“Testamente Yekare” kana kuti “Magwaro echiHebheru”—Ndechipi?
NHASI muitiro unozivikanwa navose muchiKristudhomu kushandisa mashoko okuti “Testamente Yekare” uye “Testamente Itsva” kurondedzera mativi omutauro wechiHebheru/chiAramaic nechiGiriki eBhaibheri. Asi kune hwaro hupi nohupi here hweBhaibheri hwokushandisa aya mashoko? Uye Zvapupu zvaJehovha zvinowanzodzivisa kuashandisa muzvinyorwa zvazvo nokuda kwezvikonzeroi?
Chokwadi, 2 VaKorinte 3:14, maererano neKing James Version pamwe chete nedzimwe shanduro dzekare zvikuru, dzakadai seSeptembertestament yechiGerman, shanduro yokutanga yaMartin Luther (1522), dzingaratidzika kuva dzinotsigira uyu muitiro. MuKing James Version, iyi ndima inorava, kuti: “Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa: nokuti kusvikira zuva rino chifukidziro chimwe chetecho hachisati chabviswa mukuraviwa kwetestamente yekare; chiri chifukidziro chinobviswa muna Kristu.”
Zvisinei, muapostora ari kutaura here pano pamusoro pamabhuku 39 anowanzonzi “Testamente Yekare”? Shoko rechiGiriki rinoshandurwa pano kuti “testamente” ndidi·a·theʹke. Enisaikoropidhia yorudzidziso youmwari yakakurumbira yechiGerman Theologische Realenzyklopädie, ichitsinhira pana 2 VaKorinte 3:14, inotaura kuti ‘kuraviwa kwadi·a·theʹke yekare’ mundima iyoyo ndikumwe cheteko no‘kurava Mosesi’ mundima2VaK 3:15 inotevera. Nokudaro, inoti, ‘di·a·theʹke yekare’ inomirira Mutemo waMosesi, kana kuti zvikurusa, Pentateuch. Zvirokwazvo haimiriri Rugwaro rwose rwakafuridzirwa chiKristu chisati chavapo.
Muapostora ari kunongedzera kurutivi bedzi rwaMagwaro echiHebheru, sungano yoMutemo yekare, iyo yakanyorwa naMosesi muPentateuch; haasati ari kunongedzera kuMagwaro echiHebheru nechiAramaic ose zvawo. Kupfuurirazve, haasati achireva kuti manyoro echiKristu akafuridzirwa ezana ramakore rokutanga C.E. anoumba “testamente itsva,” sezvo iri shoko risingawaniki pane imwe nzvimbo muBhaibheri.
Kunofanira kucherekedzwawo kuti shoko rechiGiriki rokuti di·a·theʹke iro Pauro pano akashandisa rinoreva chaizvoizvo kuti “sungano.” (Nokuda kwamamwe mashoko ona New World Translation of the Holy Scriptures—With References, Appendix 7E, peji 1585, yakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., 1984.) Shanduro dzakawanda dzazvino uno naizvozvo dzinorava nenzira yakarurama kuti “sungano yekare” panzvimbo pe“testamente yekare.”
Muna ikoku, “National Catholic Reporter” yakati: “Kutaura kwokuti ‘Testamente Yekare’ nenzira isingadzivisiki kunoparira pesvedzero yokuderera nokusawirirana nomusi.” Asi Bhaibheri ibhuku rimwe chaizvoizvo, uye hapana rutivi rusingawirirani nomusi, kana kuti rwe“kare.” Shoko raro rinowirirana kuvambira pabhuku rokutanga murutivi rwechiHebheru kusvikira kubhuku rokupedzisira murutivi rwechiGiriki. (VaRoma 15:4; 2 Timotio 3:16, 17) Naizvozvo tine zvikonzero zvakanaka zvokudzivisa aya mashoko akavakirwa pamirangariro isina kururama, uye tinoda hedu kushandisa mashoko akarurama zvikuru “Magwaro echiHebheru” uye “Magwaro echiGiriki echiKristu.”