Kupenya Kwechiedza—Chikuru Nechiduku Rutivi Rwokutanga
“Gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.”—ZVIREVO 4:18.
1. Neiko zvokwadi yakaziviswa zvishoma nezvishoma?
CHIBVUMIKISO chouchenjeri hwoumwari kuti maererano naZvirevo 4:18, kuziviswa kwezvokwadi dzomudzimu kwakaitika zvishoma nezvishoma kupfurikidza nokupenya kwechiedza. Munyaya inotangireyi, takaona kuti urwu rugwaro rwakazadzikwa sei munguva dzavaapostora. Kudai zvokwadi yose yaMagwaro yakanga yaziviswa yose panguva imwe chete, ingadai yakava zvose zviri zviviri inopofumadza neinovhiringidza—zvikuru sokutapura kwokubuda mubako rine rima ndokupinda muchiedza chezuva chakajeka. Uyezve, zvokwadi inoziviswa zvishoma nezvishoma inosimbisa kutenda kwavaKristu nenzira inopfuurira. Inojekesa zvikuru nguva dzose tariro yavo ndokujekesa nguva dzose gwara ravanofanira kufamba naro.
“Muranda Wakatendeka, Wakangwara”
2. Jesu akaratidzira kuti aizoshandisa ani kuunza chiedza chomudzimu kuvateveri vake, uye chishandiso ichocho chinoumbwa navanaani?
2 Munguva dzavaapostora Jesu Kristu akaona kwakakodzera kushandisa mitoo inopfuura yomuzvarirwo kupa vateveri vake kupenya kwechiedza kwapakuvamba zvikurusa. Tine mienzaniso miviri yaikoku: Pentekosta ya 33 C.E. uye kutendeutswa kwaKornerio muna 36 C.E. Pakugumisira, Kristu akaona kwakakodzera kushandisa chishandiso chounhu, kunyange sezvo akafanotaura, kuti: “Ndianiko muranda wakatendeka, wakangwara, wakagadzwa nashe wake ave mutariri weimba yake, kuti avape zvokudya nenguva yakafanira? Wakaropafadzwa muranda uyo, unoti kana ishe wake achisvika, akamuwana achiita saizvozvo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uchamugadza ave mutariri wezvose zvaanazvo.” (Mateo 24:45-47) Uyu muranda aisagona kuve munhu mumwe chete nemhaka yokuti aifanira kugovera zvokudya zvomudzimu kuvambira apo ungano yechiKristu yakavamba paPentekosta kusvikira Tenzi, Jesu Kristu, auya kuzoita kuti vazvidavirire. Maidi anoratidzira kuti iri boka remuranda akatendeka neakachenjera rinobatanidza vaKristu vose vakazodzwa seboka vari pasi pano panguva ipi neipi.
3. Ndivanaani vakabatanidzwa pakati pemitezo yokutanga yeboka remuranda?
3 Ndivanaani vaibatanidzwa pakati pemitezo yapakutanga yemuranda akatendeka neakachenjera? Mumwe akanga ari muapostora Petro, uyo akateerera murayiro waJesu, wokuti: “Fudza makwai angu.” (Johane 21:17) Mimwe mitezo yapakuvamba yeboka remuranda yaibatanidza Mateo, uyo akanyora Evhangeri ine zita rake, uye Pauro, Jakobho, uye Judha, avo vakanyora tsamba dzakafuridzirwa. Muapostora Johane, uyo akanyora bhuku raZvakazarurwa, Evhangeri yake, uye tsamba dzake, aivawo mutezo weboka remuranda akatendeka neakachenjera. Ava varume vakanyora maererano nebasa raJesu.
4. Ndivanaani vari ve“imba”?
4 Kana vakazodzwa vose seboka, pasinei zvapo nekwavanogara pasi pano, vari mitezo yeboka remuranda, ndivanaani vari ve“imba”? Vamwe chetevo vakazodzwa asi vachirangarirwa mumurangariro wakasiyana—savanhu vamwe navamwe. Hungu, savanhu vamwe navamwe vaizova ve“muranda” kana kuti vaizova ve“imba,” zvichitsamira pakuti vaiparadzira zvokudya zvomudzimu here kana kuti kuzvidya. Kuenzanisira: Sezvakanyorwa pana 2 Petro 3:15, 16, muapostora Petro anoita nongedzero kutsamba dzaPauro. Pakudzirava, Petro aizova somumwe weveimba ari kudya zvokudya zvomudzimu zvakagoverwa naPauro somumiriri weboka remuranda.
5. (a) Chii chakaitika kumuranda mukati memazana amakore pashure pavaapostora? (b) Ndizvinoitikai zvakaitika muhafu yokupedzisira yezana ramakore rechi 19?
5 Muna ikoku, bhuku rinonzi God’s Kingdom of a Thousand Years Has Approached rakati: “Kuti boka re‘muranda akatendeka neakachenjera’ raivapo sei ndokubatira kuburukira nomumazana ose amakore pashure pokufa kwavaapostora vaTenzi Jesu Kristu, hatina chinyorwa chenhau chakajeka. Sezviri pachena chizvarwa chimwe cheboka re‘muranda’ chakadyisa chizvarwa chinotsiva chinotevera charo. (2 Timotio 2:2) Asi muhafu yokupedzisira yezana ramakore rechigumi nemapfumbamwe pakanga pane vanhu vaitya Mwari vaida zvokudya zvomudzimu zveBhaibheri Dzvene uye vaishuva kuzvidya . . . Makirasi efundo yeBhaibheri . . . akaumbwa uye akafambira mberi mukunzwisiswa kwezvokwadi dzehwaro dzaMagwaro Anoyera. Vanhu vapachokwadi vasina udyire vaiva pakati paava vadzidzi veBhaibheri vaidisa kugoverana izvi zvikamu zvinokosha zvezvokudya zvomudzimu navamwe. Vaiva nomudzimu wokutendeka we‘muranda’ akagadzwa kuti ape ‘veimba’ ‘zvokudya’ zvomudzimu zvaidikanwa ‘panguva yakafanira.’ Vaiva vaka‘chenjera’ mukunzwisisa kuti panguva iyeyo yakanga iri nguva yakarurama neyakakodzera uye kuti ndeipi yaiva mitoo yakanakisisa yokugovera zvokudya. Vakavavarira kuzvigovera.”—Mapeji 344-5.a
Kupenya Kwechiedza Kwapakuvamba Munguva Dzazvino Uno
6. Iidii rakatanhamara zvikuru pamusoro pokuziviswa kwapashoma napashoma kwezvokwadi?
6 Idi rimwe rakatanhamara zvikuru pamusoro peavo Jehovha akashandisa kuunza iyi wedzero yapashoma napashoma yechiedza chomudzimu nderokuti havana kuzviwanira vamene mbiri. Chimiro chendangariro chaC. T. Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, chakanga chiri chokuti Ishe akafara kushandisa manowo zvawo avo. Pamusoro pemazita ayo vavengi vavo vaiwanzoshandisa, Hama Russell vakakuzivisa zvakasimba kuti vakanga vasina kumbosangana nomu“Russell” uye kuti kwakanga kusina chinhu chakadai se“chiRussell.” Mbiri yose yakaenda kuna Mwari.
7. Hama Russell navashandi biyavo vakapa ufakazii hwokuti zvirokwazvo vakanga vachisonganira nemuranda akatendeka neakachenjera?
7 Tichirangarira migumisiro, hapagoni kuva nokupokana kuti mudzimu mutsvene waJehovha wakanga uchitungamirira kuedza kwaHama Russell naavo vakabatanidzwa navo. Vakapa ufakazi hwokuzivikanwa nemuranda akatendeka neakachenjera. Kunyange zvazvo vafundisi vakawanda venguva yacho vaitaura kuti vanodavira kuti Bhaibheri rakanga riri Shoko raMwari rakafuridzirwa uye kuti Jesu akanga ari Mwanakomana waMwari, vakatsigira dzidziso dzenhema, dzechiBhabhironi, dzakadai soUtatu, kusafa kwomweya womunhu, uye kutambudzwa kusingagumi. Maererano nechipikirwa chaJesu, zvirokwazvo yakanga iri nemhaka yomudzimu mutsvene kuti nhamburiko dzokuzvininipisa dzaHama Russell navasonganiri vake dzakaparira zvokwadi kupenya kupfuura nakare kose. (Johane 16:13) Vadzidzi veBhaibheri ivavo vakazodzwa vakapa chibvumikiso chokuti vaiva zvirokwazvo rutivi rweboka remuranda akatendeka neakachenjera, ane basa rokugovera zvokudya zvomudzimu nokuda kweveimba yaTenzi. Nhamburiko dzavo dzaiva yamuro huru mukuunganidzwa kwevakazodzwa.
8. Maidii ehwaro pamusoro paJehovha, Bhaibheri, Jesu Kristu, uye mudzimu mutsvene ayo Vadzidzi veBhaibheri vakanzwisisa zvakajeka?
8 Kunoshamisa kuona kuti Jehovha kupfurikidza nomudzimu mutsvene, akayamura zvikuru sei ava Vadzidzi veBhaibheri vapakuvamba nokupenya kwechiedza. Kutanga, vakabvumikisa zvakasimba kuti Musiki aripo uye kuti ane zita rechienzi rokuti Jehovha. (Pisarema 83:18; VaRoma 1:20) Vakaona kuti Jehovha ane mavara makuru mana—simba, ruramisiro, uchenjeri, uye rudo. (Genesi 17:1; Dheuteronomio 32:4; VaRoma 11:33; 1 Johane 4:8) Ava vaKristu vakazodzwa vakasimbisa zvakajeka kuti Bhaibheri iShoko raMwari rakafuridzirwa uye izvokwadi. (Johane 17:17; 2 Timotio 3:16, 17) Uyezve, vaidavira kuti Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, akasikwa uye kuti akapa upenyu hwake sorudzikinuro nokuda kworudzi rwose rwomunhu. (Mateo 20:28; VaKorose 1:15) Mudzimu mutsvene, usitongori munhu wechitatu woUtatu, wakaonekwa kuva simba raMwari rinobata basa.—Mabasa 2:17.
9. (a) Vadzidzi veBhaibheri vakajekerwa nezvokwadii pamusoro pechimiro chomunhu uye migumo inooneswa muBhaibheri? (b) Vabatiri vaJehovha vakaona zvakajeka dzimwe zvokwadii?
9 Vadzidzi veBhaibheri vakaona zvakajeka kuti munhu haana mweya usingafi asi iye mweya unofa. Vakaziva kuti “mubayiro wezvivi ndirwo rufu,” kwete kutambudzwa kusingagumi, zvakusina nzvimbo yakadai sehero inobvira. (VaRoma 5:12; 6:23; Genesi 2:7; Ezekieri 18:4) Uyezve, vakaona zvakajeka kuti rondedzero yemhindumupindu haisati ichingova bedzi isiri yapamagwaro asi haina hwaro hune maidi chose chose. (Genesi, maganhuro 1 ne 2) Vakanzwisisawo kuti Bhaibheri rinopa nguva dzemberi mbiri—yokudenga nokuda kwavateveri vetsoka dzaKristu vakazodzwa vane 144 000 uye paradhiso yapasi nokuda kwe“vazhinji-zhinji” vasingaverengeki ve“mamwe makwai.” (Zvakazarurwa 7:9; 14:1; Johane 10:16) Vadzidzi veBhaibheri ivavo vapakuvamba vakaziva kuti pasi rinogara nokusingaperi uye harisati richizopiswa, sezvinodzidziswa namarudzidziso akawanda. (Muparidzi 1:4; Ruka 23:43) Vakadzidzawo kuti kudzoka kwaKristu kwaizova kusingaoneki uye kuti panguva iyeyo aizoita rutongeso pamarudzi ndokupinza paradhiso yapasi.—Mabasa 10:42; VaRoma 8:19-21; 1 Petro 3:18.
10. Vadzidzi veBhaibheri vakadzidza zvokwadii pamusoro porubhapatidzo, mutsaukano wavafundisi nevanhuwo zvavo, uye Chirangaridzo chorufu rwaKristu?
10 Vadzidzi veBhaibheri vakadzidza kuti rubhapatidzo rwapaMagwaro harusati rwuri nhau yokusasa vacheche asi kuti maererano nomurayiro waJesu uri pana Mateo 28:19, 20, ndiko kunyudzwa kwavadaviri vakadzidziswa. Ivo vakasvika pakuona kuti hapana hwaro hwapaMagwaro hwomutsaukano pakati pavafundisi nevanhuwo zvavo. (Mateo 23:8-10) Mukupesana, vaKristu vose vanofanira kuva vaparidzi vamashoko akanaka. (Mabasa 1:8) Vadzidzi veBhaibheri vakanzwisisa kuti Chirangaridzo chorufu rwaKristu chinofanira kuchengetwa kamwe chete gore rimwe nerimwe, pana Nisani 14. Uyezve, vakaona kuti Isita izororo rechihedheni. Mukuwedzera, vakazodzwa ivavo vakanga vane chivimbo kwazvo kuti Mwari akanga achitsigira basa ravo zvokuti havana kutongounganidza mipiro. (Mateo 10:8) Kubva panguva dzapakuvamba zvikurusa, vakanzwisisa kuti vaKristu vanofanira kurarama maererano nenheyo dzeBhaibheri, uko kwakabatanidza kusakurira zvibereko zvomudzimu mutsvene waMwari.—VaGaratia 5:22, 23.
Kupenya Kwechiedza Kunowedzera
11. Chiedzai chakapenya pamusoro pebasa romuKristu uye pamusoro pemufananidzo waJesu wemakwai nembudzi?
11 Vabatiri vaJehovha vakakomborerwa nokupenya kwechiedza kunowedzera zvikurukuru kuvambira muna 1919. Kupenya kwechiedza kwakajeka zvakadini kwakapenya pakokorodzano yomuna 1922 paCedar Point sezvo J. F. Rutherford, purezidhendi wechipiri weWatch Tower Society, akasimbisa kuti musengwa mukuru wavabatiri vaJehovha ndewoku“zivisa, zivisa, zivisa, Mambo noumambo hwake”! Gore rakatevera rimene, chiedza chakajeka chakapenya pamufananidzo wamakwai nembudzi. Kwakaonekwa kuti uhwu uporofita hwaifanira kuzadzikwa muzuva raShe razvino uno, kwete munguva yemberi mukati meMireniyumu sezvaifungwa kare. Mukati meMireniyumu, hama dzaKristu dzaisazorwara, uyewo dzaisazoiswa mutorongo. Kunze kwezvo, pamugumo weMireniyumu, Jehovha Mwari, kwete Jesu Kristu, achatonga.—Mateo 25:31-46.
12. Kupenyai kwechiedza kwakavapo pamusoro peArmagedhoni?
12 Muna 1926 kumwe kupenya kwechiedza kwakajeka kwakazivisa kuti hondo yeArmagedhoni yakanga isingazovi kumukira kwenzanga, seizvo Vadzidzi veBhaibheri vakambofunga. Panzvimbo pezvo, yaizova hondo mairi Jehovha acharatidzira simba rake zvakajeka kwazvo zvokuti vanhu vose vachapwiswa kuti iye ndiye Mwari.—Zvakazarurwa 16:14-16; 19:17-21.
Kirisimasi—Zororo Rerudzidziso
13. (a) Kujekeswai kwakaitwa pamusoro pokuchengeta Kirisimasi? (b) Neiko mazuva okuberekwa akanga asingachachengetwi? (Batanidza mashoko omuzasi.)
13 Nokukurumidza pashure paikoko, kupenya kwechiedza kwakaparira Vadzidzi veBhaibheri kurega kuchengeta Kirisimasi. Nguva iyoyo isati yasvika Kirisimasi yakange yave ichichengetwa nguva dzose naVadzidzi veBhaibheri munyika yose, uye kuchengetwa kwayo padzimbahwe reBrooklyn kwakanga kuri nhambo inofadza zvikuru. Asi ipapo kwakanzwisiswa kuti kuchengetwa kwaDecember 25 kwakanga kuri chaizvoizvo kwechihedheni uye kwakasarudzwa nechiKristudhomu chakaramba kutenda kukuita kuve nyore zvikuru kutendeutsa vahedheni. Uyezve, kwakawanwa kuti Jesu aisagona kuve akaberekwa muchando, sezvo panguva yokuberekwa kwake, vafudzi vaifurisa mapoka avo muminda—chimwe chinhu chavaisazodai vakanga vachiita muna December. (Ruka 2:8) Panzvimbo pezvo, Magwaro anoratidzira kuti Jesu akaberekwa panenge pana October 1. Vadzidzi veBhaibheri vakazivawo kuti vanonzi varume vakachenjera vakashanyira Jesu anenge makore maviri pashure pokuberekwa kwake vakanga vari vamagi vechihedheni.b
Zita Idzva
14. Neiko zita rokuti Vadzidzi veBhaibheri risina kunakira vanhu vaJehovha?
14 Muna 1931 kupenya kwakajeka kwezvokwadi kwakazivisa kuVadzidzi ivavo veBhaibheri zita rakakodzera rapaMagwaro. Vanhu vaJehovha vakanga vanzwisisa kuti vaisagona kugamuchira mazita amadunhurirwa api naapi ayo vamwe vakanga vavapa, akadai savaRussell, vaMillennial Dawn, uye “vanoti hakuna hero.”c Asi vakavambawo kunzwisisa kuti zita iro ivo vamene vakanga vatora—International Bible Students—harina kuvanakira. Vakanga vari zvinopfuura zvikuru kungova vadzidzi veBhaibheri. Kunze kwezvo, nguva dzose kwakanga kune vamwe vakawanda kwazvo vakanga vari vadzidzi veBhaibheri asi vakanga vasina kufanana naVadzidzi veBhaibheri.
15. Vadzidzi veBhaibheri vakagamuchira zita rokutii muna 1931, uye nei rakakodzera?
15 Vadzidzi veBhaibheri vakasvika sei pakuva nezita idzva? Kwamakore akati Nharireyomurindi yakanga yave ichitanhamarisa zita raJehovha. Naizvozvo, kwakanga kwakakodzera zvikurusa kuti Vadzidzi veBhaibheri vanofanira kugamuchira zita rinowanwa pana Isaya 43:10: “Zvanzi naJehovha: Ndimi zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura; kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuno mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo nomumwe.”
Revererwo uye “Vazhinji-zhinji”
16. Neiko uporofita hwedzorerwo hwaisagona kushanda kukudzokera kuParestina kwavaJudha vokunyama, asi hunoshanda kuna vanaani?
16 Muvhoriyamu yechipiri yeVindication, rakabudiswa neWatch Tower Society muna 1932, kupenya kwechiedza kwakazivisa kuti uporofita hwedzorerwo hwakanyorwa naIsaya, Jeremia, Ezekieri, uye navamwe vaporofita hahuna kushanda (sezvaimbofungwa) kuvaJudha vokunyama, avo vakanga vachidzokera kuParestina mukusadavira uye vane sundo dzezvamatongerwo enyika. Panzvimbo pezvo, uhwu uporofita hwedzorerwo, uhwo hwakava nezadziko duku apo vaJudha vakadzoka kubva muutapwa hweBhabhironi muna 537 B.C.E., hwakava nezadziko yahwo huru mukununurwa kwaIsraeri womudzimu nedzorerwo ichivamba muna 1919 uye mubudiriro yakavapo somugumisiro muparadhiso yomudzimu inofarikanywa navabatiri vechokwadi vaJehovha nhasi.
17, 18. (a) Pashure penguva yakati, kupfurikidza nokupenya kwechiedza, chii chakaratidzwa kuva chinangwa chikuru chaJehovha? (b) Kupenyai kwechiedza pamusoro paZvakazarurwa 7:9-17 kwakaitika muna 1935?
17 Pashure penguva yakati, kupenya kwechiedza kwakazivisa kuti chinangwa chikuru chaJehovha chakanga chiri, kwete kuponeswa kwezvisikwa, asi kurevererwa kwouchangamire hwake. Musoro unokosha zvikurusa weBhaibheri wakaonekwa kuva, kwete rudzikinuro, asi Umambo, nokuti huchareverera uchangamire hwaJehovha. Ikoko kwakanga kuri kupenya kwechiedza kwakadini! VaKristu vakazvitsaurira vakanga vasingachaitiri hanya zvikuru kuenda kwavo kudenga.
18 Muna 1935 kupenya kwakajeka kwechiedza kwakazivisa kuti boka guru rinodudzwa pana Zvakazarurwa 7:9-17 rakanga risiri boka rechipiri rokudenga. Kwakanga kuchifungwa kuti avo vanodudzwa mundima idzodzo vakanga vari vamwe vevakazodzwa vakanga vasina kuva vakatendeka zvizere uye naizvozvo vakanga vamire pamberi pechigaro choumambo panzvimbo pokugara pazvigaro zvoumambo vachitonga samadzimambo navaprista naJesu Kristu. Asi hapatongorina chinhu chakadai sokuva akatendeka zvishoma. Munhu akatendeka kana kuti zvimwe haana kutendeka. Naizvozvo kwakaonekwa kuti uhwu uporofita hwakanongedzera kuboka guru risingaverengeki rinobva mumarudzi ose avo zvino vari kuunganidzwa uye vane tariro yapasi. Ivo ndivo “makwai” aMateo 25:31-46 uye “mamwe makwai” aJohane 10:16.
Muchinjikwa—Hachisi Chiratidzo chechiKristu
19, 20. Neiko muchinjikwa usingagoni kuva chiratidzo chechiKristu chechokwadi?
19 Kwamakore akawanda Vadzidzi veBhaibheri vakatanhamarisa muchinjikwa sechiratidzo chechiKristu. Vaitova nepini ye“chipiyaniso nekorona.” Maererano neKing James Version, Jesu akakumbira vateveri vake kusimudza “muchinjikwa” wavo, uye vakawanda vakasvika pakudavira kuti akaurayirwa pamuchinjikwa. (Mateo 16:24; 27:32) Kwamakumi amakore ichi chiratidzo chakaonekwawo pabutiro remagazini yeWatch Tower.
20 Bhuku rinonzi Riches, rakabudiswa neSosaiti muna 1936, rakajekesa kuti Jesu Kristu akaurayirwa, kwete pamuchinjikwa, asi padanda rakatwasuka, kana kuti muti. Maererano nechimwe chiremera, shoko rechiGiriki (stau·rosʹ) rinoshandurwa kuti “muchinjikwa” muKing James Version “rinoreva, zvikurukuru, danda rakatwasuka kana kuti muti. [Iro] rinofanira kutsaurwa nechimiro chorudzidziso chemuchinjikwa une matanda maviri maviri. . . . Chapashure chakava namavambo acho muKardhea yakare, uye chakashandiswa sechiratidzo chamwari Tammuz.” Chisingambonamatwi sechidhori, chinhu icho Jesu akaroverwa pachiri chinofanira kurangarirwa nokunyangadza.
21. Chii chicharangarirwa munyaya inotevera?
21 Pane mimwe mienzaniso yekwose kuri kuviri kupenya kwechiedza kukuru nouko kungarangarirwa sokuduku. Nokuda kwekurukurirano yaiyoyi, tapota ona nyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Pashure penguva yakati, kwakaonekwa kuti kana kuberekwa kunokosha zvikurusa kwati kwamboitika kwaisagona kuchengetwa, hatifaniri kuchengeta zuva rokuberekwa ripi neripi. Kunze kwezvo, vaIsraeri kana kuti zvimwe vaKristu vapakuvamba havana kuchengeta mazuva okuberekwa. Bhaibheri rinodudza mazuva okuberekwa maviri bedzi, rimwe raFarao uye rimwe raHerodhi Antipasi. Kuchengeta kumwe nokumwe kwakashatiswa nokuuraya. Zvapupu zvaJehovha hazvichengeti mazuva okuberekwa nemhaka yokuti uku kuchengeta kune mavambo echihedheni uye kunokombamira kukukudza avo vari kuva nezuva rokuberekwa.—Genesi 40:20-22; Marko 6:21-28.
c Ichi chakanga chiri chikanganiso chakaitwa namasangano echiKristudhomu akawanda. Lutheran rakanga riri zita ramadunhurirwa iro vavengi vaMartin Luther vakapa vateveri vake, avo ipapo vakarigamuchira. Nenzira yakafanana, vaBaptist vakagamuchira zita ramadunhurirwa iro vokunze vakanga vavapa nemhaka yokuti vaiparidza rubhapatidzo kupfurikidza nokunyudza. Nenzira yakada kuti fananei, vaMethodist vakagamuchira zita rakapiwa kwavari nomumwe wokunze. Pamusoro pokuti Society of Friends yakasvika sei pakunzi vaQuaker, The World Book Encyclopedia rinoti: “Shoko rokuti Quaker pakuvamba rakarehwa sokudenha kuna Fox [muvambi wacho], uyo akaudza mutongi weEngland ku‘dedera paShoko raIshe.’ Mutongi akaidza Fox kuti ‘quaker.’”
Unoyeuka Here?
◻ “Muranda wakatendeka, wakangwara” ndiani, uye ndivanaani vari ve“imba”?
◻ Ndokupi kwaiva kumwe kupenya kwechiedza kwapakuvamba munguva dzazvino uno?
◻ Neiko zita idzva, Zvapupu zvaJehovha rakanga rakakodzera?
◻ Izvokwadii dzinoshamisa dzakaziviswa muna 1935?
[Mufananidzo uri papeji 17]
C. T. Russell navasonganiri vake vakaparadzira chiedza chomudzimu, asi mbiri yose yakaenda kuna Jehovha