RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ip-1 chits. 16 pp. 208-214
  • Vimba naJehovha Kuti Akutungamirire Nokukudzivirira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vimba naJehovha Kuti Akutungamirire Nokukudzivirira
  • Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nyika Yokuteura Ropa
  • Hondo neAshdhodhi
  • “Asina Nguo, Asina Shangu”
  • Tariro Inoputsika, Runako Runopera
  • Vimba naJehovha
  • Chirevo chaJehovha kuMarudzi
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
  • Asiria—Ine Utsinye Simba Renyika Guru Rechipiri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Hapana Chinobetsera Munyika Ino
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 23—Isaya
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
ip-1 chits. 16 pp. 208-214

Chitsauko 16

Vimba naJehovha Kuti Akutungamirire Nokukudzivirira

Isaya 20:1-6

1, 2. Vanhu vaMwari vanotarisana nengozi yei muzana remakore rechisere B.C.E., uye vazhinji vavo vanonzwa vachida kuenda kunaani kuti vadzivirirwe?

SEZVAONEKA muzvitsauko zvokutanga zvebhuku rino, vanhu vaMwari vanotarisana nezvinogona kuva nengozi zvinotyisa zvikuru muzana remakore rechisere B.C.E. VaAsiria vanofarira kuteura ropa vari kutevedza nyika vachidziparadza, uye nokufamba kwenguva vachadenha umambo hwezasi hwenyika yeJudha. Vagari venyika yacho vachaenda kunaani kuti avadzivirire? Vane ukama hwesungano naJehovha uye vanofanira kuvimba naye kuti avabetsere. (Eksodho 19:5, 6) Ndizvo zvakaita Mambo Dhavhidhi. Akabvuma kuti: “Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu.” (2 Samueri 22:2) Zvisinei, sezviri pachena, vazhinji muzana remakore rechisere B.C.E. havavimbi naJehovha senhare yavo. Vanonyanya kuda kutarisa kuIjipiti neEtiopia, vachitarisira kuti nyika mbiri idzi dzichava chivando pakupinda nechisimba kuri kuda kuitwa nevaAsiria. Vakarasika.

2 Achishandisa muprofita wake Isaya, Jehovha anonyevera kuti kutsvaka utiziro kuIjipiti kana kuti kuEtiopia kuchava nengozi. Mashoko akafuridzirwa omuprofita anopa chidzidzo chinobetsera kune vakararama panguva imwe naye uye ane chidzidzo chinokosha nokuda kwedu pamusoro pokukosha kwokuvimba naJehovha.

Nyika Yokuteura Ropa

3. Rondedzera kusimbirira pasimba rehondo kunoitwa neAsiria.

3 VaAsiria vaizivikanwa nokuda kwesimba ravo rehondo. Bhuku rinonzi Ancient Cities rinoti: “Vainamata simba, uye vainyengetera bedzi kuzvidhori zvikuru zvemabwe, zveshumba uye zvenzombe zvaive nemakumbo akasimba, mapapiro egondo, uye misoro yevanhu zvaimirira simba, ushingi uye kukunda. Kurwa ndiro rakanga riri basa renyika yacho, uye vapristi ndivo vaingogara vachikuchidzira hondo.” Pane chikonzero chakanaka chakaita kuti muprofita womuBhaibheri Nahumi arondedzere Ninevhe, guta guru reAsiria, se“guta reropa.”—Nahumi 3:1.

4. VaAsiria vaityisa sei dzimwe nyika?

4 Mazano ehondo evaAsiria aiva outsinye husingawanzoitwa. Mifananidzo yakavezwa yemazuva iwawo inoratidza varwi veAsiria vachindundurudza nhapwa nehaka dzaiiswa mumhino kana kuti pamiromo. Vaipofumadza dzimwe nhapwa nemapfumo. Mamwe mashoko akanyorwa anotaura nezvekukunda uko uto reAsiria rakaita ndokugura nhengo dzomuviri dzenhapwa dzaro ndokuita mirwi miviri kunze kweguta—mumwe wemisoro uye mumwe wemaoko nemakumbo. Vana vevaikundwa vaipiswa mumoto. Kutya kwaiparirwa noutsinye hwakadaro kunofanira kuva kwakabetsera vaAsiria muhondo, zvichipedza simba vaya vairwa namauto avo.

Hondo neAshdhodhi

5. Ndiani akanga ari mutongi weAsiria ane simba muzuva raIsaya, uye nhoroondo yeBhaibheri nezvake yakarevererwa sei?

5 Muzuva raIsaya Umambo hweAsiria hwakasvika pakuva nesimba rahwakanga husina kumboita mukutonga kwaMambo Sargoni.a Kwemakore mazhinji, vatsoropodzi vanga vasina chokwadi chokuti mutongi uyu akambovako, sezvo vasina kumbonzwa nezvake mumabhuku enyika. Zvisinei, nokufamba kwenguva vacheri vematongo vakafukunura matongo emuzinda waSargoni, uye nhoroondo yeBhaibheri yakarevererwa.

6, 7. (a) Pamwe Sargoni anorayira kurwiswa kweAshdhodhi nokuda kwechikonzero chei? (b) Kukundwa kweAshdhodhi kunoita kuti vavakidzani veFiristia vanzwe sei?

6 Isaya anorondedzera muchidimbu dzimwe dzehondo dzaSargoni achiti: “Negore rokusvika kwaTartani paAshdhodhi, atumwa naSargoni mambo weAsiria, akarwa neAshdhodhi nokurikunda.” (Isaya 20:1)b Nei Sargoni achirayira kuti guta reFiristia Ashdhodhi rirwiswe? Chokutanga, Firistia mutsigiri weIjipiti, uye Ashdhodhi, musha wetemberi yaDhagoni, iri mumugwagwa unotevedza mhenderekedzo kubva kuIjipiti kusvika kuParestina. Guta racho naizvozvo riri panzvimbo yakanakira hondo. Kutorwa kwaro kunogona kuonekwa sedanho rokutanga rokukunda Ijipiti. Uyezve, mabhuku eAsiria anoti Azuri, mambo weAshdhodhi, akanga achirongera Asiria. Naizvozvo, Sargoni anoita kuti mambo wacho anopandukira abviswe oisa munin’ina wamambo wacho, Ahimiti, pachigaro choumambo. Kunyange zvakadaro, izvi hazvigadzirisi dambudziko racho. Kumwe kumukira kunoitika, uye panguva ino Sargoni anoita chiito chesimba rakawedzerwa. Anorayira kuti Ashdhodhi rirwiswe, iro rinokombwa robva rakundwa. Pamwe, Isaya 20:1 iri kutaura nezvechiitiko ichi.

7 Kukundwa kweAshdhodhi kunoita kuti vavakidzani varo vatye zvikuru, kunyanya Judha. Jehovha anoziva kuti vanhu vake vane muitiro wokutarira “ruoko rwenyama,” zvakadai seIjipiti kana kuti Etiopia iri zasi. Naizvozvo, anopa Isaya basa rokuita chiito chokunyevera zvakasimba.—2 Makoronike 32:7, 8.

“Asina Nguo, Asina Shangu”

8. Chiitoi chouprofita chakafuridzirwa chinoitwa naIsaya?

8 Jehovha anoudza Isaya kuti: “Enda, undosunungura gudza riri pazviuno zvako, ubvise shangu yako parutsoka rwako.” Isaya anoita sezvarayirwa naJehovha. “Akaita saizvozvo, akafamba asina nguo, asina shangu.” (Isaya 20:2) Saga inguo yakakasharara yaiwanzopfekwa nevaprofita, kazhinji pamwe neshoko rokunyevera. Rinopfekwawo munguva dzenhamo kana kuti panonzwiwa mashoko enjodzi. (2 Madzimambo 19:2; Pisarema 35:13; Dhanieri 9:3) Isaya anofamba asina nguo mupfungwa yokusava nechero nhumbi dzokuzvidzivirira here? Kwete hazvo. Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “asina nguo” rinogonawo kureva kusapfeka zvakakwana kwomunhu kana kuti kupfeka zvezita. (1 Samueri 19:24, NW, mashoko omuzasi) Naizvozvo Isaya angave akangobvisa nguo yake yokunze, achisara nepfupi yomuchiuno yaiwanzopfekwa mukati. Nhapwa dzechirume dzinowanzoratidzwa dzakadai muzvivezwa zvevaAsiria.

9. Chiito chaIsaya chinorevei nenzira youprofita?

9 Zvinoreva chiito chaIsaya chisiri chenguva dzose hazvisiyiwi zvine mubvunzo: “Zvino Jehovha akati: Muranda wangu Isaya sezvaakafamba asina nguo asina shangu makore matatu akava chiratidzo nechishamiso pamusoro peEgipita neEtiopia; saizvozvo mambo weAsiria uchaenda nevatapwa veEgipita navakadzingwa veEtiopia, vaduku navakuru, vasina nguo vasina shangu, vakafukurwa zviuno, chive chinyadzo cheEgipita.” (Isaya 20:3, 4) Hungu, vaIjipiti nevaEtiopia vachatorwa senhapwa nokukurumidza. Hapana achasiyiwa. Kunyange “vaduku navakuru”—vana nevakwegura—vachatorerwa zvinhu zvavo votorwa senhapwa. Achishandisa uyu mufananidzo usina tariro, Jehovha anonyevera vagari venyika yeJudha kuti zvichava zvisina maturo kwavari kuti vavimbe neIjipiti neEtiopia. Kukundwa kwenyika idzi kuchaguma no“kusava nenguo” kwadzo—chinyadzo chadzo chokupedzisira!

Tariro Inoputsika, Runako Runopera

10, 11. (a) Nyika yeJudha ichaita sei paichaziva kuti Ijipiti neEtiopia hadzina simba pamberi peAsiria? (b) Nei vagari venyika yeJudha vanganzwa vachida kuvimba neIjipiti neEtiopia?

10 Jehovha anotevera kurondedzera nenzira youprofita zvinoita vanhu vake sezvavanoona kuti Ijipiti neEtiopia, nhare yavo yavaitarisira yaratidza kuva isina simba pamberi pevaAsiria. “Vachavhunduswa nokunyadziswa pamusoro peEtiopia, chivimbo chavo, neEgipita rumbidzo yavo. Vagere panyika iyi iri pamhenderekedzo yegungwa vachati nezuva iro: Tarirai, ndizvo zvaita chivimbo chedu, kwataitizira tichitsvaka kurwirwa kuna mambo weAsiria; ko isu zvino tichapukunyuka sei?”—Isaya 20:5, 6.

11 Nyika yeJudha inoratidzika semhenderekedzo yegungwa yakangorebawo zvayo kana ichienzaniswa nemasimba eIjipiti neEtiopia. Pamwe vagari ve“nyika iyi iri pamhenderekedzo yegungwa” vanokwezvwa nerunako rweIjipiti—mapiramidhi ayo anoshamisa, temberi dzayo refurefu, misha yayo yakafara ine mapindu ayo akatenderera, minda yemichero, nemadziva. Unyanzvi hwokuvaka hweIjipiti hunoratidza seuchapupu hwokugadzikana nokugara zvachose. Zvechokwadi nyika iyi haingaparadzwi! Pamwe vaJudha vanoororwa nevapfuri vemiseve, ngoro dzehondo, nevatasvi vemabhiza veEtiopia.

12. Nyika yeJudha inofanira kuvimba naani?

12 Nemhaka yenyevero yakaratidzirwa naIsaya uye mashoko ouprofita aJehovha, vanhu vose vanozviti ndevaMwari vanonzwa vachida kuvimba neIjipiti neEtiopia vanofanira kudzamisa pfungwa dzavo. Zviri nani sei kuti vavimbe naJehovha pane kuvimba nevanhu! (Pisarema 25:2; 40:4) Nokufamba kwenguva, nyika yeJudha inooneswa nhamo namambo weAsiria, uye gare gare, inoona temberi yayo neguta guru zvichiparadzwa neBhabhironi. Asi, “chegumi,” “rudzi rutsvene,” chinosiyiwa, sechigutsa chomuti mukuru. (Isaya 6:13) Nguva yacho painosvika, shoko raIsaya richasimbisa zvikuru kutenda kweboka duku iroro revanhu vanoramba vachivimba naJehovha!

Vimba naJehovha

13. Inhamo dzipi dzinotambudza vanhu vose—vatendi nevasiri vatendi—nhasi?

13 Nyevero iri muna Isaya pamusoro pokusava nematuro kwokuvimba neIjipiti neEtiopia haisi nhoroondo yakapera basa. Inoshanda kwazvo muzuva redu. Tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Nhamo dzemari, urombo hwakapararira, kusava nechokwadi nezvinhu zvematongerwe enyika, kusagadzikana kwevanhu, uye hondo duku kana kuti huru dzinotambudza zvikuru kwete bedzi avo vanoramba kutonga kwaMwari asiwo avo vanonamata Jehovha. Mubvunzo wakatarisana nomumwe nomumwe wedu ndewokuti, ‘Ndichaenda kupi kuti ndinobetserwa?’

14. Nei tichifanira kuvimba naJehovha bedzi?

14 Vamwe vangafadzwa nevangwaru pane zvemari nhasi, vezvematongerwe enyika, uye masayendisiti, vanotaura nezvokugadzirisa matambudziko evanhu vachishandisa uchenjeri hwevanhu neruzivo rwokugadzira zvinhu. Zvisinei, Bhaibheri rinotaura pachena kuti: “Zviri nani kutizira kuna Jehovha pane kuvimba nemachinda.” (Pisarema 118:9) Mazano ose evanhu erugare nokuchengeteka achava pasina nokuda kwechikonzero chakataurwa nomazvo nomuprofita Jeremia chokuti: “Haiwa Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.”—Jeremia 10:23.

15. Ndokupi kune tariro bedzi yevanhu vatambura?

15 Naizvozvo zvinokosha kuti vashumiri vaMwari vasangofadzwa zvisina kufanira nerinoratidzika sesimba kana uchenjeri zvenyika ino. (Pisarema 33:10; 1 VaKorinde 3:19, 20) Tariro bedzi nokuda kwevanhu vari kutambura iri kuMusiki, Jehovha. Avo vanovimba naye vachaponeswa. Seizvo muapostora Johani akafemerwa akanyora kuti, “nyika iri kupfuura uye ndizvo zviri kuitawo kuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Johani 2:17.

[Mashoko Omuzasi]

a Vanyori venhau dzakaitika vanotaura nezvamambo uyu saSargoni II. Mambo wokutanga, kwete weSiria, asi weBhabhironi, anonzi “Sargoni I.”

b “Tartani” harisi zita chairo asi izita rokuremekedza rinoratidza mukuru mukuru wehondo weuto reAsiria, zvichida munhu wechipiri pasimba muumambo hwacho hwose.

[Mufananidzo uri papeji 209]

VaAsiria vaiwanzopofumadza dzimwe nhapwa dzavo

[Mifananidzo iri papeji 213]

Vamwe vangafadzwa nezvakaitwa nevanhu, asi zviri nani kuvimba naJehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe