RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bt chits. 16 pp. 124-132
  • “Yambukirai Kuno kuMakedhoniya”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Yambukirai Kuno kuMakedhoniya”
  • Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Mwari Akanga Atishevedza” (Mabasa 16:6-15)
  • “Vanhu Vese Vakabva Vavapandukira” (Mabasa 16:16-24)
  • “Vakabva Vangobhabhatidzwa” (Mabasa 16:25-34)
  • “Iye Zvino Vava Kutibudisa Kunze Pachivande!” (Mabasa 16:35-40)
  • Ridhia Munamati Aiva Nomutsa waMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Sirasi—Munhu Aikurudzira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • “Rugare rwaMwari Runopfuura Kufunga Kwose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Murindi Wejeri Anodzidza Chokwadi
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
bt chits. 16 pp. 124-132

CHITSAUKO 16

“Yambukirai Kuno kuMakedhoniya”

Pane zvikomborero zvakawanda zvatinowana patinogamuchira mabasa atinopiwa uye patinotsungirira matambudziko tichifara

Mabasa 16:6-40

1-3. (a) Pauro neshamwari dzake vakatungamirirwa sei nemweya mutsvene? (b) Tichakurukura zviitiko zvipi?

VAKADZI vari kufamba vachibuda muguta reFiripi kuMakedhoniya. Vanobva vasvika pakarwizi kanonzi Gangites. Vanogara pasi kuti vanyengetere kuna Mwari waIsraeri setsika yavo yavanogara vachiita. Jehovha anovacherechedza.—2 Mak. 16:9; Pis. 65:2.

2 Izvi pazviri kuitika, pane varume vari kubva muguta reRistra riri kumaodzanyemba kweGaratiya, makiromita 800 kubva kuFiripi. Pashure pemazuva mashomanana vanosvika mumugwagwa mukuru unovaendesa kumavirira kuguta rinogara vanhu vakawanda kupfuura mamwe ese munharaunda yeEzhiya. Varume vacho ndiPauro, Sirasi naTimoti. Vane chido chekushanyira Efeso nemamwe maguta ane zviuru zvevanhu vasati vanzwa nezvaKristu. Asi vasati vamboenda kure, mweya mutsvene unovamisa. Hatizivi hedu kuti unovamisa sei, asi unovarambidza kuparidza muEzhiya. Unovarambidzirei? Jesu ari kushandisa mweya mutsvene kuudza Pauro neshamwari dzake kuti vafambe mitunhu nemitunhu kusvika vabuda muAsia Minor, voyambuka gungwa reAegean, voramba vachifamba kusvika kukarwizi kaya kanonzi Gangites.

3 Nzira yakashandiswa naJesu kutungamirira Pauro nevamwe vake parwendo irworwo rwekuenda kuMakedhoniya inotidzidzisa zvidzidzo zvinokosha. Saka ngationgororei zvinhu zvakaitika parwendo rwaPauro rwechipiri rweumishinari, urwo rwakatanga munenge muna 49 C.E.

“Mwari Akanga Atishevedza” (Mabasa 16:6-15)

4, 5. (a) Chii chakaitika kuna Pauro nevamwe vake pavakanga vava kusvika kuBhitiniya? (b) Vadzidzi vakazosarudza kunanga kupi, uye chii chakaitika vasvika ikoko?

4 Pavakarambidzwa kuparidza muEzhiya, Pauro neshamwari dzake vakananga kuchamhembe vachida kunoparidza mumaguta eBhitiniya. Vanogona kunge vakafamba kwemazuva mutunzira twusina kutsarukana vachipfuura nemunharaunda dzeFrijiya neGaratiya dzisina misha yakawanda. Asi pavakanga vava kusvika kuBhitiniya, Jesu akashandisazve mweya mutsvene kuvamisa. (Mab. 16:6, 7) Izvi zvinofanira kunge zvakavhiringa varume ava. Vakanga vasisazive kuti voita zvipi. Basa ravo vairiziva, asi kwekuriitira ndiro rakanga rava dambudziko. Vakanga vagogodza suo rinovapinza muEzhiya, vakasazarurirwa. Iye zvino vagogodza suo rinopinda muBhitiniya, asi vava kurambidzwa zvakare. Asi Pauro aida kuramba achigogodza kusvikira awana suo rinozarurwa. Pauro nevamwe vake vakazoita chisarudzo chisinganzwisisiki. Vakananga kumadokero ndokufamba kwemakiromita 550, vachipfuura nemumaguta akawanda kusvikira vasvika pachiteshi chezvikepe cheTroasi, paizivikanwa kuti kana watosvika ipapo zvakangofanana nekuti watosvika kuMakedhoniya. (Mab. 16:8) Iye zvino Pauro agogodza suo kechitatu, uye rabva ravhurika!

5 Munyori weEvhangeri Ruka, uyo akazobatana naPauro nevamwe vake vava kuTroasi, anotaura zvakaitika achiti: “Pauro akaona chiratidzo usiku chemumwe murume wekuMakedhoniya akanga akamira achimukumbira achiti: ‘Yambukirai kuno kuMakedhoniya mutibatsirewo.’ Paakangoona chiratidzo ichi, takapinda munzira takananga kuMakedhoniya, taona kuti Mwari akanga atishevedza kuti tizivise mashoko akanaka kwavari.”a (Mab. 16:9, 10) Iye zvino Pauro akanga ava kuziva kuti aifanira kunoparidzira kupi. Anofanira kunge akafara kwazvo kuti akanga asina kunetera panzira! Varume vacho vana vakabva vangokwira chikepe vakananga kuMakedhoniya.

Muapostora Pauro naTimoti vari mungarava. Timoti ari kunongedzera kumberi kwavari kuenda, vashandi vemungarava vachiita mabasa akasiyana-siyana.

“Saka takapinda mugungwa tichibva kuTroasi.”​—Mabasa 16:11

6, 7. (a) Zvakaitika kuna Pauro paaiva parwendo rwake zvinotidzidzisei? (b) Kana tikashandisa zvatinodzidza panyaya iyi tinova nechokwadi chekuti chii chichaitika?

6 Nyaya iyi inotidzidzisei? Cherechedza kuti mweya waMwari wakatozobatsira Pauro pashure pekunge asimuka kuti aende kuEzhiya, uye Jesu akatozopindira pashure pekunge Pauro ava pedyo neBhitiniya, uye Jesu akatozotungamirira Pauro kuti aende kuMakedhoniya pashure pekunge Pauro asvika muTroasi. Sezvo Jesu ari iye Musoro weungano, anogona kuitawo saizvozvo kuungano mazuva ano. (VaK. 1:18) Tinogona kunge tava nenguva tichifunga nezvekupayona kana kutamira kunodiwa vamwe vaparidzi veUmambo. Asi Jesu anotozoshandisa mweya waMwari kutitungamirira kana tatora matanho ekutanga pakuzadzisa chinangwa chacho. Nei zvichidaro? Tingazvienzanisa nezvinoita mutyairi wemotokari. Haakwanisi kuendesa mota yake kurudyi kana kuruboshwe kana mota yacho isiri kufamba. Ndizvo zvinoitawo Jesu; anongotitungamirira pakuwedzera ushumiri hwedu kana isu vacho tichiedza nemwoyo wese kuzviita.

7 Asi ko kana tichiedza zvese asi zvichiramba? Tozvisiya here tichiti mweya mutsvene waMwari hausi kutitungamirira? Aiwa. Yeuka kuti Pauro akasanganawo nezvipingamupinyi. Asi akaramba achitsvaga pekupinda napo kusvikira suo ravhurika. Tinogona kuva nechokwadi chekuti tikaramba tichitsvaga “suo guru rebasa,” tichawanawo mubayiro wakadaro.—1 VaK. 16:9.

8. (a) Guta reFiripi rakanga rakamira sei? (b) Chii chinofadza chakaitika pakaparidza Pauro ‘panzvimbo yekunyengeterera’?

8 Pavakasvika munharaunda yeMakedhoniya, Pauro nevamwe vake vakaenda kuFiripi, guta raiva nevanhu vaidada nekuva zvizvarwa zveRoma. Masoja eRoma aiva pamudyandigere aigara imomo aiona Firipi sekaItari kadiki, sekunge yaiva guta reRoma rakangogadzikwa muMakedhoniya. Mamishinari acho akawana nzvimbo yaaifunga kuti yaiva “nzvimbo yekunyengeterera,” kunze kweguta pedyo nekarwizi.b Vakaenda panzvimbo iyoyo riri Sabata vakawana vakadzi vakaungana vachinamata Mwari. Vadzidzi vakagara pasi ndokutanga kutaura navo. Mumwe mukadzi ainzi Ridhiya “akanga achiteerera, uye Jehovha akanyatsovhura mwoyo wake.” Ridhiya akabayiwa mwoyo nezvaakadzidza kumamishinari aya zvekuti iye neveimba yake vakabva vabhabhatidzwa. Akabva akumbira Pauro nevamwe vake kuti vazogara kumba kwake.c—Mab. 16:13-15.

9. Mazuva ano, vakawanda vanotevedzera sei zvakaitwa naPauro, uye makomborero api avari kuwana?

9 Fungidzira mufaro wakavapo pakabhabhatidzwa Ridhiya! Pauro anofanira kunge akafara zvikuru kuti akanga abvuma paakanzi ‘ayambukire kuMakedhoniya,’ uye kuti Jehovha akanga aona zvakakodzera kumushandisa pamwe chete neshamwari dzake kupindura minyengetero yevakadzi ivavo vaitya Mwari! Mazuva ano, hama nehanzvadzi dzakawanda, vakuru nevadiki, uye vane mhuri nevasina, vanotamirawo kunzvimbo dzinodiwa vamwe vaparidzi veUmambo. Vanogona havo kusangana nematambudziko pavanodaro asi matambudziko iwayo hapana zviripo kana achienzaniswa nekugutsikana kwavanoita pavanowana vanhu vakaita saRidhiya, vanogamuchira chokwadi cheBhaibheri. Unogona kuchinja zvimwe zvinhu muupenyu hwako here kuti ukwanise ‘kuyambukira’ kunzvimbo inodiwa vaparidzi veUmambo? Uchawana makomborero. Funga nezveimwe hama yechidiki inonzi Aaron yakatamira kune imwe nyika yekuCentral America. Vakawanda vanobvumirana nezvaakataura paakati: “Kushumira kune imwe nyika kwakandibatsira kukura panyaya dzekunamata uye kuswedera pedyo naJehovha. Uye basa remumunda riri kunakidza chaizvo; ndiri kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri 8!”

Hanzvadzi mbiri dziri kuparidzira mumwe musikana mumugwagwa. Mumwe mukomana ari kudongorera achiteererawo zvavari kutaura.

Mazuva ano ‘tingayambukira sei kuMakedhoniya’?

“Vanhu Vese Vakabva Vavapandukira” (Mabasa 16:16-24)

10. Nei tingati madhimoni ndiwo akatanga kupikisa basa raiitwa naPauro nevamwe vake?

10 Satani anofanira kunge aisvotwa nekuona kuti mashoko akanaka akanga ava kudzika midzi munzvimbo yaaimbonamatwa iye nemadhimoni ake pasina anomupikisa. Saka hazvishamisi kuti nyaya yakazoita kuti Pauro nevamwe vake vatange kupikiswa yaiva nechekuita nemadhimoni! Pane mumwe mushandi wechisikana aiva nedhimoni aiwanisa vanatenzi vake mari nekufembera kwake. Pauro nevamwe vake pavairamba vachienda kunzvimbo iya yekunyengeterera, musikana uyu airamba achishevedzera kuti: “Varume ava varanda vaMwari Wekumusorosoro uye vari kukuzivisai nzira yeruponeso.” Dhimoni racho rinogona kunge raiita kuti musikana uyu ashevedzere mashoko iwayo kuti vanhu vafunge kuti zvaidzidziswa naPauro nezvaifemberwa nemusikana uyu zvaibva kumwe chete. Izvi zvaizovhiringa vanhu vari kumunzwa kuti vasanyatsoteerera vateveri vaKristu vechokwadi. Asi Pauro akadzinga dhimoni racho musikana wacho akabva anyarara.—Mab. 16:16-18.

11. Chii chakaitika kuna Pauro naSirasi pavakabudisa dhimoni mune mumwe musikana?

11 Varidzi vemushandi uya wechisikana pavakaona kuti mugodhi waivawanisa mari zviri nyore wakanga wadhiritswa, vakaviruka nehasha. Vakazvuzvurudzira Pauro naSirasi kumusika kwaitongerwa vanhu nevatongi vaimiririra Roma. Varidzi vemusikana uyu vaiziva kuti vatongi ava vanovenga vaJudha uye vanodada nerudzi rwavo, saka ndizvo zvavakashandisa pakupomera Pauro naSirasi vachiti: “Varume ava vaJudha, uye vari kukanganisa guta redu zvisingaiti, vachizivisa zvinhu zvatisingabvumirwi nemutemo kuita kana kutevedzera, sezvo tiri vaRoma.” Zano ravo rakashanda. “Vanhu vese [vaiva pamusika] vakabva vavapandukira,” uye vatongi vehurumende vakaita kuti “varohwe neshamhu.” Vapedza kuvarova, vakavazvuzvurudzira mujeri. Murindi wejeri akakanda varume vacho vakanga vakuvara mujeri remukatikati ndokusungirira makumbo avo mumatanda. (Mab. 16:19-24) Paakavhara suo rejeri racho, makabva mati ndoo zvekuti Pauro naSirasi vaitoita kunge vachatadza kuonana. Asi Jehovha aivaona.—Pis. 139:12.

12. (a) Jesu akati chii nezvevadzidzi vake uye zvakaita kuti vaone sei kutambudzwa kwavaiitwa? (b) Satani nevanhu vake vachiri kushandisa nzira dzipi kutipikisa?

12 Jesu akanga amboudza vateveri vake kuti: “Vachakutambudzaiwo.” (Joh. 15:20) Saka Pauro nevamwe vake pavakayambukira kuMakedhoniya vaiziva kuti vaigona kupikiswa. Pavakatanga kutambudzwa vaiziva kuti uyu ndiSatani akanga akavatsamwira kwete kuti vakanga vasisafarirwi naJehovha. Mazuva ano, vanhu vaSatani vachiri kushandisa nzira dzakafanana nedzakashandiswa kuFiripi. Vamwe vanhu venenge vachitipikisa vanogona kutaura zvenhema nezvedu vachida kuti tivengwe. Mune dzimwe nyika, vanhu vezvitendero vanotipomera mumatare vachiita sevari kuti: ‘Zvapupu izvi zviri kukanganisa vanhu zvichidzidzisa zvinhu zvisingawirirani nemamwe machechi.’ Kune dzimwe nyika vamwe vedu vanorohwa vachikandwa mumajeri. Asi Jehovha anozviona.—1 Pet. 3:12.

“Vakabva Vangobhabhatidzwa” (Mabasa 16:25-34)

13. Chii chakaita kuti murindi wejeri abvunze kuti: “Ndingaitei kuti ndiponeswe?”

13 Nezvavakanga vasangana nazvo musi iwoyo, Pauro naSirasi vanofanira kunge vaida nguva yekumbozorora. Asi pakazosvika pakati peusiku vakanga vapora kurohwa kwavakanga vaitwa zvekuti vakanga vava kukwanisa kunyengetera “vachiimba vachirumbidza Mwari.” Kwakabva kwaitika kudengenyeka kwenyika kwakazunungusa jeri! Murindi wejeri akamuka, akaona kuti masuo akanga avhurika, akabva afunga kuti vasungwa vakanga vatiza. Aiziva kuti aizorangirwa kuti akanga asiya vasungwa vachitiza, saka “akavhomora bakatwa rake uye akanga ava kuda kuzviuraya.” Asi Pauro akabva ashevedzera kuti: “Usazvikuvadza, tiri muno tese!” Murindi wejeri, anga achiona sekuti pake pamuperera, akabvunza kuti: “Madzishe, ndingaitei kuti ndiponeswe?” Pauro naSirasi havasi ivo vaigona kumuponesa asi Jesu chete ndiye aigona. Saka vakamupindura kuti: “Tenda munaShe Jesu, uye uchaponeswa.”—Mab. 16:25-31.

14. (a) Pauro naSirasi vakabatsira sei murindi wejeri? (b) Pauro naSirasi vakakomborerwa sei nekuramba vachifara pavaitambudzwa?

14 Murindi wejeri airevesa here pane zvaaibvunza? Pauro haana kumbofunga kuti munhu uyu haasi kurevesa. Murindi wacho akanga asiri muJudha saka aisaziva Magwaro. Aifanira kutotanga adzidza uye agamuchira chimwe chokwadi chiri muMagwaro kuti azova muKristu. Saka Pauro naSirasi vakatomboita nguva vachimutaurira “shoko raJehovha.” Vakanyura mukutsanangura Magwaro zvekuti vanofanira kunge vakatombokanganwa marwadzo ekurohwa kwavakanga vaitwa. Asi murindi wejeri akacherechedza maronda akanga akazara kumisana yavo, akaageza. Paakapedza, iye nemhuri yake “vakabva vangobhabhatidzwa.” Kuramba kwaPauro naSirasi vachifara pavaitambudzwa kwakaita kuti vawane chikomborero chakakura!—Mab. 16:32-34.

15. (a) Mazuva ano Zvapupu zvakawanda zviri kutevedzera sei zvakaitwa naPauro naSirasi? (b) Nei tichifanira kuramba tichishanyira misha yevaya vanogara mundima yedu?

15 Zvapupu zvakawanda mazuva ano zviri kutevedzera Pauro naSirasi nekuparidza mashoko akanaka pazvinenge zvakasungwa uye zviri kubudirira. Kune imwe nyika yairambidzwa basa redu, ingasvika hafu yeZvapupu zvemunyika iyoyo yakanga yadzidza nezvaJehovha iri mujeri! (Isa. 54:17) Yeuka kuti murindi wejeri akatozokumbira kubatsirwa pashure pekudengenyeka kwenyika. Ndizvo zviri kuitikawo mazuva ano; kune vamwe vaisafarira shoko reUmambo vari kugamuchira chokwadi pashure pekuzununguswa nezvimwe zvinhu zvinenge zvaitika muupenyu hwavo. Tikaramba tichishanyira vanhu vari mundima yedu, tinova nechokwadi chekuti tiripo kana vava kuda kubatsirwa.

“Iye Zvino Vava Kutibudisa Kunze Pachivande!” (Mabasa 16:35-40)

16. Zvinhu zvakazochinja sei mangwana acho pashure pekunge Pauro naSirasi varohwa?

16 Mangwana acho vatongi vakafuma vachitaura kuti Pauro naSirasi vasunungurwe. Asi Pauro akati: “Vakatirova pamberi pevanhu vese tisina kuwanirwa mhosva, isu tiri vaRoma, vakatikanda mujeri. Iye zvino vava kutibudisa kunze pachivande! Aiwa, hazviiti! Ivo ngavauye vatibudise.” Pavakaziva kuti varume vaviri ava vaiva vagari veRoma, “vatongi vacho vakatya” nekuti vakanga vatyora kodzero dzavo.d Nyaya iya yakanga yavapindukira. Sezvo vakaita kuti vadzidzi varohwe pamberi pevanhu vese, ivowo vaifanira kukumbira ruregerero pamberi pevanhu vese. Vakakumbira Pauro naSirasi kuti vabude muFiripi. Vadzidzi vacho vakabvuma, asi vakatanga vambokurudzira vadzidzi vatsva vairamba vachiwedzera muguta iri. Vakabva vazosimuka havo.

17. Vadzidzi vatsva vangadaro vakadzidza chidzidzo chipi chinokosha pavakacherechedza kutsungirira kwaPauro naSirasi?

17 Dai Pauro naSirasi vakaita kuti vatongi vazive nezvekodzero dzavo pakutanga chaipo, vangadai vasina kumbobvira varohwa. (Mab. 22:25, 26) Asi izvozvo zvaizoita kuti vadzidzi vemuFiripi vafunge kuti varume ava vakanga vashandisa zvinzvimbo zvavo kuti varege kutambudzwa nekuda kwaKristu. Izvozvo zvaizoita kuti vadzidzi vakanga vasina kodzero dzezvizvarwa zveRoma vanzwe sei? Mutemo waisazovadzivirirawo kuti vasarohwa. Saka kutsungirira kwakaita Pauro nemumwe wake vachitambudzwa kwakadzidzisa vamwe vadzidzi vatsva ava kuti vateveri vaKristu vanogona kumira vakasimba vachitambudzwa. Kuzobuda kwavakaita pachena kuti vaiva zvizvarwa zveRoma kwakaita kuti zvizivikanwe neruzhinji kuti vatongi ava vakanga vaita zvinhu zvisiri pamutemo. Izvi zvaibva zvaita kuti varege kuramba vachibata vamwe vaKristu zvakashata, zvoita sezviri kuvadzivirira pamutemo mune ramangwana.

18. (a) Mazuva ano vatariri vechiKristu vanotevedzera sei zvakaitwa naPauro? (b) Mazuva ano tinoita sei “pakutsigira mashoko akanaka nekushandisa mutemo kuita kuti asarambidzwa”?

18 Mazuva ano vatariri veungano dzechiKristu vanotungamirirawo nezvavanoita. Zvese zvavanoudza vamwe vari muungano kuti vaite, ivo ndizvo zvavanoitawo sevafudzi vechiKristu. Tinotevedzerawo Pauro pakunyatsongwarira kuti ndepapi patingashandisa kodzero dzedu dzepamutemo uye kuti tingadzishandisa sei kuti tizvidzivirire. Pazvinenge zvakakodzera, tinoendesa nyaya dzedu kumatare edzimhosva ekwatinogara, epamusorosoro kana kuti enyika dzese kuti tidzivirire kodzero yedu yepamutemo yekunamata. Chinangwa chedu hachisi pakugadzirisa magariro evanhu, asi chiri “pakutsigira mashoko akanaka nekushandisa mutemo kuita kuti asarambidzwa,” sezvakazonyorerwa ungano yeFiripi naPauro makore gumi pashure pekuiswa kwake mujeri ikoko. (VaF. 1:7) Asi pasinei nekuti nyaya dzacho dzinoguma sei kumatare, isu tinongoita sezvakaitwa naPauro neshamwari dzake, kuramba ‘tichizivisa mashoko akanaka,’ kwese kwatingatungamirirwa nemweya waMwari.—Mab. 16:10.

RUKA, MUNYORI WEBHUKU RAMABASA

Kubvira pekutanga kusvikira pachitsauko 16 vhesi 9, munyori webhuku raMabasa anenge achirondedzera zvinhu zvakaitwa uye zvakataurwa nevamwe achiratidza kuti iye akanga asipo pazvakaitika. Asi pana Mabasa 16:10, 11, anochinja manyorero. Pavhesi 11 anoti: “Takapinda mugungwa tichibva kuTroasi, tikananga kuSamotrasi.” Ipapo ndipo panotangira Ruka kuratidza kuti akanga avapo paiitika zvaainyora. Asi tinoziva sei kuti Ruka ndiye munyori wacho iro zita rake risingawaniki mubhuku rese raMabasa?

Ruka akagara achinyora.

Mhinduro tinoiwana mumashoko ekutanga ebhuku raMabasa uye eEvhangeri yaRuka. Mabhuku acho ese anosumwa achiratidza kuti ari kunyorerwa murume ainzi “Tiyofiro.” (Ruka 1:1, 3; Mab. 1:1) Bhuku raMabasa rinotanga nemashoko ekuti: “Munhoroondo yekutanga, ndakakunyorerai imi Tiyofiro, pamusoro pezvinhu zvese zvakatanga kuitwa uye kudzidziswa naJesu.” Sezvo vanyori vekare vachibvumirana kuti “nhoroondo yekutanga” yakanyorwa naRuka, ndiye anofanirawo kunge akanyora bhuku raMabasa.

Hapana zvakawanda zvatinoziva nezvaRuka. Zita rake rinongowanika katatu chete muBhaibheri. Muapostora Pauro anodana Ruka kuti “chiremba anodiwa” uye mumwe ‘wevandinoshanda navo.’ (VaK. 4:14; Fir. 24) Ndima dzakanyorwa naRuka achiratidza kuti aivepo dzinoratidza kuti Ruka akabatana naPauro kuTroasi vakaenda vese kuFiripi munenge muna 50 C.E., asi pakazobva Pauro kuFiripi Ruka akanga asisipo. Vakazosangana zvakare munenge muna 56 C.E., vakafamba vese nedzimwe hama 7 kubva kuFiripi kuenda kuJerusarema, kwakazosungirwa Pauro. Pashure pemakore maviri, Ruka akaperekedza Pauro, uyo akanga achakasungwa, kubva kuKesariya kuenda kuRoma. (Mab. 16:10-17, 40; 20:5–21:17; 24:27; 27:1–28:16) Pauro paakanga asungwa kechipiri muRoma, achiziva kuti akanga ava pedyo nekuurayiwa, “Ruka chete” ndiye aiva naye. (2 Tim. 4:6, 11) Zviri pachena kuti Ruka akafamba mitunhu mirefu uye akanga akagadzirira kusangana nematambudziko kuti atsigire mashoko akanaka.

Ruka haatauri kuti akazvionera ega nemaziso ake zvaakanyora pamusoro paJesu. Asi akati ‘akanyatsoronda zvinhu zvese kubvira pazvakatangira’ achishandisa zvakataurwa uye zvakanyorwa “nevaya vaiva zvapupu zvezvinhu izvi.” Akabva anyatsozvinyorera Tiyofiro achimubatsira kuti anyatsonzwisisa kutevedzana kwazvakanga zvakaita. (Ruka 1:1-3) Zvakabuda mubasa raRuka zvinoratidza kuti aiva munhu anonyatsotsvakurudza. Zvichida akakurukura nevanhu vakaita saErizabheti, Mariya amai vaJesu, nevamwewo kuti awane mashoko. Zvakawanda zvaakanyora zvinongowanika muEvhangeri yake chete.—Ruka 1:5-80.

Pauro akati Ruka aiva chiremba, uye zvechokwadiwo unoona kuti zvaakanyora zvinoratidza kunzwira tsitsi kunoita chiremba vaya vanenge vachirwara. Akati Jesu paakaporesa mumwe murume akanga aine dhimoni, rakabva “rabuda maari risina kumukuvadza”; akati amai vemudzimai wemuapostora Petro “vakanga vachirwara nefivha yakasimba kwazvo”; uye kuti mukadzi akabatsirwa naJesu “akanga ava nemakore 18 aine mweya waiita kuti ashaye simba; uye aifamba akakotama zvakanyanya, asingatombogoni kumira akatwasuka.”—Ruka 4:35, 38; 13:11.

Zviri pachena kuti Ruka aiisa “basa raShe” pakutanga muupenyu kwake. (1 VaK. 15:58) Akasarudza kusatandanisana nebasa rake kana kutsvaga mukurumbira asi kubatsira vamwe kuti vazive Jehovha uye vamushumire.

RIDHIYA, MUTENGESI WEMACHIRA EPEPURU

Ridhiya aigara muFiripi, guta rakanga rakakurumbira muMakedhoniya. Kumusha kwake kwaiva kuTiyatira, guta remunharaunda yainzi Ridhiya yemuAsia Minor nechekumadokero. Akatama achiyambuka Gungwa reAegean achiitira basa rake rekutengesa zvinhu zvepepuru. Angangodaro aitengesa zvinhu zvepepuru zvemarudzi akasiyana-siyana zvakadai semachira ekuwaridza, machira akamendwa kana kuti akarukirirwa zvinhu zvinoshongedza, kunyange nedhayi. Mamwe mashoko akanyorwa akawanikwa muFiripi anoratidza kuti muguta iroro maiva nevanhu vakawanda vaitengesa zvinhu zvepepuru.

Ridhiya akabata jira.

Ridhiya anonzi “munamati waMwari,” izvo zvingangoreva kuti akanga akatendeukira kuchiJudha. (Mab. 16:14) Anogona kunge akatanga kusangana nevanamati vaJehovha paakanga achiri kumusha kwake kuTiyatira. Tiyatira yakanga yakasiyana neFiripi pakuti yaiva nesinagogi. Vamwe vanoti zita rekuti Ridhiya raiva rekungopiwa nevanhu vemuFiripi, zvichireva kuti “Mukadzi wekuRidhiya.” Asi pane zvinyorwa zvinoratidza kuti Ridhiya raishandiswawo sezita remunhu.

Vanhu vekuRidhiya vaiva nemukurumbira wekugona kudhaya machira epepuru, kubvira mumakore ekuma700 kusvika 900 B.C.E. Mvura yeko chaiyo yaizivikanwa kuti ndiyo yainyatsobudisa “dhayi inobuda zvakajeka uye isingakurumidzi kubhuruwara.”

Machira epepuru aiva eumbozha, aingotengwa nevapfumi chete. Kunyange zvazvo dhayi yepepuru yaitorwa pazvinhu zvakasiyana-siyana, yakanakisisa yacho uye yainyanya kudhura, yaishandiswa pamachira akanaka, yaiwanikwa pane imwe mhando yehozhwa inowanika muMediterranean. Hozhwa imwe chete yaigona kubudisa donhwe rimwe chete redhayi iyi, kureva kuti paidiwa hozhwa dzingasvika 8 000 kuti pabude giramu imwe chete yedhayi, izvo zvaiita kuti machira anenge ashandisirwa dhayi iyi adhure zvakanyanya.

Ridhiya anofanira kunge akanga akapfuma nekuti bhizinesi raaiita raida mari yakawanda kuti munhu aritange, uye aiva neimba yakakura zvekuti akakwanisa kutambira varume vana, Pauro, Sirasi, Timoti naRuka. Sezvo pachinzi “veimba yake,” zvingareva kuti aigara nehama dzake, asi zvinogonawo kureva kuti aiva nevaranda nevashandi. (Mab. 16:15) Sezvo Pauro naSirasi vakazosangana nedzimwe hama mumusha memukadzi uyu vasati vabuda muguta iri, zvinoratidza kuti musha wacho wakatozova nzvimbo yaiunganira vaKristu vekutanga muFiripi.—Mab. 16:40.

Pauro paakazonyorera ungano yeFiripi papfuura makore gumi, haana kumbotaura nezvaRidhiya. Saka zvinotaurwa nechitsauko 16 chebhuku raMabasa ndizvo chete zvatinoziva nezvake.

a Ona bhokisi rakanzi “Ruka, Munyori Webhuku raMabasa”.

b Pamwe vaJudha vairambidzwa kuva nesinagogi muguta rino sezvo rakanga rakawanda masoja ari pamudyandigere. Kana kuti muguta macho makanga musina vanhurume vechiJudha vanosvika gumi vaidiwa kuti pave nesinagogi.

c Ona bhokisi rakanzi “Ridhiya, Mutengesi Wemachira Epepuru”.

d Mutemo weRoma waiti zvizvarwa zvayo zvaiva nekodzero yekunyatsotongwa zvakanaka uye kuti zvisarangwe paruzhinji zvisati zvawanirwa mhosva.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe