Papias Akakoshesa Mashoko aShe
“HANDINA . . . kufarikanya avo vane zvakawanda zvokutaura, asi avo vakadzidzisa chakanga chiri chechokwadi.” Akanyora kudaro Papias, aiti muKristu wezana ramakore rechipiri reNguva yedu yaVose.
Papias akararama munhambo yapashure nokukurumidza porufu rwavaapostora vaJesu Kristu. Kutaura idi, iye akanga ari musonganiri waPolycarp, uyo sezvinoshumwa akadzidza kuno muapostora Johane. Izvi zvibvumikiso, pamwe chete nomutoo waPapias wokuwana zivo, zvinokuita kuve kungabvira kuti aisanoziva.
Mutoo Wokungwarira
Nyota yaPapias yezvokwadi iri pachena zvakajeka mumabhuku mashanu anoumba bhuku rake pamusoro pamashoko aShe. Mumakore ake apakuvamba, pasina panikiro Papias akachengeta akawanda amashoko ezvokwadi ayo akanga anzwa. Gare gare, ari maaigara muguta reFirigia reHirapori, muAsia Minor, Papias akabvunza vakweguru kuti ave nechokwadi kana vakanga vamboona kana kuti kunzwa nezvavapi navapi vavaapostora vaJesu. Iye akavabvunza nokudisa uye akanyora zvavakataura.
Papias anotsanangura, kuti: “Handisati ndichizozengurira kunyora . . . chipi kana chipi chandakasanodzidza panguva ipi neipi kuvakuru, uye ndakasanoyeuka, ndichikuvimbisai nezvezvokwadi yavo. Nokuti handina, kufanana navanhu vazhinjisa, kufarikanya avo vane zvakawanda zvokutaura, asi avo vakadzidzisa chakanga chiri chechokwadi; uyewo avo vanorondedzera mirairo yavamwe, asi avo vanoshuma yakapiwa naShe kukutenda uye yaibva muzvokwadi imene. Uye kana munhu upi noupi achifanira kuuya kwandiri uyo akanga ave ari muteveri wavakuru, ndingakumbira nhauro dzakapiwa navakuru—izvo Andrea kana kuti izvo Petro akataura, kana kuti izvo Firipo kana kuti izvo Tomasi kana kuti Jakobho, kana kuti izvo Johane kana kuti Mateo vakataura, kana kuti vamwe vadzidzi vapi navapi vaShe.”
Basa Rake
Pasina panikiro zivo yomudzimu yakawanda yaiwanika kuna Papias. Tinongogona bedzi kufungidzira kuti anofanira kuva akasanoteerera sei udzame hwakapoteredza upenyu hwomunhu oga noushumiri zvomumwe nomumwe wavaapostora. Munenge muna 135 N.V., Papias akanyora izvo aifanira kutaura mubhuku rake amene. Nenzira inosiririsa, iri bhuku rakanyangarika. Rakanokorwa mashoko naIrenaeus, aiti muKristu wezana rechipiri ramakore N.V., uye nowezvenhau wezana ramakore rechina Eusebius. Kutaura idi, rakanga richiri kuraviwa muzana ramakore rechi 9 N.V. uye ringave rakavapo kutozosvikira muzana ramakore rechi 14.
Papias akadavira Kutonga kweMireniyumu kunouya kwaKristu. (Zvakazarurwa 20:2-7) Mukuwirirana naIrenaeus, iye akanyora nezvenguva “apo chisiko, chakamutsidzirwa uye chakasunungurwa, chichabereka zvakawanda zvamarudzi ose ezvokudya, kubva mudova redenga nokubereka kwapasi, seizvo chaizvo vakuru, avo vakaona Johane, mudzidzi waShe, vakarondedzera kuti vakanga vanzwa kuti Ishe aidzidzisa sei pamusoro penguva idzodzo.” Papias akanyorazve, kuti: “Kuvatendi izvi zvinhu zvinodavirika. Uye apo Judhasi, mushambadzi, akaramba kudavira ndokubvunza kuti, ‘Kubereka kwakadaro kuchaitwa sei naShe?’ Ishe akati, ‘Avo vanosvika nguva idzodzo vachaona.’”
Papias akanyora panguva apo Sekete ravaiva nezivo yomudzimu yechienzi rakanga rakapararira. VeSekete rezivo yomudzimu yechienzi vaibatanidza uzivi, fungidziro, uye zvakavanzika zvechihedheni nechiKristu chakawa pakutenda. Zvomenemene, tsananguro yaPapias yokutaura kwaShe, kana kuti mashoko, yakanga iri kuedza kumisa Sekete raiva nezivo yomudzimu yechienzi. Pashure pake, Irenaeus akapfuurira kudzivisa umudzimu hwenhema nohwakakatutsirwa hwaveSekete rezivo yomudzimu yechienzi. Mabhuku eSekete rezivo yomudzimu yechienzi anofanira kuva aiva makuru, achiparira nongedzero yakakasharara yaPapias ku“avo vane zvakawanda zvikuru zvokutaura.” Nharidzano yake yakanga yakajeka—kukunda unhema nezvokwadi.—1 Timotio 6:4; VaFiripi 4:5.
Tsinhiro paEvhangeri
Muzvisaririra zvamanyoro aPapias izvo zvichiripo, tinowana kududzwa kwenhauro dzakanyorwa naMateo naMarko. Somuenzaniso, Papias anotaura nezvechinyorwa chaMarko, kuti: “Marko, ava muturikiri waPetro, akanyora zvakarurama chinhu chiri chose chaakayeuka.” Achipupurirazve kururama kweiyi Evhangeri, Papias anopfuurira, kuti: “Naizvozvo ipapo Marko haana kuita chikanganiso, apo iye nokudaro akanyora zvimwe zvinhu sezvaakazviyeuka; nokuti akakuita itiro hanya yake imwe kusasiya chinhu chipi nechipi chaakanzwa, kana kuti kunyora kutaura kupi nokupi kwenhema mairi.”
Papias anogovera ufakazi hwokunze hwokuti Mateo pakuvamba akanyora Evhangeri yake mumutauro wechiHebheru. Papias anoti: “Iye akanyora mashoko mumutauro wechiHebheru, uye mumwe nomumwe akaadudzira zvakanakisisa sezvaaigona.” Kungabvira kuti Papias akaita nongedzero kunhauro dzeEvhangeri dzaRuka naJohane, pamwe chete nokumamwe manyoro aMagwaro echiGiriki echiKristu. Kana zvakadaro, iye aizova mumwe weZvapupu zvapakuvamba zvikurusa zvinosimbisa kururama kwazvo nokufuridzirwa kwoumwari. Sezvineiwo, kunyanguvezvo, zvisaririra zviduku bedzi zvamanyoro aPapias zviripo.
Aiziva Chinodikanwa Chake Chomudzimu
Somutariri muungano yapaHirapori, Papias akanga ari muongorori asinganeti. Mukuwedzera kukuva munzveri anoshanda zvakaoma, iye akaratidzira kuonga kukuru nokuda kwaMagwaro. Papias akasarudza nomazvo kuti kutaura kupi nokupi kwedzidziso kwaJesu Kristu kana kuti vaapostora Vake kwaizova kunokosha zvikuru kwazvo kutsanangura kupfuura kutaura kunonyengera kwaiwanwa mumabhuku ezuva rake.—Judhasi 17.
Papias sezvinoshumwa akatambura kufira kutendeka paPergamo muna 161 kana kuti 165 N.V. Kuti dzidziso dzaJesu Kristu dzakatapura zvikuru sei zvomenemene upenyu nomufambiro zvaPapias hakugoni kutaurwa nouchokwadi. Bva, aiva nechishuvo chikuru chokudzidza nokukurukura Magwaro. Ndizvo zvinoitawo maKristu echokwadi nhasi, nokuti anoziva chinodikanwa chawo chomudzimu. (Mateo 5:3) Uye kufanana naPapias anokoshesa mashoko aShe.