Rwiyo 61
Ndinofanira Kuva Munhu Werudzii?
Rakaprindwa
1. Jehovha ndingakupai chiiko
Kuti ndionge upenyu hwandinahwo?
Shoko renyu rakaita segirazi
Rinondibatsira kuzviongorora.
Ndakavimbisa kukushumirai,
Zvose ndinozviita nomweya wose.
Ndokushumirai nomwoyo wose.
Itai kuti ndikufadzei.
2. Ndibatsireiwo Baba, kuona
Zviya zvamunoda imi kuti ndive.
Makavimbika kune vakavimbika.
Itai kuti ndifadze mwoyo wenyu.
(Onawo Pis. 18:25; 116:12; 119:37; Zvir. 11:20.)