RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 132 p. 300-p. 301 ndim. 3
  • “Chokwadi Uyu Anga Ari Mwanakomana waMwari”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Chokwadi Uyu Anga Ari Mwanakomana waMwari”
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • “Zvirokwazvo Uyu Wakanga Ari Mwanakomana waMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Zuva Rokupedzisira Roupenyu hwaJesu Ari Munhu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Akatsungirira Kushungurudzika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • “Ndaona Ishe!”
    Tevedzerai Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 132 p. 300-p. 301 ndim. 3
Jesu paanofa pamwe nemakororo maviri, mumwe mukuru mukuru weuto anoti: “Chokwadi munhu uyu anga ari Mwanakomana waMwari”

CHITSAUKO 132

“Chokwadi Uyu Anga Ari Mwanakomana waMwari”

MATEU 27:45-56 MAKO 15:33-41 RUKA 23:44-49 JOHANI 19:25-30

  • JESU ANOFIRA PADANDA

  • ZVINHU ZVINOSHAMISA ZVINOITIKA PANOFA JESU

Iye zvino yava “awa yechitanhatu” kana kuti 12 dzemasikati. Uye kunze kunoita rima risina kujairika “kusvikira paawa yechipfumbamwe,” kana kuti 3 dzemasikati. (Mako 15:33) Rima gobvu iri harina kukonzerwa nekuora kwezuva nekuti kuora kwezuva hakungaitike, tichitarisa pane mwedzi pamazuva aya ePaseka. Uye rima iri rinovapo kwenguva yakareba kupfuura zvinowanzoitika panoora zuva. Saka rakonzerwa naMwari.

Chimbofungidzira kuti vaya vanga vachinyomba Jesu vanonzwa sei pavari kuona izvi. Panguva iyi yakuine rima, vakadzi vana vanoswedera pedyo nedanda rekutambudzikira. Vakadzi ava ndiMariya amai vaJesu, Sarome, Mariya Magadharini, uye Mariya amai vemuapostora Jakobho Muduku.

Muapostora Johani akamira naamai vaJesu vari kuchema vari “pedyo nedanda rokutambudzikira.” Mariya anotarisa mwanakomana wake waakabereka akarera, achiyaura akarembera padanda. Anonzwa sekuti ari kubayiwa ‘nebakatwa refu.’ (Johani 19:25; Ruka 2:35) Asi kunyange zvazvo Jesu ari kurwadziwa, anofunga nezvaamai vake. Achirwadziwa kudaro, anorerekera musoro wake kuna Johani, oti kuna amai vake: “Iwe mukadzi, ona! Mwanakomana wako!” Anodarozve kuna Mariya, oudza Johani kuti: “Ona! Amai vako!”—Johani 19:26, 27.

Jesu ari kupa muapostora waanoda zvikuru basa rekuchengeta amai vake, avo vanofanira kunge vava chirikadzi. Jesu anoziva kuti vanun’una vake, vamwe vanakomana vaMariya, havasati vava kutenda maari. Saka ari kugadzirira kuti amai vake vawane anovachengeta pakurarama uye pakunamata. Muenzaniso wakazonaka chaizvo!

Rima iri rava kunopera, Jesu anoti: “Ndine nyota.” Paanotaura izvi anozadzisa magwaro. (Johani 19:28; Pisarema 22:15) Jesu anoona kuti Baba vake vaita sevambomira kumuchengetedza kuitira kuti kuzvipira kwake kuedzwe zvakakwana. Anobva adanidzira kuti: “Eri, Eri, rama sabhakitani?” izvo zvinoreva kuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?” Mashoko acho anofanira kunge ari ebazi remutauro wechiAramaiki chekuGarireya. Vamwe vakamira pedyo naye vanotadza kumunzwisisa vodanidzira kuti: “Onai! Ari kushevedza Eriya.” Mumwe wavo anobva amhanya akabata tsanga ine chipanji chakanyikwa muwaini inovava opa Jesu. Asi vamwe vanobva vati: “Muregei! Regai tione kana Eriya akauya kuzomuburutsa.”—Mako 15:34-36.

Jesu anobva adanidzira kuti: “Zvaitika!” (Johani 19:30) Zvechokwadi aita zvose zvaakanzi naBaba vake aite pasi pano. Anozotaura mashoko ake okupedzisira okuti: “Baba, ndinoisa simba rangu roupenyu mumaoko enyu.” (Ruka 23:46) Nemashoko aya Jesu anoratidza chivimbo chokuti Jehovha achamumutsa. Kristu anokotamisa musoro wake obva afa, chivimbo chake muna Mwari chisina kumbodzikira.

Panobva pangoitika kudengenyeka kunotyisa, kunotsemura matombo. Kudengenyeka kwacho kune simba zvikuru zvekuti makuva ari kunze kweJerusarema anotsemuka uye zvitunha zvinokandwa pachena. Vanhu vari kupfuura vachiona zvitunha izvi zviri pachena, vanopinda “muguta dzvene” vorondedzera zvavaona.—Mateu 12:11; 27:51-53.

Jesu paanofa, keteni refu, gobvu, rinopatsanura Nzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvenetsvene yemutemberi yaMwari rinotsemuka nepakati, kubva kumusoro kudzika pasi. Chiitiko ichi chinoshamisa chinoratidza hasha dzaMwari kuvanhu vauraya Mwanakomana wake uye chinoratidza kuti nzira yekupinda nayo muNzvimbo Tsvenetsvene, kana kuti kudenga chaiko, yazaruka.—VaHebheru 9:2, 3; 10:19, 20.

Zvose izvi zvinoita kuti vanhu vatye zvechokwadi. Mukuru weuto ari kutungamirira kuurayiwa uku anoti: “Chokwadi munhu uyu anga ari Mwanakomana waMwari.” (Mako 15:39) Anogona kunge anga aripo panga pachitongwa Jesu naPirato, pataurwa nyaya yekuti Jesu mwanakomana waMwari. Iye zvino haasisina kana nemubvunzo kuti Jesu akarurama uye kuti Mwanakomana waMwari.

Vamwe vakundwa neshungu nezvaitika izvi zvinoshamisa, vanonanga kudzimba dzavo ‘vachirova zvipfuva zvavo’ sechiratidzo chokurwadziwa kukuru uye kunyara. (Ruka 23:48) Vamwe vadzidzi vechikadzi vakawanda vaiwanzofamba naJesu vari kuona zviri kuitika vari nechekure. Naivowo vari kurwadziwa zvikuru nezviitiko izvi zvavasingazokanganwi.

DANDA

Vavengi vaJesu vakadanidzira kuti: “Murovererei [padanda]!” (Johani 19:15) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kunzi “danda” muEvhangeri nderokuti stau·rosʹ. Bhuku rinonzi History of the Cross rinoti: “Shoko rokuti stauros rinoreva ‘bango rakati twi,’ risina kumbosiyana nemapango akasimba akafanana neanochererwa pasi nevarimi pavanenge vachigadzira fenzi.”

  • Nei tingati rima raitika kwemaawa matatu harina kukonzerwa nekuora kwezuva?

  • Jesu anoratidza muenzaniso upi wakanaka panyaya yokuchengeta vabereki vakura?

  • Kudengenyeka kwenyika kwakonzera chii, uye kubvaruka kwaita keteni retemberi nepakati kunofananidzira chii?

  • Rufu rwaJesu nezvaitika paafa zvaita kuti vanga varipo vanzwe sei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe