Kuedzerei Kururama kweBhaibheri?
Unorangarira sei Bhaibheri? Vamwe vanodavira zvakasimba kuti iro chizaruro chaMwari kumunhu. Vamwe vanodavira kuti iro rinongova bhukuwo zvaro. Vamwezve havana chokwadi. Kana iwe une panikiro ipi neipi pamusoro pamavambo eBhaibheri, kune zvikonzero zvakasimba nei uchifanira kuriongorora ndokupedza nhau yacho.
KUTOZOSVIKIRA muzana ramakore rechi 18, Bhaibheri rairemekedzwa zvikuru seShoko raMwari munyika dzechiKristudhomu. Asi kuvambira muzana ramakore rechi 19 zvichienda mberi, chiverengero chinokura chavadzidzisi, masaendisiti, uye kunyange vafundisi navatungamiriri vechechi vakavamba kutaura pachena panikiro pamusoro pokururama kweBhaibheri.
Somuuyo, kutsoropodzwa kweBhaibheri kwazova kwakapararira kwazvo zvokuti vazhinji vanopa chisarudzo pasina kunyange kuziva zviri mukati meBhaibheri. Panzvimbo yeBhaibheri, vanhu vakawanda vari muchiKristudhomu zvino vanotarira kuuzivi hwavanhu. Zvisinei, uzivi hwazvino uno hahuna kuparira nyika yakakotsekana zvikuru kana kuti inofara zvikuru. Ichocho chikonzero chimwe chakanaka chokuongorora nacho Bhaibheri ndokuona kana nhungamiro yaro ichitungamirira kumufarwa nebudiriro.
Chimwe chikonzero chokuedza kururama kweBhaibheri ikariro inoshamisa yarinopa nokuda kworudzi rwomunhu. Somuenzaniso, Pisarema 37:29 rinoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” (Zvakazarurwa 21:3-5) Itapuroi zvipikirwa zvakadaro zvinova nayo pauri? Zvirokwazvo izvo chikonzero chakakwana kuti uongorore Bhaibheri ndokuona kana richigona kuvimbwa naro.
Magazini ino nguva dzose yakatsigira uzvokwadi hweBhaibheri uye kazhinji kazhinji yakaonesa chibvumikiso chokururama kwaro. Pane chiverengero chakati chenzvimbo umo kururama kweBhaibheri kunogona kuedzwa. Zvinyorwa zvakasiana-siana zveNharireyomurindi zvichakubetsera kupindura iyi mibvunzo: Ko maidi anozivikanwa enhau yakare anowirirana neBhaibheri here? Ko kudeya kutaura kwaro kwakarurama here? Ko zano raro rinoshanda here, kana kuti ko vadzidzisi navazivi vazvino uno vakabvumikisa kuti Bhaibheri rava rechinyakare here?
Mugariro wapasi ndiimwe nharaunda umo unogona kuedza kururama kweBhaibheri. Ngano dzechihedheni kazhinji kazhinji dzinorwisana namaidi omugariro wapasi. Somuenzaniso, marudzi akawanda akare akataura nhau dzenzendo kuinonzi nyika yavakafa. Pamusoro pavaGiriki vakare, bhuku rinonzi A Guide to the Gods rinotsanangura, kuti: “Pasi rakaonwa sapamusoro pakati sandarara pakakombwa nenzvimbo hombe yemvura inonzi Gungwa. Seri kwaiyoyi kune Nyika Yomunguva Yemberi, nyika isina chinhu isingafadzi ine miti mitema neisingabereki zvibereko.” Apo ikoku kwakabvumikisa kuva ngano, vazivi vechihedheni vaitofanira kuchinja nzvimbo yeinonzi yavo nyika yomunguva yemberi. “Nzvimbo yakakodzera yakawanwa, pasi pepasi, yakabatanidzwa neiyi nyika namapako akasiana-siana,” anotsanangura kudaro munyori Richard Carlyon. Nhasi, tinoziva kuti ikokuwo ingano. Hakuna nyika yemweya yakaenda kana kuti chikamu chiripo.
Kusafanana nengano dzamarudzi akare, Bhaibheri harina murangariro wakaipa wokuti pasi rakati sandarara. Panzvimbo pezvo, iro rinotaura idi resayenzi rokuti pasi chinhu chakatenderera chisiri pachinhu. (Jobho 26:7; Isaya 40:22) Zvakadiniko nedzimwe rondedzero dzomugariro wapasi dzinodudzwa muBhaibheri? Idzo ndedzengano here, kana kuti kunobvira here kuisa muchiono zvakarurama zvinoitika zveBhaibheri pakushanyira Egipita yomuzuva razvino, kubatanidza Peninsula yeSinai, uye Israeri yomuzuva razvino uno?
[Mufananidzo uri papeji 3]
“Ndiye ugere kumusoro kwenyika yakaurungana.”—Isaya 40:22
“Unoturikira nyikapasina chinhu.”—Jobho 26:7