RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • gl pp. 20-21
  • Jerusarema Uye Temberi yaSoromoni

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jerusarema Uye Temberi yaSoromoni
  • ‘Ona Nyika Yakanaka’
‘Ona Nyika Yakanaka’
gl pp. 20-21

Jerusarema Uye Temberi yaSoromoni

Guta raDhavhidhi

Guta raDhavhidhi

RAINZI “kukwana kworunako” uye guta “raMambo Mukuru.” (Pis 48:2; 50:2; Mari 2:15) Jerusarema ndiro raiva guta guru revaIsraeri. (Pis 76:2) Dhavhidhi atorera vaJebhusi guta racho uye ariita guta rake guru, rakabva ranzi “Guta raDhavhidhi,” kana kuti “Ziyoni.”—2Sa 5:7.

Kunyange zvazvo rakanga risiri panzvimbo yakanaka, Jerusarema rakava nomukurumbira nokuti Mwari akaisa zita rake ipapo. (Dhe 26:2) Ndiro raiva muzinda wekunamata uye wokutungamirira nyika yacho.

Jerusarema riri pakakwirira nemamita 750 mumakomo ari nechepakati peJudhiya. Bhaibheri rinotaura kuti guta iri “rakakwirira” uye vanamati ‘vaikwira’ kuti vasvike kwariri. (Pis 48:2; 122:3, 4) Guta rekare rakanga rakapoteredzwa nemipata: Mupata waHinomu kumavirira nokumaodzanyemba uye mupata une rukova weKidroni kumabvazuva. (2Mad 23:10; Jer 31:40) Mutsime raGihonia raiva mumupata weKidroni neEni-rogeri kumaodzanyemba, maiwanikwa mvura yakachena, yaishandiswa zvikuru panguva dzavairwiswa nevavengi.—2Sa 17:17.

Jerusarema/Temberi yaSoromoni

Jerusarema/Temberi yaSoromoni

Pamufananidzo uri papeji 21, Guta raDhavhidhi rine ruvara rutsvuku. Paitonga Dhavhidhi uye Soromoni, guta racho rakawedzera nechokumusoro kusvika kuOferi (pane ruvara rwegirini) neGomo reMoriya (pane ruvara rwebhuruu). (2Sa 5:7-9; 24:16-25) Soromoni akavakira Jehovha temberi yakanaka zvikuru pagomo iroro. Chimbofungidzira vanamati vakawanda zvikuru vachikwira ku“gomo raJehovha” kumitambo yegore negore! (Zek 8:3) Migwagwa inoratidzwa papeji 17 yaiita kuti kufamba kwakadaro kuve nyore.

Temberi yaSoromoni, yakanga yakashongedzwa nendarama nemabwe anokosha, chimwe chezvivako zvinodhura kwazvo pane zvakambovakwa. Jehovha ndiye akapa purani yemavakirwo ayo. Sezvaunoona pamufananidzo, temberi yacho yakanga yakakombwa nezvivanze zvakakura uye dzimba dzairongerwa mamwe mabasa. Zvinokosha kuwana nguva yokudzidza nezvayo.—1Mad 6:1–7:51; 1Mak 28:11-19; VaH 9:23, 24.

[Mashoko Omuzasi]

a Mambo Hezekiya akavharisa tsime iri ndokuvaka mugero waiendesa mvura yacho kudziva raiva nechokumavirira.—2Mak 32:4, 30.

[Bhokisi riri papeji 22]

Nokufamba kwenguva, Jerusarema rakaramba richikura nechokumadokero uye kuchamhembe kwaro. Madzimambo aJudha akazotonga pashure paSoromoni akawedzera masvingo uye magedhi aro. Kuchera matongo kuri kuitwa kungangobatsira kuziva paiva nemamwe masvingo acho uye kuti ainge akakura sei. Guta racho rakaparadzwa muna 607 B.C.E. uye rakaramba riri dongo kwemakore 70. Anenge makore 80 vaJudha vadzoka, Nehemiya akatanga basa rakakura rokuvakazve masvingo eJerusarema.

[Mufananidzo uri papeji 21]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Jerusarema/Temberi yaSoromoni

NHARAUNDA YETEMBERI MUNGUVA YASOROMONI

Zvakaita Temberi

1. Nzvimbo Tsvenetsvene

2. Tsvene

3. Vharanda

4. Bhoazi

5. Jakini

6. Atari Yemhangura

7. Dziva Resimbi Yakanyungudutswa

8. Zvingoro

9. Dzimba Dzeparutivi

10. Dzimba Dzokudyira

11. Chivanze Chomukati

NHARAUNDA YETEMBERI

Gomo reMoria

Dzimba Dzokudyira

Zvingoro

Dzimba Dzeparutivi

Nzvimbo Bhoazi

Tsvenetsvene Tsvene Vharanda Atari Dzimba

Jakini Yemhangura Dzeparutivi

Zvingoro Dziva Resimbi

yakanyauswa

Oferi

Nzvimbo Yaiungana Vanhu?

Gedhi reMvura?

GUTA RADHAVHIDHI

Gomo reZiyoni

Muzinda waDhavhidhi

Gedhi reTsime

Rusvingo rwaManase?

Shongwe yaHananeri

Shongwe yeMeya

Gedhi Remakwai

Gedhi reVarindi

Gedhi Rokuongororera

Gedhi reMabhiza

MUPATA WEKIDRONI

Rusvingo Rwezasi?

Gihoni

Mugero wemvura wakazocherwa

MUPATA WETYROPOEON

Gedhi reMirwi yeMadota (Zvaenga) (Ndove)

Eni-rogeri

Gedhi roMupata

MUPATA WAHINOMI

Gedhi Repakona

Shongwe yeOvheni Dzokubikira

Rusvingo Rwakafara

Gedhi raEfremu

Nzvimbo Yaiungana Vanhu

Gedhi Reguta Rekare

Rusvingo Rwokutanga Rwokuchamhembe

CHIKAMU CHECHIPIRI PAZVIKAMU ZVINA

Gedhi Rehove

[Mufananidzo]

Oferi

Imba yeMwanasikana waFarao

Muzinda waSoromoni

Imba Yesango reRebhanoni

Vharanda reMbiru

Vharanda Rechigaro Choumambo

Gomo reMoriya

Chivanze Chikuru

Temberi

[Mufananidzo uri papeji 20]

Nzvimbo iri nechepamberi ndipo paiva ne“Guta raDhavhidhi.” Temberi yaiva pakati sandara (nechekumashure)

[Mufananidzo uri papeji 20]

“Guta raDhavhidhi” uye temberi yaSoromoni zvakadhirowewa nekombiyuta

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe