“Hatimbogoni Kuratidzika Kuva Vanotaura!”
MICHAEL, gweta, aitofanira kuva mukurukurirani ane simba. Basa rake raikuda. Asi pashure pamakore 16 eroorano, Michael akamanikidzirwa kuziva kuti apo aiuya kumusha kumudzimai wake, Adrian, unyanzvi hwake hwekurukurirano hwairatidzika kuva hunopera. “Kuwanira mhaka, kunetsa, kuita zvibhende,” Michael anoyeuka kudaro, “Adrian neni nguva dzose taikakavadzana, uye ndakafunga kuti zvaizongotinetesa chete. Ndakashamisika kana iyoyo yakanga iri roorano, chinodzivisa chinopfuurira chokusagutsikana nechinotsamwisa. Kana iwoyo wakanga uchizova mugariro wedu kwoupenyu hwedu hwose hwasara pamwe chete, ndaida kusununguka—handisi kutamba. Ndaisambogona kutarisana namakore 20, 30, 40 orudzi irworwo rwokutsamwisa kwenguva dzose nokunyanduka.”
Mirangariro yakafanana neiyi haisati ichitongova yaMichael naAdrian voga. Chinhu chaichoicho nokuda kwavanyakuroorana vakawanda vane ukama hunochinja pakati pokurwa nokurega kurwa. Kurukurirano dzakapfava zvikurusa dzinova hondo yamashoko. Vano“nzwa” zvinhu zvisingataurwi. Vanotaura zvinhu zvisingaitwi. Vanodenha nokupomera, ipapo vanopinda mukunyarara kwepfundepfunde. Havaparadzani, asi havasati vari “nyama imwe” zvirokwazvo. (Genesi 2:24) Ukama hwamiswa. Kudzokera shure kwaizoreva kuparadzana; kufambira mberi kwaizoreva kunangana nemisiano zvakananga. Kudzivisa marwadzo echisarudzo chipi nechipi, ava vanyakuroorana vanorega kuitirana nharo ndokuzvichengeta vamene vari kure nomumwe nomumwe mumirangariro.
Vanyakuroorana vakadaro vanoda ku‘wana nhungamiro younyanzvi’ muroorano yavo. (Zvirevo 1:5) Iyi nhungamiro inowanika muShoko raMwari, Bhaibheri. Tsamba yechipiri yaPauro kuna Timotio inosimbisa kuti Bhaibheri “rinobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa.” (2 Timotio 3:16) Iyoyi inobvumikisa kuva yakadaro mukurapa kuputsika mukurukurirano yeroorano, sezvatichaona.