RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 5/1 pp. 20-21
  • Nguva Yavanorirava Uye Kubetserwa Kwavanoita

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nguva Yavanorirava Uye Kubetserwa Kwavanoita
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Kubetserwa Nokurava Bhaibheri Zuva Nezuva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Nzira Yokurava Nayo Ndokuyeuka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Shingairira Kuverenga
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Ndingaita sei Kuti Kuverenga Bhaibheri Kuwedzere Kunakidza?
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 5/1 pp. 20-21

Nguva Yavanorirava Uye Kubetserwa Kwavanoita

Mangwanani-ngwanani:

Vamwe varoorani, vose vari vaviri vanoshanda kunze kwomusha wavo, vakasarudza kukurumidza kumuka namaminiti gumi chete mangwanani oga oga uye kushandisa nguva iyoyo kurava Bhaibheri pamwe chete vasati vabuda mumba nokukurumidza. Zvavanorava zvinogovera hwaro hwekurukurirano yakanaka pashure pokubva pamusha.

Mumwe mukuru muNigeria anoshandisa purogiramu yakarongwa nokuda kweChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari sehwaro hwokurava Bhaibheri kwemhuri mumusha wake. Vanorava chikamu charo mangwanani ari ose pashure pekurukurirano yavo yorugwaro rwezuva, kazhinji-kazhinji mangwanani. Vana vanokumbirwa kuchinjana kurava zvimwe zvezvikamu zvakagoverwa. Ipapo vanokumbirwa kubvunza mibvunzo pandima dzaraviwa.

Mumwe mudzimai wapamba muJapan akarava Bhaibheri rose kamwe pagore kubvira muna 1985. Purogiramu yake ndeyokurava kwamaminiti 20 kusvika ku 30 achitanga na 5:00 a.m. zuva rimwe nerimwe. Pamusoro pebetsero dzacho, iye anoti: “Kutenda kwangu kwakasimbaradzwa. Kunondibetsera kukanganwa kurwara kwangu ndokuisa ngwariro patariro yeParadhiso.”

Imwe hanzvadzi yave iri piyona kwamakore 30 asi ine murume asiri Chapupu inomuka na 5 kiroko mangwanani mamwe namamwe kuti iite kurava kwayo Bhaibheri. Purogiramu yayo inorayira kurava anenge mapeji mana muMagwaro echiHebheru, ganhuro muMagwaro echiKristu echiGiriki, uye ndima muna Zvirevo. Yakarava Bhaibheri rose gore rimwe nerimwe kubvira muna 1959. Iyo inoti: “Somugumisiro wokurava kwangu, ndinonzwa ndichidiwa naJehovha . . . ndinogamuchira kurudziro, nyaradzo, uye ruramiso.” Inowedzera, kuti: “Kurava Bhaibheri kwakafanana nokuva naJehovha achimonera sipiringi youpenyu hwangu zuva rimwe nerimwe.”

Imwe hanzvadzi yakadzidza zvokwadi munyika umo mubato weZvapupu zvaJehovha wakarambidzwa inewo murume uyo anoshora zvitendero zvake. Inogona kuita kurava kwayo Bhaibheri kubvira Muvhuro kusvika Chishanu, pakati pa 6:00 na 7:00 a.m. Ikoku kwakaipa simba romukati. Ichirangarira pamusoro pokuti kurava kwayo kwakaitapura sei, iyo inoti: “Tinodzidza kuda Jehovha naJesu uye kurarama tichifara, kunyange tine zvinetso nezvitambudzo, tichiziva kuti zvipikirwa zvaJehovha hazvikundikani.”

Imwe hanzvadzi yakanga yapinda Chikoro Chebasa Chemapiyona yakanga yakatsunga kuita maererano nezano rakapiwa ikoko kuita kurava Bhaibheri muitiro wezuva riri rose. Pakutanga, yakakwanisa kukuita pakati pa 5:00 na 6:00 a.m. Apo chinjo yebasa yakadzongonyedza ikoko, yakachinjira kupakati pa 9:00 na 10:00 p.m. Apo mamwe mamiriro ezvinhu anodenha akamuka, iyo inoti, “Ndakaramba ndichichinja rudungwe rwangu maererano namamiriro ezvinhu.”

Gare Gare Mukati Mezuva:

Hanzvadzi mbiri dziri mukoma nomunin’ina idzo dziri mitezo yemhuri yeBheteri yeBrazil dzine muitiro wokurava Bhaibheri pamwe chete kwaanenge maminiti 20 zuva rimwe nerimwe pashure pokudya kwamasikati. Dzakarava Bhaibheri rose kanenge ka 25; bva dzinonyora, kuti: “Tinogarowana chimwe chinhu chitsva, naizvozvo kurava Bhaibheri hakutongovi kunofinha.”

Imwe hanzvadzi isina kuroorwa muJapan yakaziva kuti kunyange zvazvo yakarerwa seChapupu, yakanga isingazivi Magwaro zvakanaka; apo yakava piyona, yakasarudza kurava Bhaibheri nguva dzose. Zvino iyo inoita kurava kwayo nokuda kweChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari apo inenge ichienda kuchipatara kunorapwa zuva rimwe vhiki imwe neimwe. Gare gare, iri pamusha, inoita kunzvera kwokuwedzera. Pedyo nokupera kwevhiki, inoita kumwe kurava Bhaibheri, ichisarudza mabhuku maererano nenhevedzano yokunyorwa kwaakaitwa.

Mumwe ane makore 13 okukura uyo akatorava Bhaibheri rose katatu zvino ari kurava ganhuro imwe zuva rimwe nerimwe apo anouya kumba achibva kuchikoro. Ikoku, anodaro, kwakamubetsera “kunzwa rudo rwakawedzerwa nokuda kwaJehovha.”

Chimwe Chapupu chine rudungwe rwakazara somurume anoshanda, mukuru, murume akaroora, uye baba chinoteerera makaseti eBhaibheri apo chinenge chichienda kubasa chiri muchitima. Ipapo kumusha anoita kurava kwake kwomunhu oga kwamashoko mamwe chetewo.

Mukuwedzera kukurava kwake kwomunhu oga, mumwe piyona muFrance anoteerera makaseti eBhaibheri pakugadzira zvokudya, pakutyaira, pakutsungirira nguva dzakaoma, kana kuti nokuda kwokungofara.

Mumwe piyona ane makore okukura 21 muJapan anoyeuka kuti amai vake vaiomerera kuti apinze chimwe chinhu chomudzimu zuva rimwe nerimwe, uye ave achirava Bhaibheri zuva rimwe nerimwe, kunyange zvazvo dzisiri nguva dzose panguva imwe chete, kubvira paaiva nemakore matatu okukura. Pashure pokurava chikamu chaasarudza nokuda kwezuva racho, anokuita muitiro kuravazve ndima dzinokosha, uye ipapo anowana maminiti mashomanene kuti ahwirudzure mundangariro zvaarava.

Chimwe Chapupu, chiri piyona, chakarava Bhaibheri rose kanenge kagumi mumakore 12 apfuura. Murume wacho haasati ari mutendi, nokudaro chinoronga kurava kwacho nokuda kwamasikati.

Manheru:

Mumwe mukuru uye piyona wenguva dzose muJapan uyo anorava Bhaibheri rake usiku huri hwose asati aenda kunorara akaita ikoku kwamakore masere apfuura. Iye anoti: “Ndinoda zvikurukuru magwaro anoratidzira mafungire anoita Jehovha, marangaririre aanoita pamusoro pezvinhu, uye mabatire aanoita mamiriro ezvinhu. Kupfurikidza nokufungisisa aya magwaro, ndakabetserwa kuita kufunga kwaJehovha kwangu ndimene uye kubatsira hama nehanzvadzi dzangu dzechiKristu uye mitezo yemhuri yangu.”

Mumwe mukuru muFrance ave achirava Bhaibheri kweawa rimwe manheru mamwe namamwe kubvira muna 1979. Anowanzova neshanduro shanu kana kuti nhanhatu dzakaiswa pamberi pake nokuda kwokuenzanisa. Anotaura kuti kusanorava kwake kwakamubetsera kunzwisisa “nzira yokushandisa nayo zivo yeBhaibheri mumamiriro ezvinhu ezuva nezuva.” Ikoku kwakamugonesawo kuva anobudirira zvikuru pakupa zano rinobva muMagwaro.

Kwamakore 28 apfuura, imwe hama muNigeria yakakuita muitiro kurava manheru mashoko oRugwaro rwunogoverwa muna Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva nokuda kwekurukurirano mangwanani anotevera. Pamwe chete naikoko, inorava ganhuro rose muBhaibheri umo rugwaro runotorwa. Pashure pokunge yaroora, yakapfuuridzira uyu muitiro, ichirava nokukurukura mashoko acho nomudzimai wayo.

Mumwe wechiduku ane vabereki vasiri Zvapupu akakuita muitiro kurava maminiti mashanu kusvika kugumi usiku humwe nohumwe asati aenda kunorara. Iwayo maminiti anokosha kwaari, uye anonyengetera pose pari paviri asati arava uye pashure. Nharidzano yake ndeyokuziva shoko iro Jehovha akarayira mumwe nomumwe wavanyori veBhaibheri kunyora.

Imwe hama yakaroora, iri mubasa rapaBheteri, inotaura kuti yakarava Bhaibheri kamwe pagore kwamakore masere apfuura. Inorava kwamaminiti 20 kusvika ku 30 isati yarara usiku. Kunyange kana yakaneta zvikuru, inowana kuti kana ikanorara isina kurava, haigoni kurara. Inofanira kumuka ndokutarisira chinodikanwa ichocho chomudzimu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe