Chisiko Chinoti, “Varege Kuva Nepembedzo”
“Kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi nouMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo.”—VAROMA 1:20.
1, 2. (a) Kunyunyutai kwakakomba uko Jobho akaita kuna Jehovha? (b) Kudembai uko Jobho akaita pakupedzisira?
JOBHO, murume womunguva dzakare uyo akanga ane perero isingaputsiki kuna Jehovha Mwari, akanga aedzwa zvinotyisa naSatani. Dhiabhorosi akanga aparira Jobho kurasikirwa nezvinhu zvake zvose zvokunyama, akanga aunza rufu rwavanakomana navanasikana vake, uye akanga amutambudza nehosha inosemesa. Jobho akafunga kuti akanga ari Mwari akanga achiunza idzi nhamo paari, uye akanyunyuta zvikuru kuna Jehovha: “Zvinokufadzai here kumanikidza, . . . zvamunobvunza zvakaipa zvangu, nokunzvera zvivi zvangu, kunyange muchiziva kuti handizi wakaipa?”—Jobho 1:12-19; 2:5-8; 10:3, 6, 7.
2 Nguva yakati pashure paikoku, mashoko aJobho kuna Mwari akaratidzira kuchinja kwakakwana: “Naizvozvo ndakataura zvandakanga ndisinganzwisisi, zvinhu zvakandishamisa kwazvo, zvandakanga ndisingazivi. Ndakanga ndanzwa zvenyu nokunzwa kwenzeve; asi zvino ziso rangu rinokuonai. Saka ndinozvisema, nokuzvidemba muguruva namadota.” (Jobho 42:3, 5, 6) Chii chakanga chaitika kuchinja chimiro chendangariro chaJobho?
3. Murangariroi mutsva uyo Jobho akawana pamusoro pechisiko?
3 Munguvayo, Jehovha akanga anangana naJobho ari muchamupupuri. (Jobho 38:1) Akanga aramba achibvunza Jobho mibvunzo. ‘Waivepiko pandakaita nyika? Ndianiko wakadzivira gungwa nemikova uye kuisa miganhu apo mafungu aro angagona kusvika? Unogona kuparira makore kudonhedza mvura yawo pasi here? Unogona kuparira uswa kukura here? Unogona kusunga pamwe chete boka renyeredzi here ndokudzitungamirira munzira dzadzo?’ Mumaganhuro ose 38 kusvika ku 41 ebhuku raJobho, Jehovha akanaisa pana Jobho iyi mibvunzo nemimwe mizhinji pamusoro pechisiko Chake. Akaita kuti Jobho aone mukaha mukuru uri pakati paMwari nomunhu, nenzira ine simba achiyeuchidza Jobho nezvouchenjeri nesimba zvinoratidzirwa muchisiko chaMwari, zvinhu zvinopfuura zvikuru simba raJobho kuti aite kana kuti kunyange kunzwisisa. Jobho, akurirwa nesimba rinotyisa nouchenjeri husingadaviriki hwaMwari wamasimba ose sezvinoziviswa kupfurikidza nezvisiko Zvake, akatyiswa kufunga kuti akanga ava noushingi hwokuita nharo naJehovha. Naizvozvo akati: “Ndakanga ndanzwa nezvenyu nokunzwa kwenzeve; asi zvino ziso rangu rinokuonai.”—Jobho 42:5.
4. Chii chatinofanira kunzwisisa kubva muzvisiko zvaJehovha, uye chii chiri mugariro naavo vanokundikana kuchiona?
4 Mazana akawanda amakore gare gare mumwe munyori weBhaibheri akafuridzirwa akasimbisa kuti mavara aJehovha aigona kuonekwa kupfurikidza nezvisiko zvake. Muapostora Pauro akanyora pana VaRoma 1:19, 20, kuti: “Nokuti izvo zvingazikanwa zvaMwari zvinoonekwa mukati mavo, nokuti Mwari wakazviratidza izvo kwavari. Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi nouMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizikanwa pazvinhu zvakaitwa; kuti varege kuva nepembedzo.”
5. (a) Ndichinodikanwai chokuberekwa nacho icho vanhu vanacho, uye chinogutswa sei nenzira isina kururama navamwe? (b) Chii chaiva rumbidzo yaPauro kuvaGiriki muAtene?
5 Munhu akasikwa ane chinodikanwa chomuzvarirwo chokunamata simba rakakwirira zvikuru. Dr. C. G. Jung, mubhuku rake The Undiscovered Self, akanongedzera kuichi chinodikanwa se“chimiro chendangariro chokuberekwa nacho chomunhu bedzi, uye kuratidzwa kwacho kunogona kurondwa munhau yose yavanhu.” Muapostora Pauro akataura nezvesundo yomuzvarirwo yomunhu yokunamata, iyo yakatsanangura chikonzero nei vaGiriki vomuAtene vakaita zvifananidzo neatari kuna vamwari vazhinji, vaizivikanwa navaisazivikanwa. Pauro akazivisawo Mwari wechokwadi kwavari ndokuratidza kuti vaifanira kugutsa iyi sundo yomuzvarirwo nomazvo kupfurikidza nokutsvaka Jehovha Mwari wechokwadi, “zvimwe vamutsvangadzire, vamuwane, kunyange asiri kure nomumwe nomumwe wedu.” (Mabasa 17:22-30) Sezvo tiri pedyo nezvisiko zvake, tiri pedyo chaizvo nokunzwisisa mavara ake nezviratidzo.
KutendereraKwemvura Kunoshamisa
6. Mavarai aJehovha atinoona mukutenderera kwemvura?
6 Mavarai aJehovha atinonzwisisa, somuenzaniso, mukugona kwamakore asina mvura kubata matani emvura? Tinoona rudo rwake nouchenjeri, nokuti nokudaro anogovera mubvumbi nokuda kwokukomborerwa kwapasi. Anoita ikoku kupfurikidza negadziriro inoshamisa inobatanidzwa mukutenderera kwemvura, kunodudzwa pana Muparidzi 1:7, kuti: “Nzizi dzose dzinodira mugungwa, kunyange zvakadaro gungwa harizari; kunzvimbo kunoenda nzizi, ndiko kwadzinodzokerazve.” Bhuku reBhaibheri raJobho rakananga pakuitika kwazvo.
7. Mvura inobva sei mugungwa ichienda kumakore, uye makore asina mvura anogona sei kuchengeta matani emvura?
7 Apo nzizi dzomuchando dzinoyerera dzichienda kugungwa, hadzigari ikoko. Jehovha “anokwevera kumusoro madonhwe emvura kubva mugungwa uye anoburitsa mvura mumhute yaakaita.” Nemhaka yokuti mvura iri muchimiro chemweya uye pakupedzisira mhute yakaisvonaka, “makore anoturikwa akarembera pamusoro, basa rinoshamisa rounyanzvi hwake hwakakwana.” (Jobho 36:27; 37:16; The New English Bible) Makore anofamba chero bedzi ari mhute: “Anosungira mvura namakore ake—mhute haibvaruki nokurema kwayo.” Kana kuti seizvo imwe shanduro inotaura: “Anochengeta mvura yakaungana mumakore makobvu, uye makore haabvaruki nokurema kwayo.”—Jobho 26:8, The Jerusalem Bible; NE.
8. “Hombodo dzemvura dzokudenga” dzinodururwa uye kutenderera kwemvura kunopedzwa kupfurikidza nenhanoi dzakasiana-siana?
8 “Ndianiko ungagona kudurura [idzi] hombodo dzemvura dzokudenga” kuti aparire mvura kunaya kupasi? (Jobho 38:37) Uyo ane “unyanzvi hwakakwana” akadziisapo pakutanga, uyo “anoburitsa mvura mumhute yaakaita.” Uye chii chinodikanwa kuburitsa madonhwe emvura mumhute? Panofanira kuva nechinhu chakaoma chidukusa, zvakadai sotuhuruva kana kuti sotumunyu—kubva pazviuru kusvikira kumazana ezviuru atwo mukubiti imwe neimwe yesendimita yemhepo—kushanda sapakati petunodonha kuti tupoteredze. Kunokarakadzwa kuti kunotora mirioni yetunodonha tuduku twamakore kuita donwe remvura rapaavhareji. Makore anogona kudzikisa nzizi dzawo kupasi kuita hova dzinodzosera mvura kugungwa pashure bedzi pouku kuitika. Nokudaro kutenderera kwemvura kunozvipedza kumene. Uye kwose ikoku kunoitika netsaona here? “Varege kuva nepembedzo,” zvamazvirokwazvo!
Manyuko Mamwe Ouchenjeri hwaSoromoni
9. Chii icho Soromoni akawana kuva chinoshamisa pamusoro porudzi rumwe rwomujuru?
9 Munyika yakare, uchenjeri hwaSoromoni hwakanga husingaenzaniswi. Huzhinji hwouchenjeri ihwohwo hwaiva pamusoro pechisiko chaJehovha: “[Soromoni] akataura zvemiti, kubva pamisidhari iri paRebhanoni kusvikira pamuhisopi unomera parusvingo; akataurawo zvemhuka, neshiri, nezvinokambaira, nehove.” (1 Madzimambo 4:33) Akanga ari Mambo mumwe chete iyeyu Soromoni akanyora kuti: “Enda kumujuru, iwe simbe; cherekedza nzira dzawo, ugova wakachenjera! Kunyange iwo usino mutongi, kana mutariri kana mubati, unogadzira zvokudya zvawo muzhizha, nokuunganidza zvokudya zvawo mukukohwa.”—Zvirevo 6:6-8.
10. Muenzanisiro waSoromoni pamusoro pamajuru anokohwa wakarevererwa sei?
10 Ndiani akadzidzisa majuru kuchengeta zvokudya muzhezha zvokudya mukutonhora kwomuchando? Kwamazana amakore kururama kwenhauro yaSoromoni kwaaya majuru aikohwa mbeu ndokudzichengeta nokuda kwokushandisa muchando kwakapanikirwa. Hapana munhu akanga awana ufakazi hupi nohupi hwokuvapo kwawo. Muna 1871, zvisinei, nyanzvi yemiti nemhuka yeBritain yakawana matura awo apasi pevhu, uye kururama kweBhaibheri mukushuma pamusoro pakwo kwakarevererwa. Asi aya majuru akawana sei uchenjeri hwokuziva muzhezha kuti kutonhora kwomuchando kuri mberi uye uchenjeri hwokuziva zvokuita pamusoro pako? Bhaibheri rimene rinotsanangura kuti zvizhinji zvechisiko chaJehovha zvine uchenjeri hwakarongwa mazviri nokuda kwokupukunyuka kwazvo. Majuru anokohwa vagamuchiri veichi chikomborero chinobva kuMusiki wazvo. Zvirevo 30:24 inotaura nezvako, kuti: “Zvakachenjera kwazvo.” Kutaura kuti uchenjeri hwakadaro hwaigona kungoitika zvahwo netsaona hakuna mufungo; kukundikana kunzwisisa Musiki akachenjera anokutsigira hakupembedzeki.
11. (a) Neiko muti womusequoia muhombe uchityisa kwazvo? (b) Chii chinoshamisa kwazvo pamusoro pokushanda kwokutanga muphotosynthesis?
11 Munhu ari munyasi momuti womusequoia muhombe, achishamiswa noukuru hwawo hukuru, nenzira inonzwisisika anonzwa akafanana nekajuru. Ukuru hwomuti wacho hunotyisa: mamita 90 kureba, upamhi huna mamita 11, ganda rakakora mamita 0,6, midzi inopararira anopfuura mahekita 1,2 kusvika ku 1,6. Bva, inotyisa zvikurusa ndiyo kemesitiri nefizikisi zvinobatanidzwa mukukura kwawo. Mashizha awo anotora mvura mumidzi, carbon dioxide mumhepo, uye simba muzuva kuti agadzire shuga ndokuburitsa oxygen—muitiro unonzi photosynthesis uyo unobatanidza kushanda kwamakemikoro 70, kwose kusati kuchinzwisiswa. Nenzira inoshamisa, kushanda kwokutanga kunotsamira pachiedza chinobva muzuva iro riri ruvara rwakarurama chaizvo, masaisai ourefu hwakarurama; nezvisizvo haasati aizotorwa namamolecule echlorophyll kuti atange muitiro wephotosynthesis.
12. (a) Chii chinoshamisa pamusoro pokushandisa mvura kwomuti womusequoia? (b) Neiko nitrogen ichidikanwa mukukura kwemiti, uye kutenderera kwayo kunopedzwa sei?
12 Rinoshamisawo iidi rokuti muti wacho unogona kukweva mvura yakawanda kubva mumidzi kusvika kumusoro kwouhu ukuru hwourefu hwamamita 90. Mvura yakawanda zvikuru inokweviwa kupfuura inodikanwa nokuda kwephotosynthesis. Yomuraudzo inoburitswa nomumashizha kupfurikidza netranspiration ichipinda mumhepo. Kunoita kuti muti utonhodzwe nemvura, zvakati fananei nokutonhodzwa kwedu nokudikitira. Kuti uite protein yokukura, nitrogen inofanira kuwedzerwa kushuga, kana kuti macarbohydrate. Shizha harigoni kushandisa nitrogen iri muchimiro chegas inotorwa mumhepo, asi zvinhu zvipenyu zvomuvhu zvinogona kuchinja nitrogen iri muchimiro chegas iri mupasi kuva manitrate namanitrite anonyungudika mumvura, ayo ipapo anofamba kubva mumidzi kuenda kumashizha. Apo miti nemhuka zvakashandisa iyi nitrogen mumaprotein azvo zvinofa ndokuora, nitrogen inoburitswa, kuchipedza kutenderera kwenitrogen. Muna ikoku kwose, kuoma kunzwisisa kunobatanidzwa kunokahadzisa, basa risingatongoitwi netsaona.
Pasina Kutaura kana kuti Mashoko kana kuti Inzwi, Zvinotaura!
13. Matenga akazara nenyeredzi akazivisei kuna Dhavhidhi, uye anopfuurira kutii kwatiri?
13 Iratidzirwo inotyisa zvakadini yoMusiki inobva mudenga rousiku rakazadzwa nenyeredzi rinozadza vaoni noruremekedzo! PaPisarema 8:3, 4, Dhavhidhi akataura rutyo rwaakanzwa: “Kana ndichicherekedza denga renyu rose, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakarongedza; munhu chinyiko zvamunomufunga? Nomwanakomana womunhu zvamunomushanyira?” Kuna avo vana maziso okuona, nzeve dzokunzwa, uye mwoyo wokunzwa, aya matenga akazara nenyeredzi anotaura, sezvaakaita kuna Dhavhidhi: “Kudenga denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari.”—Pisarema 19:1-4.
14. Neiko simba guru reimwe yenyeredzi richikosha kwazvo kwatiri?
14 Kana tikaziva zvakawanda pamusoro penyeredzi, dzinotaurawo zvinonzwika zvikuru kwatiri. Pana Isaya 40:26, tinokokwa kucherechedza simba radzo guru: “Tarirai kumusoro nameso enyu, muone kuti ndiani wakasika izvozvi, unobudisa hondo yazvo yakawanda; iye unozvidana zvose namazita azvo; nokuda kwoukuru hwesimba rake, uye zvaari mukuru pakusimba kwake, hakune chimwe chinoshaikwa.” Simba rinokweva rapasi nesimba guru rechimwe chazvo, zuva redu, rinochengeta pasi riri munzvimbo muchitenderero charo, rinoita kuti miti ikure, rinotichengeta tichidziirwa, uye rinoita kuti upenyu hwose hubvire pano pasi pano. Muapostora Pauro achifuridzirwa akati: “Nyeredzi imwe haifanani neimwe nyeredzi pakubwinya kwayo.” (1 VaKorinte 15:41) Saenzi inoziva nezvenyeredzi dzeyero dzakafanana nezuva redu, uyewo nyeredzi dzebhuruu, red giants, white dwarfs, neutron stars, uye supernovas dzinoputika idzo dzinoburitsa simba risinganzwisisiki.
15. Vagadziri vazhinji vakadzidzei muchisiko ndokuedza kutevedzera?
15 Vagadziri vazhinji vezvinhu vakadzidza muchisiko uye vakaedza kutevedzera mano ezvisikwa zvipenyu. (Jobho 12:7-10) Cherechedza mativi mashomanene chete akatanhamara echisiko. Shiri dzomugungwa dzine mitezo inobvisa munyu mumvura yomugungwa; hove nehunga zvinoburitsa magetsi; hove, makonye, uye zvipembenene zvinoburitsa chiedza chakatonhora; zviremwaremwa uye madolphin anoshandisa sonar; mago anogadzira mapepa; majuru anovaka mabhiriji; tsenzi dzinoita madhamu; nyoka dzine thermometer dzakaiswa mukati; zvipembenene zvomushambiro zvinoshandisa machubhu okufema nawo pasi pemvura nezvokushambirisa; maoctopus anoshandisa simba rinosunda rejeti; madandemutande anoita marudzi manomwe amadandemutande uye anoita mikova yokubuda nayo, mambure, uye tambo dzine chishwe uye ayo ane vana vanofamba namabharuni, vachifamba zviuru zvamakiromita zvakakwira zvikuru; hove namagakanje zvinoshandisa matangi okuyangaruka kufanana nengarava dzinofamba pasi pegungwa; uye shiri, zvipembenene, kamba dzomugungwa, hove, uye mhuka dzinoyamwisa dzinoita zviito zvinoshamisa zvokutama—mano anopfuura simba resaenzi kutsanangura.
16. Izvokwadii dzesaenzi idzo Bhaibheri rakanyora zviuru zvamakore saenzi isati yadziwana?
16 Bhaibheri rakanyora zvokwadi dzesaenzi zviuru zvamakore saenzi isati yadziziva. Mutemo waMosesi (zana ramakore rechi 16 P.N.V.) wakaratidzira kuzivikanwa kwoutachiona hwezvirwere zviuru zvamakore pamberi paPasteur. (Revhitiko, maganhuro 13, 14) Muzana ramakore rechi 17 P.N.V., Jobho akati: “Unoturika nyika pasine chinhu.” (Jobho 26:7) Chiuru chamakore pamberi paKristu, Soromoni akanyora pamusoro pokutenderera kweropa; saenzi yokurapa yaitofanira kumirira kusvikira zana ramakore rechi 17 kuti idzidze pamusoro pako. (Muparidzi 12:6) Pamberi paikoko, Pisarema 139:16 rakaratidzira zivo yegadziriro yokugara nhaka: “Meso enyu akaona muviri wangu uchigere kukwaniswa, zvose zvakanga zvakanyorwa murugwaro rwenyu, zuva rimwe nerimwe rokuumbwa kwazvo, kusati kwava nechimwe chazvo.” Muzana ramakore rechi 7 P.N.V., nyanzvi dzemiti nemhuka dzisati dzanzwisisa pamusoro pokutama, Jeremia akanyora, sezvakanyorwa pana Jeremia 8:7, kuti: “Zimudo riri mudenga rinoziva nguva yokutama, njiva nenyenganyenga nekondo dzinoziva mwaka wokudzoka.”—NE.
“Musiki” UyoVezvemhindumupinduVari Kusarudza
17. (a) VaRoma 1:21-23 inotii pamusoro pavamwe vanoramba kuona Musiki akangwara anotsigira zvinoshamisa zvakasikwa? (b) Mupfungwa yakati, chii icho vezvemhindumupindu vari kusarudza so“musiki” wavo?
17 Rumwe rugwaro runoti pamusoro pavamwe vanoramba kunzwisisa Musiki akangwara anotsigira zvakasikwa zvinoshamisa: “Asi vakafunga zvisina maturo, nemwoyo yavo isine zivo, ikasvibiswa. Vachiti, takachenjera, vakava mapenzi; vakashandura kubwinya kwaMwari usingafi, vakakuita mufananidzo wakafanana nomunhu unofa, neshiri, nemhuka dzina makumbo mana, nezvinokambaira.” “Vakatsinhana zvokwadi yaMwari nenhema, vakanamata nokushumira chisikwa kupfuura Musiki.” (VaRoma 1:21-23, 25) Zvakafanana namasaendisiti emhindumupindu, ayo, kutaura idi, anokudza nhevedzano yokufungidzira inokwira yeprotozoa-makonye-hove-mhuka dzinogara mumvura napanyika-zvinokambaira-zvinoyamwisa-“vanhu veape” so“musiki” wavo. Anoziva, zvisinei, kuti hapana zvirokwazvo chinhu chipenyu chine sero rimwe rakapfava chete chokutanga nhevedzano yacho. Chinhu chipenyu chakapfava zvikurusa chinozivikanwa chine maatomu ane mabhirioni ane zana, nezviuru zvokushanda kwamakemikoro kunoitika mukati macho panguva imwe chete.
18, 19. (a) Ndiani Uyo anamaruramiro okupiwa mbiri yokuvamba upenyu? (b) Ndizvakawanda zvakadini zvechisiko chaJehovha zvatinogona kuona?
18 Jehovha Mwari ndiye Musiki woupenyu. (Pisarema 36:9) Ndiye Mupariri Wokutanga mukuru. Zita rake, Jehovha, rinoreva kuti “Anoparira kuvapo.” Zvisiko zvake hatigoni kuzviverenga. Zvamazvirokwazvo kune zvinopfuura namamirioni kupfuura izvo munhu anoziva nezvazvo. Pisarema 104:24, 25 inobaira zanhi pana ikoku, kuti: “Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere.” Jobho 26:14 yakajeka pana ikoku, ichiti: “Tarira, izvi ndiwo mudzivo woga wenzira dzake; haiwa, tinongonzwa zevezeve roga renzwi rake! Asi kutinhira kwesimba rake ndianiko ungakunzwisisa?” Tinoona midzivo mishomanene, tinonzwa zevezeve shomanene, asi hakutibviriri kunzwisisa ukoshi hwakazara hwokutinhira kwake kukuru.
19 Zvisinei, tine manyuko ari nani okumuona nawo kupfuura kupfurikidza nezvisiko zvake zvinooneka. Manyuko ari nani iwayo iShoko rake, Bhaibheri. Tinotendeukira kumanyuko iwayo zvino munyaya inotevera.
Unoyeuka Here?
◻ Chii icho Jobho akadzidza apo Jehovha akataura kwaari ari muchamupupuri?
◻ Neiko Pauro akataura kuti vamwe vakanga vasingapembedzeki?
◻ Kutenderera kwemvura kunoshanda sei?
◻ Zvinhui zvinokosha izvo chiedza chezuva chinotiitira?
◻ Izvokwadii dzesaenzi idzo Bhaibheri rakazivisa saenzi isati yadziwana?