Unofarikanya Fundo Yomunhu Oga Here?
MUBATIRI upi noupi wapachokwadi waMwari angafadzwa nokupa chitsama chakanaka chenguva kufundo yeBhaibheri yomunhu oga. (Pisarema 1:1, 2) Bva, vachinzwa zvinoraira zvikuru panguva yavo nesimba, vakawanda vanokuwana kwakaoma kupedzera nguva yakawanda nesimba pafundo yomunhu oga seyavangada.
Zvisinei, kuti vapfuurire savabatiri vanoshingaira vaMwari, vose vanofanira kuita kuti mufaro wavo nesimba zvimutsidzirwe zuva nezuva nokuwana mativi matsva kana kuti makuru zvikuru ezvokwadi yeShoko raMwari. Zvokwadi dzeBhaibheri dzakakusunda zvikuru makore apfuura dzingasava dziri kukusunda zvikuru zvakadaro zvino. Nokudaro, kwakanaka, kunyange kukosha, kuti tiite nhamburiko yokushingaira neyenguva dzose yokuwana nzwisiso itsva muzvokwadi kuti tigozvichengeta timene tichinyandurwa mumudzimu.
Vanhu vakare vokutenda vakazviita vamene sei vakasimba mumudzimu kupfurikidza nefundo yomunhu oga yeShoko raMwari? Vamwe vavabatiri vomuzuva razvino uno vaJehovha vanoita sei kuti fundo yavo ive inofarikanywa zvikuru pamwe chete neinobudirira? Vakatuswa sei nokuda kwenhamburiko dzavo?
Vakamutsidzira Simba Ravo Kupfurikidza Nefundo Yomunhu Oga
Mambo Josia waJudha akatanga nhimbe yake yokurwisana nokunamata zvidhori neshingairo inotova huru zvikuru pashure pokuita kuti aravirwe ‘bhuku rimene romutemo waJehovha rakanyorwa noruoko rwaMosesi.’ Pasina panikiro iyoyo yakanga isati iri nguva yokutanga iye akanga arangarira ichi chikamu cheShoko raMwari; asi kunzwa shoko racho zvakananga mumanyoro apakuvamba kwakamunyandura muhondo yake nokuda kwokunamata kwakachena.—2 Makoronike 34:14-19.
Muporofita Dhanieri akanzwisisa ‘chiverengero chamakore chokuzadzika ruparadziko rweJerusarema’ nouchokwadi hwacho kwete chete mubhuku raJeremia asiwo mu“mabhuku.” Iwaya sezvingabvira zvikurusa akabatanidza mabhuku akadai saRevhitiko (26:34, 35), Isaya (44:26-28), Hosea (14:4-7), uye Amosi (9:13-15). Icho akasimbisa kupfurikidza nefundo yake yokushingaira yamabhuku eBhaibheri chakatungamirira uyu murume anoshingaira kutsvaka Mwari mumunyengetero wokushingaira. Chikumbiro chake chapachokwadi chakapindurwa nechimwe chizaruro nevimbiso pamusoro peguta reJerusarema pamwe chete navanhu vake.—Dhanieri, ganhuro 9.
Josia, uyo akaita “zvakarurama pamberi paJehovha,” uye Dhanieri, uyo akanga ari “unodikanwa kwazvo” pamberi paMwari, vakanga vasina kusiyana zvikuru nesu nhasi. (2 Madzimambo 22:2; Dhanieri 9:23) Nhamburiko dzavo dzomunhu oga mufundo yokunyandurwa zvikuru yaMagwaro aiwanika panguva yacho yakavatungamirira kuumudzimu hukuru zvikuru ndokuvabetsera kufarikanya zvisungo zvakasimba zvikuru naMwari. Zvimwe chetezvo zvinogona kutaurwa nezvavamwe vabatiri vakawanda vakare vaJehovha, vakadai saJefta, wezvamapisarema weimba yaAsafi, Nehemia, uye Stefano. Vose ivava vakapa ufakazi hwefundo yokungwarira yomunhu oga yechikamu cheBhaibheri chaiwanika munguva yavo.—Vatongi 11:14-27; Mapisarema 79, 80; Nehemia 1:8-10; 8:9-12; 13:29-31; Mabasa 6:15-7:53.
Ushumiri Ngahuve Sundo
Vabatiri vakawanda zvikurusa vaJehovha nhasi avo vakamubatira kwamakore akawanda vane rudungwe rwefundo yomunhu oga yeBhaibheri. Ivo vakawana iyoyi ichikosha kuti varambe vakamuka uye vachiita zvizere mitoro yavo yechiKristu. Kunyange zvakadaro, vakawanda vavo vanobvuma kuti hakusi nyore nguva dzose kudzikamisa kushandiswa kwenguva yavo nesimba pakati pefundo nezvimwe zvinhu zvisingafaniri kuregeredzwa.
Zvisinei, kuramba wakasvinurira mumudzimu kupfurikidza nefundo yomunhu oga yokushingaira kunokosha mukubata nezvinodikanwa muushumiri hwechiKristu panguva ino yapera kwazvo yebasa rokuparidzira Umambo munyika yose. Avo vanofadzwa nenzwisiso itsva nehuru zvikuru muShoko raMwari vanogona kusangana nedenho yokuorora mwoyo ine nzara. Ikoku ndokwechokwadi kana munhu akagoverwa uko kubata vakawanda mukuredza kwomudzimu kunogona kukarirwa kana kuti munhu ari kutsungirira mundima dzinosanoshandwa umo kusakatara kwavose kwakatekeshera.
Idya Nguva Dzose paShoko raMwari
Icho vamwe vari kuita chingakupa pfungwa pamusoro penzira yaungagona nayo kufarikanya muitiro wako wefundo zvikuru kana kuti nzira iyo iwe nemhuri yako mungagona kushandisa nayo zvinotusa zvikuru nguva yefundo. Pakati pezvinhu izvo mubatiri waMwari asati achizoda kupotsa kurava Shoko raMwari rimene pahwaro hwenguva dzose. Vakawanda vakaiita nharidzano kurava maganhuro matatu kusvikira kumana eBhaibheri vhiki imwe neimwe. Unoda kurava Bhaibheri rose mugore rimwe here? Ipapo uchafara kupedza nguva yakawanda uchirirava, zvichida hafu yeawa pazuva.
Wakarava Bhaibheri rose kanopfuura kamwe here? Kuregerereiko kugadza nharidzano itsva nguva inotevera? Nokuda kwechinjo, mumwe mukadzi wechiKristu akarava mabhuku eBhaibheri mukuwirirana nenhevedzano yaakanyorwa nayo. Iye akabata udzame hwakawanda, hwakavakirwa paruzivo rwakare rwokuverenga nguva, uhwo akanga apotsa kare. Mumwe mukadzi wechiKristu akarava Bhaibheri kubva pabutiro kusvikira kubutiro kashanu mumakore mashanu apfuura, nguva imwe neimwe nomurangariro wakasiyana. Nguva yokutanga, akarirava rose. Mukati mokurava kwechipiri, akapeta zviri mukati meganhuro rimwe nerimwe mumutsetse mumwe kana kuti miviri mubhuku rezvinonyorwa. Kuvambira pagore rechitatu zvichienda mberi, akachinjira kuchinyorwa chikuru chenongedzero, kutanga achinzvera nenzira yokusarudza nongedzero dziri mumucheto uye ipapo kusanopa ngwariro kumashoko omuzasi pamwe chete namashoko okuwedzera. Nguva yechishanu, iye akashandisa mepu dzeBhaibheri kuwedzera nzwisiso mumurangariro womugariro wapasi. Iye anoti: “Nokuda kwangu, kurava Bhaibheri kwakava kunofarikanywa sokudya zvokudya.”
Vamwe vadzidzi vanodisa veBhaibheri vakakuwana kuchibetsera kuva nekopi yeBhaibheri inongoshandiswa bedzi nokuda kwefundo yomunhu oga, vachinyora nokupfupikisa mumicheto yaro tsinhiro dzinofadza, mienzanisiro inonyandura mifungo, kana kuti nhamba dzamapeji dzezvimwe zvinyorwa uko vanogona kunongedzera gare gare. Mumwe mushumiri wenguva yakazara anokurangarira kuva mufarwa pamugumo womwedzi mumwe nomumwe kunyora mukopi yake yefundo mapfundo matsva ayo akadzidza mukati momwedzi. “Kutarira aya maawa angu anokosha,” iye anodaro, “kunondibetsera kusvika dzimwe nharidzano dzomwedzi wacho nokukurumidza zvikuru.”
Pfungwa Dzoungwaru
Unorangarira kuti rudungwe rwako rwakazadzwa nezvinofanira kuitwa zvezuva nezuva nevhiki nevhiki uye kuti unoda mazano okushandiswa kuri nani kwenguva yako yakaganhurirwa here? Eya, iva nechaunorangarira kurava, uye shandisa nguva dzako dzokusununguka. Pamusha kana kuti paunowanzofundira, kusvikira kutambanuko inobvira nenzira ino mufungo ronga mabhuku nezvimwe zvokushandisa zvefundo kuti zvive zviri nyore kusvikira. Ita kuti kona rako refundo rive rakanaka asi risina kunaka kwazvo zvokuti unotsimwaira. Une mugove wehurukuro here? Rava mashoko acho ose panguva yokukurumidza zvikuru sezvinobvira, ipapo ita kuti pfungwa dzacho dziuye kwauri apo unenge uchizorora kana kuti uchiita mabasa akasiyana-siyana.
Vamwe vangabatira pamwe newe mukushandiswa kuri nani kwenguva nokuda kwokubetserana. Somuenzaniso, ungaita kuti mumwe munhu akuravire zvinonzwika zvinhu zviri nyore kunzwisisa apo unenge uchiita mabasa kana kuti kupa tii kumuravi wako ane mutsa. Zvakadiniko kuti vose vari mumusha vabvumirane nguva yokunyarara nokuda kwefundo yomunhu oga? “Chii chawakafarikanya kurava misi ichangobva kupfuura iyi?” Padzimwe nguva ungakwanisa kuwana izvo shamwari dzako dzakadzidza kupfurikidza nokuvamba kurukurirano neiyi nzira.
Unofarira here kutanga pfungwa itsva kugadziriro yako yefundo? Unogona kugadza nharidzano yenguva yefundo nenzira imwe cheteyo vakawanda vanogadza nayo nharidzano yenguva yokutaura pamusoro peBhaibheri kuvamwe. Mumwe muparidzi wenguva yakazara [piyona] anogadza nharidzano duku yomwedzi nomwedzi yamaawa efundo uye anofara sezvo anoona chati yenharidzano yake ichizara. Vamwe vanoganhurira nguva yokutarira terevhizheni nenzira iyoyo ndokuwana nguva yefundo. Vakawanda vanosarudza musoro wefundo uyo vanoronda kwenguva yakati, zvakadai sezvibereko zvomudzimu, mugariro wekare wamabhuku eBhaibheri, kana kuti unyanzvi hwokudzidzisa. Vamwe vanofarikanya kuita machati okuverenga nguva, zvakadai saayo anoratidza ukama pakati pamadzimambo echiIsraeri navaporofita kana kuti Mabasa Avaapostora netsamba dzaPauro.
Vaduku, munoda kutenda kwakasimba zvikuru here? Kuregerereiko kutora chinyorwa chefundo yakakwana mukati mezororo renyu rinotevera rechikoro? Mumwe mudzidzi akabhapatidzwa wapachikoro chapamusoro akasarudza Mankind’s Search for God, bhuku rakabudiswa neWatch Tower Society. Ganhuro neganhuro, iye akaita kupetwa kupfupi mubhuku rezvinonyorwa kweizvo akadzidza. Kwakanga kuchidenha uye kwakatora nguva yakawanda kupfuura yaakanga afunga. Zvisinei, apo akapedza bhuku rose, akaororwa nouzvokwadi hweShoko reBhaibheri.
Iva Anodisa Nguva Dzose Kudzidza
Vabatiri vakatendeka vakawanda zvikuru vomuzuva razvino uno vaJehovha vanotova ne“zvakawanda zvokuita mubasa raShe.” (1 VaKorinte 15:58, NW) Kunyange norudungwe rwakahwirudzurwa nokuedza kwapachokwadi, muitiro waunotevera muvhiki chairoiro ungasachinja zvikuru. Bva, kudisa kwako kusingakundikani kuwana nzwisiso huru zvikuru yezvokwadi nokuzvichengeta umene uchitsinhirana nokuwadzanyurika kwamadonzo aJehovha kuchaita musiyano.
Kunokurudzira kunzwa tuso dzaavo vakavandudza mutoo wavo wefundo. Mumwe murume wechiKristu, achiziva kuti akanga achirasikirwa nechimiro chendangariro chakanaka kukutsvaka nzwisiso huru zvikuru yezvokwadi, akaronga upenyu hwake kuti agogona kupa akawanda amaawa ake okusununguka kufundo yomunhu oga. “Kwakandiunzira mufaro wandakanga ndisingazivi kare,” iye anodaro. “Nechivimbo chinokura nguva dzose mukunyorwa nenzira youmwari kweBhaibheri, ndinowana kuti ndinogona kutaura kuvamwe pamusoro pokutenda kwangu nembavarira chaiyoiyo. Ndinonzwa kuti ndinosanodya, ndakasimba mumudzimu, uye ndinogutswa pamugumo wezuva rimwe nerimwe.”
Mumwe mutariri anofambira weZvapupu zvaJehovha, uyo anoshanyira ungano dzakawanda, akarondedzera dzimwe betsero neiyi nzira: “Avo vanoshingaira mufundo yomunhu oga vanowanzova vapenyu navakajeka mukutaura kwavo. Vanofambidzana zviri nani navamwe, uye havafurirwi nyore nyore netsinhiro dzakaipa dzinobva kuvamwe. Apo vanenge vari muushumiri hwomumunda, vanochinjika pamwe chete nokusvinurira zvinodikanwa zvavanhu vavanosangana navo.”
Iye anowedzera pfundo iro vamwe vangada kurangarira apo vanokamuranisa mutoo wavo vamene wefundo. “Pamisangano yekurukurirano dzapaMagwaro, vakawanda vanorava tsinhiro dzavo papeji yakatsikirirwa chaipo. Ivo vangabetserwa zvikuru kana vakafungisisa pamusoro pokuti mashoko acho anowirirana sei neizvo vakadzidza kare kana kuti noupenyu hwavo vamene.” Unofunga kuti ungagona kuvandudza muna ikoku here?
Muporofita Dhanieri, pashure pamakore anosanopfuura 90 oupenyu, haana kunzwa kuti ainzwisisa zvakakwana nzira dzaJehovha. Mumakore ake okupedzisira, akabvunza pamusoro penhau yaaisagona kunzwisisa zvizere: “Haiwa ishe wangu, kupera kwezvinhu izvi ndokweiko?” (Dhanieri 12:8) Pasina panikiro uku kudisa kusingachinji kudzidza zvakawanda pamusoro pezvokwadi yaMwari kwaikosha kuperero yake yakaisvonaka muupenyu hwake hwose hwakazara nezvinoitika.—Dhanieri 7:8, 16, 19, 20.
Mumwe nomumwe wavabatiri vaJehovha haana mutoro muduku wokumira akasimba somumwe weZvapupu Zvake. Iva anodisa nguva dzose kudzidza kuzvichengeta umene wakasimba mumudzimu. Edza kuwedzera rutivi rumwe rutsva kana kuti maviri kurudungwe rwako rwomunhu oga rwefundo rwevhiki nevhiki, rwomwedzi nomwedzi, kana kuti rwegore negore. Ona kuti Mwari achakomborera sei nhamburiko duku ipi neipi yaunoita. Hungu, farikanya fundo yako yomunhu oga yeBhaibheri nemiuyo iyo inounza.—Pisarema 107:43.