RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w94 3/15 pp. 21-23
  • “Dyisa Muromo, Kwete Tsoka”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Dyisa Muromo, Kwete Tsoka”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Tsika Dzokuviga Dzamagamuchidzanwa
  • Zvitendero zveAfrica Zvamagamuchidzanwa
  • Icho Bhaibheri Rinotaura
  • Nei Zvichioneka Sezvakasiana?
  • Vakafa Vanofanira Kukudzwa Here?
    Mukai!—1999
  • Murangariro wechiKristu Wetsika Dzamariro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Madzitateguru Edu Ari Kupi?
    Mugwagwa Unoenda Kuupenyu Husingaperi—Wakauwana Here?
  • Chenjerera Tsika Dzisingafadzi Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
w94 3/15 pp. 21-23

“Dyisa Muromo, Kwete Tsoka”

Kunzvera Tsika Dzokuviga Dzamagamuchidzanwa dzeAfrica

“IZVO hazvivigi vakafa vazvo!” Uku kutaura kunowanzoitwa pamusoro peZvapupu zvaJehovha muWest Africa. Bva, kunosanozivikanwa kuti Zvapupu, kutaura idi, zvinoviga vakafa vazvo.

Neiko vanhu vachitaura kuti Zvapupu zvaJehovha hazvivigi vakafa vazvo? Vanodaro nemhaka yokuti Zvapupu hazvichengeti dzakawanda dzetsika dzakakurumbira dzomunzvimbomo dzokuviga.

Tsika Dzokuviga Dzamagamuchidzanwa

Aliu anogara mumusha muduku muCentral Nigeria. Apo amai vake vakafa, akazivisa hama dzake dzokunyama nezvorufu rwavo uye ipapo akaronga kuti hurukuro yapaMagwaro ipiwe mumusha mavo. Ichikurukurwa nomumwe mukuru womuungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha, hurukuro yacho yakanangidzira ngwariro pamugariro wavakafa netariro yorumuko inofadza inonongedzerwa kwairi muBhaibheri. Pashure pehurukuro, amai vaAliu vakavigwa.

Hama dzokunyama dzakashatirwa zvikuru. Kwadziri hakuna kuviga kwakakwana pasina kupupudza, kunowanzoitwa usiku pashure pokunge munhu afa. Munzanga yaAliu kupupudza inguva yokuchengeta, kwete kuchema. Chitunha chinogezwa, kupfekedzwa zvichena, uye chinoiswa pamubhedha. Vafirwi vanotumira shoko kuti vaimbi vauye, vanotenga doro namajagi ewaini yemichindwe, uye vanoronga kuti handira kana kuti mbudzi ibairwe. Ipapo hama dzokunyama neshamwari vanosvika kundoimba, kutamba, kudya, kunwa kutozosvikira mambakwedza zuva rinotevera.

Mukati meiyi mitambo, zvokudya zvinoiswa kutsoka dzechitunha. Zvikamu zvevhudzi, nzara dzeminwe, uye nzara dzezvigunwe zvomunhu afa zvinochekwa ndokuiswa parutivi nokuda kwo“kuviga kwechipiri.” Kunoitika mazuva, mavhiki, kana kuti kunyange makore gare gare.

Pazuva rapashure pokupupudza, chitunha chinovigwa, kunyange zvazvo miitiro yamariro ichipfuurira kwevhiki rimwe kana kuti kupfuura. Gare gare, kuviga kwechipiri kunoitika. Zvikamu zvevhudzi, nzara dzeminwe, uye nzara dzezvigunwe zvinoputirwa mujira jena, iro rinosungirwa paburanga rakareba mamita 1,5 kusvikira ku 1,8. Mumudungwe wokuimba nokutamba, buranga rinoendeswa kunzvimbo yeguva ndokuvigwa pedyo pomunhu warinomirira. Zvakare, pane kuimba kukuru, kunwa, uye kudya. Kugumisa zvinoitika zvamariro, pfuti inoridzwa kamwe yakanangidzirwa kudenga.

Sezvo Aliu asina kubvumidza chipi nechipi cheizvi zvinhu, akapomerwa kusaremekedza vakafa kana kuti magamuchidzanwa anovakudza. Asi neiko Aliu, Chapupu chaJehovha, akaramba kuwirirana negamuchidzanwa? Nemhaka yokuti aisagona kugamuchira nenzira yokutungamirirwa nehana pfungwa dzorudzidziso pakavakirwa aya magamuchidzanwa.

Zvitendero zveAfrica Zvamagamuchidzanwa

MuAfrica mose, vanhu vanodavira kuti vanhu vose vakabva kunzvimbo yemidzimu uye vachadzokera ikoko. VaYoruba veNigeria vanoti: “Pasi idandaro, nepo denga uri musha.” Uye chirevo chavaIgbo ndeichi: “Munhu ari wose anopinda munyika ino achafanira kudzokera kumusha, pasinei zvapo nokuti munhu anononoka sei ari pasi pano.”

Rangarira tsika dzadudzwa pakuvamba. Donzo rokupupudza kupa mudzimu onekano yakanaka. Zvipfeko zvichena zvinorangarirwa kuva zvipfeko zvakakodzera nzvimbo yemidzimu. Kuisa zvokudya kutsoka kunobatanidzwa nepfungwa yokuti chitunha chacho chinodya namakumbo uye chinofanira kudyiswa kuti chigorega kuva nenzara parwendo rwokuenda kunyika yavakare.

Uyezve, vanhu vose zvavo vanodavira kuti apo mudzimu unobva mumuviri, unogara nguva refu uri pedyo navapenyu uye haudzokeri kuvakare kutozosvikira wasunungurwa pakupedzisira nokuviga kwechipiri. Kutoti kuviga kwechipiri kukaitwa, vanhu vanotya kuti mudzimu uchashatirwa ndokutambudza vapenyu nechirwere kana kuti rufu. Kuridzwa kwepfuti ku“endesa mudzimu” kudenga.

Kunyange zvazvo tsika dzamariro dzichisiana zvikuru munzvimbo nenzvimbo muAfrica, pfungwa huru kazhinji kazhinji ndeyokuti mudzimu unopukunyuka rufu rwomuviri. Donzo guru remiitiro yacho kubatsira mudzimu kupindura “danidzo yokumusha.”

Izvi zvitendero nemiitiro zvakakurudzirwa nedzidziso yechiKristudhomu yokusafa kwomweya womunhu uye nokunamata kwacho “vasande.” Muenzaniso chaiwoiwo itsinhiro yomuprista wokuhondo muSwaziland uyo akataura kuti Jesu akauya, kwete kuzoparadza zvitendero zvamagamuchidzanwa, asi kuzozvizadzika kana kuti kuzvisimbisa. Sezvo vafundisi vachiwanzotungamirira pamiitiro yokuviga, vanhu vazhinji vanorangarira kuti Bhaibheri rinotsigira zvose zviri zviviri zvitendero zvamagamuchidzanwa netsika dzinobva maari.

Icho Bhaibheri Rinotaura

Bhaibheri rinotsigira izvi zvitendero here? Pamusoro pomugariro wavakafa, Muparidzi 3:20 inoti: “Zvose [zvose zviri zviviri vanhu nemhuka] zvinoenda kunzvimbo imwe; zvose zvinobva pavhu, zvose zvinodzokerazve kuvhu.” Magwaro anotizve: “Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva . . . rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo. . . . hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri, paSheori [guva] kwaunoenda.”—Muparidzi 9:5, 6, 10.

Iwaya namwe magwaro anojekesa kuti vakafa havagoni kutiona kana kuti kutinzwa kana kuti kutibetsera kana kuti kutikuvadza. Ikoku hakusi mutsinhirano here neizvo wakacherechedza? Ungaziva nezvomurume akapfuma uye anopesvedzera uyo akafa uye ane mhuri pashure paikoko yakatambura, kunyange zvazvo ivo vakaita zvizere miitiro yose yamariro yetsika. Kana murume iyeyo ari mupenyu munzvimbo yemidzimu, neiko asingabetseri mhuri yake? Haagoni kuita saizvozvo nemhaka yokuti izvo Bhaibheri rinotaura ndezvechokwadi—vakafa havana upenyu zvamazvirokwazvo, “vaparara,” uye naizvozvo havakwanisi kubetsera munhu upi noupi.—Isaya 26:14.

Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, aiziva ikoku kuva kwechokwadi. Rangarira chakaitika pashure porufu rwaRazaro. Bhaibheri rinoti: “Akazoti [Jesu] kwavari [vadzidzi vake]: Razaro, hama yedu, wavata; asi ndinoenda, kuti ndimumutse pahope. Zvino vadzidzi vakati kwaari: Ishe, kana achivata, uchanaya. Jesu wakanga areva kufa kwake.”—Johane 11:11-13.

Cherechedza kuti Jesu akafananidza rufu nokuvata, nokuzorora. Pakusvika kwake paBhetania, akanyaradza hanzvadzi dzaRazaro Maria naMarta. Asundwa netsitsi, Jesu akachema. Bva, haana kutongotaura kana kuti kuita chinhu chipi nechipi chinokarakadza kuti Razaro akanga ane mudzimu wakanga uchiri mupenyu uye uchishuva betsero kuti usvike nyika yavakare vake. Panzvimbo pezvo, Jesu akaita izvo akati aizoita. Akamutsa Razaro mukuvata kworufu kupfurikidza norumuko. Ikoku kwakapa ufakazi hwokuti Mwari pakupedzisira aizoshandisa Jesu kumutsa vose avo vari mumakuva echirangaridzo.—Johane 11:17-44; 5:28, 29.

Nei Zvichioneka Sezvakasiana?

Pane chinhu chipi nechipi chakaipa here nokuwirirana nemiitiro yamariro yakavakirwa pazvitendero zvisiri zvapaMagwaro? Aliu namamirioni ezvimwe Zvapupu zvaJehovha vanodavira kuti chiripo. Ivo vanoziva kuti kwaizova kwakaipa—kunyange kunonyengera—kuti vatsigire muitiro upi noupi wakavakirwa zvakajeka padzidziso dzenhema nedzinotsausa. Ivo havadi kuva vakafanana navanyori navaFarise, avo Jesu akashurikidza nokuda kwounyengeri hworudzidziso.—Mateo 23:1-36.

Muapostora Pauro akanyevera mushandi biyake Timotio, kuti: “Zvino [mudzimu, NW] unoreva pachena, kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiterera [midzimu, NW] inonyengera nedzidziso dzemweya yakaipa, vachinyengerwa navanoreva nhema.” (1 Timotio 4:1, 2) Ko murangariro wokuti vakafa vorudzi rwomunhu vapenyu munzvimbo yemidzimu idzidziso yamadhemoni here?

Hungu, idzidziso yawo. Satani Dhiabhorosi, “baba venhema,” akaudza Evha kuti haasati aizofa, achiratidzira kuti aizoramba achirarama munyama. (Johane 8:44; Genesi 3:3, 4) Ikoko kwakanga kusati kuri kumwe cheteko nokutaura kuti mweya usingafi unopfuurira kurarama pashure porufu rwomuviri. Zvisinei, Satani namadhemoni ake vanovavarira kubvisa vanhu pazvokwadi yeShoko raMwari kupfurikidza nokusimudzira pfungwa yokuti upenyu hunopfuurira pashure porufu. Nemhaka yokuti zvinodavira icho Mwari anotaura muBhaibheri, Zvapupu zvaJehovha hazvina goverano mumirangariro nemiitiro zvinotsigira nhema dzaSatani.—2 VaKorinte 6:14-18.

Kupfurikidza nokudzivisa miitiro yokuviga isiri yapaMagwaro, vabatiri vaJehovha vakawana kusafarira kwavamwe vasingagoverani mirangariro yazvo. Zvapupu zvakati zvakanyimwa nhaka. Zvimwe zvakadzingwa nemhuri dzazvo. SamaKristu echokwadi, zvisinei, izvo zvinoziva kuti teerero yokutendeka kuna Mwari inounza kusafarira kwenyika. Kufanana navaapostora vakavimbika vaJesu Kristu, izvo zvakatsunga ku“teerera Mwari somutongi panzvimbo pavanhu.”—Mabasa 5:29, NW; Johane 17:14.

Nepo achida yeuko yavadiwa vawo vakavata murufu, maKristu echokwadi anovavarira kuratidzira rudo nokuda kwavapenyu. Somuenzaniso, Aliu akanga apinza amai vake mumusha make pashure pokunge baba vake vafa uye akanga avapa zvokudya nokuvatarisira murutivi rwose rwasara rwoupenyu hwavo. Apo vamwe vanotaura kuti Aliu akaitira hanya zvishomanene amai vake nemhaka yokuti haana kuvaviga mukuwirirana netsika yakakurumbira, iye anonongedzera kuuku kutaura kunowanzotaurwa pakati pavanhu vake: “Dyisai muromo wangu musati madyisa tsoka dzangu.” Kudyisa muromo, kana kuti kutarisira munhu apo anenge achiri mupenyu, kunokosha zvikuru kupfuura kudyisa tsoka, muitiro warondedzerwa pakuvamba uye wakabatanidzwa nokupupudza pashure pokunge munhu wacho afa. Kudyisa tsoka, kutaura idi, hakutongobetseri vafi.

Aliu anobvunza vatsoropodzi vake kuti, ‘Chii chamaizoda—kuti mhuri yenyu ikutarisirei muukweguru hwenyu kana kuti kuti vave nokuchengeta kukuru pashure pokunge mafa?’ Vazhinjisa vanosarudza kutarisirwa vachiri vapenyu. Ivo vanoongawo kuziva kuti kana vakafa, vachava nehurukuro yechirangaridzo yakavakirwa paBhaibheri ine chiremera nokuvigwa kwakaisvonaka.

Izvozvo ndizvo izvo Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuitira vadiwa vazvo. Zvinodyisa muromo, kwete tsoka.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe