Kwokuwana Mhinduro
“Rondedzero yokutambudzwa kusingaperi haiwirirani nechitendero chokuti Mwari anoda zvinhu zvakasikwa. . . . Kudavira muchirango chisingagumi chemweya nokuda kwezvikanganiso zvemakore mashomanene, pasina kumboupa mukana wokugadzirisa, kuita zvinopesana nokuva nomufungo.”—NIKHILANANDA, MUZIVI WECHIHINDU.
KUFANANA nomuzivi wechiHindu Nikhilananda, vakawanda nhasi havanzwi vakasununguka nedzidziso yokutambudzwa kusingagumi. Nenzira yakafanana, vamwe zvakavaomera kunzwisisa mirangariro yakadai sokuwana Nirvana uye kuyanana naTao.
2 Bva, nemhaka yepfungwa yokuti mweya haufi, marudzidziso ekwose kuri kuviri kuMabvazuva neMadokero akavamba zvitendero zvisingaperi zvinokangaidza pamusoro poupenyu pashure porufu. Zvinobvira here kuziva chokwadi pamusoro pezvinoitika kwatiri patinofa? Mweya haufi chaizvoizvo here? Ndokupi kwatinogona kuwana mhinduro?
Sayenzi uye Uzivi
3 Ko sayenzi kana kuti mutoo wesayenzi wokunzvera une mhinduro yemibvunzo iyi pamusoro poupenyu pashure porufu here? Vachivakira panhau dzokupotsa kufa kana kuti zviitiko ‘zvezviono,’ vamwe vanzveri vakaedza kutaura pamusoro poupenyu pashure porufu. Achihwirudzura zvimwe zvezvavanotaura muhurukuro yake inoti “Rufu Sesuo Rokupinda Muchiedza?,” mufundisi weKaturike Hans Küng akagumisa kuti: “Zviitiko zvorudzi urwu hazvibvumikisi chinhu pamusoro pekubvira kweupenyu pashure porufu: iyi inongova nhau yemaminiti mashanu okupedzisira rufu rwusati rwaitika uye kwete yeupenyu husingagumi pashure porufu.” Akawedzera kuti: “Nhau yokubvira kweupenyu pashure porufu ndeyoukoshi hukuru nokuda kweupenyu rufu rwusati rwaitika. Inoda mhinduro inofanira kutsvakwa kumwe kana isingagoni kupiwa nevarapi.”
4 Zvakadini neuzivi? Hunogona kutibetsera kuwana mhinduro dzacho pakati pezvinobvira zvakawanda zvoupenyu pashure porufu zvinotaurwa nemarudzidziso akasiyana-siyana here? Kunzvera kwouzivi kunobatanidza “mubato wokufungidzira,” anodaro Bertrand Russell mumwe muzivi wemuzana ramakore rechi20 weBritain. Uzivi, maererano neThe World Book Encyclopedia, “mutoo wokubvunza nawo—muitiro wokunzvera, kutsoropodza, kududzira, uye kufungidzira.” Pamusoro penhau yeUpenyu Pashure Porufu, fungidziro dzeuzivi dzakasiyana kubva pakudana kusafa kuti chinongova chishuvowo zvacho chepfungwa kusvika pakukuzivisa kuti ikodzero yokuberekwa nayo yomunhu wose.
Kunobva Mhinduro Kunoshamisa
5 Kune rimwe bhuku, zvisinei, rine mhinduro dzechokwadi dzemibvunzo inokosha pamusoro poupenyu norufu. Ndiro bhuku rekaresa rati rambonyorwa, mamwe mativi aro akanyorwa anenge makore 3 500 akapfuura. Rutivi rwokutanga rwebhuku iri rwakanyorwa mazana mashomanene amakore ndima dzekutangisisa dzeMagwaro echiHindu, Vedas, dzisati dzanyorwa uye chinenge chiuru chamakore Buddha, Mahāvīra, uye Confucius vasati vafamba pano pasi. Bhuku iri rakapedzwa muna 98 C.E., anopfuura makore 500 Muḥammad asati avamba chiIslam. Munobva uchenjeri hwakakwirira munoshamisa umu muBhaibheri.a
6 Bhaibheri rine nhau yekare yakarurama zvikurusa kupfuura bhuku ripi neripi riripo. Nhau yakanyorwa muBhaibheri inodzokera shure kumavambo emhuri yevanhu uye inotsanangura kuti takava pano pasi sei. Rinototidzosera shure kunyange kunguva apo vanhu vakanga vasati vasikwa. Bhuku rakadaro rinogona zvirokwazvo kutipa nzwisiso pamusoro pokuti munhu akagadzirwa sei uye kuti mweya chii.
7 Mukuwedzera, Bhaibheri ibhuku reuporofita hwakazadzikwa pasina chikanganiso. Somuenzaniso, rakafanotaura nezvokumuka nokuwa kweumambo hweMedhia nePersia uye hweGirisi muudzame hukuru. Mashoko aya akanga akarurama kwazvo zvokuti vamwe vatsoropodzi vakaedza, vasingabudiriri, kubvumikisa kuti akanyorwa pashure pokunge zviitiko zvacho zvaitika. (Dhanieri 8:1-7, 20-22) Humwe uporofita hwakanyorwa muBhaibheri huri kuzadzikwa muudzame munguva yedu timene chaiyo.b—Mateo, ganhuro 24; Marko, ganhuro 13; Ruka, ganhuro 21; 2 Timotio 3:1-5, 13.
8 Hapana munhu, pasinei nokuti akangwara sei, aigona kufanotaura nezvezviitiko zvemunguva yemberi nenzira yakarurama kudaro. Musiki wamasimba ose uye akachenjera zvikurusa wechisiko chose aigona. (2 Timotio 3:16, 17; 2 Petro 1:20, 21) Bhaibheri zvirokwazvo ibhuku rakabva kuna Mwari. Zvirokwazvo, bhuku rakadaro rinogona kutipa mhinduro dzechokwadi nedzinogutsa pamusoro pezvinoitika kwatiri patinofa. Ngatitangei kumboona zvarinotaura pamusoro pemweya.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona bhurocha rinonzi A Book for All People, rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
b Ona Bhaibheri—iShoko raMwari here kana kuti Romunhu?, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1, 2. Mukurangarira mhatsa yezvitendero pamusoro poUpenyu Pashure Porufu, mibvunzoi inomuka?
3. Sayenzi kana kuti mitoo yesayenzi yokunzvera inogovera mhinduro dzemibvunzo pamusoro peupenyu pashure porufu here?
4. Ko uzivi hunogona kutibetsera kuwana mhinduro pakati pezvinobvira zvakawanda zveupenyu pashure porufu zvinotaurwa nemarudzidziso akasiyana-siyana here?
5. Nderipi Bhuku rekaresa rati rambonyorwa?
6. Nei tichigona kukarira Bhaibheri kutiudza kuti mweya chii?
7, 8. Nei tichigona kuenda kuBhaibheri nechivimbo nokuda kwemhinduro dzechokwadi nedzinogutsa pamusoro pechinoitika patinofa?
[Mufananidzo uri papeji 18]
Bhuku rekaresa rati rambonyorwa
[Mufananidzo uri papeji 18]
Bhuku rinopa mhinduro dzakavimbika nedzinogutsa