RWIYO 26
Makazviitira Ini
1. Kune boka guru remamwe makwai
anoshanda nemwenga waShe Jesu.
Zvese zvaanoitira vakazodzwa
achapiwa mubayiro naJesu.
(KORASI)
“Maivanyaradza, ndikanyaradzwa.
Izvozvo maitoitira ini.
Maivatsigira ndikatsigirwa.
Pamakavapa, makandipawo.
Izvozvo maitoitira ini.”
2. “Makandibatsira munzara nenyota,
makandipawo zvese zvandaida.”
“Takazviita ri’ni?”
Vachamubvunza.
Mambo achapindura achivati:
(KORASI)
“Maivanyaradza, ndikanyaradzwa.
Izvozvo maitoitira ini.
Maivatsigira ndikatsigirwa.
Pamakavapa, makandipawo.
Izvozvo maitoitira ini.”
3. “Imi manga makavimbika kwandiri,
pamaiparidza nehama dzangu.”
Kumakwai ari
kurudyi achati:
“Garai nhaka nekusingaperi.”
(KORASI)
“Maivanyaradza, ndikanyaradzwa.
Izvozvo maitoitira ini.
Maivatsigira ndikatsigirwa.
Pamakavapa, makandipawo.
Izvozvo maitoitira ini.”
(Onawo Zvir. 19:17; Mat. 10:40-42; 2 Tim. 1:16, 17.)