Kununurwa Kwava Pedyo Nokuda Kwavanhu Vokuzvipira Kwoumwari!
“Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo, asi kuchengeta vanhu vasina kururama nokuda kwezuva rorutongeso kuti vaparadzwe.”—2 PETRO 2:9, “NW.”
ZVINETSO zvoupenyu zviri kuwedzera nokuda kworudzi rwose rwomunhu. Ikoku ndokwechokwadi kunyange munhu achigara uko zvinhu zvokunyama zvakawanda zvikuru kana kuti uko zviri zvishomanene. Kusachengeteka kuripo munzvimbo iri yose. Sokunge migariro isina kutsiga yezvemari haina kukwana kuzvidya mwoyo pamusoro payo, zvinetso zvakakomba zvemhoteredzo zviri kudenha Pasi, zvichityisidzira upenyu hwose huri pariri. Chirwere chakapararira. Hosha dzinotapukira, zvirwere zvemwoyo, uye denda rekenza zvinouraya chiverengero chikuru zvikuru. Utere hwakakuvadza mirangariro yavanhu uye upenyu hwemhuri. Kunze kweizvi zvose, nyika yakazadzwa namasimba masimba. Nemhaka yeicho chaunga chavanhu chakanangana nacho, isu tinobvunza zvamazvirokwazvo, kuti: Pane hwaro hwakanaka hwokukarira kukurumidza kununurwa here? Kana zvakadaro, kuchauya sei, uye nokuda kwavanaani?—Enzanisa naHabhakuki 1:2; 2:1-3.
2 Chiri kuitika muzuva redu chinotiyeuchidza nezvedzimwe nguva dzakati dzinokosha zvikuru munhau yavanhu. Muapostora Petro anokwevera ngwariro kumabasa okununura ayo Mwari akaita panhambo idzodzo uye ipapo anosvika kuiyi mhedziso inokurudzira: “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo.” (2 Petro 2:9, NW) Cherekedza mashoko akapoteredza kutaura ikoko, pana 2 Petro 2:4-10 (NW):
3 “Zvamazvirokwazvo kana Mwari asina kurega kuranga ngirozi dzakatadza, asi, nokudzikandira muTartaro, akadziisa kumakomba ezarima guru kuti dzigochengeterwa rutongeso; uye iye haana kurega kuranga nyika yekare, asi akachengeta Noa, muparidzi wokururama, akakotsekana pamwe navamwe vanomwe paye apo akavigira boporodzi pamusoro penyika yavanhu vasina umwari; uye nokuderedza maguta eSodhoma neGomora kuva madota akaashurikidza, akaaita chiratidzo nokuda kwavanhu vasiri voumwari chezvinhu zvinouya; uye akanunura Roti akarurama, akatambudzika zvikuru nokusazvidzora kwavanhu vanozvidza mutemo mumufambiro usingadzorwi—nokuti munhu uyo wakarurama kupfurikidza nezvaaiona nezvaainzwa achigara pakati pavo zuva nezuva namabasa avo okusateerera mutemo—Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo, asi kuchengeta vanhu vasina kururama nokuda kwezuva rorutongeso kuti vaparadzwe, zvikurukuru, zvisinei, avo vanoramba vachitsvaka nyama vaino ruchiva rwokuisvibisa uye vanozvidza ushe.” Sokuratidza kunoita magwaro iwayo, chakaitika muzuva raNoa uye munguva yaRoti chakazadzwa nerevo nokuda kwedu.
Mudzimu Wakanga Wakapararira Muzuva raNoa
4 Nhauro yenhau iri muna Genesi ganhuro 6 inotizivisa kuti muzuva raNoa pasi rakanga raparadzwa mukuona kwaMwari wechokwadi. Neiko? Nemhaka yamasimba masimba. Iyi yakanga isiri nhau yezvinoitika zvakaparadzana zvamasimba masimba outsotsi. Genesi 6:11 (NW), inoshuma kuti “pasi rakazadzwa namasimba masimba.”
5 Chii chakanga chiri seri kwacho? Rugwaro rwanokorwa mashoko muna 2 Petro rwunonongedzera kuvanhu vasina umwari. Hungu, mudzimu wokusava noumwari wakazadza zvinhu zvavanhu. Ikoku kwakabatanidza kwete chete kuzvidzwawo zvako kwomutemo woumwari asi chimiro chokuzvidza Mwari amene.a Uye apo vanhu vanozvidza Mwari, kunogona sei kukarirwa kuti vachabata nomutsa nomunhu biyavo? Noa asati atoberekwa, uku kusava noumwari kwakanga kwakapararira kwazvo zvokuti Jehovha akanga asakisa Enoki kuporofita pamusoro pomuuyo wacho. (Judhasi 14, 15) Kumhura kwavo Mwari kwaiva nechokwadi chokuunza kuitwa kworutongeso rwoumwari.
6 Pakanga panewo imwe pesvedzero yakapira kumasimba masimba amazuva iwawo. Genesi 6:1, 2 inonangidzira ngwariro kwairi apo inoti: “Zvino vanhu vakati votanga kuwanda panyika, vachiberekerwa vanasikana, vanakomana vaMwari vakaona vakunda vavanhu kuti vakanaka, vakazvitsaurira pakati pavo vose vavakada kuva vakadzi vavo.” Ndivanaani vaiva vanakomana ivavo vaMwari wechokwadi? Kwete vanhuwo zvavo. Kwamazana amakore varume vakanga vave vachicherekedza vakadzi vakanaka uye vakanga vave vachivaroora. Ava vanakomana vaMwari dzaiva ngirozi dzakapfeka miviri yavanhu. Pana Judhasi 6 (NW), dzinorondedzerwa se“ngirozi dzisina kuchengeta nzvimbo yadzo yapakutanga asi dzakasiya nzvimbo yadzo dzimene yakafanira yokugara.”—Enzanisa na 1 Petro 3:19, 20.
7 Apo izvi zvisikwa zvinopfuura zvohunhu zvakapfeka miviri yohunhu savarume zvakavatana navanasikana vavanhu, chii chaiva muuyo? “VaNefirimi vakabvumikisa kuva mupasi mumazuva iwayo, uyewo pashure paikoko, apo vanakomana vaMwari wechokwadi vakapfuurira kuvatana navanasikana vavanhu ndokuzviberekera vanakomana, ndivo vaiva vanhu vane simba vakare, vanhu vakanga vakakurumbira.” Hungu, vana vomubatanidzwa iwowo usati uri womusikirwo vaiva Manefirimi, vane simba avo vaishandisa simba ravo guru kushusha vamwe.—Genesi 6:4, NW.
8 Mugariro wacho wakava wakaipa chaizvo sei? Wakasvika kupfundo rokuti “Jehovha akaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika nendangariro dzokufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa nguva dzose.” Mwari akaita sei kuna ikoku? “Jehovha akazvidemba pamusoro pokuita kwake vanhu panyika, akava neshungu pamwoyo pake.” Ikoku hakusati kuchireva kuti Mwari akanzwa kuti akanga aita mhosho apo akasika rudzi rwomunhu. Panzvimbo pezvo, akazvidemba kuti pashure pokunge aita vanhu, mufambiro wavo wakava wakaipa kwazvo zvokuti iye akagombedzerwa kuvaparadza.—Genesi 6:5-7.
Nzira Yakatungamirira Kukununurwa
9 Kana ari Noa, aka“wana tsitsi pamberi paJehovha. . . . Noa akanga ari munhu wakarurama. Iye akazvibvumikisa amene kuva asina mhaka pakati pavamabiyake. Noa akafamba naMwari wechokwadi.” (Genesi 6:8, 9, NW) Naizvozvo Jehovha akapa Noa ziviso yepachine nguva mberi yokuti Iye aizounza boporodzi rapasi pose uye akamuraidza kuvaka areka. Rudzi rwose rwomunhu, kunze kwaNoa nemhuri yake, rwaizoparadzwa pamusoro papasi. Kunyange chisikwa chemhuka chaizoparadzwa, kunze kwavamiriri vashomanene ivavo vorudzi rukuru rumwe norumwe urwo Noa aifanira kupinza muareka.—Genesi 6:13, 14, 17.
10 Iyi zivo yapachine nguva mberi yakaisa mutoro unorema pana Noa. Areka inofanira kuvakwa. Iyo yaifanira kuvakwa sebhokisi guru, ine hwerengedzo youkuru hwamakiyubhiti mita 40 000. Noa aifanira kuizadza nezvokudya uye ipapo kuunganidza mhuka neshiri, “rudzi rwuri rwose rwenyama,” nokuda kwokuchengetwa. Yakanga iri gadziriro yaizobatanidza makore ebasa. Noa akaita sei? Aka“pfuurira kuita mukuwirirana nezvose izvo Mwari akanga amuraira. Akaita saizvozvo.”—Genesi 6:14-16, 19-22, NW; VaHebheru 11:7.
11 Achiita basa iroro, Noa aifanirawo kupa nguva kukuvaka umudzimu hwemhuri yake. Vaifanira kutaviridzwa pakugamuchira nzira dzamasimba masimba nechimiro chokumhura chavanhu vakavapota. Kwakanga kuchikosha kuti vasanyure zvikuru muzvinhu zvezuva riri rose zvoupenyu. Mwari aiva nebasa rokuti vaite, uye kwakanga kuchikosha kuti vavakire upenyu hwavo pariri. Tinoziva kuti mhuri yaNoa yakagamuchira muraidzo wake ndokugoverana kutenda kwake nemhaka yokuti Noa, mudzimai wake, vanakomana vavo vatatu, uye vadzimai vavanakomana—vanhu vasere pamwe chete—vanotaurwa nezvavo netendero muMagwaro.—Genesi 6:18; 1 Petro 3:20.
12 Noa akangawo ane mumwe mutoro—kunyevera nezveBoporodzi rinouya uye kuzivisa chikonzero nei rakanga richiuya. Kuri pachena kuti akaita mutoro iwoyo nokutendeka, nokuti iye anonongedzerwa kwaari muShoko raMwari so“muparidzi wokururama.”—2 Petro 2:5.
13 Zvino chimbofunga nezvemigariro umo Noa akaita mugove iwoyo. Zviise umene munzvimbo yake. Kudai wakanga uri Noa kana kuti mumwe mutezo wemhuri yake, ungadai wakapoteredzwa namasimba masimba akanga achiparirwa naVanefirimi navanhu vasiri voumwari. Ungadai wakatarisana zvakananga nepesvedzero yengirozi dzakapanduka. Sezvawaishanda paareka, ungadai wakava chinhu chinosekwa. Uye gore negore sezvawainyevera nezveBoporodzi rinouya, ungadai wakawana kuti vanhu vakanga vakaputirwa zvikuru kwazvo muzvinhu zvezuva nezuva zvoupenyu zvokuti “havana kucherekedza”—ndiko kuti, “kusvikira mvura zhinji yauya ikavabvisa vose.”—Mateo 24:39; Ruka 17:26, 27.
Chinoitika chaNoa Chinorevei Nokuda Kwako?
14 Mugariro wakadaro hauna kutongoomera vazhinji vavaravi vedu kufungidzira. Zvokona neiko? Nemhaka yokuti migariro muzuva redu yakafanana zvikuru neiyo yakanga yakapararira mumazuva aNoa. Jesu Kristu akataura kuti ikoku kwaifanira kukarirwa. Muuporofita hwake hukuru pamusoro penguva yokuvapo kwake mukati memhedziso yetsika yezvinhu, Jesu akadeya kutaura, kuti: “Sapamazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu.”—Mateo 24:37.
15 Kwakaitika nenzira iyoyo here? Nyika nhasi yakazadzwa namasimba masimba here? Hungu! Vanhu vanopfuura mamirioni ane zana vakafira muhondo dzomuzana rino ramakore. Vamwe vavaravi vedu vakanzwa zvakananga muuyo waikoku. Kunyange vazhinji vakatyisidzirwa namatsotsi akatsunga kutora mari yavo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha. Uye vaduku vakaratidzirwa kumasimba masimba kuchikoro.
16 Zvisinei, vabatiri vaJehovha vanowana zvinopfuura kuparadza kwehondo namasimba masimba outsotsiwo zvahwo. Vanopinzwawo mumasimba masimba nemhaka yokuti havasi rutivi rwenyika asi vanoedza kuva vanhu vokuzvipira kwoumwari. (2 Timotio 3:10-12) Pane dzimwe nguva masimba masimba iwawo anongotora zvawo chimiro chokusundidzira kana kuti kumbamura; pane dzimwe nguva chinobatanidza kuparadzwa kwepfuma, kurova kwoutsinye, uye kunyange kuuraya.—Mateo 24:9.
17 Vachibatikana mumasimba masimba akadaro, vanhu vasina umwari, padzimwe nguva, vakazivisa nokusanyara kushora kwavo Mwari. Mune imwe nharaunda muAfrica, mapurisa akazivisa kuti: “Hurumende ndeyedu. Imi endai kuna Mwari, kana ariko, uye mukumbirei kuti auye kuzokubetserai.” Mumatorongo nomumisasa yechibharo, Zvapupu zvaJehovha zvakatarisana navarume vakadai saBaranowsky, muSachsenhausen, Germany, uyo akazvidza, kuti: “Ndakatanga kurwa naJehovha. Tichaona kuti ndiani akasimba, ini kana kuti Jehovha.” Chinguvana pashure paikoko, Baranowsky akarwara ndokufa; asi vamwe vanopfuurira kuratidzira chimiro chakafanana. Vakuru vakuru vanopinda muhondo yorudzidziso yokutambudza havasati vari ivo bedzi vanoratidzira kumhurwa kwaMwari. Kupota pasi, vabatiri vaMwari vanonzwa uye vanoona zvinhu zvinopupurira kuti avo vanopinda mazviri havatyi Mwari mumwoyo yavo.
18 Mumazuva ano ayo akafanana zvikuru kwazvo nenguva yaNoa, tinopupurirawo vhiringidzo inoitwa nemidzimu yakaipa. (Zvakazarurwa 12:7-9) Aya madhemoni ingirozi dzimwe chetedzo dzakapfeka miviri savanhu ndokuroora vakadzi mumazuva aNoa. Apo Boporodzi rakauya, vadzimai vadzo navana vakaparadzwa, asi ngirozi idzodzo dzisina kuteerera dzakamanikidzirwa kudzokera munzvimbo yemidzimu. Dzakanga dzisisinazve nzvimbo musangano dzvene raJehovha asi dzakaiswa muTartaro, mugariro werima gurusa, dzakabviswa muchiedza choumwari. (2 Petro 2:4, 5) Dzichishanda munhungamiro yaSatani, dzakapfuurira kuchengeta batano yapedyo navanhu uye, kunyange zvazvo dzisisakwanisizve kupfeka miviri yavanhu, dzakaedza kudzora varume, vakadzi, uye kunyange vana. Kumwe kwaikoku kunoitwa kupfurikidza nemiitiro yakavanzika. Dzinonyandura rudzi rwomunhu kuti ruparadzane munzira dzinotambudza pfungwa yohunhu. Asi handizvo zvoga.
19 Bhaibheri rinozivisa kuti madhemoni ari kurwa hondo naavo “vanochengeta mirairo yaMwari uye vane basa rokupupurira Jesu.” (Zvakazarurwa 12:12, 17, NW) Midzimu yakaipa iyoyo ndiyo vakurudziri vakuru vokutambudzwa kwavabatiri vaJehovha. (VaEfeso 6:10-13) Inoshandisa mutoo uri wose unofungika kumanikidzira kana kuti kunyengera vanhu vakatendeka kuputsa perero kuna Jehovha nokurega kuzivisa Umambo hwaJehovha naJesu saMambo woUmesia.
20 Madhemoni anotamburira kudzivisa vanhu vanoshuva kusunungurwa mupesvedzero yawo inodzvinyirira. Aichimbova mushandisi wemidzimu muBrazil anoshuma kuti apo Zvapupu zvakashanya pamusha pake, manzwi amadhemoni akamuraira kurega kuzarura suo; asi iye akadaro, uye akadzidza zvokwadi. Munharaunda zhinji madhemoni anoshandisa zvakananga vashandisi vouroyi kuedza kumisa basa reZvapupu zvaJehovha. Somuenzaniso, mune mumwe musha muSuriname, vashori veZvapupu zvaJehovha vakaonana nomushandisi wemidzimu uyo aizivikanwa zvikuru nokuda kwokukwanisa kuparira rufu rwakamwe kamwe rwavanhu nokungonongedzera bedzi tsvimbo yake yamashiripiti kwavari. Navateveri vake vadzani navaridzi vengoma, mushandisi wemidzimu, asvikirwa nedhemoni, vakanangana neZvapupu zvaJehovha. Akataura mashoko ake amashiripiti ndokunongedzera tsvimbo yake kwavari. Vagari vomumusha vaikarira Zvapupu kuputsika zvafa, asi aiva mushandisi wemidzimu akapera simba uye aifanira kubviswapo nokukurumidza navatsigiri vake vakwenudzwa.
21 Kunyange munharaunda umo uroyi namashiripiti zvisSti zvichishandiswa pamhene, Chapupu chiri chose chaJehovha chakawana zvazvakaita kuedza kuparidzira kuvanhu vakaputirwa zvikuru muzvinoitika zvezuva riri rose zvoupenyu zvokuti havasati vachida kunetswa. Sezvazvakanga zvakaita muzuva raNoa, voruzhinji zvikuru ‘havacherekedzi.’ (Mateo 24:37-39) Vamwe vangayemura chinzwano chedu nezvatinoita. Asi basa redu rokuvaka mumudzimu—kubatanidza maawa efundo yomunhu oga, kupinda misangano nguva dzose, uye basa romumunda—zvose upenzi kwavari. Vanoseka chivimbo chedu muzvipikirwa zveShoko raMwari nemhaka yokuti upenyu hwavo hwakavakirwa pazvinhu zvokunyama nemifarwa yendangariro izvo vanogona kuva zvino.
22 Ko vabatiri vakavimbika vaJehovha vachanyombwa nokusingaperi naavo vasina rudo rwaMwari here? Kana! Chii chakaitika muzuva raNoa? Pakuraira kwaJehovha, Noa nemhuri yake vakapinda muareka yakapedzwa. Ipapo, panguva yakatarwa nenzira youmwari, “matsime ose apakadzika-dzika akadziurwa namawindi edenga akazarurwa.” Boporodzi rakapfuurira kusvikira kunyange makomo afukidzwa. (Genesi 7:11, 17-20) Ngirozi idzo dzakanga dzasiya nzvimbo yadzo yokugara yakafanira dzakamanikidzirwa kusiya miviri yadzo yohunhu yakapfekwa ndokudzokera kunzvimbo yemidzimu. VaNefirimi norutivi rwose rwenyika iyoyo yavanhu vasina umwari, kubatanidza avo vakanga vasingakendengi zvikuru zvokusagona kuita chiito panyevero yaNoa, vakaparadzwa. Pane rumwe rutivi, Noa nomudzimai wake navanakomana vavo vatatu navadzimai vavanakomana vakaponeswa. Nokudaro, Jehovha akanunura Noa nemhuri yake mumuedzo wavakanga vatsungirira nokutendeka kwamakore akawanda kwazvo.
23 Ko Jehovha achaita zvimwe chetezvo nokuda kwavanhu vokuzvipira kwoumwari nhasi here? Hapana panikiro chose chose pamusoro pako. Iye akakupikira, uye iye haagoni kureva nhema.—Tito 1:2; 2 Petro 3:5-7.
[Mashoko Omuzasi]
a “Anomia kuzvidza kwe, kana kuti kumhura kwe, mitemo yaMwari; asebeia [chimiro chezita cheshoko rinoshandurwa ‘vanhu vasina umwari’] chimiro chimwe chetecho chakanangidzirwa kuna Mwari.”—Vine’s Expository Dictionary of Old and New Testament Words, Volume 4, peji 170.
Unoyeuka Here?
◻ Petro akaratidza sei kuti Jehovha anoziva nzira yokununura nayo vanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo?
◻ Zvinhui zvakapira kumasimba masimba muzuva raNoa?
◻ Nemhaka yeBoporodzi rapasi rinouya, mutoroi uyo Noa aiva nawo?
◻ Ifananoi nezuva raNoa dzatinoona munguva yedu?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1. (a) Migariroi inotambudza inotarisana norudzi rwomunhu muzuva redu? (b) Nemhaka yaikoku, mibvunzoi yaticharangarira?
2, 3. (a) Neiko nhasi tichiwana zvinotaurwa pana 2 Petro 2:9 kuva zvinokurudzira? (b) Bhaibheri rinonongedzera kumabasai chaiwo okununura sehwaro hwekurudziro?
4. Muzuva raNoa, neiko Mwari akarangarira pasi serakaparadzwa? (Pisarema 11:5)
5. (a) Chimiroi chavanhu chakapira kumasimba masimba omuzuva raNoa? (b) Chii icho Enoki akanga anyevera pamusoro pokusava noumwari?
6, 7. Mugariroi unobatanidza ngirozi waiva pesvedzero huru mumigariro yakaipa iyo yakatanga pamberi paMafashamo?
8. Jehovha akaita sei kumigariro yakaipa pasi pano?
9. (a) Nei Jehovha akabata zvakanaka naNoa? (b) Mashokoi apachine nguva mberi ayo Mwari akapa kuna Noa?
10. (a) Igadziriroi yaifanira kuitwa nomurangariro wokuchengetwa, uye raiva basa guru sei? (b) Chii chinokosha pamusoro pomutoo uyo Noa akatarisira nawo mugove wake?
11. Kana kuri kumhuri yake amene, mutoroi unokosha waiva pana Noa?
12. Sezvinoratidzwa pana 2 Petro 2:5, mutoroi uyo Noa akaita nokutendeka?
13. Migariroi yakatarisana naNoa sezvaaitarisira mugove wake wakapiwa naMwari?
14. Nei nhasi tisingakuwani kwakaoma kunzwisisa mugariro wakatarisana naNoa nemhuri yake?
15, 16. (a) Ndokwechokwadi sei kuti, somuzuva raNoa, pasi nhasi rakazadzwa namasimba masimba? (b) Vabatiri vaJehovha vakapinzwa mumasimba masimbai chaiwo?
17. Kusava noumwari kwakapararira here nhasi? Tsanangura.
18. Munzirai umo midzimu yakaipa iri kupira kumugariro wakavhiringidzika worudzi rwomunhu?
19. (a) Madhemoni anonangidzira ruvengo rwawo kunaani zvikurukuru? (b) Chii icho madhemoni ari kuedza kutimanikidzira kuita?
20. Madhemoni anoedza sei kudzivisa vanhu kusununguka muudzori hwawo? (Jakobho 4:7)
21. Somuzuva raNoa, voruzhinji vavanhu vanoita sei kukuparidzira kwedu, uye nei?
22, 23. Zvinoitika zvomuzuva raNoa zvinopa sei chipikirwa chakanaka chokuti Jehovha achanunura vanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo?
[Mufananidzo uri papeji 12]
Kuvaka areka kwakabatanidza makore ebasa rakaoma
[Mufananidzo uri papeji 13]
Noa akapa nguva kukukudza umudzimu hwemhuri yake