RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 10/15 pp. 21-26
  • Unokanganwira Sezvinoita Jehovha Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unokanganwira Sezvinoita Jehovha Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mosesi Unoreverera—Jehovha Unoteerera
  • Kunamata Zvidhori kwaManase uye Upombwe hwaDhavhidhi
  • Kutsaurira Tembere kwaSoromoni
  • Kukanganwira muMagwaro echiKristu echiGiriki
  • ‘Rambai Muchikanganwirana Makasununguka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Jehovha, Mwari “Akagadzirira Kukanganwira”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Jehovha Anokanganwira Zvikuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Kuvirei Anokanganwira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 10/15 pp. 21-26

Unokanganwira Sezvinoita Jehovha Here?

“Kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraiwo. Asi kana musingaka[nga]nwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakukanganwiriyiwo kudarika kwenyu.”—MATEO 6:14, 15.

1, 2. Tinoda rudzii rwaMwari, uye nei?

“JEHOVHA une tsitsi nenyasha, haachimbidziki kutsamwa, une ngoni zhinji. Haangarambi achirwa; uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi. Haana kutiitira sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu. Nokuti sokukwirira kwokudenga kumusoro, ndizvo zvakaita kukura kwengoni dzake kuna vanomutya. Sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo wakabvisa kudarika kwedu kwose kure nesu. Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, saizvozvo Jehovha unonzwira tsitsi vanomutya. Nokuti iye unoziva chatakaitwa nacho, unorangarira kuti tiri guruva.”—Pisarema 103:8-14.

2 Sezvatinonambirwa muchivi nokuberekerwa mukutadza, nokusakwana kwakagarwa nhaka nguva dzose kuchiedza kutitungamirira kumutemo wechivi, tinoda zvikuru Mwari uyo ‘anorangarira kuti takaitwa neguruva.’ Mazana matatu amakore pashure pokunge Dhavhidhi arondedzera Jehovha zvakaisvonaka kwazvo muPisarema rechi 103, mumwe munyori weBhaibheri, Mika, akarumbidza Mwari mumwe cheteyu munzira imwe cheteyo zvikuru nokuda kwokukanganwira kwake kwengoni zvivi zvakamboitwa: “Ndianiko mwari unogona kuenzana nemi: anobvisa mhosva, anokanganwira mhaka, asingachengeti kutsamwa nokusingaperi asi anofarira kuratidza ngoni? Tinzwireizve tsitsi, tsika-tsikai mhosva dzedu, kandirai zvivi zvedu zvose pasi pegungwa.”—Mika 7:18, 19, The Jerusalem Bible.

3. Kukanganwira kunorevei?

3 MuMagwaro echiGiriki, shoko ra“kanganwira” rinoreva ku“rega chichibuda.” Cherekedza kuti Dhavhidhi naMika, vanokorwa mashoko pamusoro apa, vanopa revo imwe cheteyo mumashoko anofadza, anorondedzera. Kuti tinzwisise zvizere ukuru hunoshamisa hwokukanganwira kwaJehovha, ngatihwiridzurei mishomanene yemienzaniso yakawanda yakwo kuchishanda. Wokutanga unoratidza kuti ndangariro yaJehovha inogona kutendeudzirwa kubva kukuparadza kuenda kukukanganwira.

Mosesi Unoreverera—Jehovha Unoteerera

4. VaIsraeri vakanga vachiri kutya kupinda muNyika Yakapikirwa pashure pokuratidzirwai kwesimba raJehovha?

4 Jehovha akabudisa rudzi rwaIsraeri zvakakotsekana muEgipita ndokurusvitsa pedyo nenyika yaakanga avapikira somusha, asi vakaramba kuenda mberi, vachitya varumewo zvavo vomuKanani. Pashure pokunge vaona Jehovha achivanunura muEgipita namatambudziko gumi anoparadza, achizarura nzira yokupukunyuka nayo muGungwa Dzvuku, achiparadza hondo yavaEgipita iyo yakaedza kuvatevera, achitanga navo paGomo reSinai sungano yoMutemo iyo yakavaita rudzi rwaJehovha rwakasarudzwa, uye kuvagovera nenzira inoshamisa mana yezuva nezuva yakabva kudenga kuti ivatsigire, vakanga vachitya kupinda muNyika Yakapikirwa nemhaka yehofori dzavaKanani!—Numeri 14:1-4.

5. Tsori mbiri dzakatendeka dzakaedza sei kukurudzira Israeri?

5 Mosesi naAroni vakawira nezviso zvavo nokukatyamara. Joshua naKarebhi, tsori mbiri dzakatendeka, vakaedza kukurudzira Israeri: ‘Nyika yacho inyika yakanaka zvikuru kwazvo, nyika inoyerera mukaka nouchi. Musatya vanhu; Jehovha anesu!’ Panzvimbo yokukurudzirwa namashoko akadaro, vanhu vakatyisidzirwa, vanopandukira vakaedza kutaka Joshua naKarebhi namatombo.—Numeri 14:5-10.

6, 7. (a) Jehovha akasarudza kuitei apo Israeri akaramba kupinda muNyika Yakapikirwa? (b) Neiko Mosesi akaramba chirango chaJehovha pana Israeri, uye nomugumisiroi?

6 Jehovha akashatiriswa! “Zvino Jehovha akati kuna Mosesi: Vanhu ava vachandizvidza kusvikira riniko? Vacharamba kunditenda ini kusvikira riniko, nezvishamiso zvose zvandakaita pakati pavo? Ndichavarova nedenda, nokuvatorera nhaka yavo, ndikuite iwe rudzi runovakunda ivo noukuru nesimba. Mosesi akati kuna Jehovha: VaEgipita vachazvinzwa, nokuti makabudisa vanhu ava pakati pavo nesimba renyu; vachaudza vanhu vagere munyika ino izvozvo; . . . Kana mukauraya vanhu ava vose vose, ndudzi dzavanhu, dzakanzwa mukurumbira wenyu, dzichataura, dzichiti: Jehovha wakanga asingagoni kuisa vanhu ava kunyika yaakanga avapikira, saka wakavauraya murenje.”—Numeri 14:11-16.

7 Mosesi akatetererera kukanganwira, nokuda kwezita raJehovha: “Ndinokumbira kuti mukanganwire henyu zvakaipa zvavanhu ava noukuru hwenyasha dzenyu, uye sezvamakakanganwira vanhu ava kubva Egipita kusvikira zvino. Ipapo Jehovha akati: Ndakanganwira sezvawakumbira.”—Numeri 14:19, 20.

Kunamata Zvidhori kwaManase uye Upombwe hwaDhavhidhi

8. Mambo Manase waJudha akaita chinyorwa chorudzii?

8 Muenzaniso wakatanhamara wokukanganwira kwaJehovha ndichakaitika chaManase, mwanakomana waMambo akanaka Hezekia. Manase akanga ane makore 12 okukura apo akatanga kutonga muJerusarema. Akavaka nzvimbo dzakakwirira, akaitira vanaBhaari atari, akaita matanda anoyera, akakotamira nyeredzi dzedenga, akashandisa mashiripiti nouroyi, akaita masvikiro emidzimu navafemberi, akaisa chifananidzo chakavezwa mutemberi yaJehovha, uye akaita kuti vanakomana vake amene vadarike nomumoto muMupata waHinomi. “Akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha” uye “akatsausa vaJudha navakanga vagere Jerusarema, vakaita zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi pavana vaIsraeri.”—2 Makoronike 33:1-9.

9. Chiso chaJehovha chakapfaviswa sei kuna Manase, uye nomugumisiroi?

9 Pakupedzisira, Jehovha akaunza vaAsiriya kuti varwisane naJudha, uye vakatapa Manase ndokumuendesa kuBhabhironi. “Wakati ari pakutambudzika kwake, akachema kuna Jehovha Mwari wake, akazvininipisa kwazvo pamberi paJehovha Mwari wamadzibaba ake; akanyengetera kwaari, akamuteerera, akanzwa kukumbira kwake, ndokumudzosera Jerusarema paushe hwake.” (2 Makoronike 33:11-13) Manase ipapo akabvisa vamwari vokumwe, zvidhori, uye atari ndokuzviita kuti zvikandwe kunze kweguta. Akavamba kupa zvibayiro paatari yaJehovha uye akaita kuti Judha atange kubatira Mwari wechokwadi. Iyi yakanga iri ratidziro inoshamisa yokudisa kwaJehovha kukanganwira apo kuzvininipisa, munyengetero, uye chiito chokururamisa zvinobereka zvibereko zvakakodzera rupfidzo!—2 Makoronike 33:15, 16.

10. Dhavhidhi akaedza sei kuvanza chivi chake nomudzimai waUria?

10 Chivi choupombwe chaMambo Dhavhidhi nomudzimai waUria muHiti chinosanozivikanwa. Haana kuita upombwe bedzi naye asiwo akatanga kuvanzwa kwakarongwa apo akava nemimba. Mambo akapa Uria mvumo yokusava kuhondo, achimukarira kuenda kumba kwake ndokuvata nomudzimai wake. Asi, nokuremekedza varwi biyake vaiva kuhondo, Uria akaramba. Dhavhidhi ipapo akamukoka kuti adye uye akamudhakisa, asi Uria haana kuenda kunopinda kumudzimai wake. Dhavhidhi ipapo akatumira shoko kumutungamiriri wehondo wake kuti aise Uria panopisa pokurwa kuitira kuti Uria aurayiwe, zviri izvo zvakaitika.—2 Samueri 11:2-25.

11. Dhavhidhi akasvitswa sei kurupfidzo nokuda kwechivi chake, bva akatamburei?

11 Jehovha akatuma muporofita wake Natani kuna Dhavhidhi kuti afumure chivi chamambo. “Ipapo Dhavhidhi akati kuna Natani: Ndatadzira Jehovha. Natani akati kuna Dhavhidhi: Jehovha wakanganwirawo zvivi zvako; haungafi.” (2 Samueri 12:13) Dhavhidhi akanzwa ane mhaka zvikuru pamusoro pechivi chake uye akataura rupfidzo rwake mumunyengetero womwoyo wose kuna Jehovha: “Nokuti imi hamufariri zvibayiro; ndingadai ndaikupai izvo; hamufadzwi nechipiriso chinopiswa. Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamungaushori.” (Pisarema 51:16, 17) Jehovha haana kuzvidza munyengetero waDhavhidhi wakapiwa uchibva mumwoyo wakaputsika. Zvisinei, Dhavhidhi akatambura chirango chikuru, mukuwirirana nokutaura kwaJehovha pamusoro pokukanganwira kuri pana Eksodho 34:6, 7: “Usingapembedzi munhu une mhosva.”

Kutsaurira Tembere kwaSoromoni

12. Soromoni akakumbirei panguva yokutsaurirwa kwetembere, uye Jehovha akapindura sei?

12 Apo Soromoni akapedza kuvakwa kwetembere yaJehovha, iye akati mumunyengetero wake wokutsaurira: “Munzwe kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu vaIsraeri, kana vachizonyengetera vakatarira kunzvimbo iyi; donzwai iko kudenga, kwamunogara; zvino kana mukanzwa, muvakanganwire henyu.” Jehovha akapindura, akati: “Kana ndichinge ndadzivira kudenga, kuti mvura irege kunaya, kana zvimwe ndichinge ndarayira mhashu, kuti dzipedze nyika, kana zvimwe ndichinge ndatuma denda pakati pavanhu vangu; kana vanhu vangu, vakatumidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera nokutsvaka chiso changu, nokurega nzira dzavo dzakaipa; ipapo ndichanzwa kudenga ndichavakanganwira zvivi zvavo, nokupodza nyika yavo.”—2 Makoronike 6:21; 7:13, 14.

13. Ezekieri 33:13-16 inoratidzei pamusoro pomurangariro waJehovha womunhu?

13 Sezvo Jehovha anokutarisa, anokugamuchira nokuda kwezvauri zvino, kwete zvawave uri. Kuchava sezvinotaura Ezekieri 33:13-16, kuti: “Kana ndichiti kunowakarurama, kuti zvirokwazvo uchararama, kana akavimba nokururama kwake, akaita zvakaipa, hakuna basa rimwe rake rakarurama richarangarirwa; asi nokuda kwezvakaipa zvake zvaakaita, uchafa nokuda kwazvo. Uyezve, kana ndikati kune wakaipa: Zvirokwazvo uchafa; kana akatendeuka pazvivi zvake, akazoita zvakarayirwa nezvakarurama; kana wakaipa akadzosazve rubatso, akadzoserazve zvaakanga apamba, akafamba nemitemo youpenyu, asingaiti zvakaipa, zvirokwazvo uchararama, haangafi. Hakuna chivi chimwe chake chaakaita chicharangarirwa pamusoro pake; wakaita zvakarayirwa nezvakarurama, zvirokwazvo uchararama.”

14. Chii chiri chakasiyana pamusoro pokukanganwira kwaJehovha?

14 Kukanganwira uko Jehovha Mwari anotipa kune chimwe chinhu chinosiyanisa, icho chakaomera zvisikwa zvavanhu kuti zvibatanidze nokukanganwira kwazvinopa kuno mumwe nomumwe—anoita zvose zviri zviviri kukanganwira nokukanganwa. Vamwe vanhu vachati, ‘Ndinogona kukanganwira chawaita, asi handigoni (kana kuti handisati ndichizo)chikanganwa.’ Mukupesana, cherekedza zvinotaura Jehovha kuti achaita: “Ndichakanganwira kuipa kwavo, nezvivi zvavo handingazozvirangariri.”—Jeremia 31:34.

15. Jehovha ane chinyorwai chokukanganwira?

15 Jehovha ave achikanganwira vanamati vake pasi pano kwezviuru zvamakore. Ave achikanganwira zvivi zvavanoziva kuita pamwe chete nezvakawanda zvavasingazivi nezvazvo. Gadziriro yake yengoni, mwoyo murefu, uye kukanganwira yave isingagumi. Isaya 55:7 inoti: “Wakaipa ngaasiye nzira yake, nomunhu usakarurama mirangariro yake; ngaadzokere kuna Jehovha, iye uchamunzwira nyasha, nokuna Mwari wedu, nokuti uchakanganwira zvikuru.”

Kukanganwira muMagwaro echiKristu echiGiriki

16. Neiko tichigona kutaura kuti kushandisa kwaJesu kukanganwira kunotsinhirana nokwaJehovha?

16 Nhoroondo dzokukanganwira kwaMwari dzinozadza chinyorwa chiri muMagwaro echiKristu echiGiriki. Jesu anotaura nezvadzo kazhinji, achiratidza kuti iye anotsinhirana nendangariro yaJehovha panhau yacho. Kufunga kwaJesu kunobva kuna Jehovha, anoratidzira Jehovha, iye ndiye mufananidzo chaiwoiwo waJehovha amene; kumuona kuona Jehovha.—Johane 12:45-50; 14:9; VaHebheru 1:3.

17. Jesu akaenzanisira sei kukanganwira kwaJehovha “zvikuru”?

17 Kuti Jehovha anokanganwira zvikuru kunoratidzirwa mumumwe wemienzaniso yaJesu, uyo wamambo akakanganwira muranda chikwereti chamatarenda 10 000 (inenge $264 000 000). Asi apo muranda iyeyo aisazokanganwira muranda biyake chikwereti chamadhenari zana ($480), mambo akashatirwa. “Muranda wakaipa, ndakakukanganwira chikwerete icho chose, nokuti iwe wakakumbira zvikuru kwandiri. Ko iwe hauzaifanira kunzwira tsitsi mumwe muranda unobata pamwe chete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here? Zvino ishe wake akatsamwa, akamuisa kuvarwadzi, kusvikira achizoripa chikwerete chake chose.” Jesu ipapo akasimbisa, kuti: “Saizvozvo Baba vangu vari kudenga vachakuitiraiwo, kana musingakanganwiriyi mumwe nomumwe hama yake nomwoyo wenyu wose.”—Mateo 18:23-35.

18. Murangariro waPetro wokukanganwira wakaenzana sei nomurangariro waJesu?

18 Jesu asati apa muenzaniso uri pamusoro apa, Petro akauya kuna Jesu ndokubvunza, kuti: “Ishe, hama yangu ichanditadzira kanganiko, ndikaikanganwira? Kusvikira kanomwe here?” Petro akafunga kuti akanga ari kuva nomutsa zvikuru. Kunyange vanyori navaFarise vakagadza muganhu pamusoro pokukanganwira, Jesu akati kuna Petro: “Handiti kwauri, kusvikira kanomwe; asi kusvikira makumi manomwe anoverengwa kanomwe.” (Mateo 18:21, 22) Kanomwe hakaizotongova kanokwana nokuda kwezuva rimwe, sezvakataura Jesu: “Chenjerai; kana hama yako ikatadza, umurayire; kana akatendeuka, umukanganwire. Kunyange akutadzira kanomwe nezuva rimwe, akadzokera kwauri kanomwe, achiti: Ndatendeuka; umukanganwire.” (Ruka 17:3, 4) Apo Jehovha anokanganwira, haachengeti chinyorwa—nomufaro kwatiri.

19. Chii chatinofanira kuita kuti tiwane kukanganwira kwaJehovha?

19 Kana tine kuzvininipisa kuti tipfidze ndokureurura zvivi zvedu, Jehovha anobvuma kutigamuchira: “Kana tichizvireurura zvivi zvedu, iye wakatendeka wakarurama, nokudaro kuti unotikanganwira zvivi zvedu, nokutinatsa pakusakarurama kwose.”—1 Johane 1:9.

20. Kudisai kukanganwira chivi kwakaratidzwa naStefano?

20 Muteveri waJesu Stefano, mumudzimu unoshamisa wokukanganwira, akadanidzira ichi chikumbiro sezvo mhomho yakashatirwa yaimutaka namatombo: “Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu. Akafugama, akadanidzira nenzwi guru, achiti: Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi. Akati areva izvozvo, akavata rufu.”—Mabasa 7:59, 60.

21. Neiko kudisa kwaJesu kukanganwira varwi vechiRoma kwakanga kuchikatyamadza kwazvo?

21 Jesu akagadza muenzaniso unotokatyamadza zvikuru wokudisa kukanganwira. Vavengi vake vakanga vamusunga, vamutonga zvisiri pamutemo, vamuwanira mhaka, vamuzvidza, vamupfira mate, vamupura netyava ine tambo dzakawanda idzo sezvingabvira dzaiva nezvidimbu zvamapfupa nesimbi zvakaiswa madziri, uye pakupedzisira vakamusiya akarovererwa padanda kwamaawa. VaRoma vakanga vachibatanidzwa muzvakawanda zvaizvozvi. Bva, sezvo Jesu akanga ari kufa padanda iroro rokutambudzira, iye akati kuna Baba vake vokudenga pamusoro pavarwi vakanga vamurovera: “Baba, muvakanganwire, nokuti havazivi chavanoita.”—Ruka 23:34.

22. Mashokoi omuMharidzo yapaGomo atinofanira kuedza kushandisa?

22 MuMharidzo yake yapaGomo, Jesu akanga ati: “Idai vavengi venyu, munyengeterere vanokutambudzai.” Kusvikira kumugumo woushumiri hwake hwapasi, akateerera nheyo iyoyo amene. Ikoko kunyanyorayira kwatiri here, tinotambura noutera hwenyama yedu inotadza? Tinofanira kuedza kushandisa mashoko ayo Jesu akadzidzisa vateveri vake pashure pokuvapa munyengetero womuenzaniso: “Kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraiwo. Asi kana musingaka[nga]nwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakukanganwiriyiwo kudarika kwenyu.” (Mateo 5:44; 6:14, 15) Kana tikakanganwira sokukanganwira kunoita Jehovha, tichakanganwira ndokukanganwa.

Unoyeuka Here?

◻ Jehovha anobata sei nezvivi zvedu, uye nei?

◻ Neiko Manase akadzorerwa kuumambo hwake?

◻ Ivarai rakasiyana rokukanganwira kwaJehovha riri denho kuti vanhu vatevedzere?

◻ Kudisa kukanganwira kwaJesu kwakanga kuchikatyamadza kwazvo sei?

[Mufananidzo uri papeji 24]

Natani akabetsera Dhavhidhi kuona kudikanwa kwokukanganwira kwaMwari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe