RWIYO 6
Matenga Anozivisa Kubwinya kwaMwari
Rakaprindwa
1. Matenga anozivisa Jehovha.
To’na basa rake
Riri kumusoro.
Zuva nezuva anorumbidzwa.
Denga rozivisa simba
uye rudo rwake.
2. Mutemo waJehovha wakakwana,
Zviyeuchidzo zvake
zvotichenjedza.
Kutonga kwake kwakarurama.
Shoko rake rakachena,
richinaka kwazvo.
3. Kutya Mwari kunogara narini,
Mitemo yake
inopfu’ra ndarama.
Inochengetedza vanhu vake.
Iro zita rake dzvene,
Tinoritsigira.
(Onawo Pis. 111:9; 145:5; Zvak. 4:11.)