RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 1/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Mafashamo Makuru
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • ‘Akachengetedzwa Pamwe Chete Nevamwe Vanomwe’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • “Akafamba naMwari Wechokwadi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 1/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Neiko Noa akabudisa muareka gunguo uye ipapo njiva?

Bhaibheri harisati richipa tsananguro ine udzame. Zvisinei, kunoratidzika kuva kune mufungo muchiito chaNoa.

Kwamazuva 40 nousiku 40, pasi rakawana kunaya kukuru kwemvura, kuchiparira boporodzi iro rakafukidza kunyange misoro yamakomo kwemwedzi mishanu. Ipapo “areka ikamira pamusoro pamakomo eArarati.” (Genesi 7:6–8:4) Mwedzi yakati gare gare, pashure “misoro yamakomo ikaoneka,” Noa “akabudisa gunguo, iro rikaramba richibhururuka-bhururuka.”—Genesi 8:5, 7.

Neiko gunguo? Iyi shiri mubhururuki akasimba, uye inogona kurarama nemhatsa huru yezvokudya, kubatanidza nyama yakafa. Noa angave akabudisa gunguo kuti aone kana raizodzokera kana kuti raizoramba riri kure neareka, zvichida richidya zvisaririra zvezvitunha zvakaratidzirwa sezvo mvura dzakaderera uye nyika yakaoneka. Zvisinei, gunguo harina kugara. Bhaibheri rinotaura kuti rakadzokera, asi haritauri kuti rakadzokera kuna Noa. Zvichida iro rakadzokera kundozorora paareka pakati pokubhururuka kuti riwane zvokudya zvinoyangaruka pamvura dzakanga dzichiri dzakapararira.

Gare gare, Noa akasarudza kubudisa njiva. Tinorava, kuti: “Njiva haina kuwana pokuzorodza rutsoka rwayo, ikadzokera kwaari kuareka.” (Genesi 8:9) Ikoku kunokarakadza kuti munzira yayo imene, njiva yaigona kubatira mukuziva kana mvura dzamafashamo dzakanga dzaderera. Njiva dzinoratidzira chivimbo chakati chavanhu. Noa aigona kukarira kuti njiva yaizodzokera, kwete chete kumhara paareka, asi kuna Noa amene.

Kunotaurwa kuti njiva dzinomhara bedzi pavhu rakaoma, dzinozivikanwa kubhururuka dzakaderera mumipata, uye dzinodya mirivo. (Ezekieri 7:16) Grzimek’s Animal Life Encyclopedia inoti: “Sezvakuri kwechokwadi nezvenjivarungu nenjiva dzose kudya mbeu nenzungu, pane chinetso mukudya apo kufukidza kwesinou [kana kuti mvura] kunopfuurira rinopfuura zuva rimwe, zvakawanda zvikurusa zvezvokudya zvazvo zvinobvira zvichiva pamusoro pevhu.” Naizvozvo njiva ingadzorera kuna Noa ufakazi hwokuti yakanga yawana ivhu rakaoma kana kuti miti inomera. Nguva yokutanga Noa akaibudisa, njiva yakangodzokera zvayo kwaari muareka. Nguva yechipiri, njiva yakadzokera neshizha romuorivhi. Nguva yechitatu, haina kudzokera, kuchipa ufakazi hwokuti kwakanga kuchibvira uye kwakakotsekana kuti Noa abude muareka.—Genesi 8:8-12.

Nepo vamwe vangarangarira ihwohwu kuva udzame husingakoshi, idi rokuti nhauro yacho yakananga kwazvo, pasina kutamburira kupi nokupi kupa tsananguro dzakakwana, rinoratidzira kuvimbika kweBhaibheri. Rinotipa chikonzero chokuwedzera chokugamuchira nhauro yacho kuva, kwete yakarongwa kana kuti kuitwa, asi yakarurama nenzira yokutendeseka. Kushaikwa kwoudzame hwakakwana netsananguro kunokarakadzawo zvinhu zvinofadza izvo maKristu akatendeka angakarira kubvunza Noa apo anomutswa uye anogona kutsanangura zvakananga zvikonzero nenzvimbo zvezviito zvake.—VaHebheru 11:7, 39.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe