Nzwisiso Panhau
Inhungamiro Kumufarwa Here?
“Makore maviri enhamo, mufarwa nokusingaperi.” Ichochi, mukuwirirana nepepanhau reJapan Yomiuri Shimbun, chitsama chamashoko chazvino chinokwezva ngwariro pakati pavadzidzi vechiChina vari muJapan. Vane kariro dzokupfuma, ava vadzidzi vanokwereta mari kuti vauye kuJapan, uko ivo vanodavira kuti kunonaya mari ichibva kudenga. Ivo vanokarira kuti kupfurikidza nokushanda makore maviri pamabasa asiri enguva yakazara vachienda kuchikoro, vangachengetedza mayen ane mamirioni maviri (inenge $15 400, U.S.) uye ipapo kudzokera kumusha kuzogara nomufaro nguva dzose pashure.
Kutsamira kwakadaro pamari senhungamiro kumufarwa kwakapararira munyika yose. Nzvero yemisi ichangobva kupfuura iyi pakati pepwere dziri mu 9 dzenyika 11 yakazivisa kuti “‘mari’ yakava pamusoro pendaza” yezvidya mwoyo zvavo nezvokuitira hanya, inodaro Asahi Evening News.
Ko kuvimba nepfuma kuchakiinura chaizvoizvo here suo rokumufarwa? Mambo akachenjera Soromoni akanyevera kuti “unoda sirvheri, haangagutswi nesirvheri.” (Muparidzi 5:10; 7:12) Kuisa mari pakutanga hakugumi negutsikano yechokwadi, uyewo hakuvimbisi chengeteko yomunguva yemberi. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoti: “Sirvheri yavo kunyange ndarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha.” (Zefania 1:18) Mukupesana, zvisinei, wezvamapisarema Dhavhidhi akanyora, kuti: “Anofara ndiye munhu akasimba akaisa Jehovha sechivimbo chake.” Kuvimba naJehovha, kwete nemari, ndiko nhungamiro kukufarikanya mufarwa usingaperi.—Pisarema 40:4, NW; Isaya 30:18.
Chitambudzo Chorubhapatidzo
Zvinetso zviviri norubhapatidzo rwavacheche zvakamuka munguva dzazvino mukati meChechi yeEngland. Chokutanga chine chokuita norubhapatidzo “rwokusasarura,” urwo mumwe mukuru worudzidziso akarondedzera sorudzi rwakati rwo“kubaya nhomba kwomudzimu.” Chechipiri kuramba kwechiverengero chinowedzera chavakuru vorudzidziso chokubhapatidza vana vane vabereki vasingatsigiri nokushingaira Chechi yeEngland.
Vakuru vorudzidziso vazhinji vanoziva kuti vabereki kazhinji kazhinji havana chishuvo chokupinda chechi uye vangasada vana vavo kuita saizvozvowo. Ipapoka kubhapatidzirei vacheche? “Ivo vanoda kubhapatidzwa kwavana vavo muzita raKristu,” inotsinhira kudaro The Times, “seizvo ivo vanoda kupa kana kuti kugamuchira zvipo zvezuva rokuberekwa, kushongedza misha yavo paKrisimisi . . . Rutivi rwohunhu hwavo: hakufaniri kuva nechikonzero.”
Mumwe mukuru worudzidziso akarega basa nemhaka yokuti akasvika mhedziso yokuti rubhapatidzo rwavacheche harufaniri kuitwa. Iye akati: “Munhu bedzi anogona kuita musengwa iwoyo kuna Kristu ndiye munhu amene.” Iye aigona kuva akawedzera kuti Jesu Kristu akanga ava namakore 30 okukura apo iye akabhapatidzwa uye kuti shoko rechiGiriki nokuda kworubhapatidzo, ba·ptiʹzo, rinoreva kunyika kana kuti kunyudza. Pashure pokubhapatidzwa muRwizi rwaJoridhani, Jesu aka“buda mumvura.” (Marko 1:10; Mateo 3:13, 16) Hapana nzvimbo apo Bhaibheri rinonongedzera kukusaswa kwemvura pavacheche. Sezvo rubhapatidzo rwuri chiratidziro chetsauriro yomunhu kuna Mwari somuteveri wetsoka dzaKristu, hachisi chisarudzo mucheche anogona kuita.
Zvokudzivisa Kunamba Pamuviri naVakaturike
Kuramba kweChechi yeKaturike kudzivisa kunamba pamuviri kwakasimbiswa naJohn Paul II paSecond International Congress on Moral Theology yakaitirwa muRoma November apfuura. Mukuwirirana nepepanhau reVatican City, L’Osservatore Romano, iye akati: “Haisi dzidziso yakatangwa nomunhu. Yakanyorwa noruoko rune unyanzvi rwaMwari muhunhu humene hwomunhu hwohunhu. Kuipanikira kwakaenzana nokunyima Mwari teerero youngwaru hwedu,” uye naizvozvo, iye anowedzera, “haigoni kupanikirwa nomufundisi weKaturike.”
Asi tsamba yapapa inotumirwa kuchechi dzose Humanae Vitae iyo yakanongedzerwa kwairi naPope John Paul ndokunyorwa makore 20 apfuura naPaul VI “yakakurumidza kupanikirwa nechiverengero chikuru chavafundisi,” rakadaro pepanhau reItaly La Stampa, uye yakafuratirwa ne“voruzhinji veVakaturike.”
Nenzira yakajeka, kuoma kwechechi panhau yokudzora kubereka kwakaparadzanisa vafundisi ndokukangaidza zvikuru kwazvo Vakaturike vapachokwadi. Kakavadzano inopfuurira pamusoro pokushandiswa kworudzi rwupi norwupi rwechokudzivisa kunamba pamuviri yakatosunda John Paul kupa zano vafundisi vose kutaura “mutauro mumwe chetewo.” Bva, mukupesana nokutaura kwapapa kwokuti nzvimbo yechechi pakudzivisa kunamba pamuviri yaka“nyorwa noruoko rune unyanzvi rwaMwari,” pepanhau reItaly La Repubblica rinotaura kuti “hakuna ndima inobva muEvhangeri kana kuti Testamende Yekare inodudza kusimbisa dzidziso yacho.”
Hapana nzvimbo apo Bhaibheri rinokurukura kushandiswa kwezvokudzivisa kunamba pamuviri kana kuti kudzora kubereka muroorano, uyewo haritauri kuti maKristu anosungirwa kubereka vana. Shoko raMwari rinosiira nhau yokuronga mhuri kuhana yavaroorani vamwe navamwe vechiKristu. Kupfurikidza nokuisa chisarudzo chayo pakudzora kubereka, Chechi yeKaturike yaka“pfuura zvinhu zvakanyorwa.”—1 VaKorinte 4:6, NW.