvo, akabatanidza mukunokora mashoko kumwe chipikirwa chaJehovha chiri pana Eksodho 19:6 namashoko Ake kuna Israeri pana Isaya 43:21 apo akati: “Imi muri . . . uprista hwamambo, . . . [kuitira] kuti muparidze kunaka kwaiye wakakudanai, kuti mubve parima muuye kuchiedza chake chinoshamisa.” (1 Petro 2:9) Mukutsinhirana naikoku, Pauro akataura nezveziviso yokuisvonaka kwaJehovha sechibayiro chetembere. Iye akanyora, kuti: “Ngatirambe tichibayira Mwari naye [Jesu] chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake.”—VaHebheru 13:15.
Zadziko Yokudenga
19. Izadzikoi huru, yokupedzisira yechipikirwa chokuti Israeri aizova umambo hwavaprista?
19 Zvisinei, Eksodho 19:5, 6 pakupedzisira ine zadziko huru zvikuru ine mbiri. Mubhuku raZvakazarurwa, muapostora Johane anonzwa zvisikwa zvokudenga zvichishandisa urwu rugwaro sezvazvinorumbidza Jesu akamutswa, zvichiti: “Makabayiwa, mukatengera Mwari neropa renyu vanhu vanobva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose; mukavaitira Mwari wedu, kuti vave ushe navaprista, vabate ushe panyika.” (Zvakazarurwa 5:9, 10) Mupfungwa yahwo yokugumisira, ipapo, uprista hwoumambo Umambo hwaMwari hwokudenga, chiremera chinotonga nokuda kwacho Jesu akatidzidzisa kunyengeterera. (Ruka 11:2) VaKristu vose vakazodzwa vane 144 000 avo vanotsungirira nokutendeka kusvikira kumugumo vachava norutivi mugadziriro iyoyo yoUmambo. (Zvakazarurwa 20:4, 6) Izadziko inoshamisa zvakadini yechipikirwa chakaitwa kare kare kwazvo kupfurikidza naMosesi!
20. Mubvunzoi uchindori kuda kupindurwa?
20 Zvose izvozvi zvine chii chokuita namamiriro ezvinhu eboka guru nenguva yavo yemberi apo vose vakazodzwa vanenge vagamuchira nhaka yavo inoshamisa? Ikoku kuchava kwakajeka munyaya yokupedzisira yeiyi nhevedzano.
[Mashoko Omuzasi]
a Apo uprista hwaIsraeri hwakagadzwa, vanakomana vaiva matangwe vendudzi dzaisava dzaIsraeri uye vanhurume verudzi rwaRevhi vakaverengwa. Kwaiva namatangwe 273 akawanda kupfuura vanhurume vavaRevhi. Nokudaro, Jehovha akarayira kuti mashekeri mashanu nokuda kwomumwe nomumwe wavane 273 aifanira kubhadharwa serudzikinuro nokuda kwevemuraudzo.
b Vazhinji-zhinji vakavhengana vavaisava vaIsraeri vaivapo apo Mutemo wakagadzwa muna 1513 B.C.E., asi matangwe avo haana kubatanidzwa apo vaRevhi vakatorwa savatsinhani nokuda kwematangwe aIsraeri. (Ona ndima 8.) Nenzira inopesana, vaIsraeri havana kutsinhaniswa namatangwe aava vaisava vaIsraeri.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Nzvimbo yamamwe makwai yakava inozivikanwa sei zviri nani nenzira inofambira mberi?
◻ Neiko Jehovha akaramba umambo hwokuchamhembe hwaIsraeri mukubatira somuprista kwaari?
◻ Apo akanga akatendeka, ndeipi yakanga iri nzvimbo yaJudha pamberi pamarudzi?
◻ Ndeipi yakanga iri nzvimbo yavaproserite vakatendeka muna Israeri?
◻ Ungano yavakazodzwa inobatira sei seumambo hwavaprista?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Souprista hwoumambo, vaKristu vakazodzwa vanozivisa mbiri yaJehovha pasi pano
[Mufananidzo uri papeji 18]
Zadziko yokupedzisira yaEksodho 19:6 ndihwo Umambo