RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lff chidzidzo 5
  • Bhaibheri Ishoko Ratakatumirwa naMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Ishoko Ratakatumirwa naMwari
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Ichokwadi Here Kuti Mashoko Akanaka Akabva Kuna Mwari?
    Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
  • Nzira Yaunogona Kuwana Nayo Izvo Mwari Anoda
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Bhaibheri Ringakubatsira Sei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Bhaibheri Ringakubatsira Sei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Zvidzidzo Zvekutanga Zvekosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
lff chidzidzo 5
Chidzidzo 5. Munhu ari kuverenga Bhaibheri ari mubhazi.

CHIDZIDZO 05

Bhaibheri Ishoko Ratakatumirwa naMwari

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Bhaibheri mubatanidzwa wemabhuku 66. Ichi chipo chakazonaka chatakapiwa naJehovha. Asi unogona kubvunza kuti: ‘Bhaibheri rakabva nekupi? Ndiani akarinyora?’ Kuti tione mhinduro dzacho, ngationei kuti zvakafamba sei kuti Bhaibheri risvike kwatiri.

1. Nei Bhaibheri richinzi rakabva kuna Mwari, iro rakanyorwa nevanhu?

Bhaibheri rakanyorwa nevarume vangasvika 40, uye rakatora makore 1 600 richinyorwa, kubva muna 1513 B.C.E. kusvika muna 98 C.E. Vanhu vakarinyora vakanga vakasiyana-siyana. Asi kunyange zvakadaro, Bhaibheri rese rinopindirana. Zvingaitika sei izvozvo? Nekuti zvese zvakanyorwa imomo zvaibva kuna Mwari. (Verengai 1 VaTesaronika 2:13.) Vanhu vakarinyora vakanga vasinganyori pfungwa dzavo, asi kuti “vakataura zvichibva kuna Mwari, vachitungamirirwa nemweya mutsvene.”a (2 Petro 1:21) Mwari akashandisa mweya mutsvene wake kuti afemere vanhu kunyora pfungwa dzake.—2 Timoti 3:16.

2. Bhaibheri rinogona kuwanikwa nemunhu wese here?

Vanhu vanobva “kumarudzi ese nemadzinza nendimi” vanogona kubatsirwa nemashoko akanaka ari muBhaibheri. (Verengai Zvakazarurwa 14:6.) Mwari akaita kuti Bhaibheri riwanike mumitauro yakawanda kupfuura mamwe mabhuku ese zvawo ati ambobudiswa. Tingati munhu wese zvake, anokwanisa kuwana Bhaibheri, pasinei nekwaanogara kana mutauro waanotaura.

3. Jehovha akachengetedza sei Bhaibheri?

Bhaibheri rakatanga kunyorwa pazvinhu zvisinganyanyi kugara zvakadai sematehwe nenhokwe. Asi pane vanhu vaida Bhaibheri vaitora mashoko acho vachianyora patsva, vachiramba vachingodaro. Kunyange zvazvo vamwe vanhu vakaedza kutsakatisa Bhaibheri, vamwe vainge vakazvipira kurichengetedza. Jehovha haana kubvumira kuti chero ani zvake, kana chii zvacho, chimutadzise kusvitsa mashoko ake kwatiri. Bhaibheri rinoti: “Shoko raMwari wedu rinogara nekusingaperi.”—Isaya 40:8.

WEDZERA KUONGORORA

Ongorora kuti Mwari akafemera sei vanhu kuti vanyore Bhaibheri, akaita sei kuti arichengetedze uye kuti riwanikwe nevanhu vakawanda.

4. Bhaibheri rinotaura kuti ndiani akarinyora

Onai VHIDHIYO. Kana yapera verengai 2 Timoti 3:16, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera.

VHIDHIYO: Ndiani Akanyora Bhaibheri?—Chidimbu (2:48)

  • Nei Bhaibheri richinzi iShoko raMwari, iro rakanyorwa nevanhu?

  • Unofunga kuti zvingaitika here kuti Mwari aite kuti vanhu vanyore pfungwa dzake?

Mukuru wekambani ari kuudza mushandi wake zvekunyora mutsamba.

Mukuru wekambani anogona kutuma mushandi kunyora tsamba; asi mashoko ari mutsamba yacho anenge ari emukuru wekambani. Ndozvakaitawo Mwari, akaita kuti vanhu vanyore mashoko ake muBhaibheri

5. Kuchengetedzwa kwakaitwa Bhaibheri kuti risatsakatika

Sezvo Bhaibheri rakabva kuna Mwari, haaizombosiya vanhu vachiriparadza. Kubvira kare, pane vanhu vaiedza kuritsakatisa. Vatungamiriri vezvitendero vakaedza kurivanza. Asi pasinei nekupikiswa, pane vanhu vakawanda vakazvipira kuisa upenyu hwavo pangozi kuti varichengetedze. Kuti unzwe nezvemumwe wevanhu ivavo, ngationei VHIDHIYO, tobva takurukura mibvunzo inotevera:

VHIDHIYO: Vakakoshesa Bhaibheri—Chidimbu (William Tyndale) (6:17)

  • Kuziva zvese zvakaitwa kuti Bhaibheri richengetedzwe, kwakupa shungu dzekuriverenga here? Nei uchidaro?

Verengai Pisarema 119:97, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Chii chakaita kuti vanhu vakawanda vazvipire kuisa upenyu hwavo pangozi kuti vaturikire Bhaibheri nekuita kuti riwanikwe nevanhu vakawanda?

6. Bhaibheri rakanyorerwa munhu wese

Bhaibheri ndiro bhuku rakaturikirwa mumitauro yakawanda uye rakapararira muvanhu kupfuura mamwe mabhuku ese. Verengai Mabasa 10:34, 35, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Nei Mwari achida kuti Shoko rake riturikirwe mumitauro yakawanda uye riwanikwe nevanhu vakawanda?

  • Chii chawafarira pane zvawadzidza nezveBhaibheri?

Vanhu vanobva kwakasiyana-siyana vachiverenga Bhaibheri mumitauro yavo.

Tingati

100%

yevagari vepanyika

inokwanisa kuwana Bhaibheri

Rinowanika mumitauro inopfuura

3 000

rese kana kuti mamwe mabhuku aro

5 bhiriyoni

Iyi ndiyo nhamba yemaBhaibheri anofungidzirwa kuti akabudiswa,

uye hapana rimwe bhuku rakambosvika ipapo

VAMWE VANOTI: “Bhaibheri rinongovawo bhuku rakanyorwa nevanhu kare kare.”

  • Ko iwe unoti kudii?

  • Chii chinoratidza kuti Bhaibheri iShoko raMwari?

PFUPISO

Bhaibheri iShoko raMwari, uye akaita kuti riwanikwe nevanhu vese panyika.

Kudzokorora

  • Kana tichiti Bhaibheri rakafemerwa naMwari tinenge tichirevei?

  • Ndezvipi zvawafarira pakuchengetedzwa kwakaitwa Bhaibheri, kuturikirwa kwaro uye kuwanika kwarinoita?

  • Unotiwo kudii nezvakaitwa naMwari kuti asvitse mashoko ake kwauri?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Verenga unzwe kuti Bhaibheri rakasvika sei kwatiri, kubva kuzvinyorwa zvaro zvekutanga-tanga kusvikira kumaBhaibheri atiinawo mazuva ano.

“How the Bible Came to Us” (Awake!, November 2007)

Dzidza kuti Bhaibheri rakachengetedzwa sei pasinei nezvinhu zvitatu zvaigona kuritadzisa kusvika kwatiri.

“Bhaibheri Rakasvika Sei Kwatiri—Nyaya Yaunofanira Kuziva” (Nharireyomurindi Nhamba 4 2016)

Ona vamwe vanhu vakazvipira kufa vachiedza kuita kuti Bhaibheri riwanikwe mune mimwe mitauro.

Vakakoshesa Bhaibheri (14:26)

Bhaibheri rakakopwa kakawanda uye rakaiswa mune mimwe mitauro kakawanda. Tinoziva sei kuti zvarinotaura hazvina kuchinja?

“Bhaibheri Rakachinjwa Here?” (Nyaya iri paIndaneti)

a Mweya mutsvene isimba raMwari raanoshandisa. Uchakurukurwa nezvawo muchidzidzo 7.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe