RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 8/1 p. 25
  • Kuita Kuti Chiedza Chavo Chipenye muIndia

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuita Kuti Chiedza Chavo Chipenye muIndia
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mashoko Akafanana
  • “Chiedza Chenyu Ngachivheneke” Kuti Jehovha Akudzwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • “Chiedza Chenyu Ngachivheneke”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • “Chiedza Chenyu Ngachivheneke”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Kuita Kuti Chiedza Chedu Chipenye Nguva Dzose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 8/1 p. 25

Vazivisi Voumambo Vanoshuma

Kuita Kuti Chiedza Chavo Chipenye muIndia

MASHOKO akanaka oUmambo ari kuparidzirwa muIndia neZvapupu zvinofara 11 524. (Mateo 24:14) Vane 1 066 vakabhapatidzwa mukati megore rebasa ra 1991 vazivisi voUmambo, vanoita kuti chiedza chavo chipenye kuvamwe. Vakafara sei vose kuona vane 28 866 vachipinda kuchengetwa kweChirangaridzo chorufu rwaKristu!

◻ Vazhinji vanotanga kudzidza nezvetariro yoUmambo kupfurikidza nokupupurira kwamasanga. Somuenzaniso, chimwe Chapupu chakataura pamusoro poUmambo kuvashandi biyacho, avowo vari vavezi. Mumwe mushandi biyacho akagamuchira ndokuvamba kuita kuti chiedza chake chipenye kumhuri yake neshamwari. Ivava vakapfuudzira nokufara iri shoko rinoshamisa roUmambo kuvamwe. Mukuwirirana nemishumo, mumakore mashomanene chete, ‘vanhu vanopfuura 30 vakanga vagamuchira zvokwadi.’ Jehovha akamukomborera nehama dzake itsva dzomudzimu nokuda kwokuita kuti chiedza chavo chipenye.

◻ Imwe hama duku mune imwe ungano yakaita kuti chiedza chayo chipenye kupfurikidza nokupupurira nenzira yamasanga kuvadzidzi biyayo muchikoro. Vamwe vavo vaifarira tariro yoUmambo, uye kazhinji kazhinji iyo yaitsanangura Bhaibheri kwavari kusvikira pashure papakati pousiku. Mumwe, muKaturike, akaita chimiro chakasimba nokuda kwezvokwadi pasinei hapo nokunyeverwa nomuprista nezvemiuyo yakakomba kana aizopfuurira kusonganirana neChapupu chacho. Mudzidzi wacho, zvisinei, akapwiswa kuti akanga achidzidza zvokwadi yeBhaibheri kuZvapupu, uye akapfuurira kupinza zivo. Pakupedzisira akabhapatidzwa uye zvino anobatira somubatiri anoshumira muungano. Anofara mutariro iyo inouya kupfurikidza nechiedza chinoshamisa chezvokwadi!—VaRoma 12:12.

◻ Mumwe uyo akateerera kuuyu mudzidzi muduku akanga ari mudzidzi anosanozivikanwa, asingadaviri kuvapo kwaMwari, uyo aigaronyomba avo vaitaura kuti vanodavira muna Mwari, asi rimwe zuva iye akakumbanira mukurukurirano uye akabvunza mibvunzo mizhinji. Akashamiswa apo akawana mhinduro dzine mufungo kumibvunzo yake yose uye akasvika kumhedziso yokuti Bhaibheri iShoko raMwari. Akafambira mberi muzivo yeBhaibheri uye pakupedzisira akabhapatidzwa. Baba vake vechiHindu vakamushora kusvikira kupfundo rokumudzinga pamba pavo. Zvisinei, chimiro chakasimba chouyu murume muduku nokuda kwezvokwadi chakatuswa apo vaviri vehama dzake dzokunyama navaviri veshamwari dzake vakagamuchira zvokwadi uye vakabhapatidzwa. Mumwe wehama dzake dzokunyama zvino anobatira pahofisi yebazu muIndia.

◻ Mumwe murongi wavadzidzi akakumbanirawo mukurukurirano neChapupu chiduku. Akanga ari musvuti akasimba uye musiyadzasukwa. Pane imwe nguva, akanga ada kurova vadzidzi biyake vaviri avo vakanga vadzidza zvokwadi kuChapupu chacho. Nemhaka yokugamuchira zvokwadi, vakanga varamba kukumbanira chimurenga chekoreji uyewo vaisazopa ropa mukati menhimbe yokuunganidzwa kweropa yaitungamirirwa nomurongi wavadzidzi. Uyu murume muduku zvino anofara kuva Chapupu chinotakura chiedza chaJehovha.

◻ Pamwe chete, mudzidzi uyo akatanga kuita kuti chiedza chake chipenye ave ari chishandiswa mukubetsera 15 vavaenzani vake kutsauriro norubhapatidzo kupfurikidza nokupupurira kwavari nenzira yamasanga.

Mufaro kuona vazhinji munyika huru iyoyo vachigamuchira tariro yeBhaibheri yenyika itsva yaMwari ndokukumbanira uhama hwenyika yose uhwo Jehovha Mwari ari kuunganidza kuti vararame nokusingaperi muUmambo hwake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe