Mibvunzo Inobva Kuvaravi
◼ Chii chinofanira kuita mhuri yechiKristu kana mwana wavo achifanira kupinda chikoro uko muraidzo worudzidziso unomanikidzirwa?
Vabereki vechiKristu havafariri kuita kuti vana vavo vadzidziswe dzidziso dzorudzidziso rwenhema. Asi kungava nemigariro umo vana vasingagoni kuramba kuva mukirasi umo rudzidziso runodzidziswa, kunyange zvazvo vasati vaizogoverana mumabasa kana kuti minamato zvorudzidziso rwenhema.
Shamwari yaMwari Abrahama yakagadza muenzaniso wakaisvonaka pamusoro pomuraidzo worudzidziso nokuda kwavana. Iye akarerera vana vake muKanani, umo vakanga vakakombwa nemhosho yorudzidziso nemiitiro “inoyera” inonyangadza. (Enzanisa naEksodho 34:11-15; Revhitiko 18:21-30; Dheuteronomio 7:1-5, 25, 26; 18:9-14.) Kunyanguvezvo, iye akanga ari manyuko omuraidzo worudzidziso nokuda kwemhuri yake. Mwari aiva nechivimbo chokuti Abrahama aizo“raira vana vake naveimba yake vanomutevera, kuti vachengete nzira yaJehovha, vaite zvakarurama nezvakanaka.”—Genesi 18:19.
Sepwere, Jesuwo akabetserwa nomuraidzo wemhuri noweungano mukunamata kwechokwadi. Nokudaro, iye “akaramba achienda mberi pakuchenjera, napakukura, napakufadza Mwari navanhu.”—Ruka 2:52.
Mumativi mazhinjisa apasi, pwere dzechiKristu dzinogamuchira dzidzo yenyika muzvikoro zvehurumende. Hachisati chiri chinhu chiri chose chinodzidziswa chiri muwirirano yakazara nezvokwadi yeBhaibheri neidi rakasimbiswa. Somuenzaniso, zvizvarwa zvakawanda zvepwere dzechiKristu zvakapinda kirasi dzesayenzi kana kuti sayenzi yezvinhu zvipenyu sorutivi rwekosi yavo yefundo yenguva dzose. Vazhinjisa vavo nokudaro vakaratidzirwa kurondedzero dzakapararira dzemhindumupindu nemirangariro yakabatana pamusoro pamavambo “omusikirwo” oupenyu pasi pano.
Uku kuratidzirwa hakuna, zvisinei, kuchinja idzi pwere dzechiKristu kuva vatsigiri vemhindumupindu isina umwari. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti kumusha nokumisangano yechiKristu, ivo vakanga vagamuchira kare mashoko akarurama akavakirwa paShoko rakafuridzirwa raMwari, ayo akabetsera kurovedza ‘masimba [avo] enzwisiso kuti vatsauranise zvose zviri zviviri chakarurama nechisina kururama.’ (VaHebheru 5:14) Vabereki vazhinji vakanga vafunda navana vavo kufukidzwa kwakadzikama kwemhindumupindu muvhoriyamu inosimbisa kutenda yaLife—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation?a Vashongedzerwa kudaro, ava vana vechikoro havana kugamuchira sounodavirika muraidzo wekirasi pamusoro pemhindumupindu. Bva ivo vaikwanisa kuratidza mumhinduro dzavo dzekirasi nomubvunzo (test) kuti vakanga vachipa ngwariro uye vaigona kudzidza udzame hunopiwa. Vamwe vakatova nebanza rokugovera dzimwe tsananguro dziri muwirirano namaidi anopiwa muBhaibheri noMusiki womunhu.—1 Petro 3:15.
Zvakadini, kunyanguvezvo, pamusoro penguva dzekirasi dzinopiwa kumuraidzo pamusoro porudzidziso rukuru rwomunzvimbomo kana kuti kunyange rudzidzisowo zvarwo?
Kungasabvira kuti muraidzo wakadaro uchapiwa nenzira ine mwero, samashokowo zvawo. Mudzidzisi angatopinda rudzidziso irworwo uye nokudaro anoedza kupesvedzera ndangariro nomwoyo zvavadzidzi. Naizvozvo Zvapupu zvaJehovha zvinoda hazvo kuti vana vazvo vahesvurwe mukirasi dzomuraidzo worudzidziso. Ikoku kungagonesa vana vazvo kushandisa nguva yechikoro nenzira inobetsera zvikuru kupedza migove yedzimwe kirasi kana kuti kufunda muraibhurari yechikoro.
Mudzimwe nzvimbo, zvisinei, zvikumbiro zvakadaro zvakarambwa; zviremera zvechikoro kana kuti zvavanhu zvingatoda kuti vana vose vapinde ndokupedza kosi yorudzidziso kuti vapedze kufunda. Mhuri imwe neimwe inofanira kusarudza somunhu oga chokuita muchinoitika ichocho.
Vamwe vavabatiri vaMwari munguva yakapfuura vasingadi vakava mumigariro umo ivo vaifanira kutsungirira kuratidzirwa kudzidziso dzorudzidziso kana kuti mabasa vachiramba vakavimbika kuna Mwari wechokwadi. Ikoko sezvingabvira kwakanga kwakadaro nezvaMosesi. Iye akarerwa somuzukuru waFarao weEgipita, uye “akaraidzwa muuchenjeri hwose hwavaEgipita.” (Mabasa 7:20-22, NW) Ikoko zvimwe kwakabatanidza kusvikira pamwero wakati zvitendero nemiitiro yorudzidziso yaizivikanwa navose muEgipita. Asi Mosesi akataviridzwa nomuraidzo mukuru sezviri pachena waakagamuchira kumhuri yake uye zvichida vamwe vaHebheru.—Eksodho 2:6-15; VaHebheru 11:23-26.
Rangarirawo muenzaniso wavaHebheru vaduku vatatu, vasonganiri vaDhanieri, avo vakapiwa muraidzo chaiwo muBhabhironi ndokuitwa vashandi vehurumende. (Dhanieri 1:6, 7) Ivo vakanga vasina kusununguka kuita kana kuti kuramba kuita chipi kana chipi chavaida. Pane imwe nhambo Mambo Nebhukadnezari akaraira kuti ivo vaungane navamwe vakuru vakuru pachifananidzo chendarama icho akamisa pabani reDhura, apo zviito zvokuzvipira kwourudzi zvaizoitwa. VaHebheru vatatu vakaita sei? Tinogona kuva nechokwadi chokuti vaizodai vakada zvavo kusavako, asi ikoko kwakanga kusingabviri.b Bva ivo vakaramba vakatendeka kuzvitendero zvavo nokuna Mwari Wamasimba ose. Hana dzavo dzoumwari dzakavabvumira kuvapo nepo vachiramba zvakasimba kutora rutivi kana kuti kupinda somunhu oga, muchiito chipi nechipi chorudzidziso rwenhema.—Dhanieri 3:1-18.
Apo kunenge kuchimanikidzirwa kuti vadzidzi vose vavepo pakirasi yorudzidziso uye sezvinobvira kuti vadzidze kusvikira patambanuko yokukwanisa kupasa bvunzo, vana vanobva mumhuri dzamaKristu echokwadi vangavapo, savatatu ivavo vaivapo pakuraira kwaNebhukadnezari. Asi pwere dzechiKristu dzaizoisa Mwari pakutanga. Hakungavi nedikano yokuti dzidenhe kutaura kusina kururama kupi nokupi kunoitwa kana kuti muitiro upi noupi usiri wapamagwaro unogoveranwa mauri navamwe, kungofanana navaHebheru vatatu vasina kuedza kudzongonyedza apo vamwe vakakotamira mufananidzo wendarama. Zvisinei, pwere dzechiKristu idzo dzimene hadzisati dzaizogoverana muzviito zvokunamata, minyengetero yavose, nziyo dzorudzidziso, uye zvinhu zvakadaro.
Idzi pwere dzinofanira kuzvishandisa dzimene padzimwe nguva kuti dzipinze zivo inovaka ‘inobva mumanyoro matsvene ayo anokwanisa kudzichenjedza nokuda kworuponeso kupfurikidza nokutenda kuri pamusoro paKristu Jesu.’ (2 Timotio 3:15) Kupfurikidza nekurukurirano navana vavo, vabereki vanofanira kunzvera nguva dzose zviri mukati momuraidzo wekirasi. Ikoku kuchabetsera maKristu akura kuona chinofanira kururamiswa kana kuti kujekeswa kubva muBhaibheri kuti vana vavo varege kuvhiringidzwa kana kuti kutsauswa.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Bhaibheri haridudzi kuvapo kwaDhanieri pabani reDhura. Zvichida nzvimbo yake yakakwirira zvikuru muhurumende yakamugonesa kuhesvurwa kuendako.