RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 5/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzidziswa Kuti Vazoparidza Pasinei Nekutambudzwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Kuparidza muGarireya Uye Kudzidzisa Vaapostora Kuparidza
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Anoda Vana Vaduku
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • “Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzirwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 5/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ Pana Mateo 10:21, ko Jesu akanga achitinyevera here kuti hama dzakawanda muungano dzichapandukira hama dzadzo dzomudzimu?

Aiwa, iroro harisati riri pfundo renyevero yaJesu, iyo inorava, kuti: “Mukoma uchaisa munun’una parufu, nababa mwana wavo; vana vachamukira vabereki vavo nokuvauraya.”—Mateo 10:21.

Mashoko akapoteredza anoratidza kuti Jesu akataura ikoku kuvaapostora 12 sezvo akavatuma parwendo rwokuparidzira muna Israeri. Zvakawanda zveizvo akataura zvakava nerevo yokutanga nokuda kwavaapostora. Somuenzaniso, iye akataura kuti ivo vakasimbaradzwa kuti vaite kurapa kwenenji, kudzinga midzimu, uye kunyange rumuko. (Mateo 10:1, 8; 11:1) Nhau inobvumikisa kuti haasi maKristu ose akagamuchira masimba akadaro enenji, kuchisimbisa kuti Jesu pano akanga achitaura kuvateereri vamwe chaivo—vaapostora vake.

Bva, zvimwe zveizvo Jesu akataura zvakapfuura rwendo rwokuparidzira rwavaapostora. Iye akavaudza, kuti: “Asi chenjerai vanhu, . . . Muchaiswawo pamberi pavabati namadzimambo nokuda kwangu, muve zvapupu kwavari nokuvahedheni.” (Mateo 10:17, 18) Parwendo irworwo, vane 12 sezvingabvira vakatarisana nechishoro, asi hakuna ufakazi hwokuti vakaendeswa “pavabati namadzimambo” kuti vape uchapupu ku“vahedheni.”a Mumakore apashure, vaapostora vakaoneka pamberi pavatongi, vakadai saMambo Herodhe Agripa I na II, Sergio Pauro, Gario uye kunyange Mambo Nero. (Mabasa 12:1, 2; 13:6, 7; 18:12; 25:8-12, 21; 26:1-3) Naizvozvo mashoko aJesu akashanda gare gare.

Zano raJesu rakapfuurira nenyevero, inoti: “Mukoma uchaisa munun’una parufu.” Iye akanga asiri kunongedzera kuhama dzomudzimu sezvaakanga asinganongedzeriwo kumadzibaba omudzimu kana kuti vana namashoko ake anotevera Mt 10 mundima 21: “Baba [achapa] mwana wavo; vana vachamukira vabereki vavo nokuvauraya.” Jesu akareva kuti vaapostora vaigona kukarira utsinye kana kuti chishoro kunyange chinobva kuhama dzokunyama.—Mateo 10:35, 36.

Vaapostora vaizoda tsungiriro parwendo irworwo rwokuparidzira. Jesu akapfuurira, kuti: “Muchavengwa navose nokuda kwezita rangu; asi unotsungirira kusvikira pakuguma, uchaponeswa.”—Mateo 10:22.

Zvimwe zveizvo Jesu akataura panhambo iyoyo zvine revo nokuda kwedu seZvapupu zvaJehovha nhasi. Simbiso yokuparidzira kwedu iri paUmambo. Tinoita ushumiri hwedu pasina mutengo uye tinotsvaka vanhu vanofarira shoko racho kana kuti vakafanirwa naro. Ngwariro yakafanira. Vashori vakawanda. Pane dzimwe nguva hama dzokunyama, vavakidzani, kana kuti vashandi biyedu vanosakisa zvinetso zvakakomba, zvikurukuru nokuda kwavapachokwadi vari kuvamba kuronda nzira yechiKristu chechokwadi. Jesu akadzokorora nyevero pamusoro pechishoro chakadaro pakurondedzera “chiratidzo” chokuvapo kwake. (Mateo 24:3, 9, 10; Ruka 21:16, 17) Iye akataurawo zvekuda kwedu ‘tsungiriro kusvikira kumugumo kuti tiponeswe.’ Hungu, tinofanira kutsungirira kusvikira pamugumo woupenyu hwedu hwazvino kana kuti kusvikira tsika ino yezvinhu yaguma uye tinogona kupinda munyika itsva.—Mateo 24:13.

[Mashoko Omuzasi]

a Dzimwe shanduro dzinoshandura ikoku sa“vahedheni” (The Jerusalem Bible), “Vamarudzi” (New International Version uye shanduro dzakaitwa naMoffatt naLamsa), uye “vahedheni” (The New English Bible).

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe