RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • dp chits. 17 pp. 286-305
  • Kuziva Vanonamata Zvechokwadi Munguva Yokupedzisira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuziva Vanonamata Zvechokwadi Munguva Yokupedzisira
  • Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • MUCHINDA MUKURU ANOITA CHIITO
  • VATSVENE VANO“MUKA”
  • VA‘NOPENYA SENYEREDZI’
  • VANO“MHANYA POSE-POSE”
  • VANO‘PUTSWA-PUTSWA’
  • VANO‘NATSWA, NOKUCHENESWA, UYE KUBVISWA TSVINA’
  • MUFARO KUVATSVENE
  • Jehovha Anopikira Dhanieri Mubayiro Wakanaka Kwazvo
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Akasimbiswa noMutumwa Akabva Kuna Mwari
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Mazuva Ouporofita hwaDhanieri Nokutenda Kwedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Pfungwa Huru Dzatinowana muBhuku raDhanieri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
dp chits. 17 pp. 286-305

Chitsauko 17

Kuziva Vanonamata Zvechokwadi Munguva Yokupedzisira

1. Maererano naDhanieri chitsauko 7, zvii zvinoshamisa zvaizoitika kuboka duku, ravanhu vasina chokuzvidzivirira nacho muzuva redu?

BOKA dukuduku, ravanhu vasina chokuzvidzivirira nacho rinorwiswa zvinotyisa nesimba renyika rine simba. Vanopukunyuka vakabatana uye vanotosimbiswa—kwete nemhaka yesimba ravo pachavo asi nemhaka yokuti Jehovha Mwari anovakoshesa. Dhanieri chitsauko 7 chakafanotaura zviitiko izvi, zvakaitika pakutanga kwezana ramakore rechi20. Zvisinei, vanhu ava vaiva vanaani? Chitsauko ichocho chaDhanieri chakataura nezvavo se“vatsvene voWokumusorosoro,” Jehovha Mwari. Chakaratidzawo kuti vanhu ava pakupedzisira vachatongawo muUmambo hwaMesiya!—Dhanieri 7:13, 14, 18, 21, 22, 25-27.

2. (a) Jehovha anonzwa sei pamusoro pevabatiri vake vakazodzwa? (b) Ndeipi yaizova nzira yokuchenjera yokutevera munguva yokupedzisira?

2 Sezvatakadzidza muna Dhanieri chitsauko 11, mambo wokumusoro achaparadzwa pakupedzisira ambotyisidzira nyika yomudzimu yakachengeteka yevanhu vakatendeka ava. (Dhanieri 11:45; enzanisa naEzekieri 38:18-23.) Hungu, Jehovha anodzivirira zvikuru vakazodzwa vake vakatendeka. Pisarema 105:14, 15 rinotiudza kuti Jehovha: “Wakatuka madzimambo nokuda kwavo; achiti: Musagunzva vazodzwa vangu, navaprofita vangu musavaitira chakaipa.” Saka, haubvumirani nazvo here, kuti munguva dzino dzakaoma, kungava kuchenjera kuti “vazhinji-zhinji” vari kuwedzera vabatane pamwe sezvinobvira nevatsvene ava? (Zvakazarurwa 7:9; Zekaria 8:23) Jesu Kristu akarumbidza kuti vanhu vakaita semakwai vaite izvozvo chaizvo—vabatane nehama dzake dzomudzimu dzakazodzwa nokuvatsigira mubasa ravo.—Mateo 25:31-46; VaGaratia 3:29.

3. (a) Nei zvisiri nyore kuwana vateveri vakazodzwa vaJesu ndokurambira pedyo navo? (b) Chitsauko 12 chaDhanieri chichabetsera sei panhau iyi?

3 Zvisinei, Muvengi waMwari, Satani, ave achirwa hondo nesimba rake rose nevakazodzwa. Akatsigira chitendero chenhema, achizadza nyika nevaKristu vokunyepedzera. Somugumisiro, vanhu vazhinji vakatsauswa. Vamwe havana tariro yokuti vachafa vakawana vanomirira chitendero chechokwadi. (Mateo 7:15, 21-23; Zvakazarurwa 12:9, 17) Kunyange avo vanowana “kapoka kaduku” vobva vabatana nako vanofanira kurwa kuti varambe vane kutenda, nokuti nyika ino inongogara ichitsvaka kuparadza kutenda. (Ruka 12:32) Zvakadini newe? Wakawana “vatsvene voWokumusorosoro,” uye uri kusonganira navo here? Unoziva here uchapupu hwakasimba hunoratidza kuti vawakawana ivavo zvechokwadi ndivo avo Mwari akasarudza? Uchapupu hwakadaro hunogona kusimbisa kutenda kwako. Hunogonawo kukushongedzera kubetsera vamwe kuti vanyatsoona kuvhiringidzika kwechitendero kuri munyika yanhasi. Dhanieri chitsauko 12 chine pfuma chaiyo yeiyi zivo inoponesa upenyu.

MUCHINDA MUKURU ANOITA CHIITO

4. (a) Ndezvipi zvinhu zviviri zvakajeka zvinofanotaurwa pana Dhanieri 12:1 nezvaMikaeri? (b) Muna Dhanieri, chii chinowanzorehwa namambo aka“rindira”?

4 Dhanieri 12:1 inoti: “Nenguva iyo Mikaeri uchasimuka, iye muchinda mukuru unorindira vana vavanhu vako.” Ndima iyi inofanotaura zvinhu zviviri zvakasiyana pamusoro paMikaeri: chokutanga, kuti “unorindira,” zvichiratidza mamiriro ezvinhu anopfuurira kwenguva yakati: chechipiri, kuti “uchasimuka,” zvichiratidza chiitiko mukati menguva iyoyo. Kutanga tinoda kuziva nguva apo Mikaeri a“norindira vana vavanhu [vaDhanieri].” Yeuka kuti Mikaeri izita rakapiwa Jesu mubasa rake soMutongi wokudenga. Kutaura nezvoku“rindira” kwake kunotiyeuchidza nezvenzira iyo shoko iri rinoshandiswa nayo mune dzimwe nzvimbo mubhuku raDhanieri. Rinowanzotaura nezvechiito chamambo, chakadai sokutora kwake simba roumambo.—Dhanieri 11:2-4, 7, 20, 21.

5, 6. (a) Mukati menhambo ipi yenguva apo Mikaeri anorindira? (b) Mikaeri ano“simuka” rini uye sei, uye nemigumisiro yei?

5 Zviri pachena kuti ngirozi yacho pano yakanga ichitaura nezvenguva yakanyatsotaurwa pane imwe nzvimbo muuprofita hweBhaibheri. Jesu akaidana kuti “kuvapo” (chiGiriki, pa·rou·siʹa), paaizotonga saMambo mudenga. (Mateo 24:37-39, NW) Nhambo iyi yenguva inonziwo “mazuva okupedzisira” uye “nguva yokupedzisira.” (2 Timotio 3:1; Dhanieri 12:4, 9) Kubva pakatanga nguva iyoyo muna 1914, Mikaeri ave akarindira saMambo mudenga.—Enzanisa naIsaya 11:10; Zvakazarurwa 12:7-9.

6 Zvisinei, Mikaeri ano“simuka” rini? Paanosimuka kuti aite chiito chinokosha. Izvi, Jesu achazviita munguva yemberi. Zvakazarurwa 19:11-16 inorondedzera Jesu nenzira youprofita saMambo woUmesiya ari kutasva bhiza ari mberi kwehondo yengirozi achiparadza vavengi vaMwari. Dhanieri 12:1 inopfuurira ichiti: “Ipapo nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubva pakumuka kwamarudzi avanhu kusvikira nguva iyo.” Somunhu Mukuru Anoshandiswa kuuraya naJehovha, Kristu achagumisa gadziriro yose yakaipa yezvinhu mukati me“kutambudzika kukuru” kwakafanotaurwa.—Mateo 24:21; Jeremia 25:33; 2 VaTesaronika 1:6-8; Zvakazarurwa 7:14; 16:14, 16.

7. (a) Itariroi iripo nokuda kwevakatendeka vose mu“nguva yenjodzi” iri kuuya? (b) Bhuku raJehovha chii, uye nei zvichikosha kuwanikwa imomo?

7 Vanhu vanoratidza kutenda vachaita sei munguva iyi yakaoma? Dhanieri akaudzwazve kuti: “Nenguva iyo vanhu vako vacharwirwa, ivo vose vakanyorwa mubhuku.” (Enzanisa naRuka 21:34-36.) Bhuku iri chii? Chaizvoizvo, rinomirira kuyeuka kwaJehovha Mwari avo vanoita kuda kwake. (Maraki 3:16; VaHebheru 6:10) Avo vanonyorwa mubhuku iri roupenyu ndivo vanhu vakachengeteka zvikurusa munyika yose, nokuti vanochengetwa naMwari. Chero chinokuvadza chorudzii chingavawana, chinogona uye chicharuramiswa. Kunyange kana vakafa “nguva yenjodzi” iyi isati yasvika, vanoramba vakachengeteka mundangariro isina muganhu yaJehovha. Achavayeuka ovamutsa mukati meMakore Ane Chiuru oKutonga kwaKristu.—Mabasa 24:15; Zvakazarurwa 20:4-6.

VATSVENE VANO“MUKA”

8. Dhanieri 12:2 inopa tariro yei inofadza?

8 Chinonyaradza zvechokwadi itariro yekumuka. Dhanieri 12:2 inotaura nezvayo, ichiti: “Zvino vazhinji vavavete muguruva rapasi vachamuka, vamwe vachamukira upenyu husingaperi, vamwe kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi.” (Enzanisa naIsaya 26:19.) Mashoko aya anganyatsotiyeuchidza nezvechipikirwa chaJesu Kristu chinokurudzira chekumuka kwevoruzhinji. (Johane 5:28, 29) Itariro inofadza sei! Imbofunga nezveshamwari dzinodiwa nemhuri—iye zvino vakafa—vapiwa mukana wokuraramazve munguva yemberi! Asi chipikirwa ichi chiri mubhuku raDhanieri chinonyanya kutaura nezvekumuka kwerumwe rudzi—kwakatoitika kare. Zvingadaro sei?

9. (a) Nei zvine musoro kutarisira kuti Dhanieri 12:2 ichazadzika mumazuva okupedzisira? (b) Uprofita hunotaura nezvekumuka kwerudzii, uye tinoziva sei?

9 Funga nezvemashoko akapoteredza. Ndima yokutanga yechitsauko 12 inoshanda, sezvataona, kwete bedzi kumugumo wegadziriro ino yezvinhu asiwo kunguva yose yemazuva okupedzisira. Chaizvoizvo, chikamu chikuru chechitsauko chacho chinozadzika, kwete muparadhiso yepasi iri kuuya, asi munguva yokupedzisira. Pane kumuka kwakaitika here panguva iyi? Muapostora Pauro akanyora nezvekumuka kwe“vari vaKristu” sekwaizoitika “mukati mokuvapo kwake.” Zvisinei, avo vanomutsirwa kuupenyu hwokudenga vanomutswa “vasingachaori.” (1 VaKorinte 15:23, 52, NW) Hapana chero nomumwe wavo anomutsirwa “kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi” kwakafanotaurwa pana Dhanieri 12:2. Pane rumwe rudzi rwekumuka here? MuBhaibheri, kumuka pane dzimwe nguva kune zvakunoreva zvomudzimu. Somuenzaniso, muna Ezekieri naZvakazarurwa mune ndima dzouprofita dzinoreva kumutsiridza mumudzimu, kana kuti kumuka.—Ezekieri 37:1-14; Zvakazarurwa 11:3, 7, 11.

10. (a) Mupfungwai umo vakasara vakazodzwa vakamutswa munguva yomugumo? (b) Vamwe vevakazodzwa vakamutsiridzwa vakamukira sei “kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi”?

10 Kwakave nekumutsiridza mumudzimu kwakadaro kwevabatiri vaMwari vakazodzwa here munguva yemugumo? Hungu! Ichokwadi chakaitika chaicho kuti muna 1918 vakasara vashoma vevaKristu vakatendeka vakarwiswa zvinoshamisa zvakavhiringidza ushumiri hwavo hwakarongwa kuvanhu vose. Zvino, kunyange zvaiita sezvisingabviri, muna 1919 vakamukazve mupfungwa yomudzimu. Mashoko aya anokodzera rondedzero yokumuka yakafanotaurwa pana Dhanieri 12:2. Vamwe vaka“muka” mumudzimu panguva iyoyo uye pashure pacho. Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti havasi vose vakaramba vakamuka mumudzimu. Avo pashure pokumutswa vakasarudza kuramba Mambo wouMesiya uye vakasiya basa raMwari vakazviwanira “kunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi” kunorondedzerwa pana Dhanieri 12:2. (VaHebheru 6:4-6) Zvisinei, vakazodzwa vakatendeka vachishandisa zvakanaka kumutsiridzwa mumudzimu kwavakaitwa, vakatsigira Mambo wouMesiya nokuvimbika. Pakupedzisira, kutendeka kwavo kunotungamirira, sekutaura kunoita uprofita, ku“upenyu husingaperi.” Nhasi, simba ravo romudzimu pavanotarisana nokushorwa rinotibetsera kuvaziva.

VA‘NOPENYA SENYEREDZI’

11. Ndivanaani “vakachenjera” nhasi, uye vanopenya senyeredzi mupfungwai?

11 Ndima mbiri dzinotevera dzaDhanieri chitsauko 12 dzinoita zvakatowanda kutibetsera kuziva “vatsvene voWokumusorosoro.” Mundima 3 ngirozi inoudza Dhanieri kuti: “Vakachenjera vachapenya sokupenya kwokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri.” “Vakachenjera” ndivanaani nhasi? Zvakare, uchapupu hunongoratidza kuti ndivo ivavo “vatsvene voWokumusorosoro.” Pamusoro pazvose, ndiani kunze kwevakazodzwa vakatendeka vakasara vaive nouchenjeri hwokunzwisisa kuti Mikaeri, Muchinda Mukuru, akatanga kurindira saMambo muna 1914? Nokuparidza chokwadi chakadai seichi—pamwe chete nokuva nomufambiro wechiKristu—vave vachi“onekwa . . . sezviedza” munyika ino yakasvibirwa mumudzimu. (VaFiripi 2:15; Johane 8:12) Nezvavo, Jesu akaprofita kuti: “Ipapo vakarurama vachapenya sezuva muushe hwaBaba vavo.”—Mateo 13:43.

12. (a) Munguva yokupedzisira, vakazodzwa vave vachibatanidzwa sei muku“dzorera vazhinji kukururama”? (b) Vakazodzwa vachaunza sei vazhinji kukururama ndo‘kupenya senyeredzi’ muKutonga Kwemakore Ane Chiuru kwaKristu?

12 Dhanieri 12:3 inototiudza kuti ibasa rei raizoitwa nevaKristu vakazodzwa ava munguva yokupedzisira. Vaizova vachi“dzorera vazhinji kukururama.” Vakasara vakazodzwa vakatanga kuunganidza nhamba yakanga yasara yevachagara nhaka pamwe naKristu 144 000. (VaRoma 8:16, 17; Zvakazarurwa 7:3, 4) Pakapera basa iroro—sezviri pachena pakati pema1930—vakatanga kuunganidza “vazhinji-zhinji” ve“mamwe makwai.” (Zvakazarurwa 7:9; Johane 10:16) Avawo vanoratidza kutenda chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. Naizvozvo, vakachena pamberi paJehovha. Vachisvika kumamiriyoni nhasi, vanokoshesa tariro yokupukunyuka kuparadzwa kuri kuuya kwenyika ino yakaipa. MuKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu, Jesu nevamwe vake madzimambo nevapristi ve144 000 vachaita kuti vanhu vanoteerera vanenge vari pano pasi vabetserwe zvizere norudzikinuro, nenzira iyoyo vachibetsera vose avo vanoratidza kutenda kubvisa chisaririra chose chechivi chakagarwa nhaka kuna Adhama. (2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 7:13, 14; 20:5, 6) Chaizvoizvo, vakazodzwa ipapo vachaitawo basa roku“dzorera vazhinji kukururama” uye ‘vachapenya senyeredzi’ mudenga. Unokoshesa tariro yokurarama pasi pano muhurumende yokudenga ine mbiri yaKristu nevaachatonga navo here? Iropafadzo yakadini kugoverana ne“vatsvene” kuparidza mashoko akanaka aya eUmambo hwaMwari!—Mateo 24:14.

VANO“MHANYA POSE-POSE”

13. Mashoko ebhuku raDhanieri akanamwa uye akachengetwa akavanzika mupfungwai?

13 Kuzivisa kwakaitwa nengirozi kuna Dhanieri, kuya kwakatangira shure pana Dhanieri 10:20, zvino kunoguma nemashoko aya anofadza: “Asi iwe Dhanieri vanza mashoko, unamire bhuku nechisimbiso, kusvikira kunguva yokupedzisira; vazhinji vachamhanya pose-pose, nezivo ichawanda.” (Dhanieri 12:4) Zvizhinji zveizvo Dhanieri akafuridzirwa kunyora zvechokwadi zvakachengetwa zvakavanzika uye zvakanamwa kuti vanhu vasazvinzwisise. Inga iye Dhanieri pachake gare gare akanyora kuti: “Ndikanzwa, asi handina kuzvinzwisisa.” (Dhanieri 12:8) Mupfungwa iyi bhuku raDhanieri rakaramba rakanamwa kwemazana emakore. Zvakadini nanhasi?

14. (a) Mu“nguva yokupedzisira,” ndivanaani va‘kamhanya pose-pose,’ uye kupi? (b) Uchapupu hwei huripo hwokuti Jehovha akakomborera ‘kumhanya pose-pose’ uku?

14 Tine ropafadzo yokurarama mu“nguva yokupedzisira” yakafanotaurwa mubhuku raDhanieri. Sezvakaprofitwa, vakatendeka vazhinji ‘vakamhanya pose-pose’ mumapeji eShoko raMwari. Zvakaguma nei? Nechikomborero chaJehovha, zivo yechokwadi yazara. Zvapupu zvakatendeka zvakazodzwa zvaJehovha zvakakomborerwa nenzwisiso yakavagonesa kunzwisisa kuti Mwanakomana womunhu akava Mambo muna 1914, kuziva mhuka dzouprofita hwaDhanieri, kunyevera nezve“chinonyangadza chinoparadza”—uye iyi inongova mienzaniso mishomanene. (Dhanieri 11:31) Saka kuwanda kwezivo uku, ndechimwe chiratidzo chokuziva nacho “vatsvene voWokumusorosoro.” Asi Dhanieri akagamuchira humwe uchapupu.

VANO‘PUTSWA-PUTSWA’

15. Mubvunzoi unobvunzwa zvino nengirozi, uye mubvunzo uyu ungatiyeuchidza nezvaani?

15 Tinoyeuka kuti, Dhanieri akagamuchira mashoko engirozi aya pamhenderekedzo ye“rwizi rukuru” Hidhekeri, runonziwo Tigirisi. (Dhanieri 10:4) Pano zvino anoona zvisikwa zvitatu zvengirozi obva ati: “Ipapo ini Dhanieri ndakatarira, ndikaona vamwe vaviri, mumwe pamhenderekedzo yorwizi nechokuno mhiri, mumwe pamhenderekedzo yorwizi nechemhiri. Mumwe akati kumurume akanga akapfeka mucheka, wakanga ari pamusoro pemvura yorwizi: Inguva yakadini kusvikira pakuguma kwezvishamiso izvi?” (Dhanieri 12:5, 6) Mubvunzo uyo ngirozi yakabvunza pano ungatiyeuchidzazve nezve“vatsvene voWokumusorosoro.” Pakutanga kwe“nguva yokupedzisira,” muna 1914, vainetseka zvikuru nemubvunzo wokuti zvaizotora nguva yakadini kusvikira zvipikirwa zvaMwari zvazadzika. Kuti ivo ndivo vanonyanya kutaurwa nezvavo nouprofita uhwu zvinova pachena nemhinduro yemubvunzo uyu.

16. Ngirozi inotaura uprofita hwokutii, uye inosimbisa sei kuti hahuzokundikani kuzadzika?

16 Nhoroondo yaDhanieri inopfuurira ichiti: “Ndikanzwa murume wakanga akapfeka mucheka, wakanga ari pamusoro pemvura yorwizi, achisimudzira kudenga ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe, achipika naiye unorarama nokusingaperi, kuti zvichaita nguva imwe, nedzimwe nguva, nehafu yenguva; kana vapedza kuputsanya simba ravanhu vatsvene, izvi zvose zvichapedziswa.” (Dhanieri 12:7) Iyi inhau hombe. Ngirozi inosimudza maoko ose ichipika, zvichida kuitira kuti chiito ichi chionekwe nengirozi mbiri dziri mhiri nemhiri kwerwizi rwakafara. Nenzira iyi inosimbisa kuzadzika kusina mubvunzo kweuprofita uhwu. Zvisinei, nguva dzakagadzwa idzi ndedzarini? Mhinduro yacho haina kuoma kuwana sezvaungafunga kuti yakaita.

17. (a) Ndezvipi zvakafanana zvinowanikwa muuprofita hwakanyorwa pana Dhanieri 7:25, Dhanieri 12:7, uye Zvakazarurwa 11:3, 7, 9? (b) Nguva nhatu nehafu dzakareba sei?

17 Uprofita uhwu hwakafanana zvinoshamisa nehumwe uprofita huviri. Kutanga, hwatakafunda muChitsauko 9 chebhuku rino, hunowanika pana Dhanieri 7:25; humwe hwacho, pana Zvakazarurwa 11:3, 7, 9. Ona zvimwe zvakafanana zvacho. Hwose hunoitika nguva yomugumo. Uprofita hwacho hwose hunotaura nezvavabatiri vatsvene vaMwari, huchiratidza kuti vanotambudzwa uye kunyange kumboti kundikanei kuita basa ravo rokuparidza kuvanhu vose. Uprofita hwacho hwose hunoratidza kuti vabatiri vaMwari vanomutsiridza vobva vapfuurira nebasa ravo, vachinyadzisa vanovatambudza. Uye uprofita hwacho hwose hunoratidza urefu hwenguva iyi yakaoma nokuda kwevatsvene. Uprofita hwacho hwose huri muna Dhanieri (7:25 naDha 12:7) hunotaura nezve‘nguva, nedzimwe nguva, nehafu yenguva.’ Nyanzvi dzinowanzonzwisisa izvi sezvinoreva nguva nhatu nehafu. Zvakazarurwa inotaura nezvenguva imwe iyoyo semwedzi 42, kana kuti mazuva 1 260. (Zvakazarurwa 11:2, 3) Izvi zvinoratidza kuti nguva nhatu nehafu dziri muna Dhanieri dzinoreva makore matatu nehafu emazuva 360 rimwe nerimwe. Asi aya mazuva 1 260 akatanga rini?

18. (a) Maererano naDhanieri 12:7, chii chaizoratidza panogumira mazuva 1 260? (b) “Simba ravanhu vatsvene” rakazoguma raputswa rini, uye izvi zvakaitika sei? (c) Mazuva 1 260 akatanga rini, uye vakazodzwa ‘vakaprofita vakapfeka masaga’ sei munguva iyoyo?

18 Uprofita hwacho hwakajeka kwazvo pamusoro pokuti mazuva 1 260 aizoguma rini—apo kunova neku“pedza kuputsanya simba ravanhu vatsvene.” Pakati pa1918, nhengo dzeWatch Tower Bible and Tract Society dzaitungamira, kubatanidza purezidhendi wayo, J. F. Rutherford, dzakawanirwa mhosva dzichipomerwa zvenhema, dzakatongerwa kugara muusungwa kwenguva yakareba, nokuiswa mujere. Vatsvene vaMwari zvechokwadi vakaona basa ravo ‘richiputswa-putswa,’ simba ravo rakagurwa. Tikaverenga tichidzokera shure makore matatu nehafu kubva pakati pa1918 zvinotisvitsa kumugumo wa1914. Panguva iyoyo boka duku revakazodzwa vakanga vachizvigadzirira kurwiswa vachitambudzwa. Hondo Yenyika I yakanga yatanga, uye kushorwa kwebasa ravo kwakanga kuchikura. Mugore ra1915, vakatotora rugwaro rwavo rwegore pamubvunzo uyu uyo Kristu akabvunza vateveri vake wokuti: “Mungagona kunwira pamukombe wangu here?” (Mateo 20:22, King James Version) Sezvakafanotaurwa pana Zvakazarurwa 11:3, nguva yemazuva 1 260 yakatevera yakanga iri nguva yokuchema kuvakazodzwa—zvakaita sokuti vakanga vachiprofita vakapfeka masaga. Kutambudzwa kwakaramba kuchiwedzera. Vamwe vavo vakaiswa mujere, vamwe vakarohwa nemhomho, uye vamwe vakatorwadziswa. Vazhinji vakaodzwa mwoyo nerufu rwapurezidhendi wekutanga weSosaiti, C. T. Russell, muna 1916. Zvisinei, chii chaizoitika pashure pekunge nguva yakaoma iyi yaguma nokuurawa kwevatsvene ava sesangano rinoparidza?

19. Uprofita huri muna Zvakazarurwa chitsauko 11 hunotiratidza sei kuti vakazodzwa vaisazonyaradzwa kwenguva yakareba?

19 Uprofita hwakafanana huri muna Zvakazarurwa 11:3, 9, 11 hunoratidza kuti “zvapupu . . . zviviri” zvaurawa, zvinoramba zvakafa kwenguva pfupi bedzi—mazuva matatu nehafu—kusvikira zvamutswa. Saizvozvowo uprofita huri muna Dhanieri chitsauko 12 hunoratidza kuti vatsvene vaisazoramba vakanyarara asi vaiva nebasa rakawanda mberi kwavo.

VANO‘NATSWA, NOKUCHENESWA, UYE KUBVISWA TSVINA’

20. Maererano naDhanieri 12:10, zvikomborero zvei zvaizouya pane vakazodzwa pashure pezvakanga zvaitika kwavari zvakaoma?

20 Sezvambotaurwa kare, Dhanieri akanyora zvinhu asi akanga asingagoni kuzvinzwisisa. Kunyange zvakadaro, anofanira kuve akashamisika kana vatsvene vaizopedzwa nevaivatambudza, nokuti akabvunza, “Kupera kwezvinhu ndokweiko?” Ngirozi yakapindura ichiti: “Chienda hako, iwe Dhanieri; nokuti mashoko awa akavanzwa nokunamirwa nechisimbiso kusvikira panguva yokupedzisira.Vazhinji vachazvinatsa nokuzvichenesa nokubviswa tsvina, asi vakaipa vachaita zvakaipa; hakuna pakati pavakaipa uchanzwisisa, asi vakachenjera ndivo vachanzwisisa.” (Dhanieri 12:8-10) Pakanga pane tariro yechokwadi kuvatsvene! Panzvimbo pokuparadzwa, vaizocheneswa, vaizokomborerwa nokuva vakachena pamberi paJehovha Mwari. (Maraki 3:1-3) Kunzwisisa kwavo zvinhu zvomudzimu kwaizovagonesa kuramba vakachena mumeso aMwari. Kusiyana neizvi, nyika yakaipa yaizoramba kunzwisisa zvinhu zvomudzimu. Asi zvose izvi zvaizoitika rini?

21. (a) Nhambo yenguva yakafanotaurwa pana Dhanieri 12:11 yaizotanga kana mamiriro ezvinhu api aitika? (b) “Chipiriso chinopiswa nguva dzose,” chaiva chii, uye chakabviswa rini? (Ona bhokisi riri papeji 298.)

21 Dhanieri akaudzwa kuti: “Kubva panguva yokubviswa kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nokumutswa kwechinonyangadza chinoparadza, zvichaita mazuva ane churu chimwe namazana maviri namakumi mapfumbamwe.” Naizvozvo iyi nhambo yenguva yaizovamba pashure pokunge mamiriro ezvinhu akati kuti aitwa. “Chipiriso chinopiswa nguva dzose”—kana kuti “chibayiro chenguva dzose”a—chaifanira kubviswa. (Dhanieri 12:11, mashoko omuzasi, NW) Ngirozi yaireva chibayiro chei? Kwete zvibayiro zvemhuka zvinopirwa chero patemberi ipi yapasi. Inga kunyange temberi yaimbova muJerusarema yaingo“fananidza iyo iri chaiyo”—temberi huru yaJehovha yomudzimu, yakatanga kushanda apo Kristu akava Mupristi wayo Mukuru muna 29 C.E.! Mutemberi yomudzimu iyi, inomirira gadziriro yaMwari yokunamata kwakachena, hapana kudikanwa kwezvibayiro zvechivi zvinoramba zvichipiwa, “Kristuwo, zvaakaitwa chibayiro kamwe chete, kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji.” (VaHebheru 9:24-28) Asi, vaKristu vose vechokwadi vanopa zvibayiro patemberi iyi. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Naizvozvo ngatirambe tichibayira Mwari naye chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake.” (VaHebheru 13:15) Naizvozvo aya mamiriro ezvinhu okutanga ouprofita—kubviswa kwe“chipiriso chinopiswa nguva dzose”—akaitika panenge pakati pa1918 apo basa rokuparidza rakaita seramira chose chose.

22. (a) “Chinonyangadza chinoparadza” chii, uye chakagadzwa rini? (b) Nhambo yenguva yakafanotaurwa pana Dhanieri 12:11 yakatanga rini, uye yakaguma rini?

22 Zvisinei, zvakadini nemamiriro ezvinhu echipiri—“kumutswa,” kana kuti kugadzwa, kwe“chinonyangadza chinoparadza”? Sezvatakaona mukukurukura kwedu Dhanieri 11:31, chinhu chinonyangadza ichi kutanga chakanga chiri League of Nations uye gare gare chakazobudazve chava Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose. Zvose zvinonyangadza pakuti zvakaziviswa setariro bedzi yorugare pasi pano. Saka, mumwoyo yevazhinji, masangano aya anototora nzvimbo yoUmambo hwaMwari! League yakarongwa zvapamutemo muna January 1919. Zvino panguva iyoyo, mamiriro ezvinhu aDhanieri 12:11 akaitika. Naizvozvo mazuva 1 290 akavamba pakutanga kwa1919 ndokupfuurira kusvika muchirimo (Kurutivi Rwekumusoro) cha1922.

23. Vatsvene vaMwari vakafambira mberi sei kuti vave vakachena mumazuva 1 290 akafanotaurwa muna Dhanieri chitsauko 12?

23 Munguva iyoyo, vatsvene vakafambira mberi here kuti vacheneswe nokunatswa mumeso aMwari? Zvechokwadi vakadaro! Muna March 1919 purezidhendi weWatch Tower Society nevamwe vake vepedyo vakasunungurwa mujere. Gare gare vakazonzi havana mhaka panhema dzavaipomerwa. Vachiziva kuti basa ravo rakanga richiri kure nokupera, vakapinda mubasa pakarepo, vachironga kokorodzano yaSeptember 1919. Mugore iroro, imwe magazini inofambidzana neNharireyomurindi yakatanga kubudiswa. Pakutanga yainzi The Golden Age (zvino yava Mukai!), yakangogara ichitsigira Nharireyomurindi mukufumura nokusatya uori hwenyika ino uye mukubetsera vanhu vaMwari kuti varambe vakachena. Pakupera kwemazuva 1 290 akanga afanotaurwa, vatsvene vakanga vatove munzira yokuva vakacheneswa nokudzorerwa. Muna September 1922, panenge panguva chaiyo apo nhambo iyi yakaguma, vakaita kokorodzano huru kwazvo paCedar Point, Ohio, U.S.A. Yakakurudzira basa rokuparidza zvikuru. Zvisinei, pakanga pachine kudikanwa kwokufambira mberizve. Izvi zvakamirira imwe nhambo yakagadzwa yaizotevera.

MUFARO KUVATSVENE

24, 25. (a) Ndeipi nhambo yenguva inofanotaurwa pana Dhanieri 12:12, uye sezviri pachena yakatanga ndokuguma rini? (b) Chimiro chomudzimu chevakazodzwa chakanga chakadini pakutanga kwemazuva 1 335?

24 Ngirozi yaJehovha inogumisa uprofita hwayo pamusoro pevatsvene nemashoko aya: “Wakaropafadzwa unoramba achimirira kusvikira pamazuva ane churu chimwe namazana matatu namakumi matatu namashanu.” (Dhanieri 12:12) Ngirozi haipi mashoko angangoratidza kuti iyi nguva inotanga kana kuguma rini. Nhau dzakaitika dzinoratidza kuti inongotevedzana nenguva inoitangira yacho. Kana zvakadaro yaizobva muchirimo cha1922 kusvika pakunopera kwechirimo cha1926 (Kurutivi Rwekumusoro). Vatsvene vakafara here pakapera nguva iyoyo? Hungu, munzira dzomudzimu dzinokosha.

25 Kunyange kokorodzano yomuna 1922 (inoratidzwa papeji 302) yaitika, vamwe vevatsvene vaMwari vakanga vachipanga nguva yakanga yapfuura iyi. Mashoko avainyanya kufunda pamisangano yavo rakanga richiri Bhaibheri nemavhoriyamu eStudies in the Scriptures, akanyorwa naC. T. Russell. Panguva iyoyo, kwakanga kune pfungwa yakanga yakapararira yaiti kumuka kwaizotanga mugore ra1925 uye kuti Paradhiso yaizodzorerwa pasi pano. Saka, vazhinji vakanga vachibatira vane musi wakagadzwa mupfungwa. Vamwe nokuzvikudza vakaramba kuita basa rokuparidzira voruzhinji. Izvi zvakanga zvisingafadzi.

26. Mazuva 1 335 sezvaakaramba achifamba, chimiro chomudzimu chevakazodzwa chakachinja sei?

26 Zvisinei, mazuva 1 335 sezvaakaramba achifamba, zvose izvi zvakatanga kuchinja. Kuparidza kwakava pamberi, sezvo gadziriro dzenguva dzose dzokuti vanhu vose vaite ushumiri hwomumunda dzakatangwa. Misangano yakarongwa yokufunda Nharireyomurindi vhiki imwe neimwe. Magazini yaMarch 1, 1925, yakanga ine musoro unokosha waiti “Kuberekwa kweRudzi,” ichipa vanhu vaMwari kunzwisisa kwakakwana kwezvakanga zvaitika munguva ya1914-19. Pakapfuura 1925, vatsvene vakanga vasingachabatiri Mwari vachifunga zuva chairo rokupedzisira rakajeka, riri pedyo. Asi kutsveneswa kwezita raJehovha ndiko kwaikosha zvikuru. Chokwadi ichi chakasimbiswa kupfuura nakare kwose, munyaya yeNharireyomurindi yaJanuary 1, 1926, yaiti “Ndiani Achakudza Jehovha?” Pakokorodzano yomuna May 1926, bhuku rinonzi Deliverance rakabudiswa. (Ona peji 302.) Iri rakanga riri rimwe remabhuku matsva akatevedzana akagadzirirwa kutsiva Studies in the Scriptures. Vatsvene vakanga vasisatarisizve shure. Vakanga vachitarira kunguva yemberi nechivimbo nebasa raiva mberi. Saka sezvakaprofitwa, mazuva 1 335 akaguma vatsvene vachifara.

27. Kungotarisa Dhanieri chitsauko 12 chose kunotibetsera sei kunyatsoziva vakazodzwa vaJehovha?

27 Chokwadi, havasi vose vakatsungirira munguva yakaoma iyi. Pasina mubvunzo ndokusaka ngirozi yakanga yasimbisa kukosha kwoku“ramba achimirira.” Avo vakatsungirira ndokuramba vachimirira vakakomborerwa zvikuru. Kungotarisa Dhanieri chitsauko 12 kunobudisa izvi pachena. Sezvakafanotaurwa, vakazodzwa vakamutsiridzwa, kana kuti vakamutswa, mupfungwa yomudzimu. Vakapiwa kunzwisisa Shoko raMwari kunoshamisa, vachipiwa simba roku“mhanya pose-pose” mariri uye, vachitungamirirwa nomudzimu mutsvene, kududzira zvakanga zvakavanzika kwemakore. Jehovha akavachenesa ndokuvaita kuti vapenye nenzira yomudzimu, zvakajeka senyeredzi. Somugumisiro, vakaita kuti vazhinji vave vakarurama kuna Jehovha Mwari.

28, 29. Ndechipi chinofanira kuva chisarudzo chedu sezvo “nguva yokupedzisira” inosvika pedyo nomugumo wayo?

28 Nezviratidzo zvouprofita zvose izvi zvokuratidza “vatsvene voWokumusorosoro,” chii chingapembedza munhu kuti asavaziva nokubatana navo? Zvikomborero zvinoshamisa zvakamirira boka guru, rinobatana neiri boka revakazodzwa rava kupera mukubatira Jehovha. Tose tinofanira kuramba tichimirira kuzadzika kwezvipikirwa zvaMwari. (Habhakuki 2:3) Muzuva redu Mikaeri, Muchinda Mukuru, ave akarindira vanhu vaMwari kwemakumi emakore. Nokukurumidza zvino achaita chiito somunhu akagadzwa naMwari anoshandiswa kuuraya gadziriro ino yezvinhu. Paanodaro, tichamira papi?

29 Mhinduro yomubvunzo iwoyo ichaenderana nokuti tinosarudza here kurarama upenyu hwokuvimbika iye zvino. Kuti tisimbise chisarudzo chedu chokuita kudaro sezvo “nguva yokupedzisira” inoswedera pedyo nokupera, ngatimbotaurai nezvendima yokupedzisira yebhuku raDhanieri. Kukurukura kwedu nezvayo muchitsauko chinotevera kuchatibetsera kuona nzira iyo Dhanieri akamira nayo pamberi paMwari wake uye nzira yaachamira nayo pamberi Pake munguva yemberi.

[Mashoko Omuzasi]

a Rinoshandurwa kungoti “chibayiro” muSeptuagint yechiGiriki.

WANZWISISEI?

• Mikaeri ano“rindira” munhambo ipi yenguva uye acha“simuka,” sei uye rini?

• Dhanieri 12:2 inotaura nezvekumuka kwerudzii?

• Mazuva api anoratidza mavambo nomugumo

wenguva nhatu nehafu dzinotaurwa pana Dhanieri 12:7?

wemazuva 1 290 akafanotaurwa pana Dhanieri 12:11?

wemazuva 1 335 akafanoprofitwa pana Dhanieri 12:12?

• Kufungisisa Dhanieri chitsauko 12 kunotibetsera sei kuziva vanonamata Jehovha zvechokwadi?

[Bhokisi riri papeji 298]

KUBVISWA KWECHIPIRISO CHINOPISWA NGUVA DZOSE

Mubhuku raDhanieri, mashoko okuti “chipiriso chinopiswa nguva dzose” anooneka kashanu. Anotaura nezvechibayiro chokurumbidza—“chibereko chemiromo”—Chinogara chichipiwa Jehovha Mwari nevabatiri vake. (VaHebheru 13:15) Chakafanonzi chaizobviswa pana Dhanieri 8:11, 11:31, uye 12:11.

Munguva yehondo dzenyika dzose dziri mbiri, vanhu vaJehovha vakatambudzwa zvakakomba munyika ya“mambo wokumusoro” na“mambo wezasi.” (Dhanieri 11:14, 15) Kubviswa kwe“chipiriso chinopiswa nguva dzose” kwakaitika Hondo Yenyika I yava kunoguma apo basa rokuparidza rakaita serichamira pakati pa1918. (Dhanieri 12:7) Munguva yeHondo Yenyika II, “chipiriso chinopiswa nguva dzose” nenzira yakafanana “chakabviswa” kwemazuva 2 300 neSimba reNyika reBritain neAmerica. (Dhanieri 8:11-14; ona Chitsauko 10 chebhuku rino.) Chakabviswawo ne“hondo” yeNazi kwenhambo yenguva isingataurwi zvakananga muMagwaro.—Dhanieri 11:31; ona Chitsauko 15 chebhuku rino.

[Chati/Mifananidzo iri papeji 301]

NHAMBO DZENGUVA DZOUPROFITA DZIRI MUNA DHANIERI

Nguva nomwe October 607 B.C.E. kusvika kuna

(makore 2 520): October 1914 C.E. (Umambo

Dhanieri 4:16, 25 hwaMesiya hwakagadzwa. Ona

Chitsauko 6 mubhuku rino.)

Nguva nhatu nehafu December 1914 – June 1918

(mazuva 1 260): (VaKristu vakazodzwa vanotambu-

Dhanieri 7:25; 12:7 dzwa. Ona Chits. 9 mubhuku rino.)

Usiku 2 300 uye 1 kana 15 June 1938 – 8 kana

mangwanani: 22 October 1944 (“Vazhinji-zhi-

Dhanieri 8:14 nji” vanoonekwa vanowanda.

Ona Chitsauko 10 mubhuku rino.)

Vhiki 70 (makore 490): 455 B.C.E. kusvika kuna 36 C.E.

Dhanieri 9:24-27 (Kuuya kwaMesiya neushumiri

hwake hwepasi. Ona Chitsauko 11

mubhuku rino.)

Mazuva 1 290: January 1919 – September 1922

Dhanieri 12:11 (VaKristu vakazodzwa vanomuka

ndokufambira mberi

mumudzimu.)

Mazuva 1 335: September 1922 – May 1926

Dhanieri 12:12 (VaKristu vakazodzwa vanowana

mamiriro ezvinhu anofadza.)

[Mifananidzo iri papeji 287]

Vabatiri vaJehovha vakakurumbira vakaendeswa zvisina kururama mutorongo guru muAtlanta, Georgia, U.S.A. Kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: (vakagara) A. H. Macmillan, J. F. Rutherford, W. E. Van Amburgh; (vakamira) G. H. Fisher, R. J. Martin, G. DeCecca, F. H. Robison, naC. J. Woodworth

[Mifananidzo iri papeji 299]

Kokorodzano huru kwazvo dzakaitirwa paCedar Point, Ohio, U.S.A., muna 1919 (pamusoro) 1922 (pazasi)

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 302]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe