RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • bt chits. 14 pp. 108-115
  • “Tabvumirana Tese”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Tabvumirana Tese”
  • Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Izvi Zvinoenderana Nemashoko eVaprofita” (Mabasa 15:13-21)
  • “Vakabva Vasarudza Varume . . . Ndokuvatuma” (Mabasa 15:22-29)
  • “Vakafara Nekukurudzirwa Kwavakaitwa” (Mabasa 15:30-35)
  • Dare Rinotungamirira Rinoshanda Sei?
    Ndivanaani Vari Kuita Kuda kwaJehovha Mazuva Ano?
  • Ndiani Ari Kutungamirira Vanhu vaMwari Mazuva Ano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Kubatira Pamwe noMutumbi Unodzora Nhasi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • “Pashure Pekunge . . . Vanetsana Navo”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
Ona Zvimwe
Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
bt chits. 14 pp. 108-115

CHITSAUKO 14

“Tabvumirana Tese”

Kubatanidzwa kwakaita ungano nezvakanga zvasarudzwa nedare rinotungamirira panyaya yekuchecheudzwa nedzimwewo

Mabasa 15:13-35

1, 2. (a) Mibvunzo ipi iri kufanira kupindurwa nedare riri kutungamirira vaKristu vekutanga? (b) Zvinhu zvipi zvichavabatsira kusvika pakusarudza zvakanaka?

MUNHU wese ari kuda kuziva kuti nyaya iyi ichapera sei. Vaapostora nevakuru vanofanira kunge vari kungotarisana vachiziva kuti pavasvika nenyaya iyi panokosha. Nyaya yekuchecheudzwa yamutsa mibvunzo yakawanda. VaKristu vari pasi peMutemo waMozisi here? Pane musiyano here pakati pevaKristu vechiJudha nevemamwe marudzi?

2 Varume vari kutungamirira vaongorora uchapupu hwakawanda. Vakurukura nezveuprofita huri muShoko raMwari uye uchapupu hwavari kupiwa huri kuratidza kuti Mwari ari kukomborera kuparidzirwa kuri kuitwa vanhu vemamwe marudzi. Mumwe nemumwe anyatsobudisa zvaari kufunga. Uchapupu hwese hwavava nahwo hwakakwana kuti vasarudze zvekuita. Mweya mutsvene uri kunyatsovaratidza kuri kufanira kuenda nenyaya. Asi vachabvuma zvavari kuudzwa nemweya waMwari here?

3. Kuongorora nhoroondo iri muchitsauko 15 chaMabasa kunotibatsira sei?

3 Zvichada kuti vave nekutenda kwakasimba neushingi kuti vabvume kuita zvavari kutungamirirwa nemweya mutsvene kuti vaite. Chisarudzo chavachaita chinogona kuita kuti vatowedzera kutambudzwa nevatungamiriri vezvitendero. Uye kune vanhu vari muunganowo vari kuomesa musoro vachida kuti vanhu vadzokere kuMutemo waMozisi. Dare rinotungamirira richaita sei pakadaro? Ngationei. Patichaongorora nyaya iyi, tichaona kuti zvavakaita ndizvo zviri kutevedzerwa neDare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha mazuva ano. Nesuwo ndizvo zvatinofanira kutevedzera patinosangana nematambudziko muupenyu hwedu sevaKristu.

“Izvi Zvinoenderana Nemashoko eVaprofita” (Mabasa 15:13-21)

4, 5. Jakobho akabatanidza magwaro api panyaya yaikurukurwa?

4 Mudzidzi Jakobho, munin’ina waJesu, akabva atanga kutaura.a Kunenge kuti pamusangano uyu ndiye aiva sachigaro. Mashoko ake aingopfupikisa pfungwa dzakanga dzabudiswa nedare rese. Jakobho akati kuvarume vakanga vakaungana: “Simiyone anyatsorondedzera matangiro akaita Mwari kufunga mamwe marudzi kuti atore vanhu vezita rake pakati pawo. Uye izvi zvinoenderana nemashoko eVaprofita.”—Mab. 15:14, 15.

5 Zvakataurwa naSimiyone, kana kuti Simoni Petro, uye uchapupu hwakapiwa naBhanabhasi naPauro ndizvo zvinogona kunge zvakaita kuti Jakobho ayeuke magwaro anokosha anoenderana nenyaya yaikurukurwa. (Joh. 14:26) Jakobho anotanga ataura kuti, “izvi zvinoenderana nemashoko evaprofita,” obva azotaura mashoko ari pana Amosi 9:11, 12. Bhuku iroro riri muMagwaro echiHebheru anowanzonzi “Vaprofita.” (Mat. 22:40; Mab. 15:16-18) Uchaona kuti mashoko akataurwa naJakobho akati siyanei neanowanika mubhuku raAmosi mazuva ano. Jakobho anofanira kunge akatora mashoko acho mushanduro yechiGiriki yeMagwaro echiHebheru inonzi Septuagint.

6. Magwaro akabatsira sei dare kunzwisisa zvarakanga richikurukura?

6 Jehovha Mwari akagara ataura achishandisa muprofita Amosi kuti aizomutsa “dumba raDhavhidhi,” kureva dzinza reumambo raizotungamirira kuUmambo hwaMesiya. (Ezek. 21:26, 27) Zvaireva here kuti Jehovha aizotangazve kutora vaJudha sevanhu vake vaakasarudza? Kwete. Uprofita hwacho hunoenderera mberi huchiti Mwari aizounganidza “marudzi ese” kuti ave vanhu ‘vanodanwa nezita rake.’ Yeuka kuti Petro akanga achangobva kupupurira nezvaMwari achiti: “Haana kuita kuti pakati pedu [vaKristu vechiJudha] navo [vatendi vemamwe marudzi] patombova nemusiyano, asi akanatsa mwoyo yavo nekutenda.” (Mab. 15:9) Kureva kuti Mwari aida kuti vaJudha pamwe chete nevanhu vemamwe marudzi vazova vagari venhaka yeUmambo. (VaR. 8:17; VaEf. 2:17-19) Hapana paimbotaurwa neuprofita ihwohwo hwakafemerwa kuti vanhu vemamwe marudzi vaifanira kutanga vachecheudzwa kana kutendeukira kuchiJudha.

7, 8. (a) Jakobho akataura kuti aifunga kuti dare risarudze zvipi? (b) Jakobho aiudza dare zvekuita here?

7 Achishandisa uchapupu ihwohwo hwakasimba hwemuMagwaro uye hwaakanga anzwa kune dzimwe hama, akabva aenderera mberi achiti: “Saka ndiri kufunga kuti tisaomesera vemamwe marudzi vari kutendeukira kuna Mwari, asi kuti tivanyorere kuti varege zvinhu zvakasvibiswa nezvidhori, upombwe, zvinhu zvakadzipwa, uye ropa. Nekuti zvakanyorwa naMozisi zvagara zviine vanozviparidza muguta neguta kubvira kare, uye zvichiri kuverengwa zvinonzwika mumasinagogi pamasabata ese.”—Mab. 15:19-21.

8 Jakobho paakati “saka ndiri kufunga kuti,” akanga ava kuudza dare zvekuita here, achishandisa chinzvimbo chake sasachigaro? Kwete! Mashoko echiGiriki akashandurwa kuti “ndiri kufunga kuti” anogona kureva kuti “maonero anguwo.” Jakobho aingotaura mhedziso yaaifunga kuti dare raigona kusvika richishandisa uchapupu hwavakanga vanzwa uye zvaitaurwa neMagwaro, kwete kuti aiudza dare zvekuita.

9. Zvakanzi naJakobho dare risarudze zvaizobatsirei?

9 Zvaitaurwa naJakobho kuti dare riite zvakanga zvakanaka here? Zvakanga zvakanaka, nekuti vaapostora nevakuru vakabvumirana nazvo vese. Ndezvipi zvakanga zvakanakira chisarudzo ichocho? Chekutanga ndechekuti chisarudzo chavakabvumirana chaizoita kuti ‘vasaomesera,’ kana kuti “kuremedza,” vaKristu vemamwe marudzi nekuvamanikidza kutevedzera Mutemo waMozisi. (Mab. 15:19; Bhaibheri Rinoera) Chechipiri ndechekuti zvavakasarudza zvaizoratidza kuti vairemekedza vaKristu vechiJudha, avo vakanga vava nemakore vachinzwa ‘zvakanyorwa naMozisi zvichiverengwa zvinonzwika mumasinagogi pamasabata ese.’b (Mab. 15:21) Zvaitozosimbisa vaKristu vechiJudha nevemamwe marudzi. Chinotonyanya kukosha ndechekuti zvaitozofadza Jehovha sezvo zvaienderana nechinangwa chake. Iyi ndiyo nzira yakanakisisa yekugadzirisa nayo dambudziko rinenge rava kuda kukanganisa kubatana kweungano! Ndizvo zvinofanira kutevedzerwawo neungano mazuva ano!

Hama Albert Schroeder vachitaura pagungano renyika dzakawanda muna 1998

10. Dare Rinotungamirira rinotevedzera sei zvaiitwa nedare raitungamirira panguva yakatanga chiKristu?

10 Sezvakataurwa muchitsauko chakapfuura, Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha rinotarisa kuti Jehovha, Changamire wezvinhu zvese, uye Jesu Kristu, Musoro weungano vanoti chii vasati vaita chisarudzo sezvaiita dare raitungamirira pakatanga chiKristu.c (1 VaK. 11:3) Rinozviita sei? Hama Albert D. Schroeder, vaiva muDare Rinotungamirira kubva muna 1974 kusvikira pavakapedza upenyu hwavo hwepasi pano muna March 2006, vakatsanangura kuti: “Dare Rinotungamirira rinoungana Chitatu chega chega, richitanga musangano wacho nemunyengetero richikumbira kuti ritungamirirwe nemweya waJehovha. Rinoedza chaizvo kuona kuti nyaya yese inokurukurwa uye chisarudzo chinoitwa zvinonyatsoenderana neShoko raMwari, Bhaibheri.” Hama Milton G. Henschel, vakashanda kwenguva yakareba muDare Rinotungamirira vakazopedza upenyu hwavo hwepasi pano muna March 2003, vakabvunza vadzidzi vakanga vachangopedza kudzidza mukirasi yechi101 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi mubvunzo unokosha. Vakabvunza kuti, “Pasi pano pane rimwe sangano rine Dare Rinotungamirira rinotsvaga kuti Shoko raMwari, Bhaibheri rinotii risati raita zvisarudzo zvinokosha here?” Mhinduro yacho iri pachena.

“Vakabva Vasarudza Varume . . . Ndokuvatuma” (Mabasa 15:22-29)

11. Mashoko ezvakanga zvasarudzwa nedare rinotungamirira akasvitswa sei kuungano?

11 Dare rinotungamirira remuJerusarema rakanga rabvumirana panyaya yekuchecheudzwa. Asi kuti hama dzese dzaiva muungano dzakasiyana-siyana dzitevedzere zvakasarudzwa dzakabatana, mashoko acho aitofanira kusvitswa kwavari zvakajeka uye nenzira inokurudzira. Vaizozvifambisa sei kuti zvinyatsobudirira? Nyaya yacho inoenderera mberi ichiti: “Vaapostora nevakuru, pamwe neungano yese, vakabva vasarudza varume pakati pavo ndokuvatuma kuAndiyoki vaina Pauro naBhanabhasi; vakatuma Judhasi ainzi Bhasabhasi naSirasi, avo vaitungamirira pakati pehama.” Vakabva vanyora tsamba ndokuitumira nevarume ava kuti izoverengerwa ungano dzese dzekuAndiyoki, Siriya, neKirikiya.—Mab. 15:22-26.

12, 13. (a) Kuvapo kwaJudhasi naSirasi kwakabatsirei? (b) Kutumirwa kwakaitwa tsamba yakabva kudare rinotungamirira kwakabatsirei?

12 Judhasi naSirasi vakanga vakanyatsokodzera kumiririra dare rinotungamirira sezvo “vaitungamirira pakati pehama.” Kutumwa kwakaitwa varume vana kwaizoita kuti zvive pachena kuti iyi yakanga isingori mhinduro yenyaya yakanga yabvunzwa pakutanga chete, asi kuti ndizvo zvaitodiwa nedare rinotungamirira kuti zviitwe neungano dzese. ‘Varume ava vakasarudzwa’ vaizoita kuti vaKristu vechiJudha vaiva muJerusarema nevaKristu vemamwe marudzi vaiva kune dzimwe nzvimbo vanyatsobatana. Urongwa uhwu hwairatidza uchenjeri uye rudo! Hunofanira kunge hwakaita kuti pave nekubatana uye kunzwanana pakati pevanhu vaMwari.

MAMIRIRO AKAITA DARE RINOTUNGAMIRIRA MAZUVA ANO

Zvapupu zvaJehovha mazuva ano zvinotungamirirwa neDare Rinotungamirira rinoumbwa nevarume vakatendeka, vakazodzwa nemweya, sezvakanga zvakaita dare raitungamirira pakatanga chiKristu. Dare Rinotungamirira rinoita musangano vhiki rega rega. Hama dziri mudare iri dzakarongwawo kuva makomiti 6 anotevera, imwe neimwe iine basa rainoita.

  • Komiti Yevanoronga ndiyo inoona nezvenyaya dzemitemo uye kushandiswa kwezvinobudisa mashoko kuti vanhu vanyatsoziva chokwadi nezvedu uye zvatinotenda. Ndivo vanobatsira kana kuine kwaitika njodzi, kana vaKristu vanenge vachitambudzwa, uye panomuka dzimwe nyaya dzinofanira kukurumidza kugadziriswa dzine chekuita neZvapupu zvaJehovha pasi rese.

  • Komiti Yevashandi ndiyo inoona nezvemagariro uye purogiramu dzekunamata dzevashandi vepaBheteri pasi rese. Ndiyo inotungamirirawo pakukoka vanhu vatsva kuti vauye kuzoshanda pamapazi.

  • Komiti Inoona Nezvekubudiswa Kwemabhuku ndiyo inoona nezvekudhindwa kwemabhuku uye kuendeswa kwawo kunzvimbo dzaanofanira kuenda pasi rese. Ndiyo inoona nezvemichina yekudhinda uye kuchengetedzwa kwezvivakwa zvinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha uyewo kuvakwa kwemapazi, Dzimba dzeUmambo neDzimba Dzemagungano. Komiti iyi inoonawo nezvekushandiswa kwemari yezvipo.

  • Komiti Yebasa ndiyo inoona nezvebasa rekuparidza uye nyaya dzine chekuita nevakuru veungano, vatariri vematunhu uye vashumiri venguva yakazara vanoshandira mundima. Komiti iyi ndiyo inokoka vadzidzi veChikoro cheGiriyedhi uye ndiyo inovatumira kwavanenge vachifanira kunoshandira kuitira kuti vasimbise ungano dziri pasi rese.

  • Komiti Yekudzidzisa ndiyo inoona nezvekudzidziswa kwevanhu pamagungano uye pamisangano yeungano, uyewo pakugadzirwa kwemavhidhiyo uye zvekuteerera. Inoronga zvinodzidzwa muChikoro cheGiriyedhi, Chikoro Chebasa Reupiyona uye zvimwe zvikoro zvakasiyana-siyana uye ndiyo inoronga zvinodzidzwa pamapurogiramu ekunamata epaBheteri.

  • Komiti Yekunyora ndiyo inoona nezvekunyorwa kwemabhuku anoshandiswa neungano uye anopiwa veruzhinji. Inopindurawo mibvunzo yeBhaibheri, inotungamirira basa rekushandura pasi rese, uye ndiyo inoona nezvekubudiswa kwemadhirama nemapepa anoshandiswa pakupa hurukuro.

Dare Rinotungamirira rinovimba nemweya mutsvene waMwari pane zvarinenge richida kuita. Harizvitori sevatungamiriri vevanhu vaJehovha. Panzvimbo pekudaro, vanoramba “vachitevera Gwayana [Jesu Kristu] pasinei nekwarinoenda,” sezvinongoitawo vaKristu vese vakazodzwa vari pasi pano.—Zva. 14:4.

13 Tsamba iyi yainyatsojekesera vaKristu vemamwe marudzi nyaya yekuchecheudzwa nezvimwewo zvavaifanira kuita kuti vafarirwe naJehovha. Mashoko ainyanya kukosha patsamba yacho aiti: “Mweya mutsvene nesu tasarudza kusakuremedzai nemimwe mitoro, kunze kwezvinhu izvi zvamunofanira kuita: kuramba muchirega zvinhu zvakabayirwa zvidhori, ropa, zvinhu zvakadzipwa, uye upombwe. Kana mukangwarira kuti musaita zvinhu izvi, zvichakufambirai zvakanaka. Sarai zvakanaka!”—Mab. 15:28, 29.

14. Chii chinoita kuti vanhu vaJehovha vashande vakabatana munyika ine zvakawanda zvinopesanisa vanhu?

14 Mazuva ano, Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 8 000 000 izvo zviri muungano dzinopfuura 100 000 pasi rese, zvinotenda zvakafanana uye zvakabatana. Tinokwanisa sei kuramba takabatana zvakadaro iyo nyika yatiri kurarama isina kugadzikana uye iine vanhu vasingabvumirane? Chikuru chinoita kuti tibatane kuudzwa zvakajeka zvatinofanira kuita naJesu Kristu, Musoro weungano, achishandisa “muranda akatendeka, akangwara,” anova ndiye Dare Rinotungamirira. (Mat. 24:45-47) Chimwe chinoita kuti tibatane ndechekuti hama dziri munyika yese dzinoita zvinenge zvataurwa neDare Rinotungamirira nemwoyo wese.

“Vakafara Nekukurudzirwa Kwavakaitwa” (Mabasa 15:30-35)

15, 16. Nyaya yekuchecheudzwa yakazogadziriswa sei, uye chii chakaita kuti ifambe zvakanaka zvakadaro?

15 Nyaya iri muna Mabasa inoenderera mberi ichitiudza kuti varume vakanga vatumwa kubva kuJerusarema pavakasvika kuAndiyoki, “vakaunganidza vanhu vacho vese, vakavapa tsamba yacho.” Hama dzacho dzakaita sei padzakanzwa zvaitaurwa nedare rinotungamirira mutsamba? “Pavakaiverenga, vakafara nekukurudzirwa kwavakaitwa.” (Mab. 15:30, 31) Judhasi naSirasi vakatozowedzera ipapo nekutaura “zvinhu zvakawanda zvekukurudzira nekusimbisa hama.” Nezvavakaita izvi, varume vaviri ava vaitova “vaprofita,” shoko raishandiswa richireva vanhu vari kuzivisa kuda kwaMwari, sezvaraingoitwawo pana Bhanabhasi, Pauro, nevamwe.—Mab. 13:1; 15:32; Eks. 7:1, 2.

16 Zviri pachena kuti Jehovha akakomborera urongwa hwacho hwese, zvikaita kuti nyaya yacho igadziriswe zvakanaka. Chii chakanyanya kuita kuti danho rakatorwa ribudirire? Chakaita kuti zvibudirire ndechekuti dare rinotungamirira rakataura mirayiridzo yakajeka panguva yakakodzera, iyo yakanga yakavakirwa paShoko raMwari uye pakutungamirira kwemweya mutsvene. Chimwe chacho inzira yakasvitswa nayo mashoko acho kuungano yairatidza rudo.

17. Zviri kuitwa nevatariri vematunhu mazuva ano zvakafanana papi nezvaiitwa kare?

17 Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha nhasi uno rinotevedzera zvakaitwa nevaKristu vekutanga parinotungamirira hama dziri munyika yese. Pavanoita zvisarudzo, zvinosvitswa kuungano nenzira yakajeka. Dzimwe nguva Dare Rinotungamirira rinoshandisa vatariri vematunhu kusvitsa mashoko acho. Hama idzi dzakazvipira dzinofamba dzichitevedza ungano, dzichiudza vanhu maitirwe ezvinhu uye dzichivakurudzira. Vanoita nguva yakawanda vari muushumiri sezvaiitwa naPauro naBhanabhasi, “vachidzidzisa nekuzivisa mashoko akanaka eshoko raJehovha, vaine vamwe vakawanda.” (Mab. 15:35) Vanopa hurukuro vachitaura “zvinhu zvakawanda zvekukurudzira nekusimbisa hama” sezvaiitwa naJudhasi naSirasi.

18. Vanhu vaMwari vanofanira kuita sei kuti varambe vachikomborerwa naJehovha?

18 Ko mazuva ano, ungano dziri pasi rese dzingaita sei kuti dzirambe dziine rugare uye dzichiita zvinhu zvakafanana munyika ine zvinhu zvakawanda zvinopesanisa vanhu? Yeuka kuti mudzidzi Jakobho ndiye akazonyora kuti: “Uchenjeri hunobva kumusoro, kutanga, hwakachena, uyewo hune rugare, hunonzwisisa, hunoda kuteerera . . . Uyewo muchero wekururama unodyarwa murugare kuitira vaya vanoita kuti pave nerugare.” (Jak. 3:17, 18) Hatizivi hedu kuti Jakobho akanyora mashoko aya achifunga nezvemusangano wekuJerusarema here kana kuti kwete. Asi zvatadzidza kubva muchitsauko 15 chaMabasa, zvatiratidza kuti chikomborero chaJehovha chinouya chete kana vanhu vakabatana uye vachiisa musoro pamwe.

19, 20. (a) Chii chinoratidza kuti vanhu vemuungano yemuAndiyoki vakanga vava nerugare nekubatana? (b) Pauro naBhanabhasi vakanga vava kukwanisa kuisa pfungwa dzavo pabasa ripi pasina chinovakanganisa?

19 Zvakanga zvava pachena kuti hama dzemuungano yemuAndiyoki dzakanga dzava nerugare uye dzabatana. Pane kuti dzipikisane nehama dzakanga dzabva kuJerusarema, hama dzekuAndiyoki dzakatofara kuti dzakanga dzashanyirwa naJudhasi naSirasi. Nyaya yacho inoti: “Pashure pekunge vamboti garei ikoko, hama dzakazoonekana navo zvakanaka vakadzokera kune vaya vakanga vavatuma,” kureva kuJerusarema.d (Mab. 15:33) Hama dzekuJerusarema dzinofanira kunge dzakafara chaizvo padzakanzwa zvakataurwa nevarume vaviri ava nezverwendo rwavo. Zvavakanga vafambira zvakabudirira vachibatsirwa naJehovha nenyasha dzake!

20 Pauro naBhanabhasi, vakaramba vari muAndiyoki, vachitungamirira basa rekuparidza pasisina nyaya dzinovavhiringidza. Mazuva anowo vatariri vematunhu vanotungamirira pabasa rekuparidzira pavanoshanyira ungano dziri mumatunhu avo. (Mab. 13:2, 3) Varume ivavo chikomborero chaicho kuvanhu vaJehovha! Jehovha akazoramba achishandisa uye achikomborera sei Pauro naBhanabhasi, vazivisi vemashoko akanaka vaishingaira? Mubvunzo iwoyo uchapindurwa muchitsauko chinotevera.

Amai nemwana wavo vari pagungano vakatarisa bhuku rinonzi “Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2.”

VaKristu vemazuva ano vanobatsirwa panyaya dzekunamata neDare Rinotungamirira nevanorimiririra

JAKOBHO, “MUNIN’INA WASHE”

Jakobho, mwanakomana waJosefa naMariya, ndiye anotanga kutaurwa panonyorwa mazita evanin’ina vaJesu. (Mat. 13:54, 55) Saka anogona kunge ari iye mutevedzani waJesu. Jakobho akakura naJesu, achimuona achiita ushumiri hwake, uye aizivawo kuti Jesu aiita “mabasa esimba,” kunyange zvazvo tisingazivi kuti akaona achiaita here. Pasinei nezvaaiziva nezvaJesu, Jakobho nevanin’ina vake ‘vakanga vasingatendi maari.’ (Joh. 7:5) Jakobho anogona kunge ari mumwe wehama dzaJesu dzakati: “Arasika pfungwa.”—Mako 3:21.

Jakobho akabata gwaro achiriverenga.

Zvese izvozvo zvakachinja pakafa Jesu uye paakamutswa. Kunyange zvazvo muMagwaro echiGiriki muine vamwe vatatu vanodanwa nezita rekuti Jakobho, kunenge kuti Bhaibheri parinoti Jesu akazviratidza kuna Jakobho mumazuva 40 pashure pekumutswa kwake, rinenge richireva munin’ina wake. (1 VaK. 15:7) Hatizivi hedu kana zvakaitika apa zviri izvo zvakaita kuti Jakobho anyatsoziva kuti mukoma wake aiva Mesiya. Asi chatinoziva ndechekuti, mazuva asingasviki gumi Jesu akwira kudenga, Jakobho, amai vake, nevanin’ina vake vakanga vakaungana nevaapostora muimba yepamusoro vachinyengetera.—Mab. 1:13, 14.

Jakobho akazova nhengo yeungano yairemekedzwa zvikuru muungano yemuJerusarema, achitotorwa semuapostora muungano iyoyo. (VaG. 1:18, 19) Chimwe chinoratidza kuti Jakobho akanga akakurumbira ndechekuti muapostora Petro paakabudiswa nengirozi mujeri, akaudza vadzidzi kuti: “Muudze Jakobho nedzimwe hama zvinhu izvi.” (Mab. 12:12, 17) Kunenge kuti Jakobho ndiye aitungamirira pakakurukurwa nyaya yekuchecheudzwa ‘nevaapostora nevakuru’ muJerusarema. (Mab. 15:6-21) Uye muapostora Pauro akambotaura nezvaJakobho, naKefasi (Petro), naJohani achivati “ndivo mbiru” dzeungano yemuJerusarema. (VaG. 2:9) Pauro paakazodzoka kuJerusarema pashure pemakore anoverengeka achibva kurwendo rwake rwechitatu rweumishinari, akaenda kuna Jakobho, “uye vakuru vese vaivapo,” akavarondedzerera zvaiitika muushumiri hwake.—Mab. 21:17-19.

Jakobho uyu anonzi naPauro “munin’ina waShe,” anofanira kunge ari iye akanyora tsamba, kana kuti bhuku reBhaibheri rine zita rake. (VaG. 1:19) Mutsamba iyoyo, Jakobho haazvidani kuti muapostora kana kuti munin’ina waJesu, asi anozvininipisa achizviti “muranda waMwari uye waShe Jesu Kristu.” (Jak. 1:1) Tsamba yaakanyora inoratidza kuti aiva munhu aicherechedza zvinhu zvakasikwa uye mararamiro evanhu sezvaiita Jesu. Jakobho aijekesa chokwadi achishandisa mifananidzo inozivikanwa nevanhu yakadai semafungu egungwa, denga rizere nenyeredzi, kupisa kwezuva, kusvava kwemaruva, moto unopisa sango, uye kupingudzwa kwemhuka. (Jak. 1:6, 11, 17; 3:5, 7) Mwari akamubatsira kunzwisisa zviito nemafungiro evanhu izvo zvakaita kuti akwanise kupa mazano aibatsira vanhu kugarisana zvakanaka.—Jak. 1:19, 20; 3:2, 8-18.

Mashoko aPauro ari pana 1 VaKorinde 9:5 anoratidza kuti Jakobho akanga akaroora. Bhaibheri haritauri kuti Jakobho akafa riini uye sei. Asi munyori wezvakaitika Josephus akanyora kuti pakafa Gavhuna weRoma Pokiyo Festo munenge muna 62 C.E., uye Albinus, uyo akazomutsiva, asati agara pachigaro, Ananus (Ananiyasi) mupristi mukuru “akaunganidza vatongi veSanihedrini ndokuunza pamberi pavo murume ainzi Jakobho, munin’ina waJesu uyo ainzi Kristu pamwe chete nevamwe” vaKristu. Josephus anoti Ananus “akavapomera kuti vakanga vatyora mutemo ndokuvaendesa kuti vanotemwa nematombo.”

a Ona bhokisi rakanzi “Jakobho, ‘Munin’ina waShe’”.

b Jakobho akaratidza kuchenjera nekutaura zvakanyorwa naMozisi, zvaisanganisira bumbiro reMutemo uyewo nhoroondo yezvaiitwa naMwari uye zvaakataura kune vamwe vanhu Mutemo usati wavapo. Maonero anoita Mwari nyaya dzakadai seropa, upombwe, uye kunamata zvidhori akajekeswa muna Genesisi mutemo usati watombovapo. (Gen. 9:3, 4; 20:2-9; 35:2, 4) Saka shoko raJehovha raiva nepfungwa dzinoshanda kuvanhu vese, kwete kuvaJudha kana kuti vemamwe marudzi chete.

c Ona bhokisi rakanzi “Mamiriro Akaita Dare Rinotungamirira Mazuva Ano”.

d Pavhesi 34, dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoisa mashoko anoratidza kuti Sirasi akasarudza kuramba ari muAndiyoki. (Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Asi mashoko iwayo anoita seakazowedzerwa pava paya.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe