RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 86 p. 200-p. 203 ndim. 6
  • Mwanakomana Akarasika Anodzoka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwanakomana Akarasika Anodzoka
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MWANAKOMANA ANGA AKARASIKA ANOWANIKA
  • Baba Vakagadzirira Kukanganwira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kugamuchirwa Kwoushamwari Kwaavo Vanodzoka
    Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
  • “Jehovha, Mwari Uzere Nyasha Nengoni”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • ‘Mwanakomana Anoda Kuzivisa nezvaBaba’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 86 p. 200-p. 203 ndim. 6
Baba vachimbundira mwanakomana wavo

CHITSAUKO 86

Mwanakomana Akarasika Anodzoka

RUKA 15:11-32

  • MUFANANIDZO WEMWANAKOMANA AKARASIKA

Jesu anofanira kunge achiri muPereya, kumabvazuva kwerwizi Jodhani. Achangobva kupa mufananidzo wegwai rakarasika nedrakema rakarasika. Mifananidzo yacho yose inodzidzisa kuti tinofanira kufara kana mutadzi akapfidza odzoka kuna Mwari. VaFarisi nevanyori vanga vachishora Jesu nekuti anogamuchira vanhu vakadaro. Asi vanhu ivava vanomushora vane zvavanodzidza here pamifananidzo iyi? Vanonzwisisa here kuti Baba vedu vari kudenga vanonzwa sei panopfidza vatadzi? Jesu anobva ataura mufananidzo unosvika pamwoyo unosimbisa chidzidzo chakafanana nechaambopa.

Mwanakomana muduku anokumbira baba vake nhaka yake

Mufananidzo wacho ndewababa vane vanakomana vaviri, uye mwanakomana muduku ndiye anonyanya kutaurwa nezvake. Ichokwadi kuti vaFarisi, vanyori, nevamwewo vari kuteerera mashoko aJesu vanofanira kuwana chidzidzo pamwanakomana muduku uyu. Asi zvakakoshawo kuti tifunge nezvezvidzidzo zvatinowana pane zvakaitwa nababa vacho nemwanakomana mukuru. Saka funga nezvevarume vacho vose vari vatatu panenge pachitaurwa mufananidzo uyu naJesu.

Jesu anotanga mufananidzo wacho achiti: “Mumwe murume akanga aine vanakomana vaviri. Muduku wavo akati kuna baba vake, ‘Baba, ndipei chikamu chepfuma chinozova mugove wangu.’ Ivo vakabva vavagovanisa zvokurarama nazvo zvavo.” (Ruka 15:11, 12) Cherechedza kuti mwanakomana muduku uyu ari kukumbira nhaka yake baba vake vachiri vapenyu. Ari kuda mugove wake iye zvino kuti azvimiririre uye nekuti pane zvaaronga kuita. Aronga kuitei?

Mwanakomana mupambadzi achidya, achinwa, akaunganirwa nevakadzi

Jesu anotsanangura kuti: “Gare gare, mazuva mazhinji asati apera, mwanakomana wacho muduku akaunganidza zvinhu zvose, akaenda kunze kwenyika, kunyika iri kure, uye ikoko akapambadza pfuma yake nokurarama upenyu hwakaipa kwazvo.” (Ruka 15:13) Pane kuti arambe ari pamba pababa vake avo vanochengeta vana vavo zvakanaka vachivapa zvese zvavanoda, mwanakomana uyu anoenda kune imwe nyika. Asvika ikoko, anopfachura nhaka yake achirarama upenyu hwemafaro neunzenza. Anozotanga kudya nhoko dzezvironda sezvinozorondedzerwa naJesu:

“Paakanga apedza zvinhu zvose, nzara huru yakavapo munyika yose iyoyo, iye akatanga kushayiwa. Akatoenda, akanozviisa kune mumwe wevagari vomunyika iyoyo, uye iye akamutuma kusango kuti anofudza nguruve. Zvino aida kwazvo kuzvigutisa nemateko emakarobhu aidyiwa nenguruve, asi hapana kana munhu aimupa chimwe chinhu.”—Ruka 15:14-16.

Mwanakomana mupambadzi akagara pasi pemuti achiona nguruve dzichidya mateko emakarobhu

Mutemo waMwari waiti nguruve dzakanga dzisina kuchena, asi mwanakomana uyu ava mufudzi wenguruve. Nzara iri kumuruma zvokuti ava kutodya zvokudya zvenguruve dzaari kufudza. Achitambura kudaro uye apererwa, ‘anopengenuka.’ Anobva aita sei? Anoti: “Vanhu vangani vemaricho vababa vangu vane zvokudya zvizhinji, ini ndichifa kuno nenzara! Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu nditi kwavari: ‘Baba, ndakatadzira denga uye imi. Handisisina kukodzerazve kunzi mwanakomana wenyu. Ndibatei henyu somumwe wevanhu venyu vemaricho.’” Anobva asimuka oenda kuna baba vake.—Ruka 15:17-20.

Baba vake vachamutambira sei? Vachamupopotera here vachimubvunza kuti akanga ambobvirei pamba? Vachamupfundumwarira here? Kudai uri iwe baba vacho, waiita sei? Ko dai anga ari mwanakomana kana mwanasikana wako akaita izvozvo, waiita sei?

MWANAKOMANA ANGA AKARASIKA ANOWANIKA

Jesu anotsanangura kuti baba vacho vanonzwa sei uye kuti vanoita sei paanoti: “Achiri kure, baba vake vakamuona, vakasiririswa, vakamhanya, vakawira pamutsipa wake, vakamutsvoda zvinyoronyoro.” (Ruka 15:20) Kunyange zvazvo baba ava vakanzwa kuti mwana wavo akanga achirarama upenyu hwakaipa, vanomutambira. Vatungamiriri vechiJudha, avo vanozviita vanhu vanoziva Jehovha uye vanomunamata, vachadzidza here maonerwo anoitwa vatadzi vanopfidza naBaba vedu vekudenga kubva pamufananidzo uyu? Vachaonawo here kuti Jesu ari kutevedzera Mwari paari kutambira vatadzi ava?

Baba ava vanofanira kunge vacherechedza kuti kusuruvara kwakaita mwana wavo kuri kuratidza kuti apfidza zvechokwadi. Vanotanga ndivo kumumhanyira, zvoita kuti mwana wavo arerukirwe nekureurura zvivi zvake. Jesu anoti: “Mwanakomana wacho akabva ati kwavari, ‘Baba, ndakatadzira denga uye imi. Handisisina kukodzera kunzi mwanakomana wenyu.’”—Ruka 15:21.

Baba vacho vanobva vaudza vashandi vavo kuti: “Kurumidzai! budisai nguo refu, yakanaka kupfuura dzose, mumupfekedze iyoyo, muise rin’i muruoko rwake nehwashu mutsoka dzake. Muuye nenzombe duku yakakodzwa, muiuraye uye ngatidyei tifare, nokuti mwanakomana wangu uyu akanga afa asi avazve mupenyu; akanga arasika, asi awanikwa.” Uye vanotanga “kufara.”—Ruka 15:22-24.

Baba vachitaura nemwanakomana wavo mukuru

Zvose izvi zviri kuitika mwanakomana mukuru ari kumunda. Jesu anotaura kuti mukomana uyu paakabva kumunda “akasvika pedyo nepamba akanzwa mumhanzi nokutamba. Naizvozvo akashevedza mumwe wevashandi, akabvunza kuti zvinhu izvi zvairevei. Iye akati kwaari, ‘Munun’una wenyu auya, uye baba venyu vauraya nzombe duku yakakodzwa, nokuti vamuwanazve akagwinya.’ Izvi zvakamushatirisa zvokuti akaramba kupinda mukati. Baba vake vakabva vabuda, vakatanga kumuteterera. Achipindura, iye akati kuna baba vake, ‘Tarirai ava makore mazhinji kwazvo ndichikushandirai uye handina kumbodarika murayiro wenyu kana kamwe chete zvako, asi hamuna kumbondipa mbudzana kana kamwe chete zvako kuti ndifare neshamwari dzangu. Asi pangosvika mwanakomana wenyu uyu akadya zvinhu zvenyu zvose zvokurarama nazvo nemahure, mamuurayira nzombe duku yakakodzwa.’”—Ruka 15:25-30.

Ndivanaani vanga vachishora Jesu nekuti anga achiitira mutsa vanhu vakaderera nevatadzi kungofanana nekushora kuri kuita mwanakomana mukuru uyu zvaitwa nababa vake? Vanyori nevaFarisi. Kushora kwavanga vachiita Jesu nokuti anogamuchira vatadzi, ndiko kwaita kuti ataure mufananidzo uyu. Zvataurwa naJesu izvi zvinofanirawo kupa chidzidzo kumunhu wose anoshora mutsa waMwari kuvatadzi vanopfidza.

Jesu anopedzisa mufananidzo wake nemashoko ababa vacho okuteterera mwanakomana wavo mukuru vachiti: “Mwana, wave uneni nguva dzose, uye zvinhu zvangu zvose ndezvako; asi tanga tichifanira kufara, nokuti munun’una wako uyu akanga afa, ava mupenyu, uye akanga arasika, awanikwa.”—Ruka 15:31, 32.

Jesu haatauri zvakazoitwa nemwanakomana mukuru. Asi Bhaibheri rinotaura kuti pashure perufu nekumutswa kwaJesu, “boka guru revapristi rakatanga . . . kutenda.” (Mabasa 6:7) Boka iri rinogona kusanganisira vamwe varipo Jesu achitaura mufananidzo wemwanakomana akarasika. Izvi zvinoratidza kuti kunyange vapristi vaigonawo kupengenuka, vopfidza zvivi zvavo, vodzokera kuna Mwari.

Kubva musi iwoyo, vadzidzi vaJesu vanofanira kuramba vakachengeta zvidzidzo zviri mumufananidzo uyu. Chidzidzo chekutanga ndechekuti kana tikaramba takabatana nevanhu vaMwari, tichichengetwa naBaba vedu vanotida uye vanotipa zvose zvatinoda tinenge taratidza kuti takachenjera, pane kungombeya tichitsvaga mafaro “kunyika iri kure.”

Chimwe chidzidzo ndechekuti kana zvikaitika kuti tatsauka panzira yaMwari, tinofanira kuzvininipisa todzoka kuna Baba vedu kuitira kuti vatigamuchire.

Chimwezve chidzidzo chinoonekwa pakusiyana kwakaita mabatiro akaita baba vacho mwanakomana muduku vachikangwanwira, nezvakaitwa nemukoma wake akatadza kumugamuchira. Izvi zvinotiratidza kuti vashumiri vaMwari vanofanira kuregerera uye kugamuchira vaya vakambosiya Jehovha asi vakazopfidza zvechokwadi vakadzoka ‘kumba kwaBaba.’ Tinofanira kufara kuti mumwe wedu “akanga afa, ava mupenyu” uye kuti uya “akanga arasika, awanikwa.”

  • Jesu anotaura mufananidzo wemwanakomana akarasika kuna ani uye nechikonzero chei?

  • Ndiani watinganyanya kufunga nezvake mumufananidzo uyu, uye chii chinoitika kwaari?

  • Mwanakomana muduku paanodzoka, baba vake vanomutambira sei?

  • Baba vane tsiye nyoro vanotevedzera sei Jehovha naJesu?

  • Zvinoitwa nemwanakomana mukuru panodzoka munun’una wake zvakafanana sei nezvinoitwa nevanyori nevaFarisi?

  • Zvidzidzo zvipi zvaunowana mumufananidzo waJesu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe